Magwaro Matsvene
Aruma 51


Chitsauko 51

Vanhu vamambo vanotsvaka kupindura mutemo nokuisa mambo—Pahorani nevakasununguka vanotsigirwa nezwi revanhu—Moronai anomanikidza vanhu vamambo kuti varwire nyika yavo kana kuti vauraiwe—Amarikaya nemaRamani vanotora maguta mazhinji akadzivirirwa—Teangumu anorwisa maRamani uye ndokuuraya Amarikaya mutende make. Zvingangove makore 67 kusvika ku66 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechimakumi maviri nemashanu ekutongwa kwemaNifai nevatongi, ivo vange vadzika runyararo pakati pevanhu vaRihai nevanhu vaMoriandoni maererano nenyika dzavo, uye vari vakanga vatangisa gore rechimakumi maviri nemashanu murunyararo.

2 Zvakadaro, havana kukwanisa kuti nyika irambe iri murunyararo kwenguva huru, nokuti pakatanga kuve nokupesana pakati pevanhu pamusoro penyaya yemutongi mukuru Pahorani; nokuti tarisai, kwaive nechimwe chidimu chevanhu chaida kuti zvimwe zvinhu zvemutemo dai zvapindurwa.

3 Asi tarisai, Pahorani haana kubvuma kupinduka kana kubvumira kuti mutemo upindurwe; naizvozvo, haana kuteerera avo vakanga vatumira zvichemo zvavo maererano nokuti mutemo upindurwe.

4 Naizvozvo, avo vakanga vachida kuti mutemo upindurwe vakamushatirirwa, uye vakati ngaachirega kuve mutongi mukuru wenyika; naizvozvo pakave nenharo dzinopisa maererano nenyaya iyi, asi pasina kudeura ropa.

5 Uye zvakaitika kuti avo vakanga vachida kuti Pahorani abviswe pachigaro chekutonga vakadaidzwa kuti vanhu vamambo, nokuti vaida kuti mutemo upindurwe netsika inobvisa hurumende yakasununguka uye kuiswe mambo anotonga nyika.

6 Uye avo vaida kuti Pahorani arambe ari mukuru wevatongi wenyika vakazvidaidza kuti vasununguki; saka pakave nekupesana pakati pavo, nokuti vasununguki vakanga vatsidza kana kuti vakanga vabvumirana kuti vanochengetedza zvose zvavo nezvekunamata kwavo muhurumende yakasununguka.

7 Uye zvakaitika kuti nyaya yekupesana kwavo uku yakapedzwa nezwi revanhu. Uye zvakaitika kuti izwi revanhu rakareverera vasununguki, uye Pahorani akaramba ari pachigaro chekutonga, zvakakonzera kufara kukuru pakati pehama dzaPahorani nevazhinji vevanhu vekuzvitonga, vakaitawo kuti vanhu vamambo vanyarare, kuti vasashore asi kuti vachengetedze rusununguko.

8 Zvino avo vakanga vachida madzimambo ndeavo vakanga vakazvarwa kudzimba ahuru, uye vaitsvaka kuti vave madzishe; uye vaitsigirwa neavo vaida simba nemvumo muvanhu.

9 Asi tarisai, iyi yakanga iri nguva yakaipa yekuti kuve nekupesana kwakadaro mukati mevanhu vaNifai; nokuti tarisai, Amarikaya akanga aita zvakare kuti mwoyo yevanhu vaRamani imukire vanhu vaNifai, uye akanga achiunganidza varwi kubva kumativi ose enyika, nokuvapa zvombo, nokugadzirira hondo nesimba rose; nokuti akanga aapika kuti achanwa ropa raMoronai.

10 Asi tarisai, tichaona kuti akavimbisa izvi asina kufunga; zvakadaro, akazvigadzirira nemauto ake kuti azorwisa maNifai.

11 Zvino mauto ake akanga asisina kuwanda sezvaakambenge akaita, pamusana pezviuru zvakanga zvauraiwa neruoko rwemaNifai; asi kana dai zvazvo vakarasikirwa zvikuru kudai, Amarikaya akanga aunganidza mauto akawanda zvinoshamisa, zvekuti haana kutya kudzika kunyika yeZarahemura.

12 Hongu, kana Amarikaya pachake akauya, akatungamira maRamani. Uye maive mugore rechimakumi maviri nemashanu ekutonga kwevatongi; uye yaive nguva imwecheteyo yavakanga vatanga kugadzirisa nyaya yavo yekupesana kwavo pamusana pezvemukuru wevatongi, Pahorani.

13 Uye zvakaitika kuti varume vaidaidzwa kuti vanhu vamambo pavakanzwa kuti maRamani vari kuuya kuzovarwisa, vakafara mumwoyo yavo; uye vakaramba kutora zvombo, nokuti vakanga vakashatirirwa mukuru wevatongi, anevanhu vekuzvitonga, zvekuti vakati havatore zvombo zvekudzivirira nyika yavo.

14 Uye zvakaitika kuti Moronai paakaona izvi, uye akaonawo kuti maRamani vakanga vave kupinda munyika, akashatirwa zvikuru pamusana pehushwindi hwevanhu vaakanga atambudzikira nesimba kudaro; hongu, akashatirwa zvikuru, mweya wake wakazara nekuvashatirirwa.

15 Uye zvakaitika kuti akatumira chichemo, chinezwi revanhu, kugavhuna wenyika, achimuti achiverenge, agopa iye (Moronai) simba rekumanikidza avo vakanga vasingade kurwira nyika yavo kana kuti avauraye.

16 Nokuti ndichochinhu chaaida kutanga kuita kuti apedze kupesana nokupanduka pakati pevanhu; nokuti tarisai, ichi ndichochinhu kusvika zvino chaiita kuti vaparadzwe. Uye zvakaitika kuti zvakabvumwa sekukumbirwa kwazvakaitwa nezwi revanhu.

17 Uye zvakaitika kuti Moronai akaudza mauto ake kuti anorwisa vaye vanhu vamambo, kuti avaturure mukuzvida kwavo noushe hwavo avapfukudzire kuenzana nevhu, kana kuti vatore zvombo vatsigire kuzvitonga.

18 Uye zvakaitika kuti mauto akafora kunovarwisa; uye vakavaturura mukuzvida kwavo neushe hwavo, zvekuti pose pavaiedza kurwisa vanhu vaMoronai vaibva varakashwa vopfukudzirwa kuita sevhu.

19 Uye zvakaitika kuti kwakave nezviuru zvina azvevapanduki ava zvakarakashwa nemunondo; uye avo vevatungamiri vavo vasina kuuraiwa muhondo vakatorwa vakanokandwa mutirongo, nokuti pakange pasina nguva yekuvatonga panguva iyoyo.

20 Uye avo vevapanduki vakanga vasara, pane kuuraiwa nemunondo, vakatya mureza wekuzvitonga, uye vakamanikidzwa kuturika amureza wekuzvitonga panharire dzavo, uye mumaguta avo, nokutora zvombo kuti varwire nyika yavo.

21 Uye Moronai akapedza zveavo vanhu vamambo, zvekuti hakuna akazozivikanwa nokunzi vanhu vamambo; uye ndiko kupedza kwaakaita hushwindi nekuzvida kweavo vaiti vane ropa reushe; asi vakatururwa kuti vazvirereke sehama dzavo, nokurwa semagamba kurwira rusununguko rwavo kubva muusungwa.

22 Tarisai, zvakaitika kuti aMoronai zvaakanga achirwisana nehondo nekupesana mukati mevanhu vake, uye achivaita kuti vave nerunyararo nokupunduka, uye achiita zvimiswa zvekugadzirira hondo nemaRamani, tarisai, maRamani akanga atopinda munyika yeMoronai, divi rakange rakaganhurana negungwa.

23 Uye zvakaitika kuti maNifai vakanga vasina kunyatsosimba muguta raMoronai; naizvozvo Amarikaya akavatandanisa, achiuraya vakawanda. Uye zvakaitika kuti Amarikaya akatora guta iri, hongu, akatora dzose tsvingo dzavo.

24 Uye avo vakatiza kuguta reMoronai vakauya kuguta raNifaiha; uye vanhuwo veguta raRihai vakaungana pamwechete, uye vakagadzirira vakamirira maRamani kuti vauye kuzorwa.

25 Asi zvakaitika kuti Amarikaya haana kubvumira maRamani kuti vanorwisa guta raNifaiha, asi akaita kuti vagare pedyo negungwa, achisiya varume muguta rega-rega vekuridzivirira.

26 Uye ndiko kufamba kwaaiita, achitora maguta akawanda, guta reNifaiha, neguta raRihai, neguta raMoriandoni, neguta reOmuna, neguta raGidhi, neguta raMureki, ose aive nechekumuganhu pedyo negungwa.

27 Uye ndiko kuwana kwakaita maRamani, nekuchenjera kwaAmarikaya, maguta akawanda kudai, nevanhu vacho vasingaverengeke, ose ari akanga akavakirirwa zvakasimba netsika ayetsvingo dzaMoronai; ose aipa nzvimbo dzakasimba kumaRamani.

28 Uye zvakaitika kuti vakafora vakananga kumiganhu yenyika yeMaguta, vachitandanisa maNifai uye vachivauraya.

29 Asi zvakaitika kuti vakasangana naTeangumu, uyo akanga aauraya Moriandoni nokudimbudzira vanhu vake mukutiza kwavo.

30 Uye zvakaitika kuti akadimbudzira Amarikayawo, zvaakanga achifora nemauto ake akawanda achida kunotora nyika yeMaguta, nenyikawo yaive kuchamhembe.

31 Asi tarisai akagumburwa nekurwiswa naTeangumu nevanhu vake, nokuti vaive magamba; nokuti wose munhu waTeangumu aikunda maRamani musimba uye mukuziva kurwa, zvekuti vakanga vari pamusoro pemaRamani.

32 Uye zvakaitika kuti vakavanetsa, zvekuti vakavauraya kudakara kunze kwasviba. Uye zvakaitika kuti Teangumu nevanhu vake vakadzika matende avo mukati menyika yeMaguta; uye Amarikaya akadzika dzake mumuganhu nechekugungwa, netsika iyoyi vakabviswa.

33 Uye zvakaitika kuti hwave usiku, Teangumu nemuranda wake vakaverera vakabuda usiku, uye vakaenda mumusasa waAmarikaya; uye tarisai, vakanga vakundwa nehope pamusana pekuneta kwavo, kwakanga kwakonzwa nemabasa avaiita nekupisa kwekunze.

34 Uye zvakaitika kuti Teangumu akanopinda mutende yamambo asingaonekwe, akamubaya pamwoyo nechipfumo; uye zvakaita kuti mambo afe pakarepo asina kumutsa varanda vake.

35 Uye akadzokera zvakare asingaonekwe kumusasa wake, uye tarisai, vanhu vake vakanga vakakotsira, uye akavamutsa akavaudza zvose zvaakanga aiita.

36 Uye akaita kuti mauto ake agare akagadzirira, achityira kuti maRamani zvimwe angamuke akauya kuzovarwisa.

37 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi maviri nemashanu ekutongwa kwemaNifai nevatongi; uye ndiko kupera kwakaita mazuva aAmarikaya.