Magwaro Matsvene
Aruma 10


Chitsauko 10

Rihai akabva kuna Manase—Amureki anotaura rungano rwekuudzwa kwaakaitwa nengirozi kuti achengete Aruma—Minamato yevakarurama inoita kuti vanhu vasaparadzwe—Magweta nevatongi vasina kururama vanoisa hwaro hwekuti vanhu vaparadzwe. Zvingangove makore 82 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino aya ndiwo amazwi akaparidzwa bnaAmureki kuvanhu vakanga vari munyika yaAmonaiha, achiti:

2 Ndini Amureki; ndiri mwanakomana waGidhona, akanga ari mwana waIshmaeri, akanga ari wechizvarwa chaAminadhi; uye ndiye Aminadhi mumwecheteyo akadudzira zvinyorwa zvaive pamadziro etemberi, zvakanga zvakanyorwa nemunwe waMwari.

3 Uye Aminadhi akange ari chizvarwa chaNifai, akange ari mwana waRihai, akabva munyika yeJerusarema, akange ari wechizvarwa achaManase, akanga ari mwana bwaJosefa cakatengeswa kuEgipita nemaoko evakoma vake.

4 Uye tarisai, ndiri murumewo ane mbiri mukati meavo vose vanondiziva; hongu, uye tarisai, ndine hama zhinji aneshamwari, uye ndakawanawo upfumi hwakawanda nokushanda nemaoko angu.

5 Zvakadaro, mushure mazvo zvose izvi, handina kumboziva zvizhinji nezvenzira dzaIshe, anezvakavandika zvake nesimba rake rinoshamisa. Ndati handina kumbenge ndakaziva zvizhinji nezvezvinhu izvi; asi tarisai, ndiri kukanganisa, nokuti ndakaona zvizhinji zvezvakavandika zvake nesimba rake rinoshamisa; hongu, kana mukuchengetedza upenyu hwevanhu ava.

6 Zvakadaro, ndakaomesa mwoyo wangu, nokuti andakadaidzwa kazhinji uye ndairamba bkunzwa; naizvozvo ndaiziva nezve zvinhu izvi, asi handaida kuziva; naizvozvo ndakaenda ndichipandukira Mwari, muhutsinye hwemwoyo wangu, kana kudakara kusvika muzuva rechina remwedzi uno wechinomwe, uri mugore rechigumi rekutonga kwevatongi.

7 Zvandakanga ndichifamba ndichienda kunoona hama yepedyo-pedyo, tarisai angirozi yaIshe yakasvika pandiri ikati: Amureki, dzokera kumba kwako, nokuti uchapa kudya kumuporofita waIshe; hongu, murume mutsvene, murume akasarudzwa naMwari; nokuti batsanya kwemazuva mazhinji pamusana pezvitadzo zvevanhu ava, uye aziya nenzara, uye cuchamugashira mumba mako ugomupa chekudya, uye achakuropafadza iwe nemba yako; uye maropafadzo aIshe achave pauri nemba yako.

8 Uye zvakaitika kuti ndakateerera izwi rengirozi, uye ndikadzokera kumba kwangu. Uye ndiri kuenda kudaro ndakaona amurume akanzi nengirozi kwandiri: Uchamugashira mumba mako—uye tarisai ndiye murume iyeyo ange achitaura kwamuri maererano nezvinhu zvaMwari.

9 Uye ngirozi yakati kwandiri murume uyu amutsvene; ndizvo zvinoita kuti ndizive kuti mutsvene nokuti zvakataurwa nengirozi yaMwari.

10 Uye zvakare, ndinoziva kuti zvinhu zvaapupura ndezvechokwadi; nokuti tarisai ndinoti kwamuri, kuti sezvo Ishe vari mupenyu, kana naizvozvo vatumira angirozi yavo kuti zvinhu izvi zvibude pachena kwandiri; uye izvi azviita uyu bAruma agere mumba mangu.

11 Nokuti tarisai, aaropafadza imba yangu, andiropafadza, nemadzimai angu, nevana vangu, nababa vangu nehama dzangu; hongu, kana nevekwangu vose avaropafadza, uye maropafadzo ashe ave patiri maererano nemazwi aakataura.

12 Uye zvino, Amureki ataura mazwi aya vanhu vakatanga kushamiswa, vachiona kuti pakange paine vano apfuura mumwechete vaipupura nezvezvinhu zvavaipiwa mhosva nazvo, nezvezvinhuwo zvichauya, maererano nemweya wechiporofita waive mavari.

13 Zvakadaro, kwaive nevamwe mukati mavo vaitsvaka kuvabvunza, kuti anenzira dzekungwara kwavo vagovawanikidza nemazwi avo, kuti vagowana umbowo, kuti vavaendese kuvatongi vavo kuti vatongwe maererano nemutemo, kuti vauraiwe kana kukandwa mutirongo, maererano nemhosva yavanenge vavapomera.

14 Zvino ndivo vanhu ivavo vakanga vachitsvaka kuvaparadza, vaive amagweta, vakange vafanoiswa kana kugadzwa nevanhu kuti vashandise mutemo panguva yekutongwa kwavo, kana panguva yokutongwa kwedzimwe mhosva dzainge dzauya pamberi pevatongi.

15 Zvino magweta aya akanga akadzidza chaizvo munjere dzose dzevanhu; uye izvi zvaivayamura kuti vagone basa ravo.

16 Uye zvakaitika kuti vakatanga kubvunza Amureki, kuti vamuite kuti adyidzanise mazwi ake, kana kupesanisa mazwi aachataura.

17 Zvino havana kuziva kuti Amureki aikwanisa kuziva zvavari kuda kuita. Asi zvakaitika kuti pavakatanga kumubvunza, aakaona pfungwa dzavo, uye akati kwavari: Imi makaipa uye bchizvarwa chakarasika, imi magweta nevanyengedzi, nokuti muri kuisa hwaro hwadhiabhorosi; nokuti muri kuisa czvikachikiro nemisungo yekuti mubate vatsvene vaMwari.

18 Muri kuita zvirongwa zvekuti amukanganise nzira dzevakarurama, uye kuti muunze hasha dzaMwari pamisoro yenyu, kana mukuparadzwa zvachose kwevanhu vavo.

19 Hongu, Mosaya akataura chaizvo, uyo aive mambo wedu wekupedzisira, paakange ave kuda kupa umambo kune mumwe, asina wekuhugadza, akaita kuti vanhu ava vatongwe nemazwi avo—hongu, akataura zvakanaka kuti kana nguva ikasvika yekuti izwi revanhu ava arisarudze kutadza, ndiko kuti, kana nguva iyoyo ikauya yekuti vanhu ava vawire mumisikanzwa, vanenge vaibvira kuparadzwa.

20 Uye zvino ndinoti kwamuri kuti Ishe vanoita zvakanaka kutonga kutadza kwenyu; anoita zvakanaka kuchemera vanhu ava, nezwi arengirozi dzavo: Tendeukai imi, tendeukai, nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo.

21 Hongu, anoita zvakanaka kuchema nezwi rengirozi dzake kuti: aIni ndichadzika pasi mukati mevanhu vangu, nekuenzanisa nokutonga kwakanaka mumaoko angu.

22 Hongu, uye ndinoti kwamuri dai yange isiri aminamato yevakarurama, avo vari munyika ino, mungadai kana iye zvino makatoshanyirwa kare nokuparadzwa zvachose; chete hakwaizove bkwemafashanu mazhinji, sezvakaitwa vanhu mumazuva aNoa, asi kwaizove kwenzara, nezvirwere, nemunondo.

23 Asi maponeswa aneminamato yevakarurama; zvino naizvozvo, kana mukabvisa vakarurama mukati menyu Ishe havazokuregerai; asi nehasha dzavo dzinotyisa anokuvingai; ndipo pamucharohwa nenzara, nezvirwere, nemunondo; uye bnguva yave pedyo kunze kwekunge matotendeuka.

24 Uye zvino zvakaitika kuti vanhu vakanyanya kushatiriswa naAmureki, uye vakachema, vachiti: Murume uyu anotuka mitemo yedu yakanaka, nemagweta edu atakasarudza.

25 Asi Amureki akatambanudza ruoko rwake, akachema zvikuru kwavari, achiti: Imi vakaipa chizvarwa chakarasika, sei Satani abata mwoyo yenyu nesimba rakadaro? Sei muri kuzvipa kwaari kuti ave nesimba pamusoro penyu, akukupofomadzai maziso, kuti musanzwisise mazwi anotaurwa, maererano nechokwadi chawo?

26 Nokuti tarisai, ndataura zvinopikisa mutemo wenyu here? Hamunzwisise; munoti ndataura zvisiri mumutemo wenyu; asi handina, asi ndataura ndichipembedza mutemo wenyu, nokuraswa kwenyu.

27 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri, hwaro hwekuparadzwa kwevanhu vano hwatotanga kuiswa nekusarurama akwemagweta enyu nevatongi venyu.

28 Uye zvino zvakaitika kuti pakanga Amureki ataura mazwi aya vanhu vakachema kwaari, vachiti: Zvino tave kuziva kuti murume uyu mwana wadhiabhorosi, nokuti atirevera anhema; nokuti ataura achimhura mutemo wedu. Uye ave kuti haana kutaura achiumhura.

29 Uye zvakare, atuka magweta edu, nevatongi vedu.

30 Uye zvakaitika kuti magweta akazviisa mumwoyo yavo kuti vagoyeuka zvinhu pane zvake.

31 Uye kwaive nemumwe mukati mavo zita rake rainzi Ziziromu. Zvino ndiye akanga ari pamberi amukupomera mhosva kuna Amureki naAruma, iye ari iye akange ari imwe yenyanzvi kupfuura vamwe, aine basa zhinji rekuita muvanhu.

32 Zvino chinangwa chemagweta chaive kuda kuita mari; uye vakawana mari maererano nebasa ravo.