Magwaro Matsvene
Aruma 8


Chitsauko 8

Aruma anoparidza uye achibhabhatidza muMereki—Anorambwa muAmonaiha ndokubva abvamo—Ngirozi inomuti adzokere anodaidzira kutendeuka kuvanhu—Anotambirwa naAmureki, uye vari vaviri vanoparidza muAmonaiha. Zvingangove makore 82 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti Aruma akadzoka kubva akunyika yeGideoni, mushure mekunge adzidzisa vanhu veGideoni zvinhu zvizhinji zvisingagone kunyorwa, amisa tsika yechechi, maererano nezvaakanga aita munyika yeZarahemura, hongu, akadzokera kumba kwake kuZarahemura kunozorora kubva mubasa raakanga aiita.

2 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechipfumbamwe rekutonga kwevatongi vanhu vaNifai.

3 Uye zvakaitika mukutanga kwegore rechigumi rekutonga kwevatongi vanhu vaNifai, kuti Aruma akabvamo ndokutora rwendo rwake akananga kunyika yaMereki, iri kumadokero akwerwizi rweSidhoni, kumadokero kwakaganhurana nerenje.

4 Uye akatanga kudzidzisa vanhu vemunyika yeMereki zviri maererano nehurongwa ahutsvene hwaMwari, huri ihwo hwaakanga adaidzwa nahwo; uye akatanga kudzidzisa vanhu munyika yose yeMereki.

5 Uye zvakaitika kuti vanhu vakauya kwaari kubva kumiganhu yose yenyika yakange yakatsamirana nekurutivi rwerenje. Uye vakabhabhatidzwa munyika yose;

6 Naizvozvo paakange apedza basa rake muMereki akabvamo, akafamba rwendo rwemazuva matatu nechekuchamhembe kwenyika yaMereki; uye akasvika paguta rainzi Amonaiha.

7 Zvino yakange iri tsika yevanhu vaNifai kudaidza nyika dzavo, uye maguta avo, nemisha yavo, hongu, kana netwumisha twavo, nezita remunhu akatanga kuve muridzi wacho; uye ndizvo zvazvakange zvakaita nemunyika yaAmonaiha.

8 Uye zvakaitika kuti Aruma paakasvika muguta raAmonaiha, akatanga kuvaparidzira shoko raMwari.

9 Zvino Satani akanga aakabata zvikuru mwoyo yevanhu veguta raAmonaiha; naizvozvo havana kuteerera mazwi aAruma.

10 Zvisinei Aruma aakashanda zvikuru mumweya, bachiumburuka kuna Mwari mumunamato une csimba, kuti adire Mweya wake pamusoro pevanhu vari muguta iri; kuti amubvumirewo kuti agovabhabhatidza mukutendeuka.

11 Zvakadaro, vakaomesa mwoyo yavo, vachiti kwaari: Tarisa, tinoziva kuti ndiwe Aruma; uye tinoziva kuti ndiwe mupirisita wepamusoro pamusoro pechechi rawakamisa iwe munzvimbo zhinji dzenyika, zviri maererano netsika yenyu; uye hatizi vechechi yako, uye hatitende mutsika dzakapusa kudaro.

12 Uye zvino tinoziva kuti sezvo tisiri vechechi yako tinoziva kuti hauna simba pamusoro pedu; uye wakapa chigaro chekutonga kuna aNifaiha; naizvozvo hausi mutongi mukuru wedu.

13 Zvino vanhu pavakanga vataura izvi, uye vachiramba mazwi ake ose, uye vamutuka, vamusvipira, uye vakaita kuti akandwe kunze kweguta ravo, akabvamo uye akatora rwendo rwake akananga kuguta rainzi Aroni.

14 Uye zvakaitika kuti paakange achifamba, akaremerwa nokusuwa, pfungwa yake iine akutambudzika nekurwadziwa kwemweya, nenzira yeutsinye hwevanhu vaive muguta reAmonaiha, zvakaitika kuti Aruma zvaakanga akadaro kuremerwa nekusuwa, tarisai bngirozi yaIshe yakasvika paari, ichiti:

15 Wakaropafadzwa iwe, Aruma; naizvozvo, simudza musoro wako uye ufare, nokuti une chikonzero chikuru chekuti ufare; nokuti wange wakavimbika mukuchengetedza mirau yaMwari kubvira panguva yawakatambira nhume yako yekutanga kubva kwaari. Tarisai, ndini andakauya nayo kwauri.

16 Uye tarisai, ndatumwa kuti ndikuudze kuti udzokere kuguta reAmonaiha, uye unoparidza zvakare kuvanhu veguta iri; hongu, vaparidzire. Hongu, uti kwavari, kunze kwekunge vatendeuka Ishe Mwari avachavaparadza.

17 Nokuti tarisai, iye zvino vari kufunga kuti vaparadze rusununguko rwevanhu vako (nokuti ndiko kutaura kwaIshe) zvisiri izvo zviri mumutemo, nemukutonga, nemumirau yaakapa kuvanhu vake.

18 Zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Aruma agashira nhume yake kubva kungirozi yaIshe akadzokera nokukurumidza kunyika yaAmonaiha. Uye akapinda muguta neimwe nzira, hongu, nenzira iri kumaodzanyemba eguta reAmonaiha.

19 Uye zvaaipinda muguta akanzwa nzara, uye akati kune mumwe murume: Mungapewo here muranda akazvirereka waMwari chimwe chinhu chekudya?

20 Uye murume uyu akati kwaari: Ndiri muNifai, uye ndinoziva kuti uri muporofita mutsvene waMwari, nokuti ndiwe murume akanzi anengirozi muchiratidzo: Muchatambira. Naizvozvo, enda neni mumba mangu, uye ndinokupa kudya kwangu; uye ndinoziva kuti uchave chiropafadzo kwandiri nemba yangu.

21 Uye zvakaitika kuti murume uyu akamugashira mumba make; uye murume uyu ainzi aAmureki; uye akauya nechingwa nenyama akaiisa pameso paAruma.

22 Uye zvakaitika kuti Aruma akadya chingwa akaguta; uye aakaropafadza Amureki nemba yake, uye akatenda kuna Mwari.

23 Uye mushure mekunge adya aguta akati kuna Amureki: Ndini Aruma, uye ndini mupirisita awepamusoro pechechi yaMwari munyika yose.

24 Uye tarisai, ndakadaidzwa kuti ndizoparidza shoko raMwari mukati mevanhu ava, maererano nemweya wekuzururirwa nechiporofita; uye ndakanga ndiri munyika muno uye havana kuda kundigashira, asi avakandikanda panze uye ini ndange ndoda kufukatira nyika ino zvachose.

25 Asi tarisai, ndataurirwa kuti ndidzoke zvakare uye ndizoporofitira vanhu ava, hongu, nokupupura kwavari nezvezvitadzo zvavo.

26 Uye zvino Amureki, nenzira yokuti wandipa kudya ukandipinza mumba, waropafadzwa: nokuti ndange ndaziya, nokuti ndange ndatsanya kwemazuva mazhinji.

27 Uye Aruma akagara kwemazuva mazhinji naAmureki asati atanga kuparidza kuvanhu.

28 Uye zvakaitika kuti vanhu vakatonyanya kuve vakaipa.

29 Uye shoko rakauya kuna Aruma, richiti: Enda; uye utiwo kumuranda wangu Amureki, enda unoporofita kuvanhu ava, uchiti—aTendeukai imi, nokuti ndizvo zvinotaurwa naIshe, kunze kwekunge mapinduka ndichashanyira vanhu ava nehasha dzangu; hongu, uye handizodzosa hasha dzangu dzinotyisa.

30 Uye Aruma akaenda, naAmurekiwo, mukati mevanhu, kundotaura mazwi aMwari kwavari; uye vakazadzwa neMweya Mutsvene.

31 Uye vakange vane asimba ravakanga vapiwa, zvekuti vakange vasisagonekwe kuzarirwa muzvitokisi zvepasi; uye hakuna munhu aikwanisa kuvauraya; zvakadaro havana kushandisa bmasimba avo kudakara vasungwa nemajoto vakandwa mutirongo. Zvino, izvi zvakaitwa kuti Ishe varatidze simba ravo riri mavari.

32 Uye zvakaitika kuti vakaenda uye vakatanga kuparidza nekuporofita kuvanhu, maererano nemweya nesimba ravakanga vapiwa naIshe.