Magwaro Matsvene
Aruma 55


Chitsauko 55

Moronai anoramba kudzorerana vasungwa—MaRamani vanochengeta vasungwa vanoitwa kuti vadhakwe, uye vasungwa vemaNifai vanobva vasunungurwa—Guta reGidhi rinotorwa pasina kudeuka kweropa. Zvingangove makore 63 kusvika ku62 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti Moronai paakatambira tsamba iyi akabva atonyanya kushatirwa, nokuti aiziva kuti Amoroni ane ruzivo rwuzere arwekuba kwake nekunyengedza; hongu, aiziva kuti Amoroni aiziva kuti chikonzero chake chekuita hondo nemaNifai hachizi chakarurama.

2 Uye akati: Tarisai, handizodzorerana vasungwa naAmoroni kunze kwekunge arega zvaari kuda, sekutaura kwandaita mutsamba mangu; nokuti handichaita kuti awane rimwe simba rinopfuura raainaro.

3 Tarisai, ndinoziva nzvimbo iyo maRamani ari kuchengetera vanhu vangu vavakatora sevasungwa; uye sezvo Amoroni asingade kuita zvataurwa netsamba yangu, tarisai, ndichamupa zviri maererano nemazwi angu; hongu, ndichavatsvaka nerufu kudakara vakumbira runyararo.

4 Uye zvino zvakaitika kuti Moronai zvaakanga ataura mazwi aya, akaita kuti mukati mevanhu vake mutarisiswe kuti zvimwe mune mumwe wechizvarwa chemaRamani, mukati mavo.

5 Uye zvakaitika kuti vakawana mumwechete, zita rake ainzi Ramani; uye akanga ari amumwe wevaranda vamambo akapondwa naAmarikaya.

6 Zvino Moronai akaita kuti Ramani nevanhu vake vashoma-shoma vaende kuvatariri vakanga vakachengeta maNifai.

7 Zvino maNifai aichengeterwa muguta reGidhi; naizvozvo Moronai akasarudza Ramani akaita kuti vanhu vashoma vaende naye.

8 Uye ave mauro Ramani akaenda kuvatariri vakanga vakachengeta maNifai, uye tarisai, vakamuona achiuya uye vakamumhoresa; asi akati kwavari: Musatye; tarisai, ndiri muRamani. Tarisai, tatiza kubva kumaNifai, uye vakakotsira; uye tarisai tatora waini yavo uye ndokubva tauya nayo.

9 Zvino maRamani zvaakanzwa mazwi aya vakamugashira nokufara; uye vakati kwaari: Tipe waini yako, kuti tinwe; tinofara kuti watora waini ukauya nayo nokuti taneta.

10 Asi Ramani akati kwavari: Ngatichengete waini yedu kudakara taenda kunorwa nemaNifai. Asi kutaura uku kwakaita kuti vatonyanya kuda kuinwa waini iyi;

11 Nokuti, vakati ivo: Taneta, naizvozvo rega tinwe waini, uye mushure tichatambiriswa waini, zvinotipa simba rekuti tinorwisa maNifai.

12 Uye Ramani akati kwavari: Itai sekuda kwenyu.

13 Uye zvakaitika kuti vakanwa waini iya vakasununguka; uye yainaka chaizvo kwavari, saka vakainwa zvakasununguka; uye yakanga iine simba, nokuti yakanga yakagadzirwa iine simba rayo.

14 Uye zvakaitika kuti vakanwa vakafara, nekufamba kwenguva vose vakanga vararadza.

15 Uye zvino Ramani nevamwe vake zvavakaona kuti vose vakanga vararadza, uye vakanga vakotsira zvekukotsira zviya, vakadzokera kuna Moronai ndokumutaurira zvinhu zvose zvakanga zvaitika.

16 Uye zvino izvi ndizvo zvaive maererano nezano raMoronai. Uye Moronai akanga agadzirira vanhu vake zvombo zvehondo; uye akaenda kuguta reGidhi, maRamani ari mukukotsira kwokunge vakafa uye vakararadza, uye ndokukandira vasungwa zvombo zvehondo, zvekuti vose vakanga vave nezvombo;

17 Hongu, kana madzimai avo, nevana vavo vose, vose vaigona kushandisa zvombo zvehondo, Moronai akange apa vose vasungwa zvombo; uye zvose zvinhu izvi zvaiitwa pasina anokosora vakanyarara kuti zii.

18 Asi dai vakanga vamutsa maRamani, tarisai, vakanga vakararadza uye maNifai angadai akavauraya.

19 Asi tarisai, hazvizizvo zvaida Moronai; akanga asingafadzwe nekuponda kana akudeura ropa, asi aifadzwa mukuponesa vanhu vake kuti vasaparadzwe; uye nechikonzero ichi haana kuda kukanganisa kutonga kwakarurama, haana kuda kuwira pamusoro pemaRamani uye kuti avaparadze vakararadza.

20 Asi akanga awana zvaaida; nokuti akanga apa zvombo kune avo vasungwa vemaNifai vakanga vari mukati muguta, uye akanga avapa simba rekuti vatore idzo nzvimbo dzaive mukati mechidziro.

21 Uye ndokubva aita kuti vanhu vakanga vainaye vadzokere mushure kachinhambwe kubva pavari, uye vagokomba mauto emaRamani.

22 Zvino tarisai izvi zvakaitwa nguva yeusiku, zvekuti maRamani pavakamuka rungwanani vakaona vakakombwa nemaNifai kunze, nevasungwa vavo vaive mukati vakanga vaine zvombo.

23 Uye ndokubva vaona kuti maNifai ane simba pamusoro pavo; uye mukuita uku vakaona kuti hazvaigona kuti varwe nemaNifai; naizvozvo vatungamiri vavo vakuru vakati vapiwe zvombo zvavo zvehondo, uye vakauya nazvo vakazvikanda pamakumbo emaNifai, vachikumbira kuitirwa tsitsi.

24 Zvino tarisai, izvi ndiko kwaive kuda kwaMoronai. Akavatora akavaita vasungwa vehondo, uye akabva atora guta iroro, uye akaita kuti vose vasungwa vapiwe rusununguko, avo vakanga vari maNifai; uye vakapinda mumauto aMoronai, uye vakasimbisa mauto ake zvikuru.

25 Uye zvakaitika kuti akaita kuti maRamani, avo vaakanga atora sevasungwa, vatange kuita abasa rekusimbisa nzvimbo dzekuzvidzivirira dzakatenderedza guta reGidhi.

26 Uye zvakaitika kuti avakirira guta reGidhi, maererano nezvaaida, akaita kuti vasungwa vake vaendeswe kuguta reMaguta; uye akachengetawo guta iri nemauto akasimba zvikuru.

27 Uye zvakaitika kuti vakazviita, kana dai maRamani akaedza zvose zvavaikwanisa, vakachengeta uye vakadzivirira vose vasungwa vavo vavakanga vatora, uye vakachengetawo ose matunhu nezvose zvavakanga vatora zvakare.

28 Uye zvakaitika kuti maNifai vakatanga zvakare kukurira, nokutora zvakare zvaive zvavo nezvavakakodzera.

29 Nguva zhinji maRamani aiedza kuti vavakomboredze usiku, asi mukuedza uku vairasikirwa nevasungwa vakawanda.

30 Uye nguva zhinji vaiedza kunwisa maNifai waini yavo, kuti zvimwe vavaparadze nechepfu kana nekuvati vararadze.

31 Asi tarisai, maNifai akanga asinganonoke akurangarira Ishe Mwari vavo munguva dzavo dzematambudziko. Vakanga vasingabatike nezvavaivateya nazvo; hongu, vakanga vasinganwe waini yavo, kunze kwekunge vatanga vaipa kune mumwe wevasungwa vechiRamani.

32 Uye naizvozvo vakanga vakachenjerera kuti kusave nechepfu yavanopiwa; nokuti kana waini yavo yaigona kukuvadza muRamani yaigonawo kukuvadza muNifai; naizvozvo vakaedza doro ravo rose.

33 Uye zvino zvakaitika kuti zvakanga zvafanira kuti Moronai achigadzirira kurwisa guta reMoriandoni; nokuti tarisai, maRamani, nokushanda kwavo, vakanga vavakirira guta reMoriandoni kudakara rave rakasimba zvikuru.

34 Uye vakanga vachiramba vachiuyisa mauto matsva muguta iroro, nezvokudyawo.

35 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi maviri nemakore mapfumbamwe ekutongwa kwemaNifai nevatongi.