Magwaro Matsvene
Aruma 38


Mirairo yaAruma kumwanakomana wake Shibhuroni.

Zvichisanganisa chitsauko 38.

Chitsauko 38

Shibhuroni akanetswa pamusana pekururama—Ruponeso rwuri muna Kristu, anove ndiye upenyu nechiedza chenyika—Tsigisa pfungwa dzako. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Mwanakomana wangu, teereresa mazwi angu, nokuti ndinoti kwauri, kana sezvandakataura kunaHiramani, kuti kana muri munochengeta mirairo yaMwari muchabudirira munyika; uye kana muri musingachengete mirau yaMwari muchabviswa pamberi pake.

2 Uye zvino mwanakomana wangu, ndinovimba kuti ndichawana mufaro mukuru mauri iwe, nenzira yekutsiga kwako nokutendeka kwako kunaMwari; sezvo watangisa uri jaya kutarisa kuna Ishe Mwari vako, naizvozvo ndinovimba kuti aucharamba uchichengeta mirairo yavo; nokuti akakomborerwa uyo banoshingirira kusvika kumagumo.

3 Ndinoti kwauri mwanakomana wangu, ndakatofadzwa newe zvikuru kare, nenzira yekuvimbika kwako nekusimba kwako, uye kutsiga kwako nekushivirira kwako mukati mevanhu avaZoramu.

4 Nokuti ndinoziva kuti wakanga uri muusungwa; hongu, uye ndinozivawo kuti wakatemwa nemabwe uchitemerwa shoko; uye aukatirira zvose zvinhu izvi nokupfava nokuti Ishe vakanga bvainewe; uye zvino wave kuziva kuti wakaponeswa naIshe.

5 Uye zvino mwanakomana wangu, Shibhuroni, ndinoda kuti urangarire, kuti kana uchiisa aruvimbo rwako munaMwari kana naizvozvo buchabviswa mukuedzwa kwako, nenhamo dzako, cnematambudziko ako, uye ugosimudzwa nomusi wezuva rekupedzisira.

6 Zvino mwanakomana wangu, handidi kuti ufunge kuti zvinhu izvi ndinozviziva nenjere dzangu, asi Mweya waMwari uri mandiri unoita kuti ndizive zvinhu izvi; nokuti dai ndisina akuzvarwa munaMwari handaiziva zvinhu izvi.

7 Asi tarisai, Ishe netsitsi dzavo huru vakatumira angirozi yavo kuti izotaura kwandiri kuti ndiregere basa brekuparadza pakati pevanhu vavo; hongu, uye ndakaona ngirozi tikatarisana, uye ikataura neni, uye izwi rake raiita semabhanan’ana, uye rikazunza nyika yose.

8 Uye zvakaitika kuti kwemazuva matatu neusiku hutatu ndakanga ndiri mukurwadziwa mumweya zvisingataurike; uye handina chandakawana, kudakara ndachema kuna Ishe Jesu Kristu kuti ndiitirwe tsitsi, ndokubva andaregererwa zvitadzo zvangu. Asi tarisai, ndakachema kwavari uye ndikawana runyararo mumweya wangu.

9 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndakutaurira izvi kuti udzidze ungwaru, kuti udzidze kwandiri kuti ahakuna zvimwe kana nzira inoita kuti munhu apone, chete nemuna Kristu. Tarisai, ndiye upenyu bnechiedza chenyika. Tarisai, ndiye shoko rechokwadi nekururama.

10 Uye zvino, zvawatangisa kudzidzisa shoko ndinoti chiramba uchidzidzisa; uye ini ndinoti dai wave nesimba nekuzvibata muzvinhu zvose.

11 Ona kuti hausimudzwe ukave une rudado; hongu, ona kuti ahauzvikudze nokuchenjera kwako, kana nesimba rako rakawanda.

12 Shandisa kusatya, asi usadzvinyirire; uye ona kuti wakazvibata muzvinhu zvose, kuti uzadzwe nerudo; ona kuti hauite zvenungo.

13 Usanamate sezvinoita maZoramu, nokuti wakatowona kuti vanonamata kuti vaonekwe nokunzwikwa nevanhu, nekuti vagorumbidzwa neungwaru hwavo.

14 Usazoti: Mwari, ndinokutendai nokuti tiri anani pane hama dzedu; asi kuti uti: Ishe, ndiregererei bmukusakodzera kwangu, uye murangarire hama dzangu netsitsi—hongu, bvuma kuti hauna kukodzera pamberi paMwari nguva dzose.

15 Uye Ishe ngavaropafadze mweya wako, vagokugashira nezuva rekupedzisira muumambo hwavo, kuti ugare murunyararo. Zvino enda, mwanakomana wangu, unodzidzisa shoko kuvanhu ava. Zvibate. Mwanakomana wangu, chisara.