Magwaro Matsvene
Aruma 61


Chitsauko 61

Pahorani anotaurira Moronai nokumukira nechimurenga chekurwisa hurumende—Vanhu vaMambo vanotora Zarahemura ndokubatana nemaRamani—Pahorani anokumbira ruyamuro rwemauto kuti arwise vapanduki. Zvingangove makore 62 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti Moronai achangobva mukutumira tsamba yake kuna gavhuna wenyika mukuru, akatambira tsamba yakabva kuna aPahorani, gavhuna wenyika mukuru. Uye aya ndiwo mazwi aakatambira:

2 Ini Pahorani, ndinova ndini gavhuna wenyika ino, ndinotumira mazwi aya kuna Moronai, mutungamiri mukuru wemauto. Tarisai, ndinoti kwauri Moronai, handifadzwe anematambudziko ako akakura zvikuru, hongu, zvinosuwisa mweya wangu.

3 Asi tarisai, kune avo vanofadzwa nekutambudzika kwako, hongu, zvekuti vasvika mukundipandukira, nevanhu vangu avakasununguka, hongu, uye avo vapanduka vakawandisa.

4 Uye ndevavo vanotsvaka kutora chigaro chekutonga kubva kwandiri vanove ndivo chikonzero chekuipa kukuru uku, nokuti vakashandisa kunyengedza kukuru, uye vakanyengedza mwoyo yevanhu vazhinji, chichave chikonzero chekurwadzisana pakati pedu; vakabata zvekudya zvedu, uye vakatyisidzira vanhu vedu vakasununguka kuti vatadze kuuya kwauri.

5 Uye tarisai, vakanditandanisa pamberi pavo, uye ndatizira kunyika yaGideoni, nevanhu vakawanda vandaikwanisa kuwana.

6 Uye tarisai, ndatumira shoko kurutivi rwuno rwose rwenyika; uye tarisai, vari kuuya kwatiri mazuva ose, nezvombo zvavo, vachirwira nyika yavo anerusununguko rwavo, nekutsividza kutadzirwa kwedu.

7 Uye vauya kwatiri, zvekuti avo vakatimukira muchimurenga vakanyadziswa, hongu, zvekuti vave kutitya uye havachauya kuti vazotirwisa.

8 Vakatora nyika kana kuti guta reZarahemura; vakagadza mambo wekuvatonga, uye akanyorera mambo wemaRamani, achibva abatana naye; mukubatana uku abvuma kuchengeta guta reZarahemura, kuchengeta uku anofunga kuti kuchaita kuti maRamani akunde matunhu asara enyika, uye iye oitwa mambo wevanhu ava vari vakundwa vave pasi pemaRamani.

9 Uye zvino, mutsamba yako wandipa mhosva, asi hazvina mhosva; handina kushatirwa, asi ndinofara nekukura kwemwoyo wako. Ini Pahorani, handitsvake simba, kunze kwekuti ndirambe ndiine chigaro changu chekutonga kuti ndigogona kuchengetedza zvinhu nekuzvitonga kwevanhu vangu. Mweya wangu unomira wakasimba mukuzvitonga uko kwakaita kuti Mwari atiite avakasununguka.

10 Uye zvino, tarisai, ticharamba uipi kana dai zvichireva kudeuka kweropa. Hataideura ropa remaRamani dai vaigara kunyika kwavo.

11 Hataideura ropa rehama dzedu dai vasingatimukire muchimurenga uye vachitirwisa nemunondo.

12 Taizviisa mujoki reusungwa isu pachedu dai zvainge zvichidiwa nekutonga kwakanaka kwaMwari, kana dai aitiudza kuti tidaro.

13 Asi tarisai haatiudze kuti tizviise pasi pevavengi vedu, asi kuti tiise aruvimbo rwedu maari, uye iye anotiponesa.

14 Naizvozvo, hama yangu inodiwa, Moronai, ngatirambei chakaipa, uye chose chakaipa chatisingagone kuramba nemiromo yedu, hongu, chakafanana nechimurenga neupanduki, angatizvirambei neminondo yedu, kuti tirambe tiine rusununguko rwedu, kuti tigofara mupundutso huru yechechi yedu, nemune Mununuri wedu mukuru naMwari wedu.

15 Naizvozvo, uya kwandiri nokukurumidza nevashoma vevanhu vako, uye usiye vamwe vacho vari mumaoko aRihai naTeangumu; uvape simba rekutungamira hondo mudivi iroro renyika, maererano aneMweya waMwari, uri iwoyo mweya werusununguko uri mavari.

16 Tarisai ndatumira zvekudya zvishoma kwavari, kuti vasafe nenzara kudakara iwe wauya kwandiri.

17 Unganidza pamwechete vose avo vaunokwanisa pakuuya kwako kuno, uye tigoenda nokukurumidza kunorwisa avo vapanduki, musimba raMwari vedu maererano nerutendo rwuri matiri.

18 Uye tigotora guta reZarahemura, kuti tigowana zvekudya zvizhinji zvekutumira kuna Rihai uye naTeangumu; hongu, tichaenda kunovarwisa tiri musimba raIshe, uye tobva tapedza kutadza nekuipa kukuru uku.

19 Uye zvino, Moronai, ndinofara nokutambira tsamba yako, nokuti ndakanga ndichinetseka nokuti tingaitei, kuti zvingave zvakanaka here kuti tirwise hama dzedu.

20 Asi iwe wakati, kunze kwekunge vatendeuka Ishe akakuudza kuti unovarwisa.

21 Ona kuti awasimbisa Rihai naTeangumu muna Ishe; vaudze kuti vasatye, nokuti Mwari vachavaponesa, hongu, neavowo vakasimba mukuzvitonga kwavakaitwa naMwari kuti vave vakasununguka. Uye zvino ndave kupedza tsamba yangu kuhama yangu inodiwa Moronai.