Magwaro Matsvene
Aruma 2


Chitsauko 2

Amurisai anotsvaka kuve mambo uye anorambwa nezwi revanhu—Vateveri vake vanomuita mambo—MaAmurisai vanoita hondo nemaNifai uye vobva vakundwa—MaRamani nemaAmurisai vanobatana uye vanokundwa—Aruma anouraya Amurisai. Zvingangove makore 87 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechishanu rekutonga kwavo kwakatanga kuve nekupesana pakati pevanhu; nokuti mumwe murume, ainzi Amurisai, akange ari munhu akachenjera kwazvo, hongu, munhu ane ungwaru huri ungwaru hwenyika, iye akafanana nemunhu akange auraya aGideoni nemunondo, uyo akauraiwa maererano nemutemo—

2 Zvino Amurisai uyu mukunyengedza kwake, akanga atora vanhu vazhinji vave kumutevera; vakawanda zvekuti vakatanga kuve vakasimba; uye vakatanga kuedza kuti vaite kuti Amurisai ave mambo wevanhu.

3 Zvino izvi zvakavhundutsa vanhu vechechi, nekune avo vose vakanga vasina kukwezva mushure mekunyengetedzwa naAmurisai; nokuti vaiziva kuti maererano nemutemo wavo zvinhu zvakadaro zvinoitwa aneizwi revanhu.

4 Naizvozvo, dai zvaiitika kuti Amurisai abvumwe nezwi revanhu, iye semunhu ane uipi, aaizovashaisa zvavakakodzera nepundutso dzechechi; nokuti chaive chinangwa chake kuti aparadze chechi yaMwari.

5 Uye zvakaitika kuti vanhu vakaungana pamwechete munyika yose, wose maererano nepfungwa dzake, kuti ari kurutivi rwaAmurisai here kana kwete, vakaita zvikwata-zvikwata, vachiitisana nharo anokupesana kunoshamisa.

6 Uye ndiko kuunganidzana kwavakaita kuti vagotaura zvavaida pamusoro penyaya iyi; uye ndokubva zvaiswa kuvatongi.

7 Uye zvakaitika kuti izwi revanhu rakarasa Amurisai, zvekuti haana kuzoitwa mambo wevanhu.

8 Zvino izvi zvakakonzera kufara kukuru mumwoyo yeavo vakanga vasingamude; asi Amurisai akafurira avo vakanga vachimuda kuti vavenge avo vakanga vasingamude.

9 Uye zvakaitika kuti vakaunganidzana pamwechete, uye vakagadza Amurisai kuti ave mambo wavo.

10 Zvino Amurisai zvaakanga aitwa mambo wavo akatuma vanhu vake kuti vatore zvombo varwisane nehama dzavo; uye izvi akazviita kuti avaise pasi pake.

11 Zvino vanhu vaAmurisai vaizivikanwa nezita raAmurisai, vachinzi amaAmurisai; vamwe vakasara vainzi bmaNifai, kana kuti vanhu vaMwari.

12 Naizvozvo vanhu vemaNifai vaiziva zvaida kuitwa nevaAmurisai, uye naizvozvo vakagadzirira kusangana navo; hongu, vakagadzirira neminondo, nezvipanga, neuta, nemiseve, nematombo, nezvinziriri, anezvombo zvehondo, zverwudzi rwose.

13 Uye naizvozvo vakanga vakagadzirira kusangana nevaAmurisai panguva yavakauya. Uye pakaiswa vakuru vehondo, pamusoro pavo pakaiswa vakuru kwavari, nepamusoro paivavo pakaiswa vakuru kwavari, maererano nehuwandu hwavo.

14 Uye zvakaitika kuti Amurisai akapa vanhu vake zvombo zvehondo zverudzi rwose; naiyewo akaisa vatarisi nevatungamiri vevanhu vake, kuti vavatungamirire mukurwisana nehama dzavo.

15 Uye zvakaitika kuti maAmurisai akauya nepagomo reAmunihu, rakanga riri kumabvazuva akwerwizi rwainzi Sidhoni, urwo rwaierera bnemunyika yeZarahemura, uye ipapo ndipo pavakatangisa kurwisana nemaNifai.

16 Zvino Aruma, asemukuru wevatongi nagavhuna wevanhu vaNifai, akaenda nevanhu vake, hongu, nevakuru vake vehondo, nevakuru vevakuru vavo, hongu, achitungamira mauto ake, mukurwisana nemaAmurisai.

17 Uye vakatanga kuuraya vaAmurisai pachikomo chiri kumabvazuva kweSidhoni. Uye vaAmurisai akarwisana nemaNifai nesimba guru, zvekuti maNifai mazhinji akauraiwa nemaAmurisai.

18 Zvisinei Ishe vakasimbisa ruoko rwemaNifai, zvekuti vakauraya maAmurisai nokuuraya kukuru, zvekuti vakatanga kutiza.

19 Uye zvakaitika kuti maNifai akatandanisa maAmurisai zuva rose iroro, uye vakauraya nokuuraya kukuru, zvekuti akwakauraiwa maAmurisai ane gumi rezviuru nezviviri zvine mazana mashanu nemakumi matatu nemweya miviri; uye kwakauraiwa maNifai zviuru zvitanhatu zvine mazana mashanu ane makumi matanhatu ane mweya miviri.

20 Uye zvakaitika kuti Aruma paakaona kuti haachakwanisa kuramba achitandanisa maAmurisai akaita kuti vanhu vake vadzike tende dzavo amunhika yaGideoni, nhika ichidaidzwa zita raGideoni uya wekuuraiwa neruoko brwaNeho nemunondo; uye munhika iyi ndimo makadzika maNifai tende dzavo kweusiku ihwohwo.

21 Uye Aruma akatumira vasori vake kuti vatevere maAmurisai akanga asara, kuti azive zvavakaronga, kuti agozvidzivirira, kuti achengetedze vanhu vake kuti vasaparadzwe.

22 Zvino avo vaakatuma kunosora nzvimbo yemaAmurisai vainzi mazita avo Zeramu, Amunori, Mandi, uye Rimuheri; ava ndivo vakaenda nevanhu vavo kunosora nzvimbo yemaAmurisai.

23 Uye zvakaitika kuti mangwana acho vakadzoka kunzvimbo yemaNifai nokukurumidza kukuru, vachishamiswa zvikuru, uye vakabatwa nekutya kukuru, vachiti:

24 Tarisai, takatevera amaAmurisai kunzvimbo yavo, asi takashamiswa zvikuru, munyika yeMinoni, kumusoro kwenyika yeZarahemura, tiri mukati menyika byaNifai, takaona mhomho dzemaRamani; uye tarisai, maAmurisai abatana navo;

25 Uye vari kurwisa hama dzedu munyika umu; uye vari kuvatiza nezvipfuyo zvavo, nevakadzi vavo, nevana vavo, vachitiza vakananga kuguta redu; uye kunze kwekunge takurumidza vachatora guta redu, nemadzibaba edu, nevakadzi vedu, nevana vedu vachauraiwa.

26 Uye zvakaitika kuti vanhu vaNifai vakatora matende avo, uye vakabva munhika yaGideoni vakananga kuguta, rakange riri guta araZarahemura.

27 Uye tarisai, zvavakanga vave kuyambuka rwizi rweSidhoni, maRamani nemaAmurisai, vakange avakawanda, sekutaurwa kwazvo, sejecha regungwa, vakavarwisa kuti vavaparadze.

28 Zvisinei, maNifai avasimbiswa neruoko rwaIshe, vari vakange vanamata zvikuru kwavari kuti vavabvise mumaoko evavengi vavo, naizvozvo Ishe vakanzwa kuchema kwavo, vakavasimbisa, uye maRamani nemaAmurisai vakawa pamberi pavo.

29 Uye zvakaitika kuti Aruma akarwa naAmurisai neminondo, vakatarisana; uye vakarwisana zvikuru.

30 Uye zvakaitika kuti Aruma, semunhu waMwari, akatunhwa kwazvo anerutendo, akachema, achiti: Imi Ishe, ivai netsitsi uye muchengetedze upenyu hwangu, kuti ndive mudziyo uri muruoko rwenyu kuti ndiponise nokuchengetedza vanhu ava.

31 Zvino Aruma ataura mazwi aya akarwa zvakare naAmurisai; uye akasimbiswa, zvekuti akauraya Amurisai nemunondo.

32 Uye akarwawo namambo wemaRamani; asi mambo wemaRamani akatiza Aruma uye akatumira vachengeti vake kuti varwe naAruma.

33 Asi Aruma nevachengeti vake, vakarwisana nevachengeti vamambo wemaRamani kudakara vavauraya nokuvatandanisa.

34 Uye ndokubva achenesa pasi, kwaiva kumavirira kwerwizi Sidhoni, achikanda zvitunha zvemaRamani akanga afa mumvura dzeSidhoni, achiitira kuti vanhu vake vakwanise kuyambukira maRamani nemaAmurisai akange ari kumadokero kwerwizi rweSidhoni.

35 Uye zvakaitika kuti vose zvavakanga vayambuka Sidhoni maRamani nemaAmurisai vakatanga kutiza, kana dai vakanga vakawanda zvekuti vakanga vasingaverengeke.

36 Uye vakatiza maNifai vachitizira murenje raive kumadokero nekuchamhembe, kure kupfuura miganhu yenyika; uye maNifai akavatandanisa nesimba ravo rose, uye vakavauraya.

37 Hongu, vakatambirwa nemaoko ose, uye vakauraiwa uye vakatinhwa, kudakara vapararira kumadokero, nekuchamhembe, kudakara vasvika murenje, rainzi Herimanzi; uye rakanga ririiro divi rerenje iro rakange rizere zvikara.

38 Uye zvakaitika kuti vazhinji vakafa vave murenje umu pamusana pemaronda avo, uye vakadyiwa nezvikara zviya uye vakadyiwawo nemagora emumhepo; uye mapfupa avo akawanikwa, uye akaunganidzwa pasi.