Magwaro Matsvene
Aruma 23


Chitsauko 23

Rusununguko rwekunamata rwunodaidzirwa—MaRamani munyika nomwe nemaguta vanopindutswa—Vanozvidaidza kuti vaAndi-Nifai-Rihai uye vanosunungurwa kubva mukutukwa—MaAmarekai nemaAmuroni vanoramba chokwadi. Zvingangove makore 90 kusvika ku77 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti mambo wemaRamani akatumira achiziviso kuvanhu vake vose, kuti vasabate-bate Amoni, kana Aroni, kana Omuna, kana Himunai, kana ani zvake wehama dzavo avo vachaenda vachiparidza shoko raMwari, kwose kwavanenge vari, murutivi rwupi rwenyika yavo.

2 Hongu, akatumira shoko kwavari, kuti vasavabate kuti vavasunge, kana kuti kuvaisa mutirongo; zve havafanire kuvasvipira, kana kuvarova, kana kuvabvisa mumasinagogo avo, kana kuvarova; havafanire kuvatema nematombo, asi kuti ivo vagone kupinda mudzimba dzavo vakasununguka, nemumatemberi avowo, nemunzvimbo dzavo dzavanosangana.

3 Uye ndiko kuti vaende vachiparidza shoko maererano nechido chavo, nokuti mambo akanga apindukira kuna Ishe, nemba yake yose; saka akatumira chiziviso chake munyika yose kuvanhu vake, shoko raMwari risawane chinoridzivisa, asi kuti shoko rake riende munyika yose, kuti vanhu vake vapwiswe pamusoro pekuipa akwetsika dzamadzibaba avo, nokutiwo vapwiswe kuti vose vaive hama, nokuti vasaponde, kana kupaza, kana kuba, kana kuita upombwe, kana kuita chimwe chinhu cheuipi.

4 Uye zvino zvakaitika kuti mambo atumira shoko rake, Aroni nevamwe vake vakaenda guta neguta, uye kubva muimba yekunamatira kuenda mune imwe imba yekunamatira, vachimisa machechi, uye vachigadza vafundisi nevadzidzisi munyika yose mukati memaRamani, kuti vaparidze nokudzidzisa shoko raMwari mukati mavo; uye vakatanga kuva nekubudirira kukuru.

5 Uye zviuru zvakasvika mukuziva Ishe, hongu, zviuru zvakasvika mukutenda atsika dzemaNifai; uye vakadzidziswa bzvinyorwa nezviporofita zvakatambidzanwa kudakara kusvika nhasi.

6 Uye sezvo chiri chokwadi kuti Ishe mupenyu, nechokwadi vazhinji vakatenda, kana sezvo vazhinji vakasvitswa mukuziva chokwadi, kuburikidza nekuparidza kwaAmoni nehama dzake, maererano nemweya wekuzururirwa newechiporofita, nesimba raMwari richishanda zvishamiso mavari—hongu, ndinoti kwamuri, sezvo Ishe vari vapenyu, vazhinji vemaRamani vakatenda kuparidza kwavo, uye avakatendeukira kuna Ishe, bhavana kupunzika.

7 Nokuti vakave vanhu vakarurama; vakakanda pasi zvombo zvavo zveupanduki, zvokuti havana kuzorwisa Mwari zvakare, kana mumwe wehama dzavo.

8 Zvino, ava andivo vakapindukira kuna Ishe:

9 Vanhu vemaRamani vakanga vari munyika yaIshmaeri;

10 Uye vanhu vemaRamaniwo vakanga vari munyika yeMidhoni;

11 Uye vanhu vemaRamaniwo vaive muguta raNifai;

12 Uyewo vanhu avemaRamani vaive munyika yeShiromu, nevaive munyika yeShemuroni, nemuguta raRemueri, nemuguta raShimuniromu.

13 Uye aya ndiwo mazita emaguta emaRamani aakatendeukira kuna Ishe; uye ndiwo iwaya akakanda zvombo zvawo pasi zveupanduki, hongu, zvombo zvawo zvose zvehondo; uye vose vaive maRamani.

14 Uye maAmarekai vakanga vasina akutendeuka, kunze kwemumwechete oga; kana bmaAmuroni; asi vakaomesa mwoyo yavo, nemwoyo yemaRamani aivewo murutivi irworwo rwenyika mavaigara, hongu, uye misha yavo yose nemaguta avo ose.

15 Naizvozvo, tataura ose maguta emaRamani ane vakatendeuka nevakaziva chokwadi, uye vakapinduka.

16 Uye zvino zvakaitika kuti mambo neavo vakapindutswa vakada kuve nezita, kuti vagove vakatsaukana nehama dzavo; naizvozvo mambo akataura naAroni nevazhinji vevapirisita vavo, maererano nezita ravangatore, kuti vagozivikanwa naro.

17 Uye zvakaitika kuti vakati zita ravo rinonzi amaAndi-Nifai-Rihai; uye vakadaidzwa nezita iri uye vakasazodaidzwa kunzi maRamani.

18 Uye vakatanga kuve vanhu vanoshanda zvikuru; hongu, uye vaishamwaridzana nemaNifai; naizvozvo, vakazurura kuwirirana navo, uye akutuka kwaMwari hakuna kuzovatevera zvakare.