Magwaro Matsvene
Aruma 60


Chitsauko 60

Moronai anonyunyuta kuna Pahorani nezvekushaya hanyn’a kwehurumende mukuchengeta mauto—Ishe vanobvumira kuti vakarurama vauraiwe—MaNifai akafanira kushandisa simba ravo rose nezvose zvavanogona kuti vazviponese kuvavengi vavo—Moronai anoti acharwisa hurumende kana vakasapa mauto ake zvavanoda. Zvingangove makore 62 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti akanyorera zvakare kuna gavhuna wenyika, akanga ari Pahorani, uye aya ndiwo mazwi aakanyora, achiti: Tarisai, ndinonangisa tsamba yangu kuna Pahorani, ari muguta reZarahemura, anove ndiye mutongi amukuru uye ari gavhuna wenyika, uye nekune avo vakasarudzwa nevanhu kuti vatonge nokufambisa nyaya dzehondo ino.

2 Nokuti tarisai, ndine zvandinoda kutaura kwavari ndichivapa mhosva; nokuti tarisai, imi munoziva pachenyu kuti makanzi muunganidze vanhu, uye movapa minondo, nezvipanga, nezvombo zvehondo zvose zvakasiyana-siyana, uye movatumira kuti vanorwisa maRamani, kwose kurutivi kwavanenge vauya munyika medu.

3 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri ini pachangu, nevanhu vanguwo, naHiramaniwo nevanhu vake, takatambudzika zvikuru; hongu, kana kufa nenzara, nyota, nokuneta, nemamwe matambudziko emarudzi akasiyana-siyana.

4 Asi tarisai, dai izvi kuri iko kutambudzika kwedu kwose tingadai tisingatsutsumwe kana kunyunyuta.

5 Asi tarisai, vanhu vedu vakauraiwa zvikuru; hongu, zviuru nezviuru zvakapunzwa nemunondo, zvingadai zvisina kuitika dai makanga makapa mawuto edu simba uye neruyamuro rwakakwana. Hongu, makatiregerera zvakaipa chaizvo.

6 Uye zvino tarisai, tinoda kuziva chikonzero chekutiregerera zvakakura kudai; hongu, tinoda kuziva chikonzero chekusafunga kwenyu.

7 Mungafunge here kugara pachigaro chenyu chekutonga murere mukusafunga, ivo vavengi venyu vachikudza basa rekuuraya rakakutenderedzai? Hongu, vachiponda zviuru nezviuru zvehama dzenyu—

8 Hongu, kana ivavo vakatarisira kwamuri kuti muvadzivirire, hongu, vakakuisai munzvimbo yokuti mungadai makavayamura, hongu, mungadai makatumira mauto kwavari, kuti muvasimbise, uye makaponesa vazhinji kuti vasapunzwe nemunondo.

9 Asi tarisai, izvi hazvizizvo zvose—makavanyima zvekudya, zvekuti vazhinji vavo vakarwa vakabuda ropa kudakara kufa pamusana peshungu dzavo dzikuru dzavaive nadzo pamusoro pemagariro akanaka evanhu ava; hongu, izvi vakazviita ivo vave kuda akufa nokuziya nenzara, pamusana pekuvaregerera kwenyu kunotyisa.

10 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa—nokuti munofanira kuve munodiwa; hongu, uye mungadai makashanda nesimba kupinda iri kuitira magariro akanaka nerusununguko zvevanhu ava; asi tarisai, makavaregerera zvekuti ropa rezviuru richauya pamusoro penyu kutsividza, hongu, nokuti Mwari vaiziva kuchema kwavo kwose, nokutambudzika kwavo kwose—

11 Tarisai, munofunga here kuti munogona kugara pazvigaro zvenyu zveushe, nepamusana pekunaka kwaMwari musina chamuri kuita moponeswa zvenyu? Tarisai, kana zviri izvo zvamaifunga muri kufunga pasina.

12 aMunofunga here kuti, nenzira yekuti vazhinji vehama dzenyu vakauraiwa pamusana peuipi hwavo? Ndinoti kwamuri, kana zviri izvo zvamakafunga makafunga pasina; nokuti ndinoti kwamuri, kune vazhinji vakapunzwa nemunondo; uye tarisai zvinopisa imi mhosva;

13 Nokuti Ishe vanobvumira kuti avakarurama vauraiwe kuti kuranga nekutonga kwake kuuye pamusoro pevakaipa; naizvozvo hamufanire kufunga kuti vakanaka varasika nokuti vauraiwa; asi tarisai, vanopinda muzororo raIshe Mwari vavo.

14 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri, ndirikutya zvikuru kuti kutonga kwaMwari kuchauya pamusoro pevanhu ava, pamusana penungo dzavo dzisingaite, hongu, kana nenungo dzehurumende yedu, nokushaya hanyn’a kukuru nehama dzavo, hongu, kune avo vakauraiwa.

15 Nokuti dai hwakanga husiri ahuipi hwakatanga nevari kumusoro, tingadai takakunda vavengi vedu zvekuti vangadai vasina kuwana simba pamusoro pedu.

16 Hongu, dai pasina ahondo yakaitika pakati pedu; hongu, dai vakanga vasiri bvanhu vamambo ava, vakaita kuti kuparadzike ropa rakawanda pakati pedu; hongu, panguva iyoyo takanga tichirwisana pachedu, dai takanga tasanganisa simba redu sekuita kwataichimboita; hongu, dai pakanga pasina kuda simba nemvumo yekutonga iro raive nevanhu vamambo pamusoro pedu; dai vakanga vari pachokwadi nepfungwa dzerusununguko rwedu, vakabatana nesu, uye vakaenda kunorwisana nevavengi vedu, kunze kwekutora minondo yavo kubaya isu, zvakakonzera kudeuka kweropa kukuru pakati pedu; hongu, dai takanga tavaendera musimba raIshe, tingadai takaparadza vavengi vedu, nokuti zvingadai zvakaitwa, maererano nokuzadzikiswa kweshoko ravo.

17 Asi tarisai, zvino maRamani ave kutikurira achitora nyika yedu, uye vari kuponda vanhu vedu nemunondo, hongu, vakadzi vedu nevana vedu, nekuvatora kunovaita nhapwa, vachiita kuti vatambudzike zvakasiyana-siyana, uye zvose izvi zvichikonzerwa neuipi hukuru hunoitwa neavo vanoda simba nemvumo, hongu, kana ivo vanhu vamambo.

18 Ko ndinotaurirei zvakanyanya nezvenyaya iyi? Nokuti hatina chatinoziva kunze kwekuti imi pachenyu muri kutsvaka simba. Hatizive asi tinoona kuti imi muri vatengesi venyika yenyu.

19 Kana kuti makashaya hanyn’a nesu pamusana pekuti imi mugere pakati penyika yedu uye makakomberedzwa naizvozvo makadzivirirwa, kuti hamuite kuti zvekudya zvitumirwe kwatiri, nevarume vekuzosimbisa mauto edu?

20 Makanganwa here mirairo yaIshe Mwari venyu? Hongu, makanganwa utapwa hwamadzibaba edu? Makanganwa here nguva dzakawanda dzatakabviswa mumaoko evavengi vedu?

21 Kana kuti munofunga here kuti Ishe vachangotiponesa, tigere zvedu pazvigaro zvedu zvekutonga uye tisingashandise zvaakatipa kuti tishandise?

22 Hongu, munogara musina chamuri kuita imi makakombwa nezviuru zveavo, hongu, uye makumi ezviuru, zvevagerewo chete vasina chavari kuita, kuine zviuru zvevari mukati memiganhu yenyika vari kurigwa nemunondo, hongu, vakakuvara uye vari kubuda ropa?

23 Munofunga kuti Mwari vanokutarisai vachiti hamuna mhosva imi mugere uye makatarisa zvinhu izvi? Tarisai ndinoti kwamuri, Kwete. Zvino ndinoti dai marangarira kuti Mwari vakati mudziyo awemukati ndiwo unotanga kusukwa, uye ndipo pozosukwawo mudziyo wekunze.

24 Uye zvino, kunze kwekunge mapinduka pane zvamakaita, uye motanga kusimuka muchishanda, uye motumira zvekudya nevanhu kwatiri, nekuna Hiramaniwo, kuti atsigire ayo matunhu enyika aakatora zvakare, nekutiwo titore zvinhu zvakare zviri mumatunhu iwaya, tarisai zvichave zvakafanira kuti timbomira kurwisana nemaRamani kudakara tatanga kusuka mudziyo wedu wemukati, hongu, kana musoro mukuru wehurumende yedu.

25 Uye kunze kwekunge mandipa zvandataura mutsamba yangu, uye mukauya kwandiri nokundiratidza pachena amweya wechokwadi werusununguko, nokuedza kusimbisa nekudzivirira mauto edu, nokuvapa zvekudya zvekuvariritira, tarisai tichasiya chikamu chevanhu vangu vakasununguka kuti vachengete divi rino renyika, uye ndovasiira simba nemaropafadzo aMwari pavari, kuti pashaye rimwe simba ringavarwise—

26 Uye izvi zvinoitika pamusana perutendo rwavo rwukuru, nokushivirira kwavo mukutambudzika kwavo—

27 Uye ndichauya kwamuri, uye kana paine mumwe pakati penyu anoda rusununguko, hongu, kana paine unyiri-nyiri hwerusununguko rwasara, tarisai tichamutsa kumukirana pakati penyu, kudakara avo vanoda kutora masimba nemvumo vachapera.

28 Hongu, tarisai handitye simba renyu kana mvumo yenyu, asi aMwari vangu ndivo vandinotya; uye zviri maererano nemirairo yavo zvinoita kuti nditore munondo wangu kuti ndirwire nyika yangu, uye kuda kwekuipa kwenyu kwakaita kuti tirasikirwe zvakadai.

29 Tarisai yave nguva, hongu, nguva yasvika zvino, kuti mukasamuka mukurwira nyika yenyu nevadiki venyu, amunondo wekuranga wuri kurembera wuri pamusoro penyu; hongu, uye wuchawira pamuri uye wugokushanyirai kudakara kuparara kwenyu zvachose.

30 Tarisai, ndakamirira ruyamuro kubva kwamuri; uye, kunze kwekunge matiyamura, tarisai, ndinouya kwamuri, kana munyika yaZarahemura, uye ndokubayai nemunondo, zvekuti hamuzowana simba rekukanganisa kufambira mberi kwevanhu ava mukuda rusununguko.

31 Nokuti tarisai, Ishe havabvumire kuti mugare uye mugosimba mukuipa kwenyu kuti muparadze vanhu vake vakarurama.

32 Tarisai, munofunga here kuti Ishe vangaponese imi uye vagotonga maRamani, iko kuri kuita kwemadzibaba avo kwakakonzera ruvengo rwavo, hongu, uye rwakawanzwa neavo vakapanduka kubva kwatiri, iko kuipa kwenyu kuri kwekuda kwenyu kuita mbiri nezvinhu zvisina maturo zvenyika?

33 Munoziva kuti munotyora mitemo yaMwari, uye munoziva kuti munoitsikirira pasi petsoka dzenyu. Kana avo vamakaita magavhuna enyu vakasatendeuka muzvitema zvavo nezvitadzo zvavo, muchaenda kunorwisana navo.

34 Uye zvino tarisai, ini, Moronai, ndakatunhwa, maererano nechibvumirano chandakaita kuti ndichachengeta mirairo yaMwari vangu, naizvozvo ndinoti dai mabatirira kushoko raMwari, uye munditumire nekukurumidza zvekudya zvenyu nevanhu venyu, nekuna Hiramaniwo.

35 Uye tarisai, kana mukasaita izvi ndiri kuuya kwamuri nokukurumidza; nokuti tarisai, Mwari havabvumire kuti tife nenzara; naizvozvo achatipa isu kudya kwenyu, kana dai zvichireva kushandisa munondo. Zvino onai kuti mazadzikisa shoko raMwari.

36 Tarisai, ndini Moronai, mutungamiri mukuru wemauto enyu. aHanditsvake simba, asi kurikoromora. Handitsvake kukudzwa nenyika, asi mbiri yaMwari vangu, nerusununguko nemagariro akanaka enyika yangu. Uye ndiko kupedza kwandinoita tsamba yangu.