Magwaro Matsvene
Aruma 12


Chitsauko 12

Aruma anoitirana nharo naZiziromu—Zvakavanzika zvaMwari zvinopiwa kune vakatendeseka chete—Vanhu vanotongwa nezvavanofunga, zvavanotenda, mazwi avo, namabasa—Vakaipa vachafa rufu rwomweya—Upenyu huno ndohwekuyedzwa—Zano rerununuro rinounza Kumutswa kuvakafa, nokutenda, kukanganwirwa pazvivi—Vanotendeuka vanopihwa tsitsi kuburikidza noMwanakomana Mumwechete Akaberekwa. Zvingangove makore 82 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino Aruma, achiona kuti mazwi aAmureki akanga anyaradza Ziziromu, nokuti akanga aona kuti Amureki akanga abata akunyepa kwake nokunyengedza kuti amuparadze, nokuona kuti akanga ava kubvunda bnokuziva kuti ane mhosva, akazarura muromo wake akatangisa kutaura kwaari, achitsinhira mazwi aAmureki, nokutsanangura zvinhu zviri mberi, nokuzarura magwaro nezvose kupfuura zvakanga zvaitwa naAmureki.

2 Zvino mazwi ayo akataurwa naAruma kuna Ziziromu akanzwikwa navanhu vose vakanga vakakomberedza; nokuti gungano rakanga rakakura, akataura saizvozvo:

3 Zvino Ziziromu, sezvo waonekwa nhema dzako nokunyengedza kwako, nokuti hauna kureva nhema kuna vanhu chete asi wareva nhema kuna Mwari; nokuti tarisai, anoziva apfungwa dzako dzose, uye uchionawo kuti pfungwa dzako dzakaziviswa kwatiri noMweya wake;

4 Uye unoona kuti taziva kuti zano rako ranga rakaipa, kufanana nokuipa kweradhiabhorosi, nokuti kureva nhema kwako nokunyengedza vanhu ava, kuti vatipandukire nokutishoropodza nokutirasira kunze—

5 Zvino iri ranga riri zano aromuvengi wako, akava anoratidza masimba ake mauri. Zvino ndinoti urangarire kuti zvandinoreva kwauri ndinoreva kune vamwe vose.

6 Uye tarisai ndinoti kwamuri mose uku kwange kuri kuteya kwemuvengi, uko akaita kuti abate vanhu ava, kuti agokuisai pasi pake, kuti agokutenderedzai anengetani dzake, kuti, agokumoneredzai nengetani dzake kuti akusungirirei mukuparadzwa kusingaperi, maererano nesimba rousungwa hwake.

7 Zvino apo Aruma akanga ataura mazwi aya, Ziziromu akatanga kubvunda zvikuru, nokuti akava anoramba achipwiswa nezvesimba raMwari; uye akapwiswawo kuti Aruma naAmureki vakanga vane ruzivo naye, nokuti akave anopwiswa kuti vaiziva pfungwa nezvinangwa zvemwoyo wake; nokuti simba rakapihwa kwavari kuti vazive zvinhu izvi maererano nomweya wechiporofita.

8 Uye Ziziromu akatangisa kuvabvunza nesimba, kuti azive zvakawanda maererano noumambo hwaMwari. Uye akati kuna Aruma: Ko izvi zvinorevei zvataurwa naAmureki maererano nokumutswa kwovakafa, kuti vose vachamutswa muvakafa, vose vakarurama navasakarurama, vagounzwa pamberi paMwari kuti vagotongwa maererano namabasa avo?

9 Uye zvino Aruma akatangisa kutsanangura zvinhu izvi kwaari, achiti: Zvakapihwa kune vakawanda kuti vazive azvakavanzika zvaMwari; zvisinei hazvo zvakaiswa pasi pomurairo wakaoma zvikuru kuti zvisazopiwa bchete maererano nemazwi ake aakapa kuvana vavanhu, asi kuti zvive maererano nokuteerera nokusimba kwavanopa kwaari.

10 Uye naizvozvo, uyo aanoomesa mwoyo wake, iyeye anogamuchira bzvishoma zveshoko rake; uyo casingaomese mwoyo wake, kwaari dkuchapiwa zvizhinji zveshoko rake, kusvikira azopiwa kuti azive zvakavanzika zvaMwari kusvikira azviziva zvose zvizere.

11 Uye avo vachaomesa mwoyo yavo, vanopiwa achidimbu chishoma cheshoko kudakara vashaya bchavanoziva pamusoro pezvishamiso zvake; zvino vobva vasungwa nadhiabhorosi, nokutungamirirwa nokuda kwake kunoparadzwa. Zvino izvi ndizvo zvinorehwa cnengetani ddzegehena.

12 Uye Amureki akanga ataura zviri pachena maererano anorufu, nokubviswa mukufa uku tichienda mukusafa, nokumiswa pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, kuti btitongwe maererano namabasa edu.

13 Zvino kana mwoyo yedu yakaomeswa, hongu, kana takaomesa mwoyo yedu kushoko, zvekuti harisakawanikwa matiri, upenyu hwedu huchave mudambudziko guru, zvokuti ipapo tinozorangwa.

14 Nokuti amazwi edu achatirasa, hongu, mabasa edu ose achatiramba; hatizoonekwa tisina mavara; uyewo pfungwa dzedu dzichatiramba; uye takadaro hatizodi kutarisa kuna Mwari vedu; uye tingatoda nokufara kukwanisa kuraira matombo bnemakomo kuti awire pamusoro pedu kuti cativige tisamuone.

15 Asi izvi hazvingadaro; tinofanira kuuya kuti timire pamberi pavo mukubwinya kwavo, nomusimba ravo, nomukururama kwavo, nomuumambo hwavo, uye tigobvuma amukunyara kwedu kusingaperi kuti bkutonga kwavo kwakanaka; kuti wakarurama mumabasa avo ose, uye kuti vane tsitsi kuvana vavanhu, uye kuti vane simba rose rokuponesa munhu wose uyo anotenda muzita ravo nokuunza michero inobvuma kutendeuka.

16 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri kwozouya rufu, kana arufu rwechipiri, rwuri rufu rwomweya, inguva yokuti uyo anofira muzvivi zvake, bsorufu rwenyama cachazofawo rufu rwemweya; hongu, achafa kuzvinhu zviri maererano nokururama.

17 Zvino ndiyo nguva inenge kurwadziwa kwavo kwave asedziva romoto nesuriferi, rimi racho rinoramba richikwira nariini; uye ndiyo nguva iyo vachazosungwa mukuparadzwa kusingaperi, maererano nesimba nokubatwa naSatani, iye avaita kuti vaite kuda kwake.

18 Zvino, ndinoti kwamuri, kuchazova sokwakanga akusina rununuro rwakaitwa; nokuti havangaponeswe nekutonga kwaMwari; uye bhavangafi, nokuti panenge pasisina kuora.

19 Zvino zvakaitika kuti apo Aruma akanga apedza kutaura mazwi aya, vanhu vakatanga kushamiswazve.

20 Asi pakanga pane mumwe Andiona, uyo akanga ari mutongi mukuru pakati pavo, akauya akati kwaari: Izvi zviiko zvawataura, kuti munhu achamutswa muvakafa achigoshandurwa kubva pamuviri uno unofa kuenda pamuviri ausingafe, kuti mweya hauzofi?

21 Magwaro anorevei, kana achiti Mwari vakaisa amakerubi nomunondo unobvira kumabvazuva kwebindu breEdeni, kuti vabereki vedu vokutanga vasapinde nokunotora muchero womuti weupenyu, kuti vagogara nokusingaperi? Uye naizvozvo tinoona kuti vakanga vasingazogara nokusingaperi.

22 Zvino Aruma akati kwaari: Ichi ndichochinhu chandanga ndava kuda kutsanangura. Zvino tinoona kuti Adama aakaputsika nenzira yokudya bmuchero wakarambidzwa, maererano neshoko raMwari; saka tinoona, kuti nokuputsika kwake, vanhu vose cvakarasika vakaputsika.

23 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri dai zvakanga zviri nyore kuti Adama aadye muchero womuti woupenyu panguva iyoyo, kungadai kusina rufu; shoko ringadai risipo, zvichiita Mwari murevi wenhema, nokuti vakati: bKana uchinge wangoudya chete zvechokwadi uchafa.

24 Uye tinoona kuti arufu rwunouya kumarudzi ose, hongu, rufu urwo rwataurwa naAmureki, rwunova rufu rwenyama; zvisinei kune nguva yakapiwa bmunhu kuti atendeuke; naizvozvo upenyu huno hwakava hwokuedzwa; nguva cyokugadzirira kusangana naMwari; nguva yokugadzirira izvo zvisingaperi yatakutaurirai, iyo iri shure kwekumutswa kuvakafa.

25 Zvino, dai pakanga pasina azano rorununuro, urwo rwakavapo kubva pakuvambwa kwenyika, kungadai kusina bkumutswa kuvakafa; asi pakanga paine zano rorununuro, richaunza kumutswa kuvakafa, zvinova izvo zvataurwa.

26 Uye zvino tarisai, dai vabereki vedu vokutanga vakange vaenda vakanodya amuti weupenyu vangadai vakasuwa nokusingaperi, vasina nguva yokugadzirira; uye bzano rorununuro ringadai rakakanganiswa, uye shoko raMwari ringadai risipo, risingataure chinhu.

27 Asi tarisai, zvakanga zvisina kudaro; asi zvakanga azvakasarudzirwa kuvanhu vose kuti vachafa; uye shure kworufu, vanofanira kuuya bkuzotongwa, kutongwa ikwo kuya kwatataura, kuri ikwo kwekupedzisira.

28 Uye shure kwokunge Mwari vataura kuti zvinhu izvi zviuye kuvanhu, tarisai, vakaona kuti zvakafanira kuti vanhu vazive nezvezvinhu zvavakanga vavasarudzira.

29 Naizvozvo akatumira angirozi kuti dzikurukure navo, dzikaita kuti vanhu vaone kubwinya kwake.

30 Uye vakatangisa kubvira panguva iyoyo kudaidza zita rake; naizvozvo Mwari aakakurukura navanhu, akavazivisa bzano rorununuro, urwo rwakanga rwakagadzirwa kubva ckutonga kwenyika; izvi akavazivisa maererano nokutenda kwavo nokutendeuka kwavo namabasa avo matsvene.

31 Naizvozvo, vakapa amirairo kuvanhu, sezvo vakanga vatanga kusateerera mirairo byokutanga pamusana pezvinhu zvenyama; uye vachiva savamwari, cvachiziva zvakanaka kubva kune zvakaipa, vachizviisa pachinzvimbo dchokuita kana kuiswa pachinzvimbo chokuita kuda kwavo, kuti voita zvakaipa kana kuti zvakanaka—

32 Naizvozvo Mwari vakavapa mirairo, shure kwokunge avavazivisa zano rorununuro, kuti vasaite zvakaipa, kurangwa kwacho pamusana pekuita zvakaipa kuri bkufa kwechipiri, kwaizova rufu rwusingaperi maererano nezvinhu zvitsvene; nokuti pavanhu ivavo nzira yorununuro hayaizowana simba, nokuti mabasa cokuenzanisa haaizoparadzwa, maererano nokunaka kukuru kwaMwari.

33 Asi Mwari vakadana vanhu, muzita roMwanakomana wavo, (iyi yaiva nzira yorununuro yakamiswa) vachiti: Kana muchinge matendeuka, musingaomese mwoyo yenyu, ndichazova netsitsi pamusoro penyu, kuburikidza noMwanakomana Mumwechete Akaberekwa;

34 Naizvozvo, uyo wose anotendeuka asingaomese mwoyo wake, anekodzero yekuwana atsitsi nenzira yeMwanakomana Mumwechete Akaberekwa, bachiregererwa zvitema zvake, uye vose ivava vachava cnezororo kwandiri.

35 Uye uyo wose anoomesa mwoyo wake, achiita zvakaipa, tarisai, ndinopika nokutsamwa kwangu kuti haapinde muzororo rangu.

36 Uye zvino hama dzangu, tarisai ndinoti kwamuri, kana muchinge maomesa mwoyo yenyu hamuzopinda muzororo raIshe; naizvozvo kuipa kwenyu kunomutsa ivo kuti vatumire kutsamwa kwavo pamusoro penyu sapakutsamwiswa akwokutanga, hongu, maererano nezwi ravo, pakushatiriswa kwavo kwokupedzisira zvimwechetezvo sokwokutanga, kusvika bpakuparadzwa kwemweya yenyu kusingaperi; naizvozvo maererano nezwi ravo kusvikira rufu rwokupedzisira, kunyange norufu rwokutanga.

37 Uye zvino, hama dzangu, tichiona kuti tinoziva zvinhu izvi, uye ndezvechokwadi, ngatitendeukei, tisingaomese mwoyo yedu, kuti atisatsamwise Ishe Mwari vedu kuti varegedze kutumira kutsamwa kwavo kwatiri mumirairo yavo yechipiri yaakatipa; asi ngatipindei bmukuzorora kwaMwari, uko kwakagadzirwa maererano neshoko ravo.