Magwaro Matsvene
Mosaya 25


Chitsauko 25

Zvizvarwa zvaMureki kuZarahemura vanove maNifai—Vanonzwa nezvevanhu vekwaAruma neveZenifi—Aruma anobhabhatidza Rimuhai nevanhu vake vose—Mosaya anopa simba Aruma kuti aronge Chechi yaMwari. Zvingangove makore 120 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino mambo Mosaya akaita kuti vanhu vose vaungane pamwechete.

2 Zvino vana vaNifai vakange vasiri vazhinji, kana avo vakange vari zvizukuru zvaNifai, vakanga vasina kuwanda zvakaita avanhu vaZarahemura, akange ari wechizukuru bchaMureki, neavo vakange vaenda naye murenje.

3 Uye vanhu vaNifai vakasangana nevanhu vaZarahemura vakanga vasina kuwanda zvakanga zvakaita maRamani; hongu, havaisvika kana chikamu chepakati chavo mukuwanda.

4 Uye zvino vose vanhu vaNifai vakaungana pamwechete, nevosewo vanhu vaZarahemura, uye vakange vakaungana vari muzvikwata zviviri.

5 Uye zvakaitika kuti Mosaya akaverenga, uye akaita kuti kuverengwe, zvinyorwa zvaZenifi kuvanhu vake; hongu, akaverenga zvinyorwa zvevanhu vaZenifi, kubvira panguva yavakabva munyika yeZarahemura kusvika panguva yavakadzoka zvakare.

6 Uye akaverengawo rungano rwaAruma nehama dzake, nematambudziko avo ose, kubvira panguva yavakabva munyika yeZarahemura kusvika panguva yavakadzoka zvakare.

7 Uye zvino, apo Mosaya akapedza kuverenga zvinyorwa, vanhu vake vaigara munyika iyi vakashamiswa zvikuru nokukatyamara.

8 Nokuti havana kuziva kuti vofungei; nokuti pavakaona avo vakange avabviswa muusungwa vakazadzwa nomufaro mukuru.

9 Uye zvakare, pavakafunga nezvehama dzavo dzakauraiwa nemaRamani vakazadzwa nokusuwa, uye vakachema misodzi yekusuwa.

10 Uye zvakare, pavakafunga nekunaka kwaMwari kwavakanga vachiona, nesimba ravo mukubvisa Aruma nehama dzake mumaoko emaRamani nemuusungwa, vakasimudza mazwi avo vakatenda kuna Mwari.

11 Uye zvakare, pavakafunga nezvemaRamani, vakange vari hama dzavo, kuipa kwavo neupenyu hwakasviba, vakazadzwa anekurwadzwa uye nekushushikana pamusoro pezvemagariro akanaka bemweya yavo.

12 Uye zvakaitika kuti avo vakange vari vana vaAmuroni nehama dzake, vakange varoora vanasikana vemaRamani, havana kufadzwa nekuita kwemadzibaba avo, uye vakati havachadaidzwa nemazita emadzibaba avo, naizvozvo vakatora zita raNifai, kuti vagodaidzwa kuti vana vaNifai uye vagoverengerwa kune avo vanonzi maNifai.

13 Uye zvino vanhu vose veZarahemura avakaverengerwa kumaNifai, uye izvi zvakonzerwa nokuti umambo hwakange hwakapiwa kune avo chete vaive zvizukuru zvaNifai.

14 Uye zvino zvakaitika kuti Mosaya apedza kutaura nekuverengera vanhu, akada kuti Aruma ataurewo kuvanhu.

15 Uye Aruma akataura kwavari, vakaungana pamwechete mumapoka makuru, uye akaenda paboka neboka, achiparidzira vanhu kutendeuka norutendo munaIshe.

16 Uye akakuridzira vanhu vaRimuhai nehama dzake, vose avo vakanga vabviswa muusungwa, kuti vakafanira kuyeuka kuti ndiIshe akavanunura.

17 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge Aruma adzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda, uye apedza kutaura kwavari, mambo Rimuhai akada kuti abhabhatidzwe; uye vose vanhu vake vakadawo kuti vabhabhatidzwewo.

18 Naizvozvo, Aruma akaenda akapinda mumvura aakavabhabhatidza; hongu, akavabhabhatidza netsika yaakabhabhatidza nayo hama dzake bmumvura dzaMormoni; hongu, uye vose vaakabhabhatidza vakave nhengo dzechechi yaMwari; uye zvose vachizviita pamusana pekutenda kwavo kumazwi aAruma.

19 Uye zvakaitika kuti mambo Mosaya akabvumira Aruma kuti aite chechi munyika yose yeZarahemura; uye akamupa asimba rekugadza vapirisita nevadzidzisi muchechi yega-yega.

20 Izvi zvakakonzerwa nokuti vanhu vakange vakawanda zvekuti hazvaiita kuti vadzidziswe nemudzidzisi mumwechete; uye havaikwanisa kunzwa shoko raMwari mugungano rimwechete.

21 Naizvozvo vakaunganidzana pamwechete munzvimbo nemapoka akasiyana-siyana, aidaidzwa kunzi machechi; chechi yega-yega iine vapirisita vayo nevadzidzisi vayo, uye wose mupirisita achiparidza shoko maererano nokuripiwa kwaakange aitwa naAruma.

22 Uye zvisinei kana dai chechi dzakange dzakawanda dzaive achechi imwechete, hongu, chechi yaMwari; nokuti hapana chimwe chaiparidzwa muchechi umu kunze kwekutendeuka nerutendo munaMwari.

23 Uye zvino makanga muine chechi nomwe munyika yeZarahemura. Uye zvikaitika kuti ani nani zvake aida kutora azita raKristu, kana raMwari, akapinda chechi dzaMwari.

24 Uye vaidaidzwa kunzi avanhu vaMwari. Uye Mwari vakadira Mweya wavo mavari, uye vakaropafadzwa, uye vakave nokubudirira munyika.