Magwaro Matsvene
Mosaya 8


Chitsauko 8

Amoni anodzidzisa vanhu vaRimuhai—Anonzwa nezvemahwendefa makumi maviri ane mahwendefa mana emaJaredhi—Zvinyorwa zvakare zvinogona kududzirwa nevaoni—Hakuna chipo chinokunda cheuoni. Zvingangove makore 121 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge mambo Rimuhai vapedza kutaura kuvanhu vavo, nokuti vakataura zvinhu zvizhinji kwavari, uye zvishoma ndizvo zvandanyora mubhuku rino, vakataurira vanhu vavo zvinhu zvose maererano nehama dzavo dzakange dziri munyika yeZarahemura.

2 Uye vakaita kuti Amoni asimuke pamberi pemhomho yevanhu, uye agotaura zvose zvakange zvaitika kuhama dzavo kubvira panguva yekubuda kwaZenifi munyika kusvika panguva yaakabvawo iye munyika.

3 Uye vakavataurirawo mazwi ekupedzisira akataurwa namambo Benjamini vachivadzidzisa, akaatsanangurira vanhu vamambo Rimuhai, kuti vakwanise kunzwisisa ose mazwi aaitaura.

4 Uye zvakaitika kuti apedza kuita zvose izvi, mambo Rimuhai vakaparadza mhomho yevanhu, uye vakati wose munhu adzokere kumba kwake.

5 Uye zvakaitika kuti vakaita kuti mahwendefa aive anezvinyorwa zvevanhu vavo kubvira panguva yavakabva muZarahemura, aunzwe kuna Amoni, kuti aaverenge.

6 Zvino, Amoni achangopedza kuverenga zvinyorwa, mambo vakamubvunza kuti vanzwe kuti anogona kududzira ndimi here, uye Amoni akamutaurira kuti haakwanise.

7 Uye mambo vakati kwaari: Ndasuwiswa pamusana pedambudziko revanhu vangu, ndakaita kuti makumi mana ane vanhu vatatu vevanhu vangu vaende parwendo murenje, kuti vangawane nyika yeZarahemura, kuti tigokumbira kuhama dzedu kuti dzitibvise muusungwa.

8 Uye vakarasika murenje kwemazuva mazhinji, asi vakasimba, uye vakaishaya nyika yeZarahemura asi vakadzoka kuno, mushure mekusvika kune imwe nyika yaive nehova dzemvura dzakawanda, vawana nyika yakange izere mapfupa evanhu, neemhuka, uye yakange izerewo matongo edzimba dzemarudzi ose, vawana nyika yairatidza kuti yakambogarwa nevanhu vakange vakawanda sevanhu veIsraeri.

9 Uye seuchapupu hwekuti zvinhu zvavakataura ndezvechokwadi vakauya nemahwendefa amakumi maviri nemana azere nekunyorwa, uye ari egoridhe chairo.

10 Uye tarisai, zvakare, vauya anezvidzitiro, zvikuru zvepazvipfuva uye zviri bzvendarira nezvemhangura, uye zvakasimba chaizvo.

11 Uye zvakare, vauya neminondo, nhava dzacho dzaora, uye mipeni yacho yakadyiwa nengura; uye hamuna ari munyika muno anogona kududzira mutauro kana zvakanyorwa pamahwendefa. Naizvozvo ndakati kwauri: Unogona kududzira here?

12 Uye ndinoti kwauri zvakare: Pane aunoziva here angadudzire? Nokuti ndinoda kuti zvinyorwa izvi zvidudzirwe muchirudzi chedu; nokuti, zvimwe, zvingatipe ruzivo rwevanhu vakasara pavanhu vakaparadzwa, kuti zvinyorwa izvi zvakabva kupi; kana, zvimwe, zvingatipe ruzivo rwevanhu ivava vakaparadzwa; uye ndinoda kuziva chikonzero chekuparadzwa kwavo.

13 Zvino Amoni akati kwaari: Ndinogona kukutaurirai nechokwadi, imi mambo, nezvemurume anokwanisa akududzira zvinyorwa; nokuti ane pamwe paanotarisa, odudzira zvose zvinyorwa zvemazuva akare; uye chipo chinobva kuna Mwari. Uye zvinhu zvacho zvinonzi bzvidudziriso, uye hakuna munhu angazvitarise kunze kwekunge atumwa kuzvitarisa, nokuti angangotarisa zvaasina kufanira kutarisa akafa. Uye anenge anzi atarise mazviri kana ndiani zvake, iyeyo anonzi cmuoni.

14 Uye tarisai, mambo wevanhu vari munyika yaZarahemura ndiye munhu akatumwa kuita zvinhu izvi, uye ndiye ane chipo chikuru ichi kubva kuna Mwari.

15 Uye mambo vakati muoni mukuru kupfuura muporofita.

16 Uye Amoni akati muoni mududziri uye muporofita zvakare; hakuna chipo chingapfuura ichi chingapiwe munhu, kunze kwekunge aine simba raMwari, zvisingagonekwe nemunhu; asi munhu angagona kuwana simba guru raanopiwa kubva kuna Mwari.

17 Asi muoni anogona kuziva zvinhu zvakaitika kare, uye kana zvinhu zvichauya, uye naizvozvo zvinhu zvose zvichaiswa pachena, kana, kuti, zvinhu zveruvande zvichaiswa pachena, uye zvakavanda zvichabuda pachena, uye zvinhu zvisingazivikanwe zvichaitwa kuti zvizivikanwe navo, uyezve zvinhu zvichaitwa kuti zvizivikanwe nenzira yazvo zvinhu zvange zvisingazombozivikanwa.

18 Saizvozvo Mwari vakaisa nzira dzekuti munhu, pamusana perutendo, angakwanise kushanda zvishamiso zvikuru; naizvozvo anobva ave ane ruyamuro rwukuru kuvanhu vamwe vake.

19 Uye zvino, mushure mekunge Amoni apedza kutaura mazwi aya mambo akafara zvikuru, akatenda kuna Mwari, achiti: Hapana kukahadzika kuti mumahwendefa aya mune zvakavandika azvikuru, uye zvidudziriso izvi zvakagadzirwa pasina kukahadzika kuti zvigoburitsa zvakavandika zvose kuvana vevanhu.

20 Iwo mabasa aIshe anoshamisa, uye zvichatora nguva yakadii achitambudzika nevanhu vake; hongu, uye hwakadii upofu nokusapindika kwokunzwisisa kwevana vevanhu; nokuti havatsvake ungwaru, naivowo havadi kuti vatongwe neungwaru!

21 Hongu, vakafanana nedanga rakapanduka rinotiza mufudzi, ropararira, rotinhwa, uye rodyiwa nezvikara zvemusango.