Magwaro Matsvene
Mosaya 1


Bhuku raMosaya

Chitsauko 1

Mambo Benjamini vanodzidzisa vanakomana vavo mutauro nezviporofita zvemadzibaba avo—Kunamata nemagariro avo zvakachengetedzwa pamusana pezvinyorwa zvakachengetwa pamahwendefa akasiyana-siyana—Mosaya anosarudzwa kuti ave mambo uye obva apiwa kuti achengete zvinyorwa nezvimwe zvinhuwo. Zvingangove makore 130 kusvika ku124 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino kwakange kusisina kunetsana amunyika yose yeZarahemura, mukati mevanhu vose vamambo Benjamini, zvekuti mambo Benjamini vakange vave nerunyararo mazuva avo ose anga asara.

2 Uye zvakaitika kuti vakave nevanakomana vatatu; vakavadaidza mazita avo kuti Mosaya, Hirorumu, naHiramani. Uye vakaita kuti avadzidziswe bnerurimi rwose rwemadzibaba avo, kuti pamberi apo vagove varume vanonzwisisa; nokuti vazive nezvezviporofita zvakataurwa nemiromo yemadzibaba avo, izvo zvavakapiwa neruoko rwaIshe.

3 Uye akavadzidzisawo maererano nezvinyorwa zvakanyorwa pamahwendefa endarira, achiti: Vanakomana vangu, ndinoda kuti murangarire kuti dai pasina amahwendefa aya, ane zvinyorwa izvi nemirairo iyi, tingadai tichitambudzika bmukusaziva, kana panguva ino, tisingazive zvakavanzika zvaMwari.

4 Nokuti hazvaiita kuti baba vedu, Rihai, vangadai vakarangarira zvinhu zvose izvi, kuti vagozvidzidzisa kuvana vavo, asi kutoti vakayamurwa nemahwendefa aya; nokuti ivo vakange vakadzidziswa anerurimi rwemaEgipita saka vaikwanisa kuverenga mavara aya, nokudzidzisa vana vavo, kuti ivo vagozvidzidzisa kuvana vavo, uye nokudaro vachizadzikisa mirairo yaMwari, kana kusvika panguva ino.

5 Ndinoti kwamuri, vana vangu, dai pasina zvinhu izvi, zvakachengetwa uye azvikachengetedzwa neruoko rwaMwari, kuti btigoverenga uye tigonzwisisa cnezvakavandika zvavo, nokuti tiwane mirairo yavo pamberi pemaziso edu nguva dzose, kana madzibaba edu vangadai vakaderera mukusatenda, uye tingadai takafanana nehama dzedu, maRamani, avo vasina chavanoziva pamusoro pezvinhu izvi, kana kuzvitenda havazvitende kana vakazvidzidziswa, nenzira dyetsika dzemadzibaba avo, dzisiridzo.

6 Imi vanakomana vangu, ndinoda kuti murangarire kuti mashoko aya ndeechokwadi, nokutiwo zvinyorwa izvi andezvechokwadi. Uye tarisai, nemahwendefa aNifaiwo, ane zvinyorwa nemashoko emadzibaba edu kubvira panguva yavakabva kuJerusarema kusvika zvino, uye zviri zvechokwadi; uye tinogona kuziva chokwadi chazvo nokuti tinazvo pamberi pemaziso edu.

7 Uye zvino, vanakomana vangu, ndinoda kuti murangarire akuzvitsvaga nesimba, kuti zvigokuyamurai; uye ndinodawo kuti bmuchengete mirairo yaMwari, kuti cmugobudirira munyika maererano dnezvivimbiso zvakaitwa naIshe kumadzibaba edu.

8 Uye zvinhu zvizhinji zvakadzidzisa mambo Benjamini vanakomana vavo, zvisina kunyorwa mubhuku rino.

9 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge mambo Benjamini vapedza kudzidzisa vanakomana vavo, vakanzwa kukwegura, vakaona kuti vave pedyo pekuenda kwakaenda vamwe vose munyika; nokudaro, vakafunga kuti zvakafanira kuti vape umambo mumwe wevanakomana vavo.

10 Naizvozvo, vakaita kuti Mosaya aunzwe kwavari; uye aya ndiwo mazwi avakataura kwaari, vachiti: Mwanakomana wangu, ndinoda kuti udaidzire kunyika yose kuvanhu vose ava, kana avanhu veZarahemura nekuvanhu vaMosaya vanogara munyika umu, kuti vaungane pamwechete; nokuti mangwana ndichadaidzira kuvanhu ava nemuromo wangu kuti iwe wave bmambo nemutongi wevanhu ava, avo vatakapihwa naIshe Mwari vedu.

11 Uye zvakare, ndichapa vanhu ava azita, kuti vagosiyana pane avo vose vanhu vakabviswa naIshe Mwari munyika yeJerusarema; uye izvi ndinozviita nokuti vanga vakasimba mukuchengetedza mirairo yaIshe.

12 Uye ndinovapa zita risingazombodzimwa, rinotodzimwa anekutadza.

13 Hongu, uye zvakare ndinoti kwamuri, kana vanhu ava vanodiwa kwazvo naIshe vakawira amukutadza, uye vakave vanhu vakaipa uye mhombwe dzevanhu, zvekuti Ishe vachavaramwa, zvekuti bvachashaya simba sehama dzavo; uye chavazovachengetedza nesimba ravo risina anaro rinoshamisa, sekuchengetedza kwavakaita madzibaba edu kusvika zvino.

14 Nokuti ndinoti kwamuri, dai vakanga vasina kutambanudza ruoko rwavo mukuchengetedza madzibaba edu vangadai vakawira mumaoko emaRamani, uye vakanetswa neruvengo rwavo.

15 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge mambo Benjamini vapedza kutaura uku kumwanakomana wavo, vakamupa simba pamusoro pezvinhu zvose zvenyaya dzeumambo.

16 Uye zvakare, vakamupawo simba pamusoro pezvinyorwa zvakanga zvakanyorwa apamahwendefa endarira; neayowo mahwendefa aNifai; uye zvakare, bmunondo waRabhani, cnebhora kana kuti chinongedzo, chakatungamira madzibaba edu vachipinda nemurenje, chakagadzirwa neruoko rwaIshe kuti vagotungamirwa, wose munhu maererano nokuteerera nokusimba kwavainge vamupa.

17 Naizvozvo, zvavakange vasingatendeseke havana kubudirira munyika zve havana kufambira mberi murwendo rwavo, asi avakatinhirwa shure, uye vakaunza hasha dzaMwari pavari; uye saka vakarohwa neshamhu yenzara nokutambudzika kunorwadza, kuti vamuke vagorangarira basa ravo.

18 Uye zvino, zvakaitika kuti Mosaya akaenda akanoita zvakanga zvataurwa nababa vake, uye akadaidzira kuvanhu vose vakange vari munyika yeZarahemura kuti vaungane pamwechete, vaende kutemberi kuti vanonzwa mazwi achataurwa nababa vake kwavari.