Magwaro Matsvene
Mosaya 22


Chitsauko 22

Kunorongwa kuti vanhu vatize muusungwa hwemaRamani—MaRamani vanoitwa kuti vararadze—Vanhu vanotiza, vodzokera kuZarahemura, uye vobva vave pasi pamambo Mosaya. Zvingangove makore 121 kusvika ku120 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti Amoni namambo Rimuhai vakatangisa kubvunza vanhu kuti vangaitei kuti vazvibvise muusungwa; uye vakaita kuti vanhu vaungane pamwechete; uye vakaita izvi kuti vanzwe kuti vanhu vanotii nezvenyaya iyi.

2 Uye zvakaitika kuti vakashaya nzira yekuti vangazvisunungure nayo kubva muusungwa, kunze kwekuti vakatora vakadzi vavo nevana, nematanga avo, nematende avo, uye voenda murenje; nokuti nekuwanda kwakaita maRamani, hazvaiita kuti vanhu vaRimuhai vavarwise, vachifunga zvekuzvinunura muusungwa neminondo.

3 Zvino zvakaitika kuti Gideoni akaenda akanomira pamberi pamambo, akati kwaari: Zvino imi mambo, kusvika zvino mange muchiteerera kumazwi angu kazhinji patange tichinetsana nehama dzedu, maRamani.

4 Uye zvino imi mambo, kana makandiwana ndiri muranda asingayamure, kana kuti kusvika zvino makanditeerera pane zvandaitaura zvishomazvo, uye zviri zvinhu zvakakuyamurai, kana zvakadaro ndinoda kuti dai mateerera mazwi angu nguva ino, uye ndichave muranda wenyu uye ndigobvisa vanhu ava muusungwa.

5 Uye mambo akamubvumira kuti ataure. Uye Gideoni akati kwaari:

6 Tarisai kumupata weseri, unopinda nemusvingo yeseri, seri kweguta. MaRamani, kana virindi vemaRamani, usiku vanenge vakararadza; naizvozvo ngatitumirei shoko kuvanhu ava vose kuti vaunganidze matanga avo, kuti vagoatinhira murenje usiku.

7 Uye ini ndichaenda sekundituma kwenyu ndonopa maRamani waini yekupedzisira, uye vararadza; isu tobva tapfuura nepamupata wakavanzika nechekuruboshwe kwemusasa wavo varere vakararadza.

8 Ndiko kubva kwatinoita nevakadzi vedu nevana vedu, matanga edu toenda murenje; totora nzira inotenderera nekunyika yeShiromu.

9 Uye zvakaitika kuti mambo akateerera kumazwi aGideoni.

10 Uye mambo Rimuhai akaita kuti vanhu vake vaunganidze zvipfuyo zvavo pamwechete; ndokutumira mutero wewaini kumaRamani; uye akatumirazve imwe waini, sechipo kwavari; uye vakanwa vakasununguka waini yavakanga vatumirwa namambo Rimuhai.

11 Uye zvakaitika kuti vanhu vamambo Rimuhai vakabva usiku vakaenda murenje nematanga avo, uye vakaenda nenzira yaitenderera nekuShiromu nemurenje, uye vakananga nzira yavo vachienda kunyika yeZarahemura, vachitungamirwa naAmoni nehama dzake.

12 Uye vakange vatora rose ghoridhe ravo, nesirivha, nezvinhu zvavo zvinokosha, zvavaikwanisa kutakura, nezvembuva yavowo, vachienda murenje; uye vakateedza rwendo rwavo.

13 Uye mushure memazuva mazhinji vari murenje vakasvika munyika yaZarahemura, vakabva vabatana nevanhu vaMosaya, vakave pasi pake.

14 Uye zvakaitika kuti Mosaya akavagashira nekufara; uye akatambirawo azvinyorwa zvavo, bnezvinyorwawo zvakawanikwa nevanhu vaRimuhai.

15 Uye zvino zvakaitika kuti maRamani pavakaona kuti vanhu vaRimuhai vatiza usiku kubva munyika iyi, vakatumira hondo murenje kuti ivatevere;

16 Uye mushure mekuvatevera kwemazuva maviri, vakashaya tsoka dzavo; naizvozvo vakarasika murenje.