Magwaro Matsvene
Mosaya 28


Chitsauko 28

Vanakomana vaMosaya vanoenda kunoparidza kumaRamani—Vachishandisa matombo maviri ekuonesa, Mosaya anodudzira mahwendefa emaJaredhi. Zvingangove makore 92 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti mushure mekunge avanakomana vaMosaya vaita zvose zvinhu izvi, vakatora vanhu vashomanani navo vakadzokera kuna baba wavo, mambo, uye vakamukumbira kuti avabvumire, pamwechete neavo vavakangavasarudza, kuti vaende kunyika byaNifai kuti vanoparidza zvinhu zvavakange vanzwa, nokuti vape shoko raMwari kuhama dzavo, maRamani—

2 Kuti zvimwe vangavaunze mukuziva Ishe Mwari vavo, nekuvapwisa pamusoro pekuipa kwemadzibaba avo; nokuedza kuti vanga varape aruvengo rwavo nemaNifai, kuti zvimwe vangavaunze mukufarawo munaIshe Mwari vavo, kuti vanzwanane pachavo, uye kuti kusazove nokupesana munyika yose yavakapiwa naIshe Mwari vavo.

3 Zvino vakadisa kuti ruponeso rwutaurwe kuchisikwa chose, nokuti havana kuda akuona bmweya wemunhu uchiparara; hongu, kana pfungwa yekuti pawane mweya unotambudzika czvisingaperi yaiita kuti vabvunde nekudedera.

4 Uye ndiko kushandwa kwavakaitwa neMweya waIshe, nokuti vakange vari vatadzi vane atsvina isingataurike. Uye Ishe vakaona bnetsitsi dzavo dzisingaverengeke kuti vavaponese; zvakadaro vakatambudzwa nokurwadziwa kwemweya nenzira yekuipa kwavo, vachitambudzika zvikuru nekutya kuti vacharaswa zvachose.

5 Uye zvakaitika kuti vakakumbira baba wavo kwemazuva mazhinji kuti vaende kunyika yaNifai.

6 Uye mambo Mosaya akaenda akanobvunza kuna Ishe kuti angaregere here vana vake vachienda kunoparidza shoko kumaRamani.

7 Uye Ishe vakati kuna Mosaya: Rega vaende, nokuti vazhinji vachatenda mazwi avo, uye vachawana upenyu hwokusingaperi; uye andichaburitsa vanakonana vako mumaoko emaRamani.

8 Uye zvakaitika kuti Mosaya akabvuma kuti vaende vanoita maererano nezvavakanga vakumbira.

9 Uye avakatora rwendo rwavo nemurenje kuti vaende kunoparidza shoko kumaRamani; uye ndichataura brungano rwekuita kwavo pashure.

10 Zvino mambo Mosaya akange asisina wekugadza umambo, nokuti hapana mumwechete wevanakomana vake aibvuma umambo.

11 Naizvozvo akatora zvinyorwa zvakange zvakanyorwa apamahwendefa endarira, nemahwendefawo aNifai, nezvinhu zvose zvaakanga achengeta maererano nemirairo yaMwari, mushure mekududzira nokuita kuti zvinyorwe izvo zvaive bpamahwendefa egoridhe akawanikwa nevanhu vaRimuhai, akange apiwa kwaari neruoko rwaRimuhai;

12 Uye izvi akazviita nenzira yechido chevanhu vake; nokuti vakada kuziva zvikuru maererano nevanhu avo vakanga vaparadzwa.

13 Uye zvino akazvidudzira achishandisa amatombo maviri aye aiva akasungirirwa mumativi echaiita seuta.

14 Zvino zvinhu izvi zvakagadzirwa kubvira pakutanga, uye zvikatambidzanwa chizvarwa nechizvarwa, kuti mitauro idudzirwe;

15 Uye zvakachengetwa uye zvikachengetedzwa neruoko rwaIshe, kuti varatidze kuchisikwa chose kuti akafanira kuva nenyika nezvitadzo noruvengo rwevanhu vavo ndiani.

16 Uye ani nani anazvo zvinhu izvi anodaidzwa kunzi amuoni, sezvaiitwa makare-kare.

17 Zvino mushure mekunge Mosaya apedza kududzira zvinyorwa izvi, tarisai, zvakataura rungano rwevanhu avakaparadzwa, kubvira panguva yavakaparadzwa zvichidzokera panguva yekuvakwa kweshongwe bhuru, Ishe cpavakavhiringidza mutauro wevanhu vakabva vapararira nenyika yose, hongu, kana kubvirawo panguva iyo zvichidzokera shure kunguva yekusikwa kwaAdama.

18 Zvino rungano urwu rwakakonzera vanhu vaMosaya kuti vacheme zvikuru, hongu, vakazadzwa nekusuwa; zvisinei zvakavapa ruzivo rwakawanda, marwuri vakafara.

19 Uye rungano urwu rwuchanyorwa mushure; nokuti tarisai, zvinofanira kuti vose vanhu vazive zvakanyorwa munhoroondo ino.

20 Uye zvino, sekutaura kwandaita kwamuri, kuti mushure mekunge mambo Mosaya aita zvinhu izvi, akatora mahwendefa aendarira nezvinhu zvose zvaakanga achengeta, ndokubva azvipa pana Aruma, aive mwanakomana waAruma; hongu, zvose zvinyorwa, bnezvidudziriso zvacho, ndokuzvipa paari, ndokumuudza kuti akafanira kuzvichengeta cnokuzvichengetedza, nekuchengetawo zvinyorwa zvevanhu, vachizvipa kuchizvarwa nechizvarwa, kana sekugamuchidzanwa kwazvakaitwa kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema.