Magwaro Matsvene
Mosaya 23


Nyaya yaAruma nevanhu vaIshe, vakatandanisirwa murenje nevanhu vamambo Noa.

Zvichisanganisa zvitsauko 23 ne24.

Chitsauko 23

Aruma anoramba kuve mambo—Anoshanda semupirisita wepamusoro—Ishe anoranga vanhu vake, uye maRamani anokunda nyika yeHerami—Amuroni, mutungamiri wevapirisita vakaipa vaNoa, anotonga ari pasi pamambo wamaRamani. Zvingangove makore 145 kusvika ku121 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino Aruma, ayambirwa naIshe kuti hondo dzamambo Noa dzichauya kuzovarwisa, uye audza vanhu vake, naizvozvo vakaunganidzana pamwechete nezvipfuyo zvavo, ndokutora kudya kwavo, ndokubva vatizira murenje vachitiza hondo dzamambo Noa.

2 Uye Ishe akavasimbisa, zvekuti vanhu vamambo Noa vakatadza kuvabata kuti vavaparadze.

3 Uye vakatiza vakafamba rwendo rwemazuva masere vari murenje.

4 Uye vakasvika mune nyika, hongu, nyika inofadza yakanaka zvikuru, uye nyika yemvura yakachena.

5 Uye vakadzika matende avo, ndokubva vatanga kurima, uye vakatanga kuvaka dzimba; hongu, vaive vabati, uye vaishanda zvikuru.

6 Uye vanhu vakada kuti Aruma ave mambo wavo, nokuti aive munhu aidiwa nevanhu vake.

7 Asi akati kwavari: Tarisai, hazvina kufanira kuti tive namambo; nokuti ndiko kutaura kwaIshe: aMusazove nemumwe munhu anonzi mukuru pane mumwe, kana hapana achafunga kuti ari pamusoro panhingi; naizvozvo ndinoti kwamuri hazvifanire kuti muve namambo.

8 Zvisinei, dai zvaiitika kuti muwane vanhu vakarurama nguva dzose kuti vave madzimambo enyu zvainge zvakanaka kuti muite mambo.

9 Asi rangarirai akuipa kwamambo Noa nevapirisita vake; uye ini pachangu ndakabatwa bmumusungo wacho, ndikaita zvinhu zvakange zvakaipa pamberi paIshe, zvinhu izvozvo zvikandirwadzisa mukutendeuka kwangu.

10 Zvisinei, mushure amekunetseka kukuru, Ishe vakanzwa kuchema kwangu, uye akapindura minamato yangu, uye vakandiita mudziyo uri mumaoko avo wekuunza bvakawanda venyu muruzivo rwechokwadi chake.

11 Zvisinei, mune izvi handina kubwinya, nokuti handina kukodzera kuti ndizvirumbidze ini pachangu.

12 Uye zvino ndinoti kwamuri, mange makadzvinyirirwa namambo Noa, uye mange muri muusungwa kwaari nokuvapirisita vake, uye mukapinzwa mukuipa navo; naizvozvo manga makasungwa anemajoto echitadzo.

13 Uye zvino zvamakaburitswa mumajoto aya nesimba raMwari; hongu, kana nemumaoko amambo Noa nevanhu vake, nemajoto ekuipa, kana izvozvi ndinodisa kuti amumire makagwinya bmukusunungurwa uku, nokutiwo cmusambovimba nemunhu kuti ave mambo wenyu.

14 Uye musavimbe nemunhu kuti ave amudzidzisi wenyu kana muparidzi, kunze kwekunge ari munhu waMwari, anofamba munzira dzavo achichengetedza mirairo yake.

15 Zvino ndiko kudzidzisa kwakaita Aruma vanhu vake, kuti wose munhu akafanira akuda muvakidzani wake sekuda kwaanozviita iye pachake, kuti pakati pavo hapafanire kuve bnekupesana.

16 Uye zvino Aruma akange ari mupirisita wavo awepamusoro, iye ariye akatanga chechi yavo.

17 Uye zvakaitika kuti hapana akatambira amvumo yekuparidza kana kudzidzisa kunze kwekunge atozvipiwa naiye zvichibva kuna Mwari. Naizvozvo akagadza vose vapirisita vavo nevose vadzidzisi vavo; uye hakuna vaigadzwa kunze kwekunge vari vanhu vakarurama.

18 Naizvozvo vakatarisa vanhu vavo, uye avakavariritira mukururama kwavo.

19 Uye zvakaitika kuti vakatanga kubudirira zvikuru mukati menyika; uye vakadaidza nyika iyi kuti Herami.

20 Uye zvakaitika kuti vakatanga kuwanda nokubudirira zvikuru munyika yeHerami; uye vakavaka guta, ravakadaidza kuti guta reHerami.

21 Zvisinei Ishe vakaona zvakafanira kuti avarange vanhu vavo; hongu, vanoedza bmwoyo murefu wavo norutendo rwavo.

22 Zvisinei—ani nani zvake achaisa aruvimbo rwake mavari iyeyo bachasimudzwa muzuva rekupedzisira. Hongu, ndizvo zvazvakange zvakaita nevanhu ava.

23 Nokuti tarisai, ndichakuratidzai kuti vakauiswa muusungwa, uye hakuna aikwanisa kuvanunura asi Ishe Mwari vavo, hongu, kana ivo Mwari vaAbrahama naIsaka naJakobo.

24 Uye zvakaitika kuti vakavapunyutsa, uye vakaratidza simba ravo guru kwavari, uye vakafara zvikuru.

25 Nokuti tarisai, zvakaitika kuti zvavakange vari munyika yeHerami, hongu, muguta reHerami, vachirima minda mumatunhu, tarisai hondo yemaRamani yakange ichimira-mira kumiganhu yenyika.

26 Zvino zvakaitika kuti hama dzaAruma dzakatiza kubva kuminda yavo, uye vakaungana pamwechete muguta reHerami; uye vakange vachitya zvikuru nenzira yekuona maRamani.

27 Asi Aruma akaenda akanomira pakati pavo, akavakurudzira kuti vasatye, asi kuti vakafanira kurangarira Ishe Mwari vavo uye vanovasunungura.

28 Naizvozvo vakatsigisa hana dzavo vakasatya, vakatanga kuchema kuna Ishe kuti aite kuti mwoyo yemaRamani ipfave, kuti vasavauraye, nevakadzi vavo, nevana vavo.

29 Uye zvakaitika kuti Ishe vakaita kuti mwoyo yemaRamani ipfave. Uye Aruma nehama dzake vakaenda vakagonozviisa pachavo mumaoko avo; uye maRamani akabva atora nyika yeHerami.

30 Zvino hondo dzemaRamani, dzakange dzatevera vanhu vamambo Rimuhai, vakange varasika murenje kwemazuva mazhinji.

31 Uye tarisai, vakange vawana vapirisita vaya vamambo Noa, vari munzvimbo yavaidaidza kuti Amuroni; vakanga vatanga kutora nyika yeAmuroni uye vatangisawo kurima minda.

32 Zvino zita remutungamiri wevapirisita ava rainzi Amuroni.

33 Uye zvakaitika kuti Amuroni akanyengetedza maRamani; uye akatumira vakadzi vavo, avo vakanga vari avanasikana vemaRamani, kuti vanyengetedze hanzvadzi dzavo kuti dzisaparadze varume vavo.

34 Uye maRamani akanzwira atsitsi Amuroni nehama dzake, vakasavaparadza, pamusana pevakadzi vavo.

35 Uye Amuroni nehama dzake vakabatana nemaRamani, uye vaifamba murenje vachitsvaka nyika yaNifai pavakawana nyika yeHerami, yakange iri yaAruma nehama dzake.

36 Uye zvakaitika kuti maRamani akavimbisa Aruma nehama dzake, kuti kana vakavaratidza nzira inoenda kunyika yaNifai vanobva vavapa upenyu hwavo nerusununguko rwavo.

37 Asi mushure mekunge Aruma avaratidza nzira yaienda kunyika yaNifai maRamani haana kuchengeta chivimbiso chavo; asi vakaisa avarindi avo kuti vatarise nyika yeHerami, zvose naAruma nehama dzake.

38 Uye vamwe vavo vakange vasara vakaenda kunyika yaNifai; uye chimwe chikamu chikadzokera kunyika yeHerami, vakaunzawo vakadzi nevana vevarindi vakange vasiiwa.

39 Uye mambo wemaRamani akange abvumira kuti Amuroni ave mambo nemutongi wevanhu vekwake, vakange vari munyika yeHerami; zvakadaro akange asina simba rekuita zvisingadiwe namambo wemaRamani.