Magwaro Matsvene
Mosaya 20


Chitsauko 20

Vamwe vevanasikana vemaRamani vanopambwa nevapirisita vaNoa—MaRamani vanorwisa Rimuhai nevanhu vake—Vehondo dzemaRamani vanodzorwa nekudzikamiswa mumashure nokukatyanadzwa. Zvingangove makore 145 kusvika ku123 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino muShemuroni maive nenzvimbo yaiungana vanasikana vemaRamani kuti vaimbe, nekutamba, nekuzvifadza.

2 Uye zvakaitika kuti nerimwe zuva pakaungana vashoma vavo kuti vaimbe nekutamba.

3 Uye zvino vapirisita vamambo Noa, nokunyara kudzokera kuguta raNifai, hongu, uye vachityawo kuti vanhu vangavauraye, naizvozvo havana kutomboedza kudzokera kuvakadzi vavo nevana vavo.

4 Uye vagara murenje, uye nokunge vawana vanasikana vemaRamani, vakahwanda vachivatarisa;

5 Uye apo vashoma vavo vakaungana pamwechete kuti vatambe, vakabva vabuda munzvimbo dzavo mavainge vakavanda uye ndokuvatora uye vakavatakura vakaenda navo murenje; hongu, vakatakura makumi maviri ane vana evanasikana vemaRamani vakaenda navo murenje.

6 Uye zvakaitika kuti maRamani pavakaona kuti vanasikana vavo vari kushaikwa, vakashatirirwa vanhu vaRimuhai, nokuti vakafunga kuti vanhu vaRimuhai.

7 Naizvozvo vakatumira hondo dzavo; hongu, kana mambo pachake akatungamira vanhu vake; uye vakaenda kunyika yaNifai kunoparadza vanhu vaRimuhai.

8 Uye zvino Rimuhai akange azviona kare ari panharire, kana kwose kugadzirira kwavo hondo akakuona; saka akaunganidza vanhu vake pamwechete, ndokuvandira mumakura nemumasango.

9 Uye zvakaitika kuti apo maRamani akauya, vanhu vaRimuhai vakatanga kuvawira, vachibva munzvimbo dzavakange vakavavandira vakatanga kuvauraya.

10 Uye zvakaitika kuti hondo iyi yakapisa zvikuru ikarwadza, nokuti vakarwa seshumba dziri kurwira nyama yadzo.

11 Uye zvakaitika kuti vanhu vaRimuhai vakakurira maRamani vakavatinha; nyangwe vakange vasina kunge vakawanda kana chikamu chepakati nepakati semaRamani. Asi, avakarwira upenyu hwavo nevakadzi vavo, nevana vavo; naizvozvo vakazviwisira vakarwa sezvikara.

12 Uye zvakaitika kuti vakawana mambo wemaRamani ari mukati meavo vakange vafa, asi akange asina kufa, akange akuvadzwa akasiiwa pasi, nokuti vanhu vake vakamhanya zvisingaitike mukutiza kwavo.

13 Uye vakamutora vakasunga maronda ake, vakaenda naye kuna Rimuhai, uye vakati: Tarisai, houno mambo wemaRamani; iye nokunge akuvara awira muvanhu vavo vafa, uye vamusiya; uye tarisai, tauya naye kwamuri; uye zvino ngatimuurayei.

14 Asi Rimuhai akati kwavari: Hamumuuraye, asi muuisei pano kuti ndimuone. Uye vakamuuisa. Uye Rimuhai akati kwaari: Chikonzero chako chekuita hondo nevanhu vangu chii? Tarisai, vanhu vangu havana kutyora achitsidzo chandakaita kwauri; naizvozvo, sei iwe watyora chitsidzo chawakaita kuvanhu vangu?

15 Uye zvino mambo akati: Ndakatyora chitsidzo chacho nokuti vanhu vako vakatiza nevanasikana vevanhu vangu; naizvozvo, mukushatirwa kwangu ndakaita kuti vanhu vangu vaite hondo nevanhu vako.

16 Uye zvino Rimuhai hapana chaakanga anzwa maererano nenyaya iyi; naizvozvo akati: Ndichatsvaga mukati mevanhu vangu akaita izvi uye kana ndiani zvake akaita chinhu ichi achafa. Naizvozvo akaita kuti kutsvagwe pakati pevanhu vake.

17 Zvino aGideoni paakanzwa zvinhu izvi, iye ari mutungamiri wemauto amambo, akaenda akanoti kuna mambo: Ndinokumbira kuti mumbomira, uye musanotsvaka munhu akaita izvi, uye musavape mhosva iyi.

18 Nokuti hamuchayeuka here vapirisita vababa venyu, avo vaida kuparadzwa nevanhu ava? Uye handiti vari murenje? Uye ko havazivo here vakapamba vanasikana vamaRamani?

19 Uye zvino, tarisai, taurirai mambo zvinhu izvi, kuti agotaurira vanhu vake kuti varege kutirwisa; nokuti tarisai vari kutogadzirira kuzotirwisa zvakare; uye tarisai kuti isu tangosara vashoma.

20 Uye tarisai, vanouya nevanhu vavo vakawanda; uye kunze kwekunge mambo avanyaradza kuti vasatirwise tichapera.

21 Nokuti mazwi aAbhinadhai haana akuzadzikiswa here, aakaporofita pamusoro pedu—uye zvose izvi zvichiitika nenzira yekuti takaramba kuteerera mazwi aIshe, uye kuti tibve muzvitadzo zvedu?

22 Uye zvino ngatichinyaradzai mambo, uye tizadzikise chitsidzo chatakaita kwaari; nokuti zviri nani kuti tive muusungwa pane kuti tirasikirwe neupenyu hwedu; naizvozvo, ngatichimisai zvekudeura ropa rakawanda kudai.

23 Uye zvino Rimuhai akataurira mambo zvose zvakaitwa nababa vake, anezvevapirisita vakanga vatizira murenje, uye akati ivava ndivo vakange vapamba vanasikana vavo.

24 Uye zvakaitika kuti mambo akanyaradzwa akavaitira tsitsi; uye akati kwavari: Handei tinosangana nevanhu vangu, musina zvombo; uye ndinokupikirai nechitsidzo kuti vanhu vangu havazouraya vanhu venyu.

25 Uye zvakaitika kuti vakatevera mambo, vakaenda naye kunosangana namaRamani. Uye zvakaitika kuti vakasangana nemaRamani; uye mambo wamaRamani akazvirereka pamberi pevanhu vake, uye akareverera nokukumbirira vanhu vaRimuhai.

26 Uye maRamani zvavakaona vanhu vaRimuhai, kuti vakanga vasina zvombo, vakavanzwira atsitsi vakanyaradzwa, uye vakadzokera nerunyararo kunyika kwavo namambo wavo.