Magwaro Matsvene
Mosaya 17


Chitsauko 17

Aruma anotenda onyora mazwi aAbhinadhai—Abhinadhai anotambudzika murufu rwomoto—Anoporofita pamusana pezvirwere norufu rwomoto kune vakamuuraya. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti apo Abhinadhai akanga apedza kutaura uku, mambo akaraira avapirisita kuti vamutore vaite kuti auraiwe.

2 Asi pakati pavo pakange pane mumwe ainzi aAruma, akange ari wechizvarwa chaNifai. Uye akanga ari murume achiri muduku, uye bakatenda mazwi ayo Abhinadhai akanga ataura, nokuti aiziva kuipa uko kwakanga Abhinadhai ataura pamusana pavo; naizvozvo akatanga kukumbira kuna mambo kuti asashatirirwe Abhinadhai, asi kuti amubvumire kuenda murunyararo.

3 Asi mambo akashatirwa zvikuru, akaita kuti Aruma abviswe pakati pavo, akatumira varanda vake kuti vanomuuraya.

4 Asi akatiza kubva kwavari akanohwanda zvokuti havana kumuona. Ari pakuhwanda kudaro kwamazuva akawanda aakanyora mazwi ose akataurwa naAbhinadhai.

5 Uye zvakaitika kuti mambo akaita kuti vachengeti vake vakomberedze Abhinadhai vamubate; vakamusunga vakamuisa mutorongo.

6 Uye kwapera mazuva matatu, shure kwokunge varangana navapirisita vake, akaita kuti aunzwe zvakare kwaari.

7 Uye akati kwaari: Abhinadhai, taona mhosva pauri, saka wakafanira kufa.

8 Nokuti wakati izvo aMwari pachavo vachauya pano pasi pakati pavana vavanhu; uye zvino, pamusana pemhosva iyoyi uchauraiwa kunze kwokunge wati mazwi akaipa ose awakataura pamusoro pangu navanhu vangu inhema.

9 Zvino Abhinadhai akati kwaari: Ndinoti kwauri, handidzore mazwi andakataura kwauri maererano navanhu ava, nokuti ndeechokwadi; kuti muzive kuti ndeechokwadi ndabvuma kuwira mumaoko enyu.

10 Hongu, uye ndichatambudzika kusvikira kufa, uye handizodzora mazwi angu, achazova uchapupu achikupa mhosva. Uye mukandiuraya muri kudeura ropa arisina mhosva, uye izvi zvichapupura pazuva rokupedzisira.

11 Uye zvino mambo Noa akanga ava kuda kumusunungura, nokuti akanga otya shoko rake; nokuti akatya kuti kutonga kwaMwari kwaizova paari.

12 Asi vafundisi vakasimudza mazwi avo kwaari, vakatangisa kumupomera mhosva, vachiti: Atuka mambo. Naizvozvo mambo akasimuka nokushatirwa kwaari, akamuisa mumaoko avo kuti vamuuraye.

13 Uye zvakaitika kuti vakamutora vakamusunga, vakarova ganda rake nehuni dziri kubvira, hongu, kana kusvikira afa.

14 Uye zvino marimi emoto paakatanga kumupisa, akachema kwavari, achiti:

15 Tarisai, kana sezvamaita kwandiri, zvichaitika kuti mbeu yenyu ichakonzera kuti vazhinji vatambudzike kurwadza kwandatambudzika, kana kurwadza akorufu rwomoto; uye izvi nenzira yokuti vanotenda muruponeso rwaIshe Mwari vavo.

16 Uye zvichaitika kuti muchatambudzwa nemhando dzose dzezvirwere nokuda kwokutadza kwenyu.

17 Hongu, uye amucharohwa kubva kumativi ose, uye muchatinhwa mugopararira uko nekoko, kana sekuparadzwa kunoitwa danga resango nezvikara zvinotyisa.

18 Uye pazuva iroro muchavhimwa, uye muchatorwa noruoko rwemhandu dzenyu, muchazotambudzika, sekutambudzika kwandaita, marwadzo aerufu rwomoto.

19 Mwari avanodzorera saizvozvo avo vanoparadza vanhu vavo. Mwari, gamuchirai mweya wangu.

20 Uye zvino, apo Abhinadhai akataura mazwi aya, akapunzika, atambudzika nerufu rwomoto; hongu, akauraiwa nokuti akaramba kuramba mirairo yaMwari, somunhu akanamata chokwadi chamazwi ake norufu rwake.