Magwaro Matsvene
Mosaya 21


Chitsauko 21

Vanhu vaRimuhai vanorangwa nokukurirwa namaRamani—Vanhu vaRimuhai vanosangana naAmoni vachibva vatendeutswa—Vanotaurira Amoni nezvemakumi maviri anemana emahwendefa emaJaredhi. Zvingangove makore 122 kusvika ku121 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti Rimuhai nevanhu vake vakadzokera kuguta reNifai, uye vakatanga kugara munyika umu zvakare murunyararo.

2 Uye zvakaitika kuti mushure memazuva akati kuti maRamani akatanga zvakare kutsvaga kudenha maNifai, vakatanga kuuya kumuganhu wenyika nematunhu akakomberedza.

3 Zvino havaikwanisa kuvauraya, nenzira yechitsidzo chakange chaitwa kuna Rimuhai namambo wavo; asi vaivarova apamatama, nekuratidza simba rekuvatonga; uye vakatanga kuvatakudza bmitoro inorema pamisana yavo, nokuvatinha sevari kutinha mbongoro isingataure—

4 Hongu, zvose izvi zvakaitwa kuti mashoko aIshe azadzikiswe.

5 Uye zvino kutambudzika kwemaNifai kwakakura, uye pakanga pasina nzira yekuti vangazvibvise mumaoko avo, nokuti maRamani akange avakomberedza kumativi ose.

6 Uye zvakaitika kuti vanhu vakatanga kunyunyuta namambo nenzira yekutambudzika kwavo; uye vakatanga kuda kuti vaende kuhondo vanovarwisa. Uye vakanetsa mambo zvinorwadza nekutaura kwavo; naizvozvo akavabvumira kuti vaite maererano nekuda kwavo.

7 Uye vakaunganidzana pamwechete zvakare, vakashonga nhumbi dzavo dzehondo, uye vakanorwisa maRamani kuti vavabvise munyika mavo.

8 Uye zvakaitika kuti maRamani akavakunda, vakavatinhira shure, vakauraya vazhinji vavo.

9 Uye zvino kwakave anekuchema kukuru nokuzvichema pakati pevanhu vaRimuhai, shirikadzi ichichemera murume wayo, mwanakomana nemwanasikana vachichema baba vavo, vanin’ina vachichema vakoma vavo.

10 Zvino kwakave neshirikadzi dzakawanda munyika umu, uye vaichema zvikuru zuva nezuva; nokuti vakange vabatwa nokutya maRamani zvikuru.

11 Uye zvakaitika kuti kuramba kwavo vachichema kwakamutsa vanhu vaRimuhai vakange vasara kuti vashatirwe vade kurwisa maRamani; uye vakaenda kunorwa zvakare, asi vakatinhirwa shure zvakare, vakarasikirwa zvikuru.

12 Hongu, vakaenda zvakare kana kechitatu, vakakundwa sezvavakamboitwa; uye avo vakanga vasina kuuraiwa vakadzokera zvakare kuguta reNifai.

13 Uye vakazvirereka kusvika muvhu, vakazviisa pasi pejoki reusungwa, vachibvuma kurohwa, nokutinhirwa uko kana apo, nokuremedzwa, maererano nokuda kwevavengi vavo.

14 Uye avakazvirereka kana kusvika pakadzama pekupfava; uye vakachema zvikuru kuna Mwari; hongu, kana muswere wose vaichema kuna Mwari vavo kuti vavabvise mumatambudziko avo.

15 Uye zvino Ishe avakanonoka kunzwa kuchema kwavo pamusoro pezvitema zvavo; zvakadaro Ishe vakanzwa kuchema kwavo, uye vakatanga kupfavisa mwoyo yemaRamani zvekuti vakatangisa kurerutsa mitoro yavo; asi Ishe havana kuona zvakafanira kuti vavabvise muusungwa.

16 Uye zvakaitika kuti vakatanga kubudirira zvishoma nezvishoma munyika umu, vakatanga kukudza mbeu dzakawanda, nematanga, zvekuti havana kutambudzwa nenzara.

17 Zvino vakadzi vakange vakawanda kupfuura varume; naizvozvo mambo Rimuhai akataura kuti wose murume akafanira akupa kuti kuriritirwe bshirikadzi nevana vadzo, kuti vasafe nenzara; uye vakaita izvi pamusana pekukura kwehuwandu hwevanhu vavo vakanga vauraiwa.

18 Zvino vanhu vaRimuhai vaigara vari pamwechete vakabatana nepose pavaikwanisa, uye vakachengetedza mbeu dzavo nezvipfuyo zvavo.

19 Uye mambo pachake haaizviinzva pasina rusvingo rweguta, kunze kwekunge atoenda nevarindi vake, achitya kuti angangoerekana awira mumaoko emaRamani.

20 Uye akaita kuti vanhu vake vagare vakatarisa munzvimbo dzose dzakakomberedza, kuti nedzimwe nzira vangabate vapirisita vaye vakatizira murenje, vakange vapamba avanasikana vemaRamani, uye vari vakaita kuti vaparadzwe zvakaipa kudai.

21 Nokuti vaida kuti vavabate vagovaranga; nokuti vakange vapinda munyika yemaNifai neusiku, uye vakaba mbeu dzavo nezvizhinji zvezvinhu zvavo zvinokosha; naizvozvo vakavavandira.

22 Uye zvakaitika kuti pakange pasisina kukanganisana pakati pemaRamani nevanhu vaRimuhai, kana kudakara kusvika nguva yakauya aAmoni nehama dzake munyika umu.

23 Uye mambo zvaakanga ari kunze kweguta nemurindi wake, akaona Amoni nehama dzake; uye akavafungira kuti vapirisita vaNoa saka akaita kuti vabatwe uye vatorwe, vasungwe, uye vakandwe amutirongo. Uye dai vakange vari vapirisita vaNoa angadai akaita kuti vauraiwe.

24 Asi paakaona kuti havazivo, asi kuti ihama dzake, uye vakanga vabva kunyika yeZarahemura, akazadzwa nerufaro rwukuru kwazvo.

25 Zvino mambo Rimuhai akange ambotumira Amoni asati auya, vanhu avashoma kuti bvanotsvaka nyika yeZarahemura; asi havana kuiwana, uye vakarasika murenje.

26 Zvisinei, vakawana nyika yakambenge iine vanhu; hongu, nyika yakange izere anemapfupa akaoma; hongu, nyika yakambenge iine vanhu uye ikaparadzwa; uye ivo, vachifunga kuti inyika yeZarahemura, vakadzokera kunyika yaNifai, vakasvika mazuva mashoma Amoni asati auya.

27 Uye vakauya nezvinyorwa, kana zvinyorwa zvevanhu vane mapfupa avakawana; uye zvakanyorwa pamahwendefa esimbi.

28 Uye zvino mambo Rimuhai akazadzwa zvakare nemufaro paakanzwa Amoni achitaura nemuromo wake kuti mambo Mosaya aiva anechipo chakabva kuna Mwari, icho chaiita kuti akwanise kududzira zvinyorwa zvakadai; hongu, naAmoni akafarawo.

29 Asi Amoni nehama dzake vakazadzwa nokusuwa nokuti hama dzavo dzakawanda dzakange dzauraiwa.

30 Uye nokutiwo mambo Noa nevapirisita vake vakange vaita kuti vanhu vaite zvitema nezvakaipa zvakawanda kudaro pamberi paMwari; uye vakachemawo akufa kwaAbhinadhai; bnekuendawo kwaAruma nevanhu vakaenda naye, vakanga vavamba chechi yaMwari nesimba raMwari, norutendo mumazwi akataurwa naAbhinadhai.

31 Hongu, vakachema kuenda kwavo, nokuti havana kuziva kwavakanga vatizira. Zvino vakange vofara kuti vabatane navo, nokuti ivo pachavo vakanga vapinda muchibvumirano naMwari chokumushandira nokuchengetedza mirairo yavo.

32 Uye zvino kubvira kuuya kwakaita Amoni, mambo Rimuhai akapindawo muchibvumirano naMwari, nevazhinjiwo vevanhu vake, kumushandira nekuchengetedza mirairo yavo.

33 Uye zvakaitika kuti mambo Rimuhai nevazhinji vevanhu vake vakadisa kuti vabhabhatidzwe; asi hamuna munhu munyika umu aive anemvumo kubva kuna Mwari yokuzviita. Uye Amoni akaramba kuzviita, achizviona semuranda asina kukodzera.

34 Naizvozvo panguva iyoyo havana kuzviita kuti vave chechi, vachimirira Mweya waIshe. Zvino vakada kuita kana saAruma nehama dzake, avo vakatizira murenje.

35 Vakange vachida kubhabhatidzwa sokupupura kuti vanoda kushandira Mwari nemwoyo yavo yose; zvisinei vakatora nguva refu; uye kubhabhatidzwa kwavo akuchataurwa mushure mezvizvi.

36 Uye zvino zvose zvekudzidza kwaAmoni nevanhu vake, uye mambo Rimuhai nevanhu vake, kwaive kuti vazvibvise ivo pachavo mumaoko emaRamani nemuusungwa.