Magwaro Matsvene
Mosaya 12


Chitsauko 12

Abhinadhai anoiswa mutirongo pamusoro pekuporofita kwake kuparadzwa kwevanhu nerufu rwamambo Noa—Vapirisita vemanyepo vanotaura magwaro matsvene uye vachinyepera kutevedza mutemo waMosesi—Abhinadhai anotangisa kuvadzidzisa Mirairo Ine Gumi. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mushure memakore maviri Abhinadhai akauya mukatï mavo akazvishandura, zvekuti havana kumuziva, uye ndokubva atangisa kuporofita ari mavari, achiti: Ndiko kutumwa kwandaitwa naIshe, vachiti—Abhinadhai, enda unoporofita kuvanhu vangu ava, nokuti vaomesa mwoyo yavo kumazwi angu; havana kutendeuka kubva mumabasa avo akaipa; naizvozvo, andichavashanyira muhasha dzangu, hongu, muhasha dzangu dzinotyisa ndinovashanyira mukuipa nezvitadzo zvavo.

2 Hongu, nhamo ngaive kuchizvarwa chino! Uye Ishe vakati kwandiri: Tambanudza ruoko rwako uporofite, uchiti: Ishe vanotaura vachiti; zvichaitika kuti chizvarwa chino, pamusana pezvitadzo zvavo, vachaiswa amuusungwa, uye vacharohwa bpadama; hongu, uye vachatinhwa nevanhu, vagouraiwa; magora emumhepo, nembwa, hongu, nezvikara, zvichadya nyama yavo.

3 Uye zvichaitika kuti aupenyu hwamambo Noa huchatorwa kunyangwe sejira riri bmuchoto munopisa; nokuti achaziva kuti ndini Ishe.

4 Uye zvichaitika kuti ndicharova vanhu vangu ava nedambudziko rinorwadza, hongu, nenzara anezvirwere; uye ndichaita kuti bvawuwure muswere wose wezuva.

5 Hongu, uye ndichaita kuti vatakudzwe amitoro pamisana yavo; uye vagotyairwa sedhongwi rïsingataure.

6 Uye zvichaitika kuti ndichatumira chivhuramahwe pakati pavo, uye chichavarova; uye vacharohwawo nemhepo ayekumabvazuva; uye btwumbuyu twuchanetsa munyika mavo zvakare, twuchidya nokuparadza mbeu dzavo.

7 Uye vacharohwa nechirwere chikuru—izvi zvose ndichazviita pamusana apekuipa kwavo neruvengo rwavo.

8 Uye zvichaitika kuti kunze kwekunge vatendeuka andichavaparadza zvachose kuti vabva vabva pachiso chenyika; asi vachasiya bzvinyorwa zvavo shure, uye ndichazvichengetera mamwe marudzi achatora nyika ino; hongu, ndichaita izvi kuti ndizivise ruvengo rwevanhu ava kune mamwe marudzi. Uye Abhinadhai akaporofita zvinhu zvakawanda kwazvo kuvanhu ava.

9 Uye zvakaitika kuti vakamushatirirwa; uye ndokubva vamutora ndokumutakura vakamusunga ndokuenda naye kuna mambo, ndokuti kuna mambo: Tarisai, tauya nemurume uyu kwamuri akaporofita zvinhu zvakaipa maererano nevanhu venyu, uye achiti Mwari vachavaparadza.

10 Uye anoporofitawo zvakaipa neupenyu hwenyu, uye anoti upenyu hwenyu huchaita sejira riri muchoto chemoto.

11 Uye zvakare, anoti imi muchaita seshanga, kana seshanga rakaoma riri mumunda, uye rinotyorwa nemhuka uye richitsikirirwa netsoka.

12 Uye zvakare; anoti imi muchaita seruva remuti wemunzwa, rinoti, kana ranyatsosvika, kana mhepo ikavhuvhuta, rinobva ratorwa richibva rabva pamusoro penyika. Uye anoita sezviri kutaurwa naIshe. Uye anoti zvose izvi zvichaitika kwamuri kunze kwekunge matotendeuka, uye zvose zvichikonzerwa nezvitadzo zvenyu.

13 Uye zvino nhai mambo, chitadzo chikuru chamakaita ndechei, kana zvitema zvei zvikuru zvakaitwa nevanhu venyu, zvekuti Mwari vangatirase kana zvingaite kuti titongwe nemurume uyu?

14 Uye zvino nhai mambo, tarisai, hatina mhosva, uye imi nhai mambo, hamuna chitadzo chamakaita; saka, murume uyu anyepa maererano nemi, uye aporofita zvisina maturo.

15 Uye tarisai, tine simba, hatiiswe muusungwa, kana kutorwa senhapwa nevavengi vedu; hongu, uye imi makabudirira munyika, uye muchabudirira.

16 Tarisai, houno murume wacho, tinomuisa mumaoko enyu: munogona kuita zvamunoona zvakanaka kwamuri.

17 Uye zvakaitika kuti mambo Noa akaita kuti Abhinadhai aiswe mutirongo; uye akataura kuti amapirisita vaungane pamwechete kuti agoita musangano navo kuti aone kuti angaitei naye.

18 Uye zvakaitika kuti vakati kuna mambo: Muunzei kuno kuti tigomubvunza; uye mambo akataura kuti ngaaunzwe pamberi pavo.

19 Uye vakatanga kumubvunza, kuti vamukanganise, kuti zvimwe vangawane chekumupomera mhosva nacho; asi akavapindura asingatye, uye akapindura yose mibvunzo yavo zvakavakona, hongu, zvakavashamisa; nokuti aakavakona pakupindura mibvunzo yavo yose, uye akavanyadzisa mumazwi avo ose.

20 Uye zvakaitika kuti mumwe wavo akati kwaari: Ko anorevei mazwi akanyorwa, uye ari akadzidziswa nemadzibaba edu, vachiti:

21 Dzakanaka asei pagomo tsoka dzeuyo anouya nemashoko akanaka; uyo anoshevedzera runyararo; uyu anouya nemashoko akanaka ekunaka; anoshambadzira ruponeso; uyo anoti kuZioni, Mwari Vako vanotonga;

22 Vagariri vachasimudza mazwi; nezwi pamwechete vachaimba; nokuti vachawirirana kana Ishe vave kuunza zvakare Zioni;

23 Pinda mukufara iye zvino; imbai pamwechete imi nzvimbo dzisina chinhu dzeJerusarema; nokuti Ishe vanyaradza vanhu vavo, vanunura Jerusarema;

24 Ishe vaisa aruoko rwavo rwutsvene pachena pamberi pemaziso emarudzi ose, uye ose mativi enyika achaona ruponeso rwaMwari vedu?

25 Uye zvino Abhinadhai akati kwavari: Muri avapirisita here, uye muchinyepera kudzidzisa vanhu ava, nokunzwisisa mweya wekuporofita, uye mugoda kuziva kwandiri kuti zvinhu izvi zvinorevei?

26 Ndinoti kwamuri, nhamo kwamuri nokuti makasandurudza nzira dzaIshe! Nokuti dai mainzwisisa zvinhu izvi hamuna kuzvidzidzisa; naizvozvo, makasandurudza nzira dzaIshe.

27 Hamuna kuisa mwoyo yenyu amukunzwisisa; naizvozvo, hamuna kunge makaita zvakangwara. Naizvozvo, muri kudzidzisa chii vanhu ava?

28 Uye vakati: Tinodzidzïsa mutemo waMosesi

29 Uye akati kwavari zvakare: Kana muchidzidzisa amutemo waMosesi sei musingauchengete? Sei muchiisa mwoyo yenyu kuupfumi? Sei muchiita bupombwe uye muchipedza simba renyu nepfambi, hongu, uye muchiita kuti vanhu ava vaite zvitadzo, zvaita kuti Ishe vawane chikonzero chekunditumira kuti ndizoporofita pamusoro pevanhu ava, hongu, kana zvakaipa zvikuru kuvanhu ava?

30 Hamuzive here kuti ndiri kutaura chokwadi? Hongu, munoziva kuti ndiri kutaura chokwadi; uye makafanira kudedera pamberi paMwari.

31 Uye zvichaitika kuti mucharohwa pamusana pezvitema zvenyu, nokuti makati munodzidzisa mutemo waMosesi. Uye chii chamunoziva maererano nemutemo waMosesi? aKo ruponeso rwunouya nemutemo waMosesi here? Munotii?

32 Uye vakapindura vakati ruponeso rwunouya nemutemo waMosesi.

33 Asi zvino Abhinadhai akati kwavari: Ndinoziva kuti kana mukachengeta mirairo yaMwari muchaponeswa; hongu, kana mukachengeta mirairo yakapiwa kuna Mosesi naIshe mugomo areSinai, vachiti:

34 aNdini Ishe Mwari wenyu, uyo bakakubvisai munyika yeEgipita, kubva mumba yeusungwa.

35 Hamuzove anemumwe Mwari kunze kwangu.

36 Hamuzozviitira mifananidzo yezvivezwa, kana chimwe chinhu chakafanana nechiri kudenga kumusoro, kana zvinhu zviri pasi pevhu.

37 Zvino Abhinadhai akati kwavari, Makaita zvose izvi here? Ndinoti kwamuri, Kwete, hamuna kuzviita. Uye amakadzidzisa vanhu ava here kuti vanofanira kuita zvose zvinhu izvi? Ndinoti kwamuri, Kwete, hamuna kuzviita.