Magwaro Matsvene
Mosaya 24


Chitsauko 24

Amuroni anotambudza Aruma nevanhu vake—Vanozouraiwa kana vakanamata—Ishe anoita kuti mitoro yavo inge yakareruka—Anovabvisa muusungwa,uye ndokubva vadzokera kuZarahemura. Zvingangove makore 145 kusvika ku120 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti Amuroni akawana mufaro pamberi pamambo wemaRamani; naizvozvo, akati iye nevanhu vake vave vadzidzisi vemaRamani, hongu, kana vevanhu vaiva munyika yeShemuroni, nemunyika yeShiromu, nemunyika yaAmuroni.

2 Nokuti maRamani akanga atora nyika dzose idzi; naizvozvo, mambo wemaRamani akange agadza madzimambo munyika dzose idzi.

3 Uye zvino zita ramambo wemaRamani ainzi Ramani, achidaidzwa nezita rababa wake; naizvozvo aidaidzwa kuti mambo Ramani. Uye akange ari mambo wevanhu vakawanda.

4 Uye akagadza hama dzaAmuroni kuti vave vadzidzisi munyika dzose dzine vanhu vake; uye ndiko kudzidziswa kwakaitwa mutauro waNifai mukati mevanhu vose vemaRamani.

5 Uye vaive vanhu vakanga vachinzwana; zvisinei vakanga vasingazive Mwari; kana hama dzaAmuroni hadzina chadzakavadzidzisa maererano nezvaIshe Mwari vavo, kana mutemo waMosesi, kana kuvadzidzisa mazwi aAbhinadhai;

6 Asi vakavadzidzisa kuti vachengete zvinyorwa zvavo, nokuti vapote vachinyorerana.

7 Uye ndiko kutanga kuwanda kweupfumi hwemaRamani, uye vakatanga kutengeserana nokutengerana uye vakasimba, uye vakatanga kuve vanhu vakachenjera nokunyengedza, muungwaru hwenyika, hongu, vanhu vainyengedza zvikuru, netsika dzose dzetsvina nokupamba, kunze kwekunge zviri pakati pavo nehama dzavo.

8 Uye zvino zvakaitika kuti Amuroni akatanga kuratidza asimba rake kuna Aruma nehama dzake, akatanga kuvatambudza, uye akaita kuti vana vake vanetse vana vavo.

9 Nokuti Amuroni aiziva Aruma, kuti aimbenge ari amumwe wevapirisita vamambo, nokutiwo ndiye akanga ari uye akatandaniswa namambo nepamusana pekutenda mazwi akataurwa naAbhinadhai, nokudaro akanga akamushatirirwa; nokuti akanga ari pasi pamambo Ramani, asi aive nesimba kwavari, uye achivapa bmabasa ekuita, nekuvaisira vanovatarisa kana vachiita basa.

10 Uye zvakaitika kuti dambudziko ravo rakakura zvekuti vakatanga kuchema zvikuru kuna Mwari.

11 Uye Amuroni akavati vakafanira kuti varege kuchema kwavo; uye ndokuisa varindi vake kuti vavatarise, kuti ani zvake anenge awanikwa achidaidza Mwari anouraiwa.

12 Uye Aruma nevanhu vake havana kusimudzira mazwi avo kuna Ishe Mwari vavo, asi avakadira mwoyo yavo kwavari; uye iye vakaziva pfungwa dzemwoyo yavo.

13 Uye zvakaitika kuti izwi raIshe rakauya kwavari mumatambudziko avo, richiti: Simudzai misoro yenyu uye munzwe kunyaradzwa, nokuti ndinoziva chibvumirano chamakaita kwandiri; uye ndichabvumirana nevanhu vangu ndigovabvisa muusungwa.

14 Uye ndicharerutsa mitoro inoiswa pamapfudzi enyu, zvekuti imi hamuzoinzwa kurema kana dai iri kumisana yenyu, kana dai muri muusungwa; uye izvi ndinozviita kuti mugove avapupuriri vangu ndabva pano, uye kuti mugoziva nechokwadi kuti ini Ishe Mwari, ndinoshanyira vanhu vangu bmumatambudziko avo.

15 Uye zvino zvakaitika kuti mitoro yakaiswa pana Aruma nehama dzake yakarerutswa, hongu, Ishe avakavasimbisa kuti vatakure bmitoro yavo nyore-nyore, uye vagozviisa pasi pavo norufaro cnemwoyo murefu kune zvose zvaida Ishe.

16 Uye zvakaitika kuti rutendo rwavo nokugadzikana kwavo zvakakura zvekuti izwi raIshe rakauya kwavari zvakare, richiti: Ivai norufaro rwakanaka, nokuti mangwana ndichakubvisai muusungwa.

17 Uye vakati kuna Aruma: Uchaenda mberi kwevanhu ava, uye ndichaenda newe uye ndigonunura vanhu ava amuusungwa.

18 Zvino zvakaitika kuti Aruma nevanhu vake neusiku vakaunganidza zvipfuyo zvavo zvose, nezvirimwa zvavo; hongu, kana neusiku hwose vakanga vachiunganidza zvipfuyo zvavo.

19 Uye rungwanani Ishe vakaita kuti maRamani akotsire hope adzekufa chaidzo, hongu, uye vose vaivatarisa pakuita mabasa avo vakakotsira kukotsira kwakadzama chaizvo.

20 Uye Aruma nevanhu vake vakaenda murenje; uye mushure mekufamba muswere wose vakadzika matende avo munhika, uye vakadaidza nhika iyi kuti Aruma, nokuti ndiye akavatungamirira nzira yavo murenje.

21 Hongu, uye munhika yaAruma avakatenda Mwari nokutenda kukuru nenzira yekuti vakanga vavanzwira tsitsi, vakarerutsa mitoro yavo, uye vakange vavabvisa muusungwa; nokuti vakange vari muusungwa, uye hapana aigona kuvabvisa kunze kwekunge vari Ishe Mwari vavo.

22 Uye vakapa kutenda kuna Mwari, hongu, vose varume, nevakadzi vose nevana vose vaikwanisa kutaura vakasimudza mazwi avo mukukudza Mwari vavo.

23 Uye zvino Ishe vakati kuna Aruma: Kurumidza iwe utore iwe nevanhu ava mubve munyika muno, nokuti maRamani amuka uye ave kukuteverai; saka ibvai munyika muno, uye ndichamisa maRamani munhika muno kuti vasapfuure pano mukutevera kwavo vanhu ava.

24 Uye zvakaitika kuti vakabva munhika umu, vakatora rwendo rwavo vakananga murenje.

25 Uye mushure memazuva gumi nemaviri vave murenje vakasvika munyika yaZarahemura; uye mambo Mosaya akavagashira nomufaro.