Magwaro Matsvene
Mosaya 27


Chitsauko 27

Mosaya anorambidza kutambudzana uye anokurudzira kuti vanhu vabatwe zvakafanana—Aruma mudiki nevana vana vaMosaya vanotsvaka kuparadza Chechi—Ngirozi inouya uye yovataurira kuti vasiye nzira yavo yakaipa—Aruma anoitwa chimumumu—Rudzi rwose rwevanhu rwakafanira kuzvarwa zvakare kuti rwuwane ruponeso—Aruma nevana vaMosaya vanodaidzira mazwi anofadza. Zvingangove makore 100 kusvika ku92 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti kutambudzwa kwakange kuchiitwa chechi neavo vakange vasingatende kwakakura zvekuti chechi yakatanga kutsutsumwa, uye vakanyunyuta kuvatungamiri vavo pamusoro penhau iyi; uye vakanyunyuta kuna Aruma. Uye Aruma akaisa nyaya iyi kuna mambo wavo, Mosaya. Uye Mosaya akabvunza vapirisita vake.

2 Uye zvakaitika kuti mambo Mosaya akatumira chiziviso munyika yose achiti hakuna munhu asingapinde sangano akafanira akutambudza avo vanhu vechechi yaMwari.

3 Uye pakaiswa murau wakaoma kuchechi dzose kuti hakuna kufanira kuti kuve nekutambudzana pakati pavo, kuti pakafanira kuve anekuenzana kuvanhu vose;

4 Kuti havafanire kuregera kuzvida nekuzvikudza kuchikanganisa arunyararo rwavo; kuti wose munhu akafanira bkukudza muvakidzani wake sekuzvikudza kwaanozviita iye, vachizvishandira nemaoko avo pachavo kuti vazviriritire.

5 Hongu, uye vose vapirisita vavo nevadzidzisi vavo vakafanira akushanda nemaoko avo kuti vazviriritire, muzvinhu zvose kunze kwemuurwere, kana mukushaya kwakanyanya; uye mukuita zvinhu izvi, vakakura bmunyasha dzaMwari.

6 Uye munyika makatanga kuve nerunyararo zvakare; uye vanhu vakatanga kuwanda chaizvo, uye vakatanga kupararira nenyika yose, hongu, kuchamhembe nekumaodzanyemba, kumabvazuva nekumadokero, vachivaka maguta makuru nemisha mumativi ose enyika.

7 Uye Ishe akavashanyira akavapa kubudirira, uye vakave vanhu vazhinji vakapfuma.

8 Zvino vanakomana vana vaMosaya vaiverengerwa kuvanhu vasingatende; nemumwe awevanakomana vaAruma akange achiverengerwa kwavari, iye achidaidzwa kuti Aruma, zita rababa vake; zvisinei, akave munhu ane uipi banonamata zvifananidzo. Uye akange ari munhu anotaurisa, uye achitaura manyepo mazhinji kuvanhu; naizvozvo akaita kuti vanhu vazhinji vaite sekuita kwake mukutadza.

9 Uye akadzorera chechi yaMwari shure zvakanyanya; aachiba mwoyo yevanhu; achikonzera kukakavadzana mukati mevanhu; achipa mukana kumuvengi waMwari kuti aratidze simba rake muvanhu.

10 Uye zvino zvakaitika kuti paakanga achifamba achiparadza chechi yaMwari, nokuti aifamba nevana vaMosaya muruvande achitsvaka kuparadza chechi, nokurasa vanhu vaIshe, zvisirizvo zviri mumirairo yaMwari, kana kunyange yamambo—

11 Uye sekutaura kwandaita kwamuri, kufamba kwavaiita avachipandukira Mwari, tarisai, bngirozi yaIshe cyakazviratidza kwavari; uye yakaburuka seiri mugore; uye yakataura nezwi rainge mabhanan’ana, rakakonzera kuti pasi pazunguzike apo pavakange vamire;

12 Uye kushamiswa kwavo kwakave kukuru, zvekuti vakapunzikira pasi, uye vakatadza kunzwisisa mazwi aakange achitaura kwavari.

13 Zvisinei akachema zvakare, achiti: Aruma muka umire pano, ko unotambudzirei chechi yaMwari? Nokuti Ishe akati: aIyi ichechi yangu, uye ndichaimisa; hakuna chichaibvisa panzvimbo, kunze kwekutadza kwevanhu vangu.

14 Uye zvakare, ngirozi yakati: Tarisai, Ishe vakanzwa aminamato yevanhu vavo, neminamato yemuranda wavo, Aruma, anova baba vako; nokuti akanamata nerutendo rukuru maererano nemi kuti dai masvitswa pakuziva chokwadi; naizvozvo, nechikonzero ichochi ndauya kuti ndizokupwisai nezvesimba nemvumo yaMwari, kuti bminamato yevaranda vavo ingapindurwe maererano nerutendo rwavo.

15 Uye zvino tarisai, mungapikisana here nesimba raMwari? Nokuti tarisai, izwi rangu harizunguze nyika here? Uye hamugone kundionawo here pamberi penyu? Uye ndakatumwa kubva kuna Mwari.

16 Zvino ndinoti kwamuri: Endai, uye mugorangarira uranda hwemadzibaba enyu munyika yeHerami, nemunyika yaNifai; nekurangarirawo kukura kwezvinhu zvaakavaitira; nokuti vakanga vari muusungwa uye aakavasunungura. Uye zvino ndinoti kwamuri, Aruma, enda munzira yako, uye urege kutsvaka kuparadza chechi zvakare, kuti minamato yavo igopindurwa, uye izvi zviri zvinoitika kana dai iwe pachako uchida kuraswa.

17 Uye zvino zvakaitika kuti aya ndiwo mazwi akave ekupedzisira kutaurwa kuna Aruma nengirozi, ndokubva yaenda.

18 Uye zvino Aruma neavo vakanga vainaye vakawira pasi zvakare, nokuti vakange vashamiswa zvikuru; nokuti nemaziso avo vakanga vaona ngirozi yaIshe; uye izwi rake rainge mabanan’ana, rakazunguza nyika; uye vaiziva kuti hakuna chimwe kunze kwesimba raMwari chaigona kuzunguza nyika nekuita kuti idedere sekunge ichatsemuka nepakati.

19 Uye zvino kushamiswa kwaAruma kwakave kukuru zvekuti akabva ave chimumumu, zvekuti akatadza kuzurura muromo wake; hongu, uye akapera simba, zvekuti akatadza kusimudza kana maoko ake; naizvozvo akatorwa neavo vakanga vainaye, uye akatakurwa asisakwanise, kudakara asvikoiswa pameso pababa wake.

20 Uye vakataurira baba vake zvose zvakanga zvaitika kwavari; uye baba vake vakafara, nokuti vakaziva kuti rakange riri simba raMwari.

21 Uye akaita kuti vanhu vazhinji vaungane pamwechete kuti vagoona zvakanga zvaitwa kumwanakomana wake naIshe, nekune avo vakanga vainaye.

22 Uye akaita kuti vapirisita vaungane pamwechete; uye vakatanga kutsanya, nekunamata kuna Ishe Mwari vavo kuti azarure muromo waAruma, kuti agotaura, nokutiwo nhengo dzemuviri wake nemaoko ake zviwane simba radzo—kuti maziso evanhu azururwe kuti aone nokuziva kunaka nokubwinya kwaMwari.

23 Uye zvakaitika kuti mushure mekutsanya nokunamata kwemazuva maviri neusiku huviri, maoko nemakumbo aAruma akawana kusimba kwawo, uye akabva asimuka akatanga kutaura kwavari, achivati ngavave nekunyaradzwa kwakanaka:

24 Nokuti, akati iye, ndatendeuka muzvitema zvangu, uye andikanunurwa naIshe; tarisai ndaberekwa neMweya.

25 Uye Ishe vakati kwandiri: Usashamiswe kuti vose vanhu, hongu, varume nevakadzi, nyika dzose, marudzi, ndimi navanhu, vakafanira akuberekwa zvakare; hongu, kuberekwa naMwari, bvapindurwa kubva muzvinhu zvavo czvenyama nemukupunzika kwavo, vachienda mukururama, vanunurwa naMwari, vachive vanakomana vake nevanasikana vake;

26 Uye ndiko kuve zvisikwa zvitsva kwavanobva vaita; uye kunze kwekunge vaita izvi, ahavana nzira yavangagare nhaka yeumambo hwaMwari nayo.

27 Ndinoti kwamuri, kana zvikasaita sezvizvi, vanoraswa; uye izvi ndinozviziva, nokuti ini ndakange ndoda kuraswa.

28 Zvisinei, mushure mekupinda mumatambudziko akanyanya, kutendeuka wave pedyo nerufu, Ishe netsitsi vakaona zvakafanira kuti vandibvute mukati mekutsva akusingaperi, uye ndazvarwa naMwari.

29 Mweya wangu wakanunurwa kubva munduru yekuvava nemumajoto ezvitadzo. Ndakange ndiri mugomba mune rima rakati ndo; asi zvino ndave kuona chiedza chinoshamisa chaMwari. Mweya wangu awakashungurudzwa nekutambudzwa kwokusingaperi; asi ndakabvutwa, mweya wangu haucharwadza nariini.

30 Ndakaramba Mununuri wangu, uye ndikaramba zvakanga zvataurwa nemadzibaba edu; asi zvino kuti vaone kuti achauya, nokuti anoyeuka chose chisikwa chaakasika, achazviisa pachena kune vose.

31 Hongu, arose ibvi richapfugama, uye dzose ndimi dzichareurura pamberi pavo. Hongu, kana muzuva rekupedzisira, apo vose vanhu vachamirira bkutongwa navo, ndipo pavachabvuma kuti ndiMwari; vachabvuma, avo vanogara cvasina Mwari munyika, kuti kutongwa kwavo kuve kurangwa kusingaperi kwakakodzera pavari; uye vachadedera, nokubvunda, uye vagosvava kana vatariswa neziso ravo drinotsvaka.

32 Uye zvino zvakaitika kuti Aruma kubvira panguva iyoyi akatangisa kudzidzisa vanhu, neavo vakanga vaina Aruma panguva yakazviratidza ngirozi kwavari, vachifamba nenyika yose, vachishambadza kuvanhu vose zvinhu zvavakanga vanzwa vakaona, vachiparidza shoko raMwari mukutambudzwa kwakanyanya, vachinetswa zvikuru neavo vakange vasiri vatendi; vachirohwa nevakawanda vavo.

33 Asi zvakadaro zvose izvi, vakapa kunyaradza kwakawanda kuchechi, vachisimbisa rutendo rwavo, nekukurudzira nokushivirira nokushingirira kuchengetedza mirairo yaMwari.

34 Uye vana vavo vaive avanakomana vaMosaya; uye mazita avo aive Amoni, naAroni, naOmuna, naHimunai; aya ndiwo aive mazita evanakomana vaMosaya.

35 Uye vakafamba nenyika yose yeZarahemura, nemuvanhu vose vaitongwa vari pasi pamambo Mosaya, vachishingaira kuedza kugadziridza zvose zvavakange vakuvadza muchechi, vachireurura zvitadzo zvavo zvose, nokutaura zvose zvinhu zvavakanga vaona, uye vachitsanangura zviporofita nemagwaro matsvene kune avo vose vaida kuzvinzwa.

36 Uye ndiko kuve midziyo kwavakaita mumaoko aMwari mukuunza vazhinji muruzivo rwechokwadi, hongu, kuruzivo rweMununuri wavo.

37 Uye vakaropafadzwa sei! Nokuti avakashambadza runyararo; vakashambadza nhau dzezvinhu bzvakanaka; uye vakaudza vanhu kuti Ishe vanotonga.