Magwaro Matsvene
Eta 7


Chitsauko 7

Oraiha anotonga mukururama—Pakati pekubvutirana masimba nekunetsana, kunomiswa umambo hunokukwikwidzana hwaShuru naKoho—Vaporofita vanotuka huipi hwevanhu nekunamata zvifananidzo kwevanhu, avo vanobva vatendeuka.

1 Uye zvakaitika kuti Oraiha akatonga nyika mukururama mazuva ake ose, mazuva ake akanga akawanda zvikuru.

2 Uye akabereka vanakomana nevanasikana; hongu, akabereka makumi matatu nemumwechete, pakati pavo paive nevakomana makumi maviri nevatatu.

3 Uye zvakaitika kuti akaberekawo Kibhu atokwegura. Uye zvakaitika kuti Kibhu akatonga munzvimbo yake; uye Kibhu akabereka Koriho.

4 Uye Koriho paakanga ave nemakumi matatu emakore ane makore maviri, akapandukira baba vake, akaenda kunogara kunyika yeNeho; uye akabereka vanakomana nevanasikana, uye vakanga vakanakisa zvikuru; nokudaro Koriho akakwezvera vanhu vazhinji kwaari.

5 Uye zvaakanga aunganidza mauto pamwechete akauya kunyika yaMoroni kwaigara mambo, uye ndokubva amutora senhapwa, zvakaita kuti achirevo chemukoma waJaredhi chekuti vachaiswa muutapwa, chizadzikiswe.

6 Zvino nyika yaMoroni, maigara mambo, yaive pedyo nenyika yaidaidzwa kuti Kuparadzwa namaNifai.

7 Uye zvakaitka kuti Kibhu akagara muutapwa, nevanhu vake vari pasi paKoriho mwanakomana wake, kudakara akwegura zvikuru; zvakadaro Kibhu akabereka Shuru muuharahwa hwake, achiri muutapwa.

8 Uye zvakaitika kuti Shuru akashatirirwa mukoma wake; uye Shuru akaita simba, uye akave mukuru nesimba rechirume; uye akanga ari mukuru kana mukutonga.

9 Nokudaro, akauya kuchikomo chainzi Efraimi, akanyungudutsa simbi muchikomo umu, akapfura minondo akaipa kune avo vaakanga akwezva; uye mushure mekunge avapa minondo akadzokera kuguta reNeho; uye ndokurwisa mukoma wake Koriho, iri iyo nzira yaakatora nayo umambo achibva ahudzorera kuna baba vake Kibhu.

10 Uye zvino pamusoro pechinhu chakanga chaitwa naShuru, baba vake vakapa iye umambo; saka akatanga kutonga munzvimbo yababa vake.

11 Uye zvakaitika kuti akatonga mukururama; uye akaparadzira umambo hwake pamusoro penyika yose, nokuti vanhu vakanga vawanda zvikuru.

12 Uye zvakaitika kuti Shuru akabereka vana vakawanda vakomana nevasikana.

13 Uye Koriho akatendeuka kubva kuzvitema zvake zvaakanga aita; nokudaro Shuru akamupa simba muumambo hwake.

14 Uye zvakaitika kuti Koriho akanga aine vanakomana nevanasikana vazhinji. Uye pakati pevanakomana vaKoriho paive nemumwe ainzi Noa.

15 Uye zvakaitika kuti Noa akapandukira Shuru, mambo, nababa vakewo Koriho, uye ndokubva akwezva mukoma wake Koho, nehama dzake dzose nevakawanda vevanhu.

16 Uye ndokubva arwisa Shuru, mambo, ndokutora nyika yenhaka yavo yekutanga; uye akave mambo kuchidumu chenyika ichocho.

17 Uye zvakaitika kuti akarwisa Shuru zvakare, mambo; uye akatora Shuru, mambo, akamutakura senhapwa akaenda naye kuMoroni.

18 Uye zvakaitika kuti paakanga ave kuda kumuuraya, vana vaShuru vakanyangira vakapinda mumba maNoa usiku vakamuuraya, uye vakatyora gonhi retirongo vakaburitsa baba wavo, uye vakamuisa pachigaro chake muumambo hwake.

19 Nokudaro, mwana waNoa akavaka umambo hwake munzvimbo yake; zvakadaro havana kuzowana simba zvakare pamusoro pamambo Shuru, uye vanhu vaive pasi pamambo Shuru vakafambira mberi zvikuru uye vabudira zvikuru.

20 Uye nyika yakanga yakagovaniswa; uye maive neumambo huviri, umambo hwaShuru neumambo hwaKoho, mwanakomana waNoa.

21 Uye Koho, mwanakomana waNoa, akaita kuti vanhu vake varwise Shuru, mukumurwisa uku Shuru akavakunda akauraya Koho.

22 Uye zvino Koho aive nemwanakomana ainzi Nimirodi; uye Nimirodi akapa nyika youmambo hwaKoho kuna Shuru, uye akadiwa mumaziso aShuru; nokudaro Shuru akamuitira zvinhu zvakanaka zvizhinji, uye akaita zvaanoda munyika youmambo hwaShuru.

23 Uye munguva yekutonga kwaShuru kwakauya vaporofita mukati mevanhu, vaitumwa kubva kuna Ishe, vachiporofita kuti uipi anekunamata zvifananidzo kwevanhu kwave kuunza kutukwa kwenyika, uye vachaparadzwa kana vasina kutendeuka.

24 Uye zvakaitika kuti vanhu vakatuka vaporofita, uye vachivaseka. Uye zvakaitika kuti mambo Shuru akaisa murau unopa vose vaituka vaporofita mhosva.

25 Uye akaisa mutemo munyika yose, waipa simba kuvaporofita kuti vaende kwose kwavaida; nenzira yekudaro vanhu vakauya mukutendeuka.

26 Uye pamusana pekuti vanhu vakatendeuka muzvitema zvavo nekunamata zvifananidzo Ishe vakavaregerera, uye vakatanga kubudirira zvakare munyika. Uye zvakaita kuti Shuru akabereka vanakomana nevanasikana mukukwegura kwake.

27 Uye kwakange kusisina hondo mumazuva aShuru; uye akarangarira zvinhu zvikuru zvakaitirwa madzibaba ake naIshe mukuvayambutsa amhiri kwamakungwa nokuvasvitsa kunyika yechipikirwa; nokudaro akatonga nekururama mazuva ake ose.