Magwaro Matsvene
Eta 4


Chitsauko 4

Moronai anoudzwa kuti aname zvinyorwa zvemukoma waJaredhi—Hazvizoiswa pachena kudakara vanhu vave nerutendo rwunenge rwemukoma waJaredhi—Kristu anoudza vanhu kuti vatende mazwi ake neayo evadzidzi vake—Vanhu vanoudzwa kuti vatendeuke, vatende vhangeri, uye vaponeswe.

1 Uye Ishe vakaudza mukoma waJaredhi kuti aburuke kubva mugomo nepamberi paIshe, uye aanonyora zvinhu zvaakanga aona; uye zvikarambidzwa kuti zviuye kuvana vevanhu bkudakara mushure mekunge aturikwa pamuchinjikwa; nechikonzero ichi zvakachengetwa namambo Mosaya, kuti zvisauye munyika kudakara Kristu azviratidza pachake kuvanhu vake.

2 Uye mushure mekunge Kristu zvechokwadi azviratidza iye pachake kuvanhu vake akataura kuti zvichiburitswa pachena.

3 Uye zvino, mushure maizvozvo, vose vaderera mukusatenda; uye hakuna vamwe kunze kwemaRamani, uye vakaramba vhangeri raKristu; naizvozvo ndataurirwa kuti andizvivige zvakare muvhu.

4 Tarisai, ndanyora pamahwendefa aya zvinhu chaizvo zvakaonekwa nemukoma waJaredhi; uye hakuna zvimwe zvinhu zvingave zvikuru pane zvinhu zvakaratidzwa kupfuura izvo zvakaratidzwa kumukoma waJaredhi.

5 Nokudaro Ishe vandiudza kuti ndizvinyore; uye ini ndazvinyora. Uye vandiudza kuti andizviname; uye vandiudzawo kuti ndiname nedudziro yacho; nokudaro ndanamira bnezvidudziriso, maererano nemurairo waIshe.

6 Nokuti Ishe vakati kwandiri: Hazvizoenda kumaJentairi kudakara zuva ravanenge vatendeuka kubva muzvitadzo zvavo, uye vave vakachena pamberi paIshe.

7 Uye muzuva iroro vachashandisa rutendo mandiri, vanodaro Ishe, kana sezvakaita mukoma waJaredhi, kuti vagoitwa kuti vave avatsvene mandiri, zvino ndipo pandinozovaratidza zvinhu zvakaonekwa nemukoma waJaredhi, kana nekuvapfunzunurira zvose zvakazarurwa zvangu, anodaro Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, bBaba wematenga newenyika, nezvinhu zvose zvirimo.

8 Uye uyo aanorwisana neshoko raIshe, iyeye ngaave akatukwa; uye uyo bacharamba zvinhu izvi, iyeye ngaatukwe; nokuti kwavari chandiratidze zvinhu zvikuru, anodaro Jesu Kristu; nokuti ndini ndiri kutaura.

9 Uye nekutaura kwangu matenga anozaruka uye aachipfigwa; uye nezwi rangu bnyika ichadedera; uye ndikataura vagari vemo vachafa, sekunge nemoto.

10 Uye uyo asingatende mazwi angu haatende vadzidzi vangu; uye kana zvikave zvekuti handitaure, tongai imi; nokuti muchaziva kuti ndini ndiri kutaura, muzuva arekupedzisira.

11 Asi uyo aanotenda zvinhu zvandataura izvi, iyeye ndichamushanyira nezviratidzo zveMweya wangu, uye achaziva agozvichengeta. Nokuti pamusana peMweya wangu bachaziva kuti zvinhu izvi cndezvechokwadi; nokuti unoita kuti vanhu vaite zvakanaka.

12 Uye chose chinoita kuti vanhu vaite zvakanaka ndeche kwangu; nokuti akunaka kunobva pasina kumwe kunze kwekwandiri. Ndini wakare anotungamira vanhu kune zvakanaka zvose; uyo basingatende mazwi angu haangatende ini—kuti ndini; uye asingatende ini haangatende Baba vakandituma. Nokuti tarisai, ndini Baba, ndini cchiedza, dneupenyu, nechokwadi chenyika.

13 aUyai kwandiri, imi maJentairi, uye ndikuratidzei zvinhu zvikuru, ruzivo rwakavigwa pamusana pekusatenda.

14 Uyai kwandiri, imi vemba yaIsraeri, uye azvicharatidzwa kwamuri kuti kune zvikuru zvakadii zvamakachengeterwa naBaba, kubvira pakutanga kwenyika; uye hazvisati zvauya kwamuri, pamusana pekusatenda.

15 Tarisai, kana matsemura icho chidzikatidzo chekusatenda chinoita kuti murambe muri mukusatenda kwenyu nokuipa kwenyu, noukukutu hwemwoyo, neupofu hwepfungwa, ndipo pachati zvinhu zvikuru zvinoshamisa zvanga azvakavigwa kubvira mukutanga kwenyika—hongu, pamuchadaidza Baba muzita rangu, nemwoyo wakatyoka nemweya wakapfava, ndipo pamuchazoziva kuti Baba vakayeuka chibvumirano chavakaita kumadzibaba enyu, imba yaIsraeri.

16 Uye ipapo ndipo pachati azvakazururwa zvangu zvandakaita kuti zvinyorwe nemuranda wangu Johane kuti zvichipetenurwa mumaziso evanhu vose. Yeukai, kana moona zvinhu izvi, muchaziva kuti nguva yave pedyo yekuti zvichiburitswa kwose.

17 Naizvozvo, aapo muchagashira zvinyorwa izvi munobva maziva kuti basa raBaba ratanga pamusoro penyika yose.

18 Naizvozvo, atendeukai imi muri mumativi ose enyika, uye muuye kwandiri, uye mutende muvhangeri rangu, uye bmubhabhatidzwe muzita rangu; nokuti uyo achatenda uye akabhabhatidzwa achapona; asi uyo asingatende acharaswa; uye czviratidzo zvichatevera avo vanotenda muzita rangu.

19 Uye akaropafadzwa uyo anowanikwa aine arutendo muzita rangu muzuva rekupedzisira, nokuti achasimudzwa kunogara muumambo hwaakagadzirirwa bkubvira mukutanga kwenyika. Uye tarisai ndini ndazvitaura. Ameni.