Magwaro Matsvene
Eta 3


Chitsauko 3

Mukoma waJaredhi anoona munwe waIshe zvavanobata matombo gumi nematanhatu—Kristu anoratidza muviri wake wemweya kumukoma waJaredhi—Avo vane ruzivo rwakakwana havagone kuchengetwa vari kunze kwechidzikatidzo—Zvidudziriso zvinopirwa kuitira kuburitsa pachena zvinyorwa zvemaJaredhi.

1 Uye zvakaitika kuti mukoma waJaredhi, (zvino magwa akanga agadzirwa akanga ave masere) akaenda mugomo, ravaidaidza kuti Sheremu, pamusana pekureba kwaro, ndokubva anamanura pabwe matombo aikwana gumi nematanhatu; uye akange akachena achiringirira, uye achioneka sekunge zviringiro uye akaatakura ari mumaoko ake ndokuenda pamusoro pegomo, uye ndokuchema zvakare kuna Ishe, achiti:

2 Ishe, imi mataura kuti takafanira kukomberedzwa nemvura yakazara. Zvino tarisai, imi Ishe, uye musashatirirwe muranda wenyu pamusana pekusasimba kwake pamberi penyu; nokuti tinoziva kuti imi muri mutsvene uye munogara kumatenga, nokuti hatisi chinhu pamberi penyu; pamusana apekupunzika btsika yokugara kwedu yave yekutadza nguva dzose; zvakadaro, imi Ishe, makatipa murau wekuti tidaidze kwamuri, kuti kubva kwamuri titambire zviri maererano nezvatinoda.

3 Tarisai Ishe, imi makatirova pamusana pekuipa kwedu, uye mukatitinha, uye kwemakore ose akawanda aya atanga tiri murenje; zvakadaro, manga muchitinzwira atsitsi. Ishe, imi nditarisei netsitsi, uye mubvise kushatirwa kwenyu kuvanhu venyu ava, uye musabvumire kuti vayambuke udzamu hwakashatirwa uhwu vari murima; asi tarisai zvinhu izvi zvandanyungudutsa kubva mubwe.

4 Uye ndinoziva, imi Ishe, kuti mune asimba rose, uye munogona kuita zvose zvamunoda zvinopundutsa munhu; saka batai matombo aya, imi Ishe, nemunwe wenyu, muagadzire kuti apenye murima; uye achativhenekera kana tiri mungarava dzatagadzira, kuti tiwane mwenje patichayambuka gungwa.

5 Tarisai Ishe, imi munogona kuzviita izvi. Tinoziva kuti munogona kuratidza simba guru, arinoita sediki mukusanzwisisa kwevanhu.

6 Uye zvakaitika kuti mukoma waJaredhi ataura mazwi aya, tarisai, aIshe vakatambanudza ruoko rwavo uye vakabata matombo aya rimwe nerimwe nemunwe wavo. Uye bchidzikatidzo chakabviswa kumaziso emukoma waJaredhi, uye akaona munwe waIshe; uye wakanga wakaita semunwe wemunhu, wenyama neropa; uye mukoma waJaredhi akawira pasi pamberi paIshe, nokuti akanga arohwa nekutya.

7 Uye Ishe vakaona kuti mukoma waJaredhi akanga awira pasi; uye Ishe vakati kwaari: Simuka, ko wapunzikirei?

8 Uye iye akati kunaIshe: Ndaona munwe waIshe, uye ndikabva ndatya kuti zvimwe angangondirova; nokuti handina kunge ndichiziva kuti Ishe vane nyama neropa.

9 Uye Ishe vakati kwaari: Pamusana perutendo rwako waona kuti ndinotora pandiri anyama neropa; uye hakuna munhu ati auya kwandiri ane rutendo rwukuru serwaunarwo; nokuti dai pakanga pasina izvozvo hawaikwanisa kuona munwe wangu. Wakaona zvakapfuura izvi here?

10 Uye akapindura achiti: Kwete; Ishe, zviratidzei kwandiri.

11 Uye Ishe vakati kwaari: Uchatenda here mazwi andichataura?

12 Uye akapindura: Hongu, Ishe, ndinoziva kuti munotaura chokwadi, nokuti imi muri Mwari vechokwadi, uye ahamunganyepe.

13 Uye paakanga ataura mazwi aya, tarisai, Ishe avakazviratidza kwaari, uye akati: bPamusana pekuti unoziva zvinhu izvi wanunurwa mukupunzika; naizvozvo wadzorwa pamberi pangu; naizvozvo cndinozviratidza kwauri.

14 Tarisai, ini ndini iyeye akanga akagadzirirwa kubvira pakutanga kwenyika kuti andinunure vanhu vangu. Tarisai, ndini Jesu Kristu. Ndini bBaba neMwanakomana. Mandiri marudzi ose evanhu achawana cupenyu, uye husingapere, kana avo vachatenda muzita rangu; uye vachave dvanakomana vangu nevanasikana vangu.

15 Uye handisati ndambozviratidza kumunhu wandakasika, nokuti hakuna munhu ati aambotenda mandiri sekutenda kwawaita. Waona here kuti wakasikwa bnomufananidzo wangu? Hongu, vose vanhu vakasikwa pakutanga nemufananidzo wangu.

16 Tarisai, muviri uyu, wawakatarisa iye zvino, muviri awemweya wangu; uye vanhu ndakavasika nemufananidzo wemuviri wemweya wangu; uye kana zvandiri kuzviratidza kwauri ndiri mumweya ndichazviratidza kuvanhu vangu ndiri munyama.

17 Uye zvino, uye ini, Moronai, ndati handikwanise kuita rungano ruzere rwezvinhu izvi zvakanyorwa, naizvozvo zvakakwana kwandiri kuti nditi Jesu akazviratidza kumurume uyu mumweya, kana netsika zve nokufanana kwemuviri mumwecheteyo asewaakaratidza iye kumaNifai.

18 Uye akamudzidzisa kana sekudzidzisa kwaakaita maNifai; uye zvose izvi, zviri zvekuti murume uyu azive kuti ndiMwari, pamusana pemabasa makuru aakanga aratidzwa naIshe.

19 Uye pamusana peruzivo rwemurume uyu haaigona kuti asatarise mukati amechidzikatidzo; uye akaona munwe waJesu, uyu waakati aona, akapunzika nekutya; nokuti akaziva kuti munwe waIshe; uye akabva ave asisina rutendo, nokuti akaziva, pasina kukahadzika.

20 Nokudaro, aine ruzivo rwakakwana urwu rwaMwari, ahaaikwaniswa kuti arambidzwe ari kunze kwechidzikatidzo; naizvozvo akaona Jesu; uye akamudzidzisa.

21 Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kumukoma waJaredhi: Tarisai, usazobvumira kuti zvinhu izvi zvawaona nezvawanzwa kuti zviende munyika, kudakara anguva yasvika yekuti ndirumbidze muviri wangu munyama; nokudaro, uchakoshesa zvinhu zvawaona nezvawanzwa, uye usina munhu waunozviratidza.

22 Uye tarisai, kana wauya kwandiri, uchazvinyora uye wozvinama, kuti pashaye angazvidudzire; nokuti uchazvinyora nechirudzi chavasingagone kuverenga.

23 Uye tarisai, matombo amaviri aya ndinokupa, uye uchaanamira pamwechete nezvinhu zvauchanyora.

24 Nokuti tarisai, chirudzi chauchanyora ndakachivhiringa; nokudaro ndichaita kuti munguva yangu matombo aya aratidze kumaziso evanhu zvinhu izvi zvauchanyora.

25 Uye Ishe pavakanga vataura mazwi aya, vakaratidza mukoma waJaredhi vanhu avose vakambenge vagere munyika, neavo vose vakanga vachizouya; uye havana kuvavanza kumaziso ake, kana kusvika kumagumo kwenyika.

26 Nokuti vakambenge vati kwaari, akana bakatenda kwavari vaikwanisa kuzomuratidza zvinhu czvose—zvakafanira kuratidzwa kwaari; naizvozvo Ishe havaimurambidza kuona kana chimwe chinhu, nokuti aiziva kuti Ishe vaikwanisa kumuratidza zvinhu zvose.

27 Uye Ishe vakati kwaari: Nyora zvinhu izvi auzviname; uye ndichazviratidza munguva yangu ini kuvana vevanhu.

28 Uye zvakaitika kuti Ishe vakamuudza kuti anamire amatombo maviri aakanga atambira, arege kuaratidza, kudakara Ishe vaaratidza kuvana vevanhu.