Magwaro Matsvene
Eta 15


Chitsauko 15

Zviuru zvezviuru zvemaJaredhi zvinouraiwa muhondo—Shizi naKorianduma vanounganidza vanhu vose kuti vanourayana nekurwa—Mweya waIshe unoregera kushanda navo—Rudzi rwemaJaredhi rwunoparadzwa zvachose—Korianduma chete ndiye anosara.

1 Uye zvakaitika kuti Korianduma paakanga apora maronda ake, akatanga kuyeuka amazwi akanga ataurwa kwaari naEta.

2 Akaona kuti kwakange kwatove nevanhu vake vakanga vauraiwa nemunondo vangatoda kusvika mamirioni maviri, uye akatanga kusuwa mumwoyo make; hongu, kwakanga kwauraiwa zviuru zvezviuru zviviri zvemagamba evarume, nevakadzi vavo nevana vavo.

3 Akatanga kutendeuka kuzvitema zvaakanga aita; akatanga kurangarira mazwi akanga ataurwa nemiromo yemaporofita vose, uye akaaona kuti kusvika nguva iyoyo akanga azadzikiswa, mune zvose; uye mweya wake wakachema ukaramba kunyaradzwa.

4 Uye zvakaitika kuti akanyora tsamba kuna Shizi, achimukumbira kuti asauraye vanhu, uye iye aizorega umambo pamusana peupenyu hwevanhu.

5 Uye zvakaitika kuti Shizi paakatambira tsamba yake akanyorawo tsamba kuna Korianduma, akati kana iye akazvipira kuti iye amuuraye nemunondo wake, aizopa vanhu upenyu hwavo.

6 Uye zvakaitika kuti vanhu havana kutendeuka kuzvitadzo zvavo; uye vanhu vaKorianduma vakamutswa kuita hasha nevanhu vaShizi; uye vanhu vaShizi vakamutswa kuita hasha nevanhu vaKorianduma; nokudaro, vanhu vaShizi vakarwisa vanhu vaKorianduma.

7 Uye Korianduma paakaona kuti ave kuda kukurirwa akatiza vanhu vaShizi.

8 Uye zvakaitika kuti akauya kurwizi rweRipuriangumu, zvinoreva, zvadudzirwa rwukuru, kana kuti rwukuru kupfuura ose; nokudaro, pavakasvika pamvura idzi vakadzika matende avo; uye Shizi akadzikawo matende ake pedyo navo; uye naizvozvo mangwana acho vakauya kuzorwa.

9 Uye zvakaitika kuti vakarwa hondo yakarwadza kwazvo, iyo yakaita kuti Korianduma akuvadzwe zvakare, akakomoka zvakare nepamusana pekurasikirwa neropa.

10 Uye zvakaitika kuti mauto aKorianduma akadzvinyirira zvikuru pamauto aShizi zvekuti vakavakunda, zvekuti vakaita kuti vavatize; uye vakatiza nechekumaodzanyemba, uye ndokubva vadzika matende avo munzvimbo yainzi Ogati.

11 Uye zvakaitika kuti mauto aKorianduma akadzika matende avo pachikomo chainzi Rama; uye ndicho chikomo chimwechetecho amakavigwa zvinyorwa nababa vangu Mormoni kuna Ishe, zvakanga zviri zvaiera.

12 Uye zvakaitika kuti vakaunganidza vanhu vose pamwechete vakanga vasina kuuraiwa pamusoro penyika yose, kunze kwaEta.

13 Uye zvakaitika kuti Eta akaona kuita kwose kwevanhu; uye akaona kuti vanhu vaida Korianduma vakaungana pamwechete nemauto aKorianduma; uye vanhu vakanga vachida Shizi vakaungana pamwechete nemauto aShizi.

14 Nokudaro, kwemakore mana vakanga vachiunganidza vanhu pamwechete, kuti vatore vose vaive pamusoro penyika, uye kuti vangango wana simba rose raigona kuwanikwa.

15 Uye zvakaitika kuti pavakanga vaunganidzwa vose, munhu nemunhu kumauto aaida, nevakadzi vavo nevana vavo—vose varume nevakadzi nevana vachipiwa zvombo zvehondo, vaine nhowo, anezvidzitiro zvepazvipfuva, nezvidzitiro zvemumisoro, uye vakapfekedzwa zvehondo—vakaenderana vakarwisana; uye muswere wose zuva iroro, pasina akakundwa.

16 Uye zvakaitika kuti hwave usiku vakanga vaneta, uye vakabva vaenda kumisasa yavo; uye zvavakanga vaenda kumisasa yavo vakawuura uye vakanyunyuta pamusana pekurasikirwa nevanhu vavo vakanga vauraiwa; uye vakachema zvikuru nokunyunyuta, zvekuti zvakazara mumhepo.

17 Uye zvakaitika kuti ave mangwana vakaenda zvakare kunorwa, uye rakave zuva rakatyisa zvikuru; zvakadaro, hakuna akakundwa, uye hwave usiku zvakare vakazadza mhepo nokuchema kwavo, nokuwuura kwavo, nokurungaira kwavo, pamusoro pekurasika kweavo vevanhu vavo vakanga vauraiwa.

18 Uye zvakaitika kuti Korianduma akanyora tsamba zvakare kuna Shizi, achimukumbira kuti asauye zvekare kuzorwa, asi kuti atore umambo arege kuparadza upenyu hwevanhu.

19 Asi tarisai, Mweya waIshe wakanga usisashande navo, uye aSatani akange ave nesimba mumwoyo yevanhu; nokuti vakanga vazvipira mukuoma kwemwoyo yavo, neupofu hwepfungwa dzavo kuti vave vanoparadzwa; nokudaro vakaenda zvakare kunorwa.

20 Uye zvakaitika kuti vakarwa muswere wose zuva iroro, uye hwave usiku vakarara vakatsamhira minondo yavo.

21 Uye mangwana acho vakarwa kudakara kusvika usiku.

22 Uye hwave usiku vakange avadhakwa nehasha, sezvinoita munhu adhakwa newaini; uye vakarara vakatsamhira minondo yavo zvakare.

23 Uye ramangwana vakarwa zvakare; uye pakauya usiku vose vakanga vafa kusara kwemakumi mashanu nevaviri vevanhu vaKorianduma, nemakumi matanhatu nevapfumbamwe vevanhu vaShizi.

24 Uye zvakaitika kuti vakarara vakatsamhira minondo yavo usiku ihwohwo, uye ramangwana vakarwa zvakare, uye vakanetsana nesimba ravo neminondo yavo nenhoo dzavo, muswere wose zuva iroro.

25 Uye hwave usiku pakanga pasara makumi matatu nevaviri kuvanhu vaShizi, uye kuvanhu vaKorianduma kwakanga kwasara makumi maviri nevanhu vanomwe.

26 Uye zvakaitika kuti vakadya uye vakarara, uye vakagadzirira kufa ramangwana. Uye vakanga vari mazirume mahombe uye magamba makuru ane simba.

27 Uye zvakaitika kuti vakarwa kwenguva yaikwana maawa matatu, uye vakakomoka nokurasikirwa neropa.

28 Uye zvakaitika kuti vanhu vaKorianduma pavakanga vave nesimba rekuti vaikwanisa kufamba, vakanga vave kuda kuti vatize neupenyu hwavo; asi tarisai, Shizi akamuka, nevanhu vakewo, akatsidza mukushatirwa kwake kuti achatouraya Korianduma kana kuti iye aizofa nemunondo.

29 Nokudaro, akavatevera, uye ramangwana racho akavabata; uye vakarwa zvakare neminondo. Uye zvakaitika kuti avose pavakange vapunzwa nemunondo, kusara kwaKorianduma naShizi, tarisai Shizi akakomoka pamusana pekurasikirwa neropa.

30 Uye zvakaitika kuti Korianduma paakanga azendama munondo wake, achizorora zvishomanani, akadimbura musoro waShizi.

31 Uye zvakaitika kuti paakanga adimbura musoro waShizi, Shizi akaita seave kumuka ndokubva awira pakare; uye mushure mekuedza kuti awane mweya, akafa.

32 Uye zvakaitika kuti aKorianduma akawira pasi, uye akaita seasiri mupenyu.

33 Uye Ishe vakataura kuna Eta, vakati kwaari: Enda. Uye akaenda, uye akaona kuti mazwi aIshe ose akanga azadzikiswa; uye akabva apedzisa azvinyorwa zvake; (uye chidimu chezana handina kuchinyora) uye akazviviga netsika yazvakawanikwa zviri nevanhu vaRimuhai.

34 Zvino mazwi ekupedzisira akanyorwa anaEta ndeaya: Kana zvimwe Ishe vanoda kuti ndishandurwe, kana kuti ndinzwe chido chaIshe munyama, hazvina mhosva, kana zviri zvekuti ndaponeswa muumambo hwaMwari. Ameni.