Magwaro Matsvene
Moronai 1


Bhuku raMoronai

Chitsauko 1

Moronai anonyora kubatsira maRamani—MaNifai ayo asingarambe Kristu anourayiwa. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Zvino ini aMoronai, ndapedza kupfupikisa zvinyorwa zvevanhu vaJaredhi, ndakafunga kuti handifanire kunge ndichanyora zvimwe; asi handisati ndafa; handiite kuti maRamani andizive nokuti vangandiuraye.

2 Nokuti tarisai, ahondo dzavo pachavo dzinotyisa zvikuru; uye nokuda kworuvengo rwavo bvayiuraya chero muNifai asingarambe Kristu.

3 Uye ini Moronai, ahandingarambe Kristu; nokudaro, handizivi kwandinokwanisa kuti ndichengetedze upenyu hwangu.

4 Nokudaro, ndinonyora zvimwe zvinhu zvishoma, zvisingawirirane neizvo zvandanga ndichifunga; nokuti ndanga ndafunga kuti ndisanyore; asi ndinonyora zvimwe zvinhu zvishoma, kuti zvimwe zvingave zvinobatsira kuhama dzangu, maRamani, nerimwe zuva riri mberi, maererano nokuda kwaIshe.