Magwaro Matsvene
Moronai 3


Chitsauko 3

Magosa anogadza vapirisita nevadzidzisi nokuvaisa maoko pamusoro. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Nzira iyo vadzidzi, vakadaidzwa kuve amagosa echechi, byavaigadzwa nayo vapirisita nevadzidzisi—

2 Shure kwokunge vanamata kuna Baba muzita raKristu, vakaisa maoko pamusoro pavo, vakati:

3 Muzita raJesu Kristu ndinokugadza kuti uve mufundisi (kana ari mudzidzisi, ndinokugadza kuti uve mudzidzisi) kuti uparidze kutendeuka anokuregererwa kwezvivi kuburikidza naJesu Kristu, nokushingirira mukutenda muzita rake kusvika kumagumo. Ameni.

4 Uye netsika iyi avakagadza vapirisita nevadzidzisi, maererano bnezvipo nokudaidzwa naMwari kwevanhu; uye vakavagadza kuburikidza cnesimba roMweya Mutsvene, wakanga uri mavari.