Magwaro Matsvene
Moronai 10


Chitsauko 10

Uchapupu hweBhuku raMormoni hunouya nesimba roMweya Mutsvene—Zvipo zvoMweya zvinopiwa kune vanotenda—Zvipo zvoMweya zvinofambidzana nokutenda—Mazwi aMoronai anotaura achibva muguruva—Uyai kuna Kristu, muitwe vakarurama maari, nokuita kuti mweya yenyu ive mitsvene. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Zvino ini Moronai, ndinonyora zvimwe zvandinoona sezvakanaka; zve ndinonyora kuhama dzangu; amaRamani; ndinoita kuti vazive kuti makore anopfuura mazana mana nemakumi maviri apfuura kubvira chiratidzo chokuuya kwaKristu chakapiwa.

2 Uye andinonama zvinyorwa izvi, shure kwekutaura mazwi mashoma maererano nokukurudzira kwamuri.

3 Tarisai, ndinokukurudzirai kuti kana muchinge maverenga zvinhu izvi, kana huri uchenjeri munaMwari kuti muzviverenge, kuti murangarire kuti Ishe vakaita tsitsi dzakaita sei kuvana vevanhu, kubvira kusika kwaakaita Adama kusvikira panguva iyo muchagamuchira zvinhu izvi, uye amugozvifungisisa bmumwoyo yenyu.

4 Uye pamuchange magamuchira zvinhu izvi, ndinokukurudzirai kuti amubvunze Mwari Baba Vokusingaperi, muzita raKristu, kana zvinhu izvi bzvisiri zvechokwadi; kana muchinge makumbira nomwoyo cwose, nechido dchaicho, mune ekutenda muna Kristu, fachakuburitsirai gchokwadi chazvo, nesimba roMweya Mutsvene.

5 Uye nesimba roMweya Mutsvene amuchaziva bchokwadi chezvinhu zvose.

6 Zve chinhu chose chakanaka chakarurama uye chiripachokwadi; nokudaro, chakanaka hachingarambe Kristu, asi chinotenda kuti ndiye.

7 Uye munozoziva kuti ndiye; nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro ndinokukurudzirai kuti musarambe simba raMwari; nokuti anoshanda nesimba, amaererano nokutenda kwevana vevanhu, zvimwechete nhasi, mangwana, nokusingaperi.

8 Uye zvakare, ndinokukurudzirai, hama dzangu, kuti musarambe azvipo zvaMwari, nokuti zvakawanda; zve zvinobva kuna Mwari vamwechete. Uye kune nzira bdzakasiyana dzinopiwa nadzo zvipo izvi; asi ndiMwari vamwechete vanoshanda madziri dzose; zvinopiwa nezviratidzo zveMweya waMwari kuvanhu, kuti zviwedzerwe kwavari.

9 Nokuti tarisai, akune mumwe anopihwa noMweya waMwari, kuti bagodzidzisa shoko roungwaru.

10 Uye kune mumwe, kuti adzidzise shoko roruzivo noMweya mumwecheteyo.

11 Uye kune mumwe, akutenda kukuru; kune mumwe, zvipo bzvokuporesa noMweya mumwecheteyo;

12 Uye zvakare, kune mumwe, kuti ashande azvishamiso zvikuru;

13 Uye zvakare, kune mumwe, kuti aporofite pamusana pezvinhu zvose;

14 Uye zvakare, kune mumwe, kuona ngirozi nokuparidza kwomweya;

15 Uye zvakare, kune mumwe, marudzi ose endimi.

16 Uye zvakare, kune mumwe, kududzira kwemitauro yakasiyana ayendimi dzose.

17 Uye zvose zvipo izvi zvinouya noMweya waKristu; zvinouya kune mumwe nemumwe, maererano nokuda kwake.

18 Uye ndinokukurudzirai, hama dzangu dzinodiwa, kuti murangarire kuti chipo achose chakanaka chinobva kuna Kristu.

19 Uye ndinokukurudzirai, hama dzangu dzinodiwa, kuti murangarire kuti ndiye amumwecheteyo zuro, nanhasi, nokusingaperi, uye kuti zvipo zvose izvi zvandataura, izvo zvomweya, hazvizobviswi, kana nyika ichimire, chete bnokusatenda kwevana vevanhu.

20 Nokudaro, kunofanirwa kuve anokutenda; uye kana pane kutenda panofanirwa kunge pane tariro; kana pane tariro panofanirwa kunge pane rudo rwakadzama zvakare.

21 Uye kunze kwokunge une arudo rwakadzama hakuna imwe nzira yaungaponeswa nayo muumambo hwaMwari; kana kuti haungaponeswe muumambo hwaMwari usina kutenda; kana kuponeswa usina tariro.

22 Uye kana musina tariro munenge makarasa mwoyo; kurasa mwoyo kunouya nokuda kwezvitadzo.

23 Uye Kristu akati zvechokwadi kumadzibaba edu; akana mune kutenda munokwanisa kuita zvinhu zvose zvinofadza kwandiri.

24 Uye zvino ndinotaura kumagumo enyika—kuti kana zuva rasvika kuti simba nezvipo zvaMwari hazvichazoitika pakati penyu, zvinozoitika apamusana bpokusatenda kwenyu.

25 Uye vane nhamo vana vevanhu kana zvikadaro; nokuti panenge apasina kana mumwechete achaita zvakanaka pakati penyu, kunyange mumwe zvake. Nokuti kana pane mumwe pakati penyu anoita zvakanaka, achashanda nesimba nezvipo zvaMwari.

26 Uye vane nhamo avo vachaita zvinhu izvi zvibve, nokuti avachafira bmuzvivi zvavo, havazoponiswi muumambo hwaMwari; ndinozvitaura maererano nemazwi aKristu; uye handinyepi kwete.

27 Uye ndinokukurudzirai kuti murangarire zvinhu izvi; kuti nguva ichasvika nokukurumidza apo muchaziva kuti handinyepi, nokuti muchandiona pachigaro chekutonga chaMwari; Ishe Mwari vachati kwamuri: Handina kutaura here amazwi angu kwamuri, ayo akanyorwa nemurume uyu, bachichema somunhu akafa, hongu, kunyange somunhu ari kutaura kubva cmuguruva?

28 Ndinotaura zvinhu izvi kwamuri mukuzadzikisa huporofita. Uye tarisai, zvichabuda kubva mumuromo waMwari vasingaperi; shoko ravo arichashinyira kubva kuzvizvarwa kuenda kuzvizvarwa.

29 Uye Mwari vachakuratidzai, kuti zvandakanyora ndezvechokwadi.

30 Uye zvakare ndinokukurudzirai kuti amuuye kuna Kristu, muve munobatirira kune zvipo zvose zvakanaka, bmusabate zvipo zvakaipa, kana zvinhu zvine tsvina.

31 Uye amukai, musimuke kubva muguruva, Jerusarema; hongu, upfeke hanzu dzako dzakanaka, mwanasikana bweZioni; csimbisa dmbambo dzako uye pamhidzira miganhu yako nokusingaperi, kuti eurege kuzokanganiswa, kuti zvivimbiso zvaBaba Vokusingaperi zvaakaita kwauri, imba yaIsraeri, zvigozadzikiswa.

32 Hongu, auyai kuna Kristu, bmunatswe maari, uye rambai kusarurama kwose; asi mukaramba kusarurama kwose, cmoda Mwari nekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa dzenyu dzose, nesimba renyu rose nokudaro nyasha dzavo dzinokwanirana nemi, kuti nenyasha dzavo mugova vakakwana muna Kristu, kana dnenyasha dzaMwari makakwana muna Kristu, hamuna nzira yamungagoni kuramba nayo simba raMwari.

33 Uye zvakare, kana makanaka nenyasha dzaMwari muna Kristu, musingarambe simba rake, naizvozvo munoitwa kuti muve avatsvene muna Kristu nenyasha dzaMwari, kuburikidza nokudeurwa bkweropa raKristu, riri muchibvumirano chaBaba chokuti cmuregererwe zvitema zvenyu, kuti mugova dvatsvene, vasina kavara.

34 Uye zvino kwamuri mose, ndinokuwonekai. Ndichaenda muchinguvana akundozorora bmuparadiso raMwari, kudzamara cmweya wangu nomuviri dzvazosanganiswa zvakare, ndichizounzwa nokukunda enomumhepo, kuzosangana nemi pamberi pechigaro fchinofadza gchaJehova vakuru, hMutongi Vokusingaperi wavose vapenyu novakafa. Ameni.

Magumo