Magwaro Matsvene
Moronai 5


Chitsauko 5

Nzira yokunamatira nayo chirairo chewaini. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 aNzira yokunamatira nayo waini—Tarisai, vaitora mukombe, voti:

2 Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai, muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa awaini iyi kumweya yeavo vose vanoinwa, kuti vave vanozviita bmukurangarira ropa reMwanakomana wenyu, iro rakadeurirwa; kuti vagopupura kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vagomurangarira nguva dzose, kuti vave neMweya wake. Ameni.