Magwaro Matsvene
Moronai 9


Tsamba yechipiri yaMormoni kune mwanakomana wake Moronai.

Zvichisanganisa chitsauko 9.

Chitsauko 9

Vose maNifai nemaRamani vakashata uye vadzikira—Vanorwadzisana nokuurayana—Mormoni anonamata kuti nyasha nokunaka kuve pana Moronai nokusingaperi. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Mwanakomana wangu wandinodisisa, ndinonyora zvakare kwauri, kuti uzive kuti ndichiri mupenyu; asi ndinonyora nezvezvinhu zvinosuwisa.

2 Nokuti tarisai, ndarwa hondo yakaomarara namaRamani, asi hatina kuvakurira; uye Arikeandusi akaurayiwa nomunondo, pamwe-chete naRuramu naEmuroni; hongu, uye tarasikirwa nevakawanda vevarume vedu vanogona zvehondo.

3 Uye zvino tarisai, mwanakomana wangu, ndinotya kuti zvimwe maRamani achaparadza vanhu ava; nokuti havatendeuke, Satani anovakonzera kuti vapopotedzane pachavo.

4 Tarisai, ndiri kushanda navo nguva dzose; uye ndikataura mazwi aMwari azvakasimba vanodedera vonditsamwira; ndikasataura zvakasimba vanoomesa mwoyo yavo; nokudaro, ndinotya kuti Mweya waIshe pamwe warega bkushanda navo.

5 Nokuti vanoshatirwa zvokuti ndinoona sekunge vasingatye rufu; uye havasisina rudo, mumwe kune mumwe; vanonzwa anyota yeropa nokutsividza nguva dzose.

6 Uye zvino, mwanakomana wangu wandinoda, kunyange zvavo vakaoma mwoyo, tinofanirwa kushanda anesimba; nokuti tikarega bkushanda, tichatongwa nemutongo wekurangwa; nokuti tine basa rekuita tichiri mutabernakeri yevhu, rekuti tikunde mhandu yezvinhu zvose zvitsvene, tizorodze mweya yedu munyika yaMwari.

7 Zvino ndinonyora zvishoma nezvekutambudzika kwevanhu ava. Nokuti maererano noruzivo rwandakagamuchira kubva kuna Amorone, tarisai, maRamani ane vasungwa vakawanda, avo vavakatora kubva panharira yeSheriza; uye pakange pane varume, vakadzi, navana.

8 Uye varume namadzibaba evakadzi nevana avo vavauraya; vanovadyisa nyama dzevarume vavo, vana vachidyiswa nyama dzemadzibaba avo; pasina mvura, kusara kweshoma, yavanovapa.

9 Kunyange zvavo vaine chitema chikuru ichi ivo maRamani, hachipfuure chevanhu vedu veMoriandumu. Nokuti tarisai, vanasikana vakawanda vemaRamani vakatorwa sevasungwa; shure kwokuvatorera icho chakanga chakakoshesesa kupfuura zvimwe zvose, chinova akusapomba bnoumhandara

10 Uye shure kwokunge vadai, vakavauraya nenzira yakaipisisa zvikuru, vachirwadzisa miviri yavo kusvikira vafa; shure kwokunge vaita izvi, vanodya nyama yavo kunge mhuka dzesango, nokuda kwekuoma kwemwoyo yavo; vanozviita nokuda kuratidza kushinga kwavo.

11 Mwanakomana wangu wandinodisa, ko vanhu vakadai, vasina rujeko—

12 (Uye makore mashoma apfuura, vakanga vari vanhu vaive nerujeko vaifadza)

13 Asi mwanakomana wangu, vanhu vakadai, vanowana mufaro mune zvinhu zvakaipa kudai—

14 Tingatarisire sei kuti Mwari avanozorega kutitonga?

15 Tarisai, mwoyo wangu unochema: Nhamo kune vanhu ava. Tongai, Mwari, muvige zvivi zvavo, nokuipa kwavo, neruvengo kubva pamberi pechiso chenyu!

16 Uyezve, mwanakomana wangu, pane ashirikadzi dzakawanda navanasikana vadzo vanoramba vari muSheriza; nezvekudya zvisina kutorwa namaRamani, tarisai, zvatakurwa namauto aZenefai, akavasiya vachitsvaka kwose-kwose zvokudya; madzimai mazhinji achembera anokomoka achifira munzira.

17 Uye mauto angu haana kusimba; uyezve mauto amaRamani ari pakati pangu neSheriza; avo vose vakatizira kumauto aaAroni vakawira munjodzi nokuda kwouipi hwavo.

18 Kuipa kwevanhu vangu! Havana gwara kana tsitsi. Tarisai, ini ndiri murumewo zvangu, ndingoriwo nesimba remunhu chete, uye handichakwanisa kumanikidza vanhu kuti vateedze mirairo yangu.

19 Uye vava nesimba guru rokurasika; vakaita sevapondi, vasingasii mumwe, kunyange vakuru kana vaduku; vanofadzwa muzvinhu zvose kunze kweizvo zvakanaka; kutambudzika kwevakadzi navana vedu pamusoro pechiso chenyika kunopfuura zvose; hongu, rurimi harungatauri, kana kunyorwa hazvinganyorwe.

20 Uye zvino, mwanakomana wangu, handichagara pano zvakare pane zviitiko zvakaipa kudai. Tarisai, unoziva kuipa kwevanhu ava; unoziva kuti havana zvinangwa, kana pfungwa dzezvakare; kuipa kwavo akunopfuura kwemaRamani.

21 Tarisai, mwanakomana wangu, handingavarumbidze kuna Mwari nokuti vangandirange.

22 Asi tarisai, mwanakomana wangu, ndinokuisa kuna Mwari, ndinovimba muna Kristu kuti uchaponeswa; ndinonamata kuna Mwari kuti avachengetedze upenyu hwako, kuti uone kudzoka kwavanhu vavo kwavari, kana kuparadzwa kwavo zvachose; nokuti ndinoziva kuti vanofanira kufa kunze kwokunge bvatendeuka nokudzokera kwaari.

23 Uye kana vakafa vanenge vafanana nemaJaredhi, pamusana pokuoma kwemwoyo yavo, anokutsvaga ropa nokuda bkutsividza.

24 Zve kana vakafa, tinoziva kuti hama dzedu dzakawanda adzakatizira kumaRamani, uye zvakare vakawanda vachatizira kwavari; nokudaro, nyora zvishoma; kana uchinge wasiiwa ini ndikafa ndikasazokuona; asi ndinovimba kuti ndichakuona munguva pfupi; nokuti ndine zvinyorwa zvinoera izvo ndakafanira bkupa kwauri.

25 Mwanakomana wangu, vimbika muna Kristu; izvo zvinhu zvandanyora zvisakurwadze, kuti zvidzamare zvikusvitse kurufu; asi Kristu akusimudzire, akutambudzika kwake nerufu, nokuzviratidza muviri wake kumadzibaba edu, netsitsi dzake nomwoyo wake murefu, netariro yokubwinya kwake yeupenyu bhwokusingaperi, zvizorore cmupfungwa dzako nokusingaperi.

26 Uye nyasha dzaMwari Baba, chigaro chavo chiri kumusoro kumatenga, naIshe vedu Jesu Kristu, anogara kuruoko arwerudyi rwesimba ravo, kusvikira zvinhu zvose zvave pasi pavo, zvive, nokugara newe nokusingaperi. Ameni.