Magwaro Matsvene
Moronai 4


Chitsauko 4

Kunamatira kunoita magosa nevapirisita chingwa chechirairo kunotsanangurwa. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 aNzira byemagosa nevapirisita vavo pakupa nyama neropa raKristu muchechi; cvaipa maererano nemurairo waKristu; nokudaro tinoziva kuti nzira iyi ndeye chokwadi; uye gosa kana mupirisita ndiye aipa—

2 Uye vaipfugama vose nechechi, vachinamata kuna Baba muzita raKristu, vachiti:

3 Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa achingwa ichi kumweya yeavo vose vanochidya; kuti vagochidya bmukurangarira muviri weMwanakomana wenyu, uye vapupure kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vanoda kutora pavari czita reMwanakomana wenyu, nokumurangarira nguva dzose, nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa, kuti vave dneMweya wake nguva dzose. Ameni.