Magwaro Matsvene
Eta 13


Chitsauko 13

Eta anotaura nezveJerusarema Idzva ichavakwa muAmerica nembeu yaJosefa—Anoporofita, anokandwa kunze, anonyora rungano rwemaJaredhi, uye ndokutaura kuparadzwa kuchaitwa maJaredhi—Hondo inopisa munyika yose.

1 Uye zvino ini Moronai, ndinoenda mberi kuti ndipedze zvinyorwa zvangu pamusoro pekuparadzwa kwevanhu vandanga ndichinyora nezvavo.

2 Nokuti tarisai, vakaramba ose mazwi aEta; nokuti zvirokwazvo akavaudza nezvezvinhu zvose, kubvira pakutanga kwemunhu; nokuti mushure mekunge mvura adzapera pamusoro penyika iyi yakave nyika yakanaka kupfuura dzimwe nyika dzose, nyika yakasarudzwa naIshe; nokudaro Ishe vakada kuti vose vanhu vachagara munyika umu vanofanira bkumushandira;

3 Uye nokuti yaive nzvimbo yeJerusarema aIdzva, brichauya richabva kudenga, uye iri nzvimbo tsvene yaIshe.

4 Tarisai, Eta akaona mazuva aKristu, uye akataura nezveJerusarema aIdzva munyika muno.

5 Uye akataurawo nezvemba yaIsraeri, aneJerusarema kwaizobva bRihai—mushure mekunge raparadzwa raizovakwa zvakare, guta cdzvene kuna Ishe; nokudaro, haraizove Jerusarema idzva nokuti rakanga ririko munguva yakare; asi richavakwa zvakare, uye rove guta dzvene raIshe; uye richavakwa kumba kwaIsraeri—

6 Uye kuti Jerusarema aIdzva richavakwa munyika ino, kune vakasara vembeu byaJosefa, zviri zvinhu zvagara zviine cchiratidzo.

7 Uye Josefa akaunza baba vake kunyika ayeEgipita, kana izvozvo akafirako; naizvozvo Ishe vakaunza vakasara vembeu yaJosefa kubva munyika yeJerusarema, kuti vave netsitsi kumbeu yaJosefa kuti bvasafe, kana zvavakaitira baba vaJosefa tsitsi zvekuti vasafe.

8 Nokudaro, vakasara vemba yaJosefa vachavakwa amunyika ino; uye ichave nyika yenhaka yavo; uye ivo vachavaka guta dzvene kuna Ishe, seJerusarema rakare; uye bhavachazovhiringidzwa zvakare, kudakara kuguma kwauya pachapfuura nyika.

9 Uye kuchave nedenga aidzva nenyika itsva; uye zvichangoita sezvakare chete zvakare zvinenge zvakapfuura, uye zvose zvinhu zvinenge zvave zvitsva.

10 Uye zvino kwobva kwauya Jerusarema Idzva; uye vakaropafadzwa avo vanogara mariri, nokuti ndivo ivavo vane nhumbi adzakachena pamusana peropa reGwayana; uye ndivo ivavo vanoverengerwa mune vakasara vembeu yaJosefa, vakanga vari vemba yaIsraeri.

11 Uye ipapo pobva pauyawo Jerusarema rekare; uye vagari vemo, vakaropafadzwa, nokuti vakagezwa muropa reGwayana; uye ndivo vaye vakanga vakapararira uye avakaunganidzwa kubva kumativi mana enyika, nekubva kunyika bdzekuchamhembe, uye vari vadyi vekuzadzikiswa kwechibvumirano icho chakaitwa naMwari nababa vavo cAbrahama.

12 Uye kana zvinhu izvi zvouya, zvinozadzikisa gwaro rinoti, ndivo vakanga vari avekutanga, vachave vekupedzisira; uye ndivo vakanga vari vekupedzisira, vachave vekutanga.

13 Uye ndange ndave kuda kunyora zvimwe, asi ndiri kurambidzwa; asi zviporofita zvaEta zvaive zvikuru zvinoshamisa; asi vakanga vasingamuverenge sechinhu, uye vakamukanda kunze; uye aihwanda mubako redombo masikati, uye aienda achitarisa zvinhu zvaida kuuya kuvanhu.

14 Uye zvaakanga agere mubako iri akanyora zvakanga zvasara muzvinyorwa zvino, achitarisa kuparadzwa kwaiuya pavanhu, neusiku.

15 Uye zvakaitika kuti mugore rakarero raakanga akandwa kunze kubva muvanhu kwakatanga kuve nehondo huru pakati pevanhu, nokuti kune vazhinji vakamuka, vakanga vari vanhu vaityisa, vaitsvaka kuparadza Korianduma nezvikwata zvavo zvekavere-vere zveuipi, izvo zvambotaurwa nezvazvo.

16 Uye zvino Korianduma, adzidza, pachake, muzvinhu zvose zvehondo neudzvotsvo hwose hwemunyika, nokudaro akavarwiswa avo vaida kumuparadza.

17 Asi haana kutendeuka, kana vanakomana vake vakanga vakanakisisa kana vanasikana vake; kana vanakomana nevanasikana vakanakisisa vaKoho; kana vanakomana nevanasikana vakanakisisa vaKoriho; uye muchidimbu, hakuna mwanakomana kana mwanasikana pamusoro penyika yose akatendeuka muzvitema zvavo.

18 Nokudaro, zvakaitika kuti mugore rekutanga rakagara Eta mubako, kune vanhu vazhinji vakauraiwa nemunondo wezvikwata zviye azvemuruvande, vairwisa Korianduma kuti zvimwe vangatore umambo.

19 Uye zvakaitika kuti vanakomana vaKorianduma vakarwa zvikuru uye vakarasa ropa rakawanda.

20 Uye mugore rechipiri shoko raIshe rakauya kuna Eta, kuti aende anoporofita kuna aKorianduma kuti, kana akatendeuka, nemba yake yose, Ishe vaizomupa umambo hwake nokuponesa vanhu—

21 Nokuti angangoparadzwa, nemhuri yake yose kunze kwake iye pachake. Uye achangorarama chete kuti aone kuzadzikiswa kwezviporofita zvakanga zvakataurwa maererano anevamwe vanhu vaitambira nyika senhaka yavo; uye Korianduma akafanira kugashira kuvigwa navo; uye wose mweya uchaparadzwa kunze bkwaKorianduma.

22 Uye zvakaitika kuti Korianduma haana kutendeuka, kana imba yake, kana vanhu; uye hondo hadzina kupera; uye vakatsvaka kuuraya Eta, asi akatiza akanohwanda zvakare mubako.

23 Uye zvakaitika kuti kwakamuka Sharedhi, naiyewo akarwisa Korianduma; uye akamukunda, zvekuti mugore rechitatu akamuisa muutapwa.

24 Uye vana vaKorianduma, mugore rechina, vakakunda Sharedhi, uye vakatora umambo zvakare vakahupa baba wavo.

25 Zvino kwakatanga kuve nehondo pamusoro penyika yose, wose munhu nechikwata chake achirwira icho chainge chichidiwa naye.

26 Uye kwaive nemakororo, uye muchidimbu, kwakaita hwose uipi pamusoro penyika.

27 Uye zvakaitika kuti Korianduma akashatirirwa Sharedhi zvikuru, uye akaenda nemauto ake kunomurwisa; uye vakasangana vose vaine hasha dzakanyanya, uye vakasangana munhika yeGirgari; uye hondo yacho ikarwadza zvikuru.

28 Uye zvakaitika kuti Sharedhi akamurwisa kwemazuva matatu. Uye zvakaitika kuti Korianduma akamukurira, uye akamutandanisa kudakara asvika kumarenje eHeshironi.

29 Uye zvakaitika kuti Sharedhi akamurwisa zvakare ave mumarenje; uye tarisai, akakurira Korianduma, uye ndokumutinhira zvakare kunhika yeGirgari.

30 Uye Korianduma akarwisa zvakare Sharedhi munhika yeGirgari, maakakunda Sharedhi akabva amuuraya.

31 Uye Sharedhi akakuvadza Korianduma pachidya, zvekuti haana kuenda kuhondo zvakare kwemakore maviri, munguva iyoyo yose vanhu pamusoro penyika vakanga vachideura ropa, uye pakanga pasina aivarambidza.