Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 84


Chikamu 84

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio 22 na23 Gunyana 1832 (History of the Church, 1:286–295). Mumwedzi waGunyana, magosa akanga atanga kudzoka kubva kumabasa avo ekuparidza kunyika dzekumabvazuva nekuzopa zvirevo pamusoro pemabasa avo. Pavakanga vari pamwechete mumwaka vekufara uyu ndipo pakagashirwa mazwi aya. Muporofita akachiti chizaruro pamusoro pehupirisita.

1–5, Jerusarema Idzva netemberi zvichavakwa muMissouri; 6–17, Mutsetse wehupirisita kubva kuna Mosesi kusvika kuna Adama unopihwa; 18–25, Hupirisita hukuru ndounobata kiyi yekuziva Mwari; 26–32, Hupirisita hudiki hune kiyi yehushumiri hwengirozi nevhangeri rekugadzirira; 33–44, Vanhu vanowana upenyu hwokusingaperi kuburikidza nemhiko nechibvumirano chehupirisita; 45–53, Mweya waKristu unojekesera vanhu, nenyika igere muchitadzo; 54–61, Vatendi vanofanira kupupura nezvinhu izvo zvavakagashira; 62–76, Vanofanira kuparidza vhangeri, uye zviratidzo zvichavatevera; 77–91, Magosa anofanira kuenda izvozvi asina chikwama kana mbuva, uye Ishe vachavachengeta mune zvavanoshaya; 92–97, Zvirwere nekutukwa zvakamirira avo vanoramba vhangeri; 98–102, Rwiyo rwutsva rwerununuro rweZioni rwunopihwa; 103–110, Wose munhu ngaamire muchinzvimbo chake, ashande mubasa rake; 111–120, Varanda vaIshe vanofanira kushambadzira chinyangadzo chinoparadza chemazuva ekupedzisira.

1 Chakazarurwa chaJesu Kristu kumuranda wake Joseph Smith, Mwana, nemagosa matanhatu, sekubatana kwavakaita mumwoyo nekusimudza mazwi avo pamusoro.

2 Hongu, izwi raIshe riri maererano nechechi yavo, yakamiswa mumazuva ekupedzisira kuitira kudzorera pakare vanhu vavo, sekutaura kwavakaita nemiromo yevaporofita vavo, nekuungana kwevatendi vavo kuti vamire paGomo reZioni, iro richave guta reJerusarema Idzva.

3 Riri guta richavakwa, kutangira panzvimbo yetemberi, iyo yakadomwa nemunwe waIshe, kumiganhu yekumadokero eDunhu reMissouri, yakakumikidzwa neruoko rwaJoseph Smith, Mwana, nevamwe avo Ishe vavaifadzwa navo.

4 Zvirokwazvo iri ndiro izwi raIshe, kuti guta reJerusarema Idzva richavakwa kuburikidza nokuungana kwevatendi, kutangira panzvimbo iyi, kunyangwe nzvimbo yetemberi, iri temberi ichasimudzwa muchizvarwa chino.

5 Nokuti zvirokwazvo chizvarwa chino hachizopfuura chose kudakara imba yavakirwa Ishe, gore richamhara pairi, gore iroro richave kunyangwe kubwinya kwaIshe, uko kuchazadza imba iyi

6 Uye vanakomana vaMosesi, maererano neHupirisita Hutsvene uhwo hwaakagashira neruoko rwavatezvara vake Jetero;

7 NaJetero akahugashira pasi peruoko rwaKarebi;

8 NaKarebi akahugashira pasi peruoko rwaErihu;

9 NaErihu pasi peruoko rwaJeremia;

10 NaJeremia pasi peruoko rwaGadi;

11 NaGadi pasi peruoko rwaIsayasi;

12 NaIsayasi akahugashira pasi peruoko rwaMwari.

13 Isayasi naiyewo akagara mumazuva aAbrahama, akaropafadzwa naye—

14 Uyo Abrahama akagashira hupirisita kubva kuna Merkizedeki, uyo akahugashira kuburikidza nemutsetse wemadzibaba ake, kunyangwe kusvika kuna Noa;

15 Nekubvira kuna Noa kusvika kuna Enoki, nemumadzinza emadzibaba avo.

16 Uye kubvira kuna Enoki kusvikira kuna Aberi, uyo akauraiwa nehunyengedzi hwemukoma wake, uyo akagashira hupirisita kuburikidza nemirairo yaMwari, neruoko rwababa vake Adama, uyo akanga ari munhu wekutanga—

17 Huri Hupirisita hunoramba huri muchechi yaMwari muzvizvarwa zvose uye hauna kutanga kwemazuva kana kuguma kwemakore.

18 NaIshe vakasimbisa hupirisita zvakare pana Aroni nembeu yake, kuzvizvarwa zvavo zvose, huri hupirisitawo hunoramba huripo huchigara narinhi nehupirisita huri maererano nehurongwa hutsvene tsvene hwaMwari.

19 Nehupirisita hukuru uhu hunoshumira vhangeri huchibata kiyi dzezvakavanzika zveumambo, kana kunyangwe yeruzivo rwaMwari.

20 Naizvozvo, muzvisungo zvahwo, simba rehumwari rinoonekwa.

21 Uye pasina zvisungo zvahwo, nemvumo yehupirisita simba rehumwari harionekwe kumunhu munyama;

22 Nokuti pasina izvi hakuna munhu angaone chiso chaMwari, kunyangwe Baba, akararama.

23 Zvino izvi Mosesi akadzidzisa pachena kuvana vaIsraeri murenje, akatsvaka zvakaperera kuti achenese vanhu vake kuti vagogona kutarisa chiso chaMwari;

24 Asi vakaomesa mwoyo yavo vakatadza kutsungirira pamberi pavo; naizvozvo Ishe muhasha dzavo, nokuti hasha dzavo dzakanga dzatungidzwa pamusoro pavo, vakapika kuti havafanire kuti vapinde muzororo ravo vachiri murenje, zororo iri riri iro kuzara kwokubwinya kwavo.

25 Naizvozvo, vakabvisa Mosesi pakati pavo, neHupirisita Hutsvenewo;

26 Nehupirisita hudiki hwakaramba huripo, huri hupirisita hune kiyi dzekuparidza kwengirozi nevhangeri regadziriro.

27 Irori vhangeri riri vhangeri rekutendeuka, nererubhabhatidzo, nokuregererwa kwezvitadzo, nemutemo wemirairo yenyama, iyo yakaitwa naIshe pamusana pehasha dzavo, kuti irambe irimo mumba maAroni pakati pevana vaIsraeri kudakara Johane, uyo akasimudzwa naMwari, akazadzwa neMweya Mutsvene kubvira mudumbu raamai vake.

28 Nokuti akabhabhatidzwa achiri muhudiki hwake, akagadzwa nengirozi yaMwari panguva yaakanga aine mazuva masere ekuberekwa, kusimba irori, kuti apunze umambo hwemaJuda, uye kutwasanudza nzira yaIshe pamberi pezviso zvevanhu vavo, kuvagadzirira kuuya kwaIshe, avo vakapihwa simba rose mumaoko avo.

29 Uye zvakare, zvinzvimbo zvehugosa nabhishopi zvibatanidzwa zvinodiwa zvinove zvekuhupirisita hwepamusoro.

30 Uye zvakare, zvinzvimbo zvemudzidzisi nemudhikoni zvibatanidzwa zvinodiwa zvinove zvekuhupirisita hudiki, huri hupirisita hwakasimbiswa kuna Aroni nevanakomana vake.

31 Naizvozvo, sezvandataura pamusoro pevanakomana vaMosesi—nokuti vanakomana vaMosesi nevanakomanawo vaAroni vachapira mupiro nechibairo zvinobvumwa mumba maIshe, iri imba ichavakirwa Ishe muchizvarwa chino, panzvimbo yakapirwa sezvandaka doma—

32 Nevanakomana vaMosesi nevaAroni vachazadzwa nokubwinya kwaIshe, paGomo reZioni mumba maIshe, vana vake vanova imi, neavowo vazhinji, vandakadaidza, ndikatumira kunovaka chechi yangu.

33 Nokuti ani zvake akatendeka mukuwana hupirisita huviri uhu hwandataura nezvahwo, vachikudza basa ravo, vanocheneswa neMweya mukuita miviri yavo kuti ive mitsva.

34 Vanobva vave vanakomana vaMosesi nevaAroni nembeu yaAbrahama, nevechechi neumambo, nevakasarudzwa naMwari.

35 Uyewo vose avo vanogashira hupirisita uhu, vanogashira ini, vanodaro Ishe;

36 Nokuti uyo anogashira varanda vangu anogashira ini.

37 Uyo anogashira ini anogashira Baba vangu;

38 Neuyo anogashira Baba vangu anogashira umambo hwaBaba vangu; nokudaro zvose izvo zvina Baba vangu zvichapihwa kwaari.

39 Neizvi zviri maererano nemhiko nechibvumirano chehupirisita.

40 Naizvozvo, vose avo vanogashira hupirisita vanogashira nemhiko iyi nechibvumirano chaBaba vangu, icho chavasingakwanise kutyora, kana kuti chibvisike.

41 Asi ani zvake achatyora chibvumirano ichi mushure mekunge achigashira, obva kwachiri, haazowana ruregerero rwezvitadzo munyika muno kana munyika ichauya.

42 Uye nhamo kune vose vasingauye kuhupirisita uhu hwamatambira imi, uhwo hwandave kusimbisa pamuri imi muri pano nhasi, nezwi rangu rinobva kumatenga; kunyangwe ini ndakapa hondo dzekudenga nengirozi dzangu simba maererano nemi.

43 Zvino ndavekukupai murairo kuti muzvichenjerere, kuti mutererese kumazwi eupenyu hwokusingapere.

44 Nokuti muchararama nezwi rose rinobva mumuromo waMwari.

45 Nokuti izwi raIshe ichokwadi, chose zvacho chiri chechokwadi chiedza, chose zvacho chiri chiedza Mweya, kunyangwe Mweya waJesu Kristu.

46 Uye Mweya unopa chiedza kumunhu wose anouya munyika; neMweya unojekesera munhu wose ari munyika, anoteerera kuizwi reMweya.

47 Newose anoteerera kuizwi reMweya anouya kuna Mwari kunyangwe Baba.

48 NaBaba vanomudzidzisa nezvechibvumirano icho chavakavandudza vakachisimbisa pamuri, icho chakasimbisiswa pamuri pamusana penyu kwete imi chete, asi kuitira nyika yose.

49 Nenyika yose igere muchitadzo, inogomera pasi pehusungwa hwerima nepehusungwa hwechitadzo.

50 Nezvizvi munoziva kuti vari pasi pehusungwa hwechitadzo, nokuti havauye kwandiri.

51 Nokuti ani zvake asingauye kwandiri ari pasi pehusungwa hwechitadzo.

52 Naani zvake asingagashire izwi rangu haana kujaira izwi rangu, uye haazi wangu.

53 Nezvizvi munoziva vakarurama kubva kunevakaipa, nepasi pose pari kugomera pasi pechitadzo uye nerima kunyangwe iye zvino.

54 Uye pfungwa dzenyu munguva dzakapfuura dzakanga dzakasvibiswa nekusatenda, uye nokuti makazvitora sezvisina maturo zvinhu zvamakagashira—

55 Kuri kushaya hunhu nekusatenda kwaunza chechi yose pasi pekutongwa.

56 Uye kutongwa uku kuri pavana veZioni, kunyangwe vose.

57 Vacharamba vari pasi pekutongwa uku kusvika vatendeuka nokuyeuka chibvumirano chitsva, kunyangwe Bhuku raMormoni nemirairo yakare yandakange ndakavapa, kwete kungotaura chete, asi kuita maererano neizvo zvandakanyora—

58 Kuti vaunze michero yakakodzera umambo hwaBaba wavo; zvikasadaro kucharamba kuine kurangwa nekutongwa kunodirwa pavana veZioni.

59 Nokuti vana veumambo vangasvibise here nyika yangu tsvene? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Kwete.

60 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri imi zvino muri kunzwa mashoko angu, ayo anova izwi rangu, makaropafadzwa kana muri munogashira zvinhu izvi;

61 Nokuti ndichakuregererai zvitadzo zvenyu nemurairo uyu—kuti murambe makatsiga mupfungwa dzenyu mukuyera nemumweya wemunamato, mukupa uchapupu kunyika yose hwezvinhu izvo zvinotaurwa kwamuri.

62 Naizvozvo, endai imi munyika yose; panzvimbo ipi zvayo yamusingagone kuenda muchaita zvekuraira, kuti uchapupu huende kubva kwamuri huchienda munyika yose kuchisikwa chose.

63 Sezvandakataura kuvaapositori vangu, kunyangwe saizvozvo ndinotaura kwamuri, nokuti muri vaapositori vangu, kunyangwe vapirisita vepamusoro vaMwari; imi ndimi avo vandapihwa naBaba vangu; ndimi shamwari dzangu;

64 Naizvozvo, sekutaura kwandakaita kuvaapositori vangu ndinotaura kwamuri zvakare kuti wose mweya unotenda kumazwi enyu, ukabhabhatidzwa nemvura kuregererwa zvitadzo, achagashira Mweya Mutsvene.

65 Nezviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda—

66 Muzita rangu vachaita mabasa akawanda anoshamisa;

67 Muzita rangu vachatandira kunze anadhiabhorosi;

68 Muzita rangu vacharapa vanorwara;

69 Muzita rangu vachazurura maziso emapofu, nokudziura nzeve dzematsi;

70 Rurimi rwechimumumu rwuchataura;

71 Uye kana munhu upi zvake akavaisira chepfu haizovakuvadza;

72 Uye uturu hwenyoka huchashaya simba rekuvakuvadza.

73 Asi ndinovapa murairo, kuti havafanire kuzvikudza nezvinhu izvi, kana kuzvitaura kunyika, nokuti zvinhu izvi zvinopihwa kwamuri kuitira pundutso yenyu nekuponeswa kwenyu.

74 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, avo vasingatende kumazwi enyu, vasina kubhabhatidzwa mumvura muzita rangu, kuitira kuregererwa zvitadzo zvavo, kuti vagotambira Mweya Mutsvene, vacharaswa, havazopinda muumambo hwaBaba vangu uko kunaBaba vangu neni.

75 Chakazarurwa ichi, nemurairo kwamuri, zvavanesimba kubvira munguva ino munyika yose, nevhangeri ririkunevese vasati varigashira.

76 Asi, zvirokwazvo ndinoti kune vose avo vakapihwa umambo kubva kwamuri rakafanira kuparidzwa kwavari, kuti vagotendeuka kumabasa ekare avo akaipa; nokuti vanofanira kutsiurwa pamusana pemwoyo yavo yakaipa isingatende, uye nehama dzenyu muZioni pamusana pekukupandukirai kwavo panguva yandakakutumai.

77 Zvakare ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, nokuti kubvira zvino ndichakudaidzai kuti shamwari, zvinofanira kuti ndikupei uyu murairo, kuti muve kunyangwe seshamwari dzangu mumazuva andakange ndiinadzo, tichifamba kunoparidza vhangeri musimba rangu;

78 Nokuti handina kuvabvumira kuti vave nechikwama kana mbuva, kana mabhatyi maviri.

79 Tarisai, ndinokutumirai kuti muyedze nyika, uye mushandi anokodzerana nemubairo wake.

80 Ani zvake munhu achaenda akanoparidza vhangeri iri reumambo, akasatadza kuve akatendeka muzvinhu zvose, haazoneta mupfungwa, kana kudzimirwa, kana mumuviri, munhengo, kana mumapfupa; kana kavhudzi kemusoro wake hakazombowira pasi kakasaonekwa. Uye havazombofa nenzara, kana nenyota.

81 Naizvozvo, musafunge nezvamangwana, kuti muchadyei, kana muchanwei, kana muchapfekeyi.

82 Nokuti, fungai nezvemaruva esango, kuti anokurasei, haashande, kana kuruka; uye umambo hwenyika, mukubwinya kwahwo kwose, hauna kushongedzwa serimwe rawo.

83 Nokuti Baba venyu, vari kudenga, vanoziva kuti munozvida zvose zvinhu izvi.

84 Naizvozvo, regai ramangwana rifunge pfungwa dzezvinhu zvaro.

85 Kana kufanoita pfungwa kuti muchataura muchitii; asi chengetedzai mupfungwa dzenyu nguva dzose mazwi eupenyu, uye zvichapihwa kwamuri munguva iyoyo chidimu chakapimirwa kumunhu wose.

86 Naizvozvo, musaregere mumwe munhu pakati penyu, nokuti murairo uyu uri kune vakatendeka vose vakadaidzwa naMwari muchechi muhushumiri, kubvira panguva ino kutora chikwama kana mbuva, avo varikuenda kunoparidza vhangeri rino reumambo.

87 Tarisai, ndinokutumirai kunze munotsiura nyika pamusana pemabasa avo asina kururama, nokuvadzidzisa nezvekutongwa kuchauya.

88 Uye ani zvake achakugashirai, ipapo ndichavepowo, nokuti ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.

89 Ani zvake anokugashirai anogashira ini; iyeyo achakuchengetai, nokukupfekedzai, nokukupai mari.

90 Uye uyo anokupai zvekudya, kana kukupfekedzai, kana kukupai mari, haazomborasikirwa nemubairo wake.

91 Neuyo asingaite zvinhu izvi haasi mudzidzi wangu; nezvizvi munogona kuziva vadzidzi vangu.

92 Uyu asingakugashirei, ibvai paari muende mega pachenyu, moshambidza tsoka dzenyu kunyangwe nemvura, mvura yakachena, mukupisa kana mukutonhora, mozvipupura kuna Baba venyu vari kudenga, musazodzokera zvakare kumunhu iyeyo.

93 Nemumusha upi zvawo kana guta ramunopinda, itai zvimwechetezvo.

94 Zvisinei, nzverai neshungu, musawane chamunosiya; inhamo kumba iyoyo, kana musha iwoyo kana guta rinokurambai, kana mazwi enyu, kana uchapupu hwenyu huri maerererano neni.

95 Nhamo, ndinodaro zvakare, kumba iyoyo kana musha iwoyo kana guta rinokurambai, kana mazwi enyu, kana uchapupu hwenyu maerererano neni;

96 Nokuti, ini Samasimba, ndakaisa maoko angu pamarudzi, kuvarova pamusana pehuipi hwavo.

97 Nezvirwere zvichapararira, hazvizobviswa panyika kusvika ndapedza basa rangu, iro richadimburirwa mukururama—

98 Kudakara vose vave kundiziva vachasara, kunyangwe kubvira pamudikidiki kusvika pamukuru-kuru, uye vachazadzwa neruzivo rwaIshe, uye vachapindirana, uye vachasimudza mazwi avo, uye nemazwi pamwechete vachaimba rwiyo rwutsva urwu, vachiti;

99 Ishe vaunza zvakare Zioni;Ishe vanunura vanhu vavo, Israeri,Maererano nekusarudza kwenyasha,Uko kwakaitwa kuti kuitike nerutendoNechibvumirano chamadzibaba avo.

100 Ishe vanunura vanhu vavo;NaSatani asungwa nguva hapachina.Ishe vaunganidza zvose zvinhu muchimwechete.Ishe vaunza pasi Zioni kubva kumusoro.Ishe vaunza Zioni kubva pasi.

101 Nyika yakarwadziwa ikabara simba rayo;Nechokwadi chakaiswa muhura hwayo;Nematenga ayinyemwerera;Uye yakapfekedzwa nokubwinya kwaMwari vayo;Nokuti vanomira pakati pevanhu vavo.

102 Kubwinya, nerukudzo, nesimba, nokusimba,Ngazvipihwe kuna Mwari vedu; nokuti vazere netsitsi,Kuenzanisa, nyasha, nechokwadi, nerunyararo.Nariini nariini. Ameni.

103 Zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvakafanira kuti wose munhu anoenda kunotaura vhangeri rangu risingaperi, kuti kana vaine mhuri, vachitambira mari sechipo, kuti vanofanira kuitumira kwavari kana kuishandisa kuti ivayamure, sezvavanenge vataurirwa naIshe, nokuti ndizvo zvandinoona zvakanaka.

104 Nevose avo vasina mhuri, vanogashira mari, ngavaitumire kuna Bhishopi muZioni, kana kuna bhishopi ari kuOhio, kuti itsaurwe kuitira kuunzwa kwezvakazarurwa nokudhindwa kwazvo, nekuitira kumiswa kweZioni.

105 Uye kana ari ani zvake achapa mumwe wenyu bhatyi, kana sutu, torai dzaru murikande kuvarombo, muende munzira menyu muchifara.

106 Kana paine pakati penyu mumwe akasimba muMweya, ngaaende neuyo asina kusimba, kuti agosimudzirwa mukupfava, kuti naiyewo agosimba.

107 Naizvozvo, endai neavo vakagadzwa kuhupirisita hudiki muvatumire mberi kwenyu kuti vafanotara nguva yemichechi, nokugadzira nzira, nokuzadzikisa michechi iyo imi pachenyu yamusingagone kuzadzikisa.

108 Tarisai, iyi ndiyonzira vaapositori vangu mumazuva akare yavakavaka nayo chechi yangu kwandiri.

109 Nokudaro, regai wose munhu amire muchinzvimbo chake, ashande ari maakadaidzwa, kurege kuti musoro uti hauna basa netsoka; nokuti pasina tsoka muviri ungamire nei?

110 Naiwowo muviri unoda nhengo dzose, kuti vose vagosimudzirwa pamwechete kuti hurongano huchengetedzwe hwakakwana.

111 Tarisai, vapirisita vepamusoro vanofanira kufamba, nemagosawo, nevapirisita vadiki; asi madhikoni nevadzidzisi vanofanira kudomwa kuti vatarire chechi, kuti vave vashumiri vanomirira muchechi.

112 Nabhishopi, Newel K. Whitney, naiyewo anofanira kufamba achitenderera chechi dzose, achitsvaka varombo kuti avaropafadze kunezvavanoshaya, nokuninipisa vapfumi nevanozvikudza.

113 Anofanirawo kupinza munhu basa semumiriri anotora basa nokumuitira mabasa emunyika sekurairwa kwaanenge achiitwa.

114 Zvisinei, bhishopi ngaaende kuguta reNew York, uyewo nekugutawo reAlbany, nekuguta reBoston, ayambire vanhu vemaguta aya neruzha rwevhangeri, nezwi repamusoro, nezvekuparadzwa nekurambidzwa zvachose kwakavamirira kana vakaramba zvinhu izvi.

115 Nokuti kana vakaramba zvinhu izvi nguva yekutongwa kwavo yave pedyo, neimba yavo ichasiiwa kwavari yaparadzwa.

116 Ngaavimbe neni haazokangaidzwa; kana kavhudzi kake hakanga pupurikire pasi zvisinakuonekwa.

117 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ruzhinji rwevaranda vangu, endai sekukwanisa kwenyu, mukudaidzwa kwenyu, kumaguta nemisha mikuru inoremekedzwa, muchitsiura nyika mukururama, mune zvose zvavo zviito zvisina kururama nezvisina humwari, muchiisa zviripachena uye zvinonzwisisika kuparadza kwechinyangadzo mumazuva ekupedzisira.

118 Nokuti, nemi vanodaro Ishe Samasimba, ndichabvarura umambo hwavo, handizozunguza nyika chete, asi kana matenga azere nenyenyedzi achadedera.

119 Nokuti, ini Ishe, ndatambanudza ruoko rwangu kushandisa masimba ekudenga; imi hamugone kuzviona zvino, asi muchinguvana muchazviona, mugoziva kuti ndini, kuti ndichauya ndigozotonga nevanhu vangu.

120 Ndini Arfa naOmega, kutanga nokuguma. Ameni.