Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 88


Chikamu 88

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 27 Zvita 1832 (History of the Church, 1:302–312). Zvakadaidzwa neMuporofita kunzi “shizha remuorivhi” rakatemwa paMuti weParadiso, Shoko raIshe rerunyararo kwatiri” (History of the Church, 1:316). Zvinoonekwa kubva muzvinyorwa zvenhoroondo kuti zvidimbu zvezvakazarurwa zvino zvakagashirwa musi wa27 na28 Zvita 1832 na3 Ndira 1833.

1–5, Vatendi vanotendeka vanogashira Mweya Munyaradzi, chiri icho chivimbiso cheupenyu hwokusingaperi; 6–13, Zvose zvinhu zvinobatwa nokutongwa neChiedza chaKristu; 14–16, Kumuka kuvakafa kunouya kuburikidza neRununuro; 17–31, Kuteerera mutemo weseresitiyaro, teresitiyaro, kana tiresitiyaro, kana wepasi, kunogadzirira vanhu kupinda muumambo ihwowo nekubwinya kwahwo; 32–35, Avo vanoda kugara muchitadzo vanogara vakasviba; 36–41, Hwose umambo hunotongwa nemutemo; 42–45, Mwari vakapa mutemo kuzvinhu zvose; 46–50, Munhu achasvika pakunzwisisa kunyangwe Mwari; 51–61, Rungano rwemufananidzo wemurume akatumira varanda vake kumunda uye achizoshanyira mumwe nemumwe; 62–73, Swederai pedyo naIshe, uye munozoona chiso chavo; 74–80, Zvichenesei mega uye mudzidzisane dzidziso dzeumambo; 81–85, Wose munhu akayambirwa anofanira kuyambira muvakidzani wake; 86–94, Zviratidzo, mhirizhonga dzezviumbiswa, nengirozi zvinogadzirira nzira yekuuya kwaIshe; 95–102, Hwamanda dzengirozi dzinodaidza vakafa mukurongwa kwavo; 103–116, Hwamanda dzengirozi dzinoshambadza kudzoserwa pakare kwevhangeri, kupunzika kweBabironi, uye hondo yaMwari mukuru; 117–126, Tsvakai kudzidza, misai imba yaMwari (Temberi), uye muzvishongedze nechishongo cherudo rwakadzama; 127–141, Kurongwa kweChikoro cheVaporofita kunoitwa, pamwechete nechisungo chekugeza tsoka.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri maungana pachenyu pamwechete kuti mugashire chido chavo pamusoro penyu;

2 Tarisai, izvi zvinofadza kuna Ishe venyu, uye ngirozi adzinofara pamusoro penyu; bzvipo zveminamato yenyu zvauya kunzeve dzaIshe cweSabaoti, uye zvanyorwa dmubhuku remazita evakacheneswa, kunyangwe ivavo venyika yeseresitiyaro.

3 Nokudaro, ndavekutumira pamuri mumwe Mweya aMunyaradzi, kunyangwe pamuri shamwari dzangu, kuti zvigare mumwoyo menyu, kunyangwe Mweya bMutsvene weruvimbiso; uyo mumwe Mweya Munyaradzi ari mumwecheteyo andakavimbisa kuvadzidzi vangu, sezvakanyorwa muuchapupu hwaJohane.

4 Uyu Mweya Munyaradzi ndiye ruvimbiso rwandinopa kwamuri rweupenyu ahwokusingaperi, kunyangwe bkubwinya kweumambo hweseresitiyaro;

5 Kubwinya uku kuri iko kwechechi areDangwe, kunyangwe Mwari vatsvene kupfuura vose, kuburikidza naJesu Kristu Mwanakomana wavo—

6 aUyo akakwira kumusoro, bsekudzika zvakare kwavakaita pasi pezvinhu zvose, mukudaro cvanonzwisisa zvinhu zvose, kuti vave mune zvose uye vave kuburikidza nemune zvose zvinhu, dchiedza chechokwadi;

7 Chiri chokwadi chinopenya. Ichi andichochiedza chaKristu. Sezvaariwo ari muzuva, uye chiedza chezuva, uye nesimba raro iro brarakagadzirwa naro.

8 Sezvo ariwo mumwedzi, uye ari chiedza chemwedzi, uye nesimba rawo iro rawakagadzirwa naro;

9 Sechiyedza chenyenyedziwo, uye nesimba radzo iro radzakagadzirwa naro;

10 Uye nenyikawo, uye nesimba rayo, kana nyika ayamumire pairi.

11 Uye chiedza chinopenya, icho chinokupai chiedza, chinoburikidza naiye anovhenekera maziso enyu, chiri icho chiedza chimwechetecho chinomutsa akunzwisisa kwenyu;

12 Chiri icho achiedza chinobva pamberi paMwari bchichizadza hukuru hwemukaha—

13 Chiedza icho chiri muzvinhu azvose, icho chinopa bupenyu kuzvinhu zvose, uri iwo cmutemo unotongwa nawo zvinhu zvose, kunyangwe simba raMwari avo vagere pachigaro chavo cheumambo, avo vari muchipfuva chekusingapere, avo vari pakati pezvinhu zvose.

14 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti kuburikidza anerununuro urwo rwakaitirwa imi rwunounza kumuka kuvakafa.

15 Uye amweya bnemuviri ndiwo cmweya wemunhu.

16 Uye akumuka kuvakafa ndiko kununurwa kwemweya.

17 Uye kununurwa kwemweya kunoburikidza naiye anopa zvinhu zvose upenyu, muchipfuva make makadzikwa kuti avarombo uye bnevanyoro cvenyika vachaigara nhaka.

18 Naizvozvo, inofanira kucheneswa kubva kune kusarurama kwose, kuti igadzirirwe kubwinya akweseresitiyaro;

19 Nokuti mushure mekunge yazadzikisa zvayakasikirwa, ichapfekedzwa korona ayekubwinya, kunyangwe kuve panaMwari Baba;

20 Kuti miviri iyo iri yeumambo hweseresitiyaro aive nako nariini nariini, nokuti bnechinangwa ichi yakagadzirwa nokusikwa, uye nechinangwa ichi cvanocheneswa.

21 Uye vasina kucheneswa kuburikidza nemutemo uyu wandakapa kwamuri, kunyangwe mutemo waKristu, vanofanira kugara nhaka yehumwe umambo, kunyangwe uhwo umambo hweteresitiyaro, kana iyo yetiresitiyaro.

22 Nokuti uyo asingagone kuteerera amutemo weumambo hweseresitiyaro haangagone kugara mukubwinya kweseresitiyaro.

23 Uye uyo asingagone kugara mumutemo weumambo hweteresitiyaro haagone kugara mukubwinya akweteresitiyaro.

24 Uye uyo asingagone kugara mumutemo weumambo hwatiresitiyaro haagone kugara mukubwinya akwetiresitiyaro, naizvozvo haana kukodzera umambo hwekubwinya. Naizvozvo anofanira kugara muumambo husiri umambo hwekubwinya.

25 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anyika inogara mumutemo weumambo hweseresitiyaro, nokuti inozadzikisa zvayakasikirwa, uye isingatyore mutemo—

26 Nokudaro, aichacheneswa; hongu, zvisinei kuti bichafa, ichamutswa kuupenyu zvakare, uye ichagara musimba rakaimutsa, uye cvakaruruma dvachaigara nhaka.

27 Nokuti zvisinei kuti vanofa, naivowo avachamuka zvakare, muviri bwemweya.

28 Avo vari vemweya weseresitiyaro vachagashira muviri iwoyo waive muviri wenyama; kunyangwe imi muchagashira miviri yenyu, uye akubwinya kwenyu kuchave kubwinya kunove kunoita kuti miviri yenyu binomutsiridzwa.

29 Imi munomutsiridza nechidimu achekubwinya bkweseresitiyaro muchatambira kumwechetekwo kunyangwe kuzere.

30 Uye avo vanomutsiridzwa nechidimbu chekubwinya akweteresitiyaro vachagashirawo kumwechetekwo, kunyangwe kuzere.

31 Uye naivowo vanomutsiridzwa vapenyu nechidimbu chekubwinya akwetiresitiyaro, naivowo vachagashira kumwechetekwo, kunyangwe kuzere.

32 Uye kana avo vachasara avachamutsiridzwawo; zvisinei vachadzoka zvakare kunzvimbo yavo, kunofadzwa neicho bchavanoda kugashira, nokuti vakanga vasingade kufadzwa neicho chavangadai vakagashira.

33 Ko zvinoyamureiko munhu kana chipo chikaiswa paari, uye iye akasagashira chipo? Tarisai, haafare muneicho chinopihwa kwaari, kana kufarira mune uyo anove ndiye mupi wechipo.

34 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti icho chinotongwa nemutemo chinochengetedzwawo nemutemo uye chichakwaniswa uye anokucheneswa nechimwechetecho.

35 Icho achinotyora mutemo, uye chisingagare mumutemo, asi chichitsvaka kuve mutemo pachacho, uye chichida kugara muchitadzo, uye chichigara muchitadzo zvachose, hachikwanise kucheneswa nemutemo, kana bnetsitsi, ckuenzanisa kana kutonga. Naizvozvo, zvinofanira kugara dzvakasviba kudaro.

36 Hwose umambo hune mutemo unopihwa;

37 Uye kune aumambo hwakawanda; nokuti hakuna nzvimbo isina umambo; uye hakuna umambo husina nzvimbo, hungave umambo hukuru kana hudiki.

38 Uye kuumambo hwose kunopihwa amutemo; uye kumutemo wose kune zvisungo uyewo nemamiriro.

39 Zvisikwa zvose zvisingagare amumamiriro iwayo bhazvirevererwe.

40 Nokuti anjere dzinobatirira panjere; bungwaru hunogashira ungwaru; cchokwadi chinombundikira chokwadi; dhunhu hunoda hunhu; echiedza chinobatirira pachiedza; tsitsi dzinoitira fmwoyo munyoro tsitsi uye dzinoda wekwadzo; kuenzanisa kunoramba kuri mugwara rako kuchida zvekwako; kutonga kunoenda pamberi peuso hweuyo agere pachigaro chehushe uye achitonga uye achitemera zvinhu zvose.

41 aVanonzwisisa zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zviri pamberi pavo, zvinhu zvose zvakamukomberedza; vari pamusoro pezvinhu zvose, uye vari muzvinhu zvose, uye vari kuburikidza nemuzvinhu zvose, uye vakatenderedza zvinhu zvose; uye zvinhu zvose zvakaitwa naivo, uye ndezvavo, kunyangwe, Mwari nariini nariini.

42 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vakapa mutemo kuzvinhu zvose, uyo wazvinofamba nawo amunguva dzazvo uye nemwaka yazvo;

43 Uye makwara adzo akadzikwa, kunyangwe nzira dzematenga uye nenyika, dzinonzwisisa nyika nepasi rose.

44 Uye dzinopanana achiedza munguva dzadzo uye nemumwaka yadzo, nemuzvidimbu zvenguva dzavo, nemuzvikamu zvenguva dzazvo, nemumazuva adzo, mumasvondo adzo, mumwedzi yadzo, mumakore adzo—zvose izvi bigore rimwechete kuna Mwari, asi kwete kumunhu.

45 Nyika inokunguruka pamapapiro ayo, uye azuva rinopa chiedza charo masikati, uye mwedzi unopa chiedza chawo usiku, uye nenyenyedziwo dzinopa chiedza chadzo, sekukunguruka kwadzinenge dzichiita pamapapiro adzo mukubwinya kwadzo, mukati bmesimba raMwari.

46 Ndingahufananidze nei, umambo uhu kuti munzwisise?

47 Tarisai, zvose izvi umambo, uye ani munhu aona hupi zvahwo kana hudiki-diki hwawo aaoona Mwari vachifamba muhukuru hwavo nesimba.

48 Ndinoti kwamuri, akamuona, zvisinei, uyo akauya kune avekwake haana kunzwisiswa.

49 aChiedza chinopenya murima, uye rima harichinzwisise; zvisinei, zuva richauya bramuchanzwisisa kunyangwe Mwari, muri munoitwa kuti muve vapenyu mavari uye naivo.

50 Ipapo muchaziva kuti mandiona, kuti ndini, uye nekuti ndini chiedza chechokwadi icho chiri mamuri, uye nokuti imi muri mandiri, dai pasina izvozvo hamaibudirira.

51 Tarisai, ndichafananidza umambo uhu kumurume ane munda uye akatumira varanda vake kumunda kuti vanotimba mumunda.

52 Uye akati kune wekutanga: Enda unoshanda mumunda, uye muchikamu chekutanga chenguva ndichauya kwauri, uye uchaona kufara kweuso hwangu.

53 Uye akati kune wechipiri: Endawo newe kumunda, uye chikamu chechipiri chenguva ndichakushanyira nokufara kwechiso changu.

54 Uyewo kune wechitatu; achiti ndichakushanyira;

55 Uyewo nekune wechina zvichidaro kusvika kune wechigumi nevaviri.

56 Uye ishe wemunda akaenda kune wekutanga munguva yekutanga, uye akagara naye nguva yose iyoyo, uye akafadzwa nechiedza cheuso hwashe wake.

57 Uye ndokubva abva pane wekutanga kuti ashanyirewo wechipiri, uye newechitatu, newechina, zvichidaro kusvika kune wechigumi nevaviri.

58 Uye naizvozvo vose vakagashira chiedza cheuso hwashe wavo, wose munhu muchikamu chenguva chake, uye nemunguva yake, uye nemumwaka wake—

59 Kutanga pane wekutanga, uye zvichidaro kusvika pane wekupedzisira, uye nekubva kune awekupedzisira kuenda kune wekutanga, uye kubvira pane wekutanga kusvika wekupedzisira;

60 Wose munhu muhurongwa hwake, kudakara chikamu chake chenguva chapera, kunyangwe nemaererano nezvaakanga arairwa naishe wake, kuti ishe wake agorumbidzwa maari, uye naiye munaishe wake, kuti vose vagorumbidzwa.

61 Naizvozvo, kurungano rwemufananidzo urwo ndichafananidza umambo hwose uhu, uye anevagari vacho varimo—hwose umambo muchikamu chenguva yahwo, uye nenguva yahwo, uye nemumwaka wahwo, kunyangwe maererano nezvakadzikwa zvikaitwa naMwari.

62 Uye zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri ashamwari dzangu, ndinosiya zvirevo izvi nemi kuti bmuzvifungisise mumwoyo yenyu, nemurairo uyu wandinopa kwamuri, kuti cmundidaidze ndichiri pedyo—

63 aSwederai pedyo neni uye ini ndichaswedera pedyo nemi; bnditsvakei nokushingaira uye cmuchandiwana, kumbirai uye muchagashira; gogodzai, uye muchazarurirwa.

64 Chose zvacho achamunokumbira kuna Baba muzita rangu chichapihwa kwamuri, chinova bchakafanira kwamuri;

65 Uye mukakumbira chipi zvacho chisina akufanira kwamuri, chichakupindukirai bchokutongesai.

66 Tarisai, icho chamunonzwa chinoita aseizwi remumwe ari kuchema murenje—murenje, nokuti hamukwanise kumuona—izwi rangu, pamusana pekuti izwi rangu bMweya; Mweya wangu ichokwadi; cchokwadi chinogara uye hachina magumo; uye kana chiri mamuri chichawanda.

67 Uye kana ziso renyu arakanangana bedzi bnekubwinya kwangu, miviri yenyu yose ichazadzwa nechiedza, uye hakuzove nerima mamuri, uye muviri iwoyo uzere nechiedza cunonzwisisa zvinhu zvose.

68 Naizvozvo, azvichenesei pachenyu kuti bpfungwa dzenyu dzive dzakaperera panaMwari chete, uye mazuva achauya ekuti cmuchamuona, nokuti vachafugura huso hwavo kwamuri, uye zvichave munguva yake, uye nenzira yavo, uye zviri maererano nechido chavo.

69 Rangarirai vimbiso huru uye yekupedzisira yandakaita kwamuri; bvisai pfungwa dzenyu adzisina maturo uye bnokuseka kwenyu kwakapfuuridza, zviende kure nemi.

70 Garai imi, garai imi munzvimbo ino, uye mudaidze gungano dzvene, kunyangwe reavo vanove vashandi vekutanga muumambo huno hwekupedzisira.

71 Uye regai avo avavakayambira munzendo dzavo vadaidze kuna Ishe, uye vachifunga yambiro mumwoyo yavo iyo yavakagashira, kwechinguvana.

72 Tarisai, uye muone ndichachengeta zvipfuwo zvenyu, uye ndichamisa magosa uye ndigovatumira kwavari.

73 Tarisai, ndichakurumidzisa basa rangu munguva yaro.

74 Uye ndinopa kwamuri imi avashandi vekutanga muumambo huno hwekupedzisira, murairo wekuti muzviunganidze pachenyu pamwechete, mugozvironga pachenyu, nokuzvigadzirira pachenyu, bnokuzvichenesa pachenyu; hongu, cchenesai mwoyo yenyu, mugeze maoko enyu netsoka dzenyu pamberi pangu, kuti ndikuitei dmakachena;

75 Kuti ndigopupura kuna aBaba venyu, uye naMwari venyu, naMwari vangu, kuti makachena kubva kuropa rechizvarwa chakaipa ichi; kuti ndizadzikise chivimbiso ichi, chivimbiso chikuru ichi chekupedzisira, icho chandakaita kwamuri, kana ndavekuda.

76 Zvakare, ndinopa kwamuri murairo kuti murambe muri amukunamata bnekutsanya kubvira panguva ino zvichienda mberi.

77 Uye ndinopa kwamuri murairo kuti amudzidzisane bdzidziso dzeumambo.

78 Dzidzisai imi nesimba uye anyasha dzangu dzichave nemi, kuti bmugorairwa zvakawedzerwa zvakakwana muruzivo, muchokwadi, mudzidziso, mumutemo wevhangeri rangu, muzvinhu zvose zviri maererano neumambo hwaMwari, izvo zvinofanirwa kuti munzwisise;

79 Muzvinhu zviri akudenga uye nezviri pasi, uye nezviri pasi penyika; zvinhu zvakange zviripo, zvinhu zviripo, zvinhu zviri pedyo nekuzoitika; zvinhu zviri mumusha, zvinhu zviri mhiri; bhondo uye nematambudziko emarudzi, nekutongwa kuri panyika; uye neruzivo zvakare rwenyika uye neumambo—

80 Kuti mugare makagadzirira muzvinhu zvose pandichakutumai zvakare kuti mukudze basa randakakudeedzerai, uye nehushumiri hwandakati muve nahwo.

81 Tarisai, ndakakutumai kuti amunopupura nokuyambira vanhu, uye zviri kumunhu wose ayambirwa kuti bayambire muvakidzani wake.

82 Naizvozvo, vanosara vasina chikonzero, uye zvitadzo zvavo zviri pamisoro yavo.

83 Uyo aanonditsvaka bnokukurumidza achandiwana, uye haazoraswa.

84 Naizvozvo, garai imi uye mushingaire kushanda, kuti muve munokwaniswa muhushumiri hwenyu kuti muende mukati amemaJentairi kekupedzisira, sekuwanda kuchadomwa nemuromo waIshe, bkusunga mutemo uye nokusimbisa uchapupu, uye nokugadzirira vatendi nguva yekutongwa iyo ichauya;

85 Kuti mweya yavo igopunyuka hasha dzaMwari, akuparadza kwechinyangadzo uko kwakamirira vakaipa, kwose munyika ino uye nemunyika ichauya. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, regai avo vasiri magosa ekutanga varambe vari mumunda wemizambiringa kudakara muromo waIshe bwavadaidza, nokuti nguva yavo haisati yasvika, nguwo dzavo hadzina ckuchena kubva paropa rechizvarwa chino.

86 Garai imi amurusununguko urwo brwamunosunungurwa narwo; cmusazvipiringishe dmuchitadzo, asi maoko enyu ngaave eakachena, kusvika Ishe vauya.

87 Nokuti hakuna mazuva akawanda anyika isati byabvunda uye ichizeya mberi nesure semunhu akadhakwa; uye czuva richavanza chiso charo, uye rigoramba kupa chiedza; uye mwedzi uchagezwa dmuropa; uye enyenyedzi dzichashatirwa zvikuru, uye dzichadonhera pasi seguyu rinodonha kubva mumuti wemukuyu.

88 Uye mushure meuchapupu hwenyu kunouya hasha uye nokugumbuka pavanhu.

89 Nokuti mushure meuchapupu hwenyu kunouya uchapupu ahwekundengendeka kwenyika, uko kuchakonzera kugomera pakati payo, uye vanhu vachawira pasi uye vagotadza kusimuka.

90 Uye kouyawo uchapupu ahweizwi remabanan’ana uye neizwi remheni, uye neizwi redutu guru, uye neizwi remasaisai egungwa achisairirana kupfuurira miganhu yawo.

91 Uye zvinhu zvose zvinenge azvongopishana; uye chokwadi mwoyo yevanhu ichakundikana, nokuti kutya kuchauya pamunhu wose.

92 Uye angirozi dzichabhururuka nepakati pedenga dzichichema nezwi guru, dzichiridza hwamanda yaMwari, dzichiti: Gadzirirai imi, gadzirirai imi, imi vagari vepasi; nokuti kutonga kwaMwari wedu kwauya. Tarisai, uye muone bChikomba chauya; endai munomuchingura.

93 Uye pakarepo pachaonekwa chiratidzo achikuru mudenga, uye vanhu vose vachachiona pamwechete.

94 Uye imwe ngirozi icharidza hwamanda yayo, ichiti: aChechi bhuru iya, camai vehuipi, iyo yakaita kuti marudzi ose anwe waini yehasha ddzehupombwe hwayo, iyo inotambudza vatendi vaMwari, iyo inodeura ropa ravo—iyo igere pamusoro pemvura dzakawanda uye nemuzvitsuwa zvegungwa—tarisai, endiyosawi renyika; rakasungwa mumasvinga; majoto ayo anoitwa akasimba, hakuna munhu angaasunungure; naizvozvo yakatomirira fkupiswa. Uye icharidza hwamanda yayo kwenguva huru uye zvine ruzha, uye ose marudzi achainzwa.

95 Uye akuchanyararwa kudenga kwechikamu chepakati nepakati chenguva; uye pakarepo mushure macho, bchidzitiro chekudenga chichatambanudzwa sekutambanudzwa kunoitwa gwaro mushure mekunge rapetwa, uye cchiso chaIshe chichafugurwa;

96 Uye vatendi vari pamusoro penyika, vachiri vapenyu, vachapamhidzirwa upenyu vobva avabatwa mudenga kunomuchingura.

97 Uye avo vanga varere mumakuva avo avachauya, nokuti makuva avo achazururwa; uye naivowo vachabatwa kuti vanomuchingura pakati peshongwe yekudenga—

98 NdevaKristu, michero ayekutanga, avo vachatanga kudzika naye, uye neavo vari panyika uye mumakuva avo vanobatwa kudenga kuti vamuchingure; uye zvose nezwi rekuridzwa kwehwamanda yengirozi yaMwari.

99 Uye mushure mezvizvi imwe ngirozi icharidza, inove ndiyohwamanda yechipiri; uye zvino kwouya rununuro rweavo vari vaKristu pakuuya kwake; avo vakagashira chidimbu chavo amutirongo ravakagadzirirwa ivo kuti vagashire vhangeri, uye bvagotongwa maererano nevanhu munyama.

100 Uye zvakare, imwe hwamanda icharira, iri iyo hwamanda yechitatu; uye zvino kwouya amweya yavanhu avo vachatongwa, uye vagoonekwa vari pasi bpekutongwa;

101 Uye ava ndivovose vanhu avakafa; uye havazorarama zvakare kudakara bchiuru chamakore chapera, kana zvakare, kudakara kuguma kwepasi.

102 Uye imwe hwamanda icharidzwa, iri hwamanda yechina, ichiti: kunowanikwa pakati peavo vanosara kudakara zuva riya guru uye rekupedzisira, kunyangwe magumo vacharamba avakasviba zvakadaro.

103 Uye imwe hwamanda icharidzwa, iyo iri hwamanda yechishanu, iri ngirozi yechishanu iyo inopa vhangeri arisingaperi—ichiburuka nepakati pedenga, kumarudzi ose, madzinza, ndimi, nevanhu vose;

104 Uye ukwu ndikokuchave kurira kwehwamanda yake, ichiti kune vanhu vose, vose vari kudenga nevari pasi, uye neavo vari pasi pevhu—nokuti ayose nzeve ichazvinzwa, uye rose ibvi brichapfugama, uye rurimi rwose rwuchareurura, apo pavanenge vachinzwa kurira kwehwamanda, ichiti: cItyai Mwari, uye mupe kubwinya kwavari avo vagere pachigaro cheumambo nariini nariini, nokuti nguva yekutonga kwavo yasvika.

105 Uye zvakare, imwe ngirozi icharidza hwamanda yayo, iyo iri iyo ngirozi yechitanhatu, ichiti: aApunzika uyo akaita kuti ose marudzi anwe waini yehasha dzehupombwe hwake, apunzika, apunzika!

106 Uye zvakare, imwe ngirozi icharidza hwamanda yayo, iri iyo ngirozi yechinomwe, ichiti Zvapera; Zvapera! aGwayana raMwari brakunda crikatsika-tsika rega musviniro wewaini, kunyangwe chisvino chewaini chekutyisa kwehasha dzaMwari Samasimba.

107 Uye zvino ipapo ngirozi dzichaiswa korona yekubwinya kwehukuru hwavo, uye avatendi vachazadzwa bnekubwinya kwavo, uye vagogashira cnhaka yavo uye vagoitwa kuti dvaenzane navo.

108 Uye zvino ngirozi yekutanga icharidza zvakare hwamanda yayo munzeve dzevose vapenyu, uye anokuratidza zviito zvemuruvande zvevanhu, uye nemabasa makuru aMwari muchiuru bchekutanga chemakore.

109 Uye zvino ndipongirozi yechipiri paicharidza hwamanda yayo, uye igoratidza zviito zvemuruvande zvevanhu, uye nepfungwa uye nezvinangwa zvemwoyo yavo, uye nemabasa makuru aMwari muchiuri chechipiru chemakore—

110 Uye zvichidaro, kusvika ngirozi yechinomwe yaridza hwamanda yayo; uye ichamira pamusoro penyika uye pamusoro pegungwa, uye igopika nezita raivo vagere pachigaro chekutonga, kuti kuchazovepo anguva, bSatani yaachave akasungwa, nyoka iya yekare, inonzi dhiabhorosi, uye haizosunungurwa kwemukana cwechiuru chemakore.

111 Uye zvino aanozosunungurwa kwemwaka mupfupi kuti agounganidza mawuto ake.

112 Uye aMikaeri, ngirozi yechinomwe, achaunganidza mawuto ake pamwechete, kunyangwe hondo dzekudenga.

113 Uye dhiabhorosi achaunganidza mawuto ake pamwechete; kunyangwe hondo dzegehena, uye achauya kuzorwisa Mikaeri nemawuto ake.

114 Uye zvino kouya akurwa kwaMwari vakuru; uye dhiabhorosi nemauto ake vachakandwa munzvimbo yavo, kuti vasazowana simba pamusoro pevatendi zvakare.

115 Nokuti Mikaeri acharwa hondo dzavo, uye achakurira uyo aanotsvaka chigaro chekutonga chaivo vagere pachigaro chekutonga, kunyangwe iro Gwayana.

116 Uku ndiko kubwinya kwaMwari, uye neavo avakacheneswa; uye ivavo havachazoona brufu zvekare.

117 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ashamwari dzangu, daidzirai musangano wenyu wakakosha, sekukurairai kwandakakuitai.

118 Uye sezvo vose vasina rutendo, shingairai kutsvaka uye amudzidzisane mazwi beungwaru; hongu, tsvakai kubva cmumabhuku akanaka mazwi eungwaru; tsvakai kudzidza, kunyangwe nokuverenga uyewo nerutendo.

119 Zvirongei; gadzirirai chose chingadiwe; uye mumise aimba, kunyangwe imba yemunamato, imba yekutsanya, imba yerutendo, imba yekudzidzira, imba yekubwinya, imba yakarongwa, imba yaMwari;

120 Kuti kupinda kwenyu kuve kuri muzita raIshe; kuti nekubuda muchienda kwenyu kuve muzita raIshe; kuti kwose kukwazisana kwenyu kuve muzita raIshe, uye nemaoko akasimudzirwa kune vari Pamusoro-soro.

121 Naizvozvo, aregai zvekutaura zvisina maturo, bkusekesesa kwose, rwose cruchiva rwenyu, dkuzvikudza kwenyu kwose uye nehunzenza, uye nezviito zvenyu zvose zvakaipa.

122 Domai pakati penyu mudzidzisi, musaite kuti mose muve vatauri pamwechete, regai kutaure mumwechete vamwe vose vateerere kutaura kwake, kuti kana vose vataura vose vagosimudzirana, kutiwo munhu wose ave nemukana wakaenzana.

123 Onai kuti amunodanana; regai bzvekuchiva; dzidzai kupanana sezvinodiwa nevhangeri.

124 Regai azveunyope. Regai zvekuve netsvina, regai bzvekutsvakirana mhosva, regai kurara zvakapfuura zvinodiwa; endai kunorara nokukurumidza, kuti musazove makaneta; mukai rungwanani, kuti miviri yenyu nepfungwa dzenyu zvisimbiswe.

125 Uye pamusoro pezvinhu zvose, zvishongedzei nechisungo acherudo rwakadzama, sezvamunoita nguwo, chinova chisungo chekukwana uye bnerunyararo.

126 aNamatai nguva dzose, kuti musaore mwoyo, kusvika bndauya. Tarisai, uye muone, ndichauya nokukurumidza, uye ndigokugashirai kwandiri. Ameni.

127 Uye zvakare, hurongwa hwemba yakagadzirirwa vatungamiri avechikoro chevaporofita chakaitirwa kudzidziswa kwavo muzvinhu zvose zvakavafanira, kunyangwe bzvevashandi vechechi, kana kuti nemamwe mazwi, avo vanodaidzwa kuhushumiri hwemuchechi, kutangira pavapirisita vepamusoro, kunyangwe kusvika pasi kune mudhikoni—

128 Uye uwu ndihwo hwuchave hurongwa hwemba yehutungamiri hwechikoro; uyo anodomwa kuva mutungamiri kana mudzidzisi, achawanikwa amire munzvimbo yake, mumba yaachagadzirirwa.

129 Naizvozvo, achave wekutanga mumba maMwari, munzvimbo iyo yekuti gungano riri mumba rinzwe mazwi ake zvakanaka, uye zvakajeka, kwete nezwi guru.

130 Uye paanouya mumba maMwari, nokuti ndiye anofanira kuve wekutanga mumba umu—tarisai, izvi zvakanaka, kuti ave semufananidzo—

131 aNgaazvipire nomunamato ari pamabvi ake pamberi paMwari, muchiratidzo kana mukurangarira chibvumirano chisingaperi.

132 Uye kana ani zvake akauya achimuda, mudzidzisi ngaasimuke, uye nemaoko akasimudzirwa kudenga, hongu, kana ikoko chaiko, akwazise hama yake kana hama dzake nemazwi aya:

133 Uri hama kana kuti muri hama here? Ndinokukwazisai muzita raIshe Jesu Kristu, muchiratidzo kana mukurangarira chibvumirano chisingaperi, chiri icho chibvumirano chandinokugashirai nacho amukuwadzana, uye nekushinga kwakadzikwa, kusingatsukunyuke, uye kusingapindurike, kuti ndive shamwari bnehama yenyu kuburikidza nenyasha dzaMwari muzvisungo zverudo, kufamba mumirairo yose yaMwari tisina mhosva, mukutenda, nariini nariini. Ameni.

134 Uye uyo anowanikwa asina kukodzera kukwaziswa nomutowo uyu, haawane nzvimbo pakati penyu; nokuti hamufanire kubvumira kuti imba yangu aisvibiswe naye.

135 Neuyo anouya achipinda akatendeka pamberi pangu, uye ari hama, kana dziri hama, vachakwazisa mutungamiri kana mudzidzisi nemaoko akasimudzirwa kudenga, uye nemunamato nechibvumirano chimwechetecho, kana nokuti Ameni, murupawo rwumwecheterwo.

136 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyu mufananidzo kwamuri wekukwazisana kwamunoita mumba maMwari, muchikoro chevaporofita.

137 Munodaidzwa kuti muite izvi nemunamato nekutenda, sekupihwa kwamuchange muchiitwa mashoko neMweya mune zvamunoita zvose mumba maIshe, muchikoro chevaporofita, kuti ive nzvimbo inoyera, netabernakeri yeMweya Mutsvene ayokukusimbisai.

138 Hamuzotambira ani zvake pakati penyu muchikoro ichi kunze kwekunge ari akachena kubva akuropa rechizvarwa chino;

139 Uye achatambirwa nechisungo achekushambidza tsoka, nokuti ichochi ndichochinangwa chakaitirwa chisungo chekugeza tsoka.

140 Uye zvakare, chisungo chekugeza tsoka chinoitwa nemutungamiri, kana gosa riri kutungamira chechi.

141 Zvinofanira kutanga nemunamato; mushure amekudya chingwa newaini, anofanira kuzvisunga maererano bnetsika yakapihwa muchitsauko chegumi netatu cheuchapupu hwaJohane pamusoro pangu. Ameni.