Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 138


Chikamu 138

Chiratidzo chakapihwa kune Mutungamiri Joseph F. Smith kuSalt Lake City, Utah, musi wa3 Gumiguru 1918. Mukutaura kwake kwekuzarura muchechi mukuru wekaviri pagore wechimakumi masere nepfumbamwe weChechi, musi wa4 Gumiguru 1918, Mutungamiri Smith akati vakanga vagashira mashoko matsvene akawanda mumwedzi yakanga yapfuura. Mamwe emashoko aya, ari nezvekushanya kweMuponesi kumweya yevakafa zvakange muviri wake uri muguva, Mutungamiri Smith akanga azvitambira semarimwezuro acho. Zvakanyorwa pakarepo mumashure mekupera kwemuchechi mukuru uyu. Musi wa31 Gumiguru 1918, zvakaiswa kumakurokota eHutungamiri Hwekutanga, Dare revaneGumi neVaviri, naPatiriyaki, uye vakazvibvuma vose.

1–10, Mutungamiri Joseph F. Smith anofungisisa pamusoro pezvinyorwa zvaPetro nokushanya kwaIshe wedu kunyika yemweya; 11–24, Mutungamiri Smith anoona vakarurama vakafa vakaungana muparadiso nehushumiri hwaKristu mukati mavo; 25–37, Anoona kurongwa kwakanga kwakaitwa maparidzirwo evhangeri pakati pemweya; 38–52, Anoona Adama, Eva, nevazhinji vevaporofita vatsvene munyika yemweya, vari avo vaiona magariro avo semweya, vasati vamuka kuvakafa semuhusungwa; 53–60, Vakafa vakarurama vanhasi vanoenderera mberi nemabasa avo munyika yemweya.

1 Musi wa3 Gumiguru, mugore rechiuru nemazana gumi nemapfumbamwe ane gumi nesere, ndakagara mumba mangu andichifungisisa nezvemagwaro matsvene;

2 Uye ndichifunga pamusoro pemupiro awerudzikinuro rwukuru, wakaitwa neMwanakomana waMwari, bkununura nyika;

3 Uye arudo rwukuru uye rwunoshamisa rwakaratidzwa naBaba neMwanakomana mukuuya bkweMununuri pasi pano;

4 Kuti kuburikidza anerudzikinuro rwake, bnokuteerera kumisimboti yevhangeri, vanhu vose vangaponiswe.

5 Pandakanga ndabatikana kudaro, pfungwa yangu yakaenda kuzvinyorwa zvamuapositori Petro, kuvatendi avekare vakapararira kwose bmuPonto, Garatia, neKapadokia, nedzimwe nzvimbo dzeAsia, uko kwakanga kwaparidzwa vhangeri mushure mekuroverwa kwaIshe.

6 Ndakazarura Bhaibheri uye ndikaverenga chitsauko chechitatu nechina chegwaro rekutanga raPetro, uye pandakanga ndichiverenga ndakanakidzwa zvikuru zvandisina kumboitwa kare, nemitsetse inotevera iyi:

7 “Nokuti naiyewo Kristu akambotambudzikira zvitadzo, akarurama kuitira asina kururuma, kuti atiunze kuna Mwari, achipinzwa murufu panyama, asi achamutswa neMweya:

8 “Kuburikidza nawo akaenda kunoparidza kumweya amutirongo;

9 “Yaive pane dzimwe nguva isinga teerere, apo mwoyo murefu waMwari wakamirira mumazuva aNoa, apo areka yaigadzirirwa umo vashoma zvinoreva kuti mweya misere yakaponeswa nemvura.” (1 Petro 3:18–20.)

10 “Nokuti, nokuda kwechikonzero ichi vhangeri rakaparidzwawo kune avo vakafa, kuti vagotongwa sevanhu vapenyu munyama, asi vagogara maererano naMwari mumweya.” (1 Petro 4:6.)

11 Zvandaifunga pamusoro pezvinhu izvi azvakanyorwa, bmaziso ekunzwisisa kwangu akazururwa, uye Mweya waIshe cukave pandiri, uye ndikaona mhomho ddzevakafa, vose vadiki nevakuru.

12 Uye pakanga pakaungana pamwechete isingaverengeke mweya ayevakarurama, avo vakanga vari bvaitendeka muuchapupu hwaJesu zvavakanga vachigara muupenyu hwekufa;

13 Uye vari ivo vakanga vachipa amipiro yaifanana nemupiro mukuru weMwanakomana waMwari, uye bvakatambudzwa muzita reMununuri wavo.

14 vose ava vakanga vabva muupenyu hwokufa, vakasimba amutariro byekumutswa kuvakafa kuburikidza cnenyasha dzaMwari dBaba uye naiyewo neMwanakomana Wavo eMumwechete Akaberekwa, Jesu Kristu.

15 Ndakaona kuti vakanga vakazara anokufara uye nomufaro, uye vakanga vachifara pamwechete nokuti zuva ravo rokusunungurwa rakanga rave pedyo.

16 Vakanga vakaungana vakamirira kuuya kweMwanakomana waMwari munyika ayemweya, kuzotaura kununurwa kwavo kubva bmumajoto erufu.

17 Guruva ravo rirere arichadzorerwa kuchimiro charo chaicho, bbvupa kubvupa rake, uye marunda nenyama ari paari, cmweya nemuviri zvobatanidzwa kuti hazvichambofa zvakasiyaniswa, kuti vagogashira drufaro rwuzere.

18 Pakange mhomho iyi yakamirira uye ichitaura, vachifara munguva yavo yekusunungurwa kubva kungetani dzerufu, Mwanakomana waMwari akaonekwa, achitaura arusununguko kuvasungwa vakanga vakatendeka;

19 Uye ipapo aakavaparidzira bvhangeri risingaperi, dzidziso yekumuka kuvakafa nokununurwa kwerudzi rwevanhu kubva cmukupunzika, nokubva muzvitadzo zvemunhu kuburikidza dnekutendeuka.

20 Asi kune avakaipa haana kuenda, uye mukati mevasina humwari nevaisatendeuka, vakanga bvazvisvibisa vari munyama, izwi rake harina kusimudzwa;

21 Kana avo vakapanduka avo vakaramba uchapupu neyambiro yevaporofita vekare, havana kumuona kana kutarisa pachiso chake.

22 Pavakange vari ava, arima raitonga, asi pakati pevakarurama paive bnerunyararo;

23 Uye vatendi vakafara amukununurwa kwavo, uye vakapfugama bnemabvi uye vakaratidza kuti Mwanakonana waMwari ndiye Mununuri wavo neMusununguri wavo kubva murufu cnengetani dzegehena.

24 Zviso zvaipenya, uye akubwinya kwaibva mukuvepo kwaIshe kwakawira pavari, uye bvakaimba kurumbidza kuzita ravo dzvene.

25 Ndakashamiswa, nokuti ndaiziva kuti Muponesi akapedza makore angangoita matatu mubasa rake pakati pemaJuda neavo vemba yaIsraeri, achiedza kuvadzidzisa vhangeri risingaperi nokuvadaidza kuti vatendeuke;

26 Uye asika, kana dai basa rake raive guru, nezvishamiso, nokutaura chokwadi, amusimba guru nemvumo, kwaive nevashoma vainzwa izwi rake, uye vachifara paari, uye vakagashira ruponeso kubva mumaoko ake.

27 Asi hushumiri hwake pakati peavo vakanga vakafa hwakave kwechinguva achidiki chakavepo kubvira paakarovererwa uye nokumuka kwakwe kuvakafa;

28 Uye ndakashamiswa nemazwi aPetro—apo paakati Mwanakoma waMwari akaparidzira mweya iri mutirongo, avo dzimwe nguva vakanga vasingateerere, apo mwoyo murefu waMwari wakamirira mumazuva aNoa—uye nokuti zvakagonekwa sei kwaari kuti aparidzire kumweya iyoyo uye achiita basa raidiwa kuti aite pakati pavo munguva pfupi-pfupi yakadaro.

29 Uye ndichishamiswa kudaro, maziso angu akazarurwa, uye kunzwisisa kwangu akukapamhidzirwa, uye ndikaona kuti Ishe havana kuenda ivo pachavo pakati pevakaipa nevasingateerere avo vakanga vakaramba chokwadi, kuti vanovadzidzisa;

30 Asi tarisai, kubva mukati mevakarurama, akaronga zvikwata zvake uye akadoma vatumwa, vakapfekedzwa asimba nemvumo, uye akavatuma kuti vaende uye vatakure chiedza chevhangeri kune avo vakanga vari bmurima, kana kune cyose mweya yevanhu; uye ndiko kuparidzwa kwakaitwa vhangeri kune vakafa.

31 Uye vatumwa vakasarudzwa vakaenda kunotaura zuva arakanaka raIshe uye vakaparidza brusununguko kuvasungwa vakanga vakabatwa, kana kune vose vaida kutendeuka kubva muzvivi zvavo uye vachigashira vhangeri.

32 Ndiko kuparidzwa kwakaitwa vhangeri kune avo vakanga avafa vari muzvitadzo zvavo, vasina bruzivo rwechokwadi, kana mukutyora murau, vari vakaramba vaporofita.

33 Ava vakadzidziswa akutenda munaMwari, kutendeuka kubva muchitadzo, rubhabhatidzo brwekuitirwa nemumwe kuti cvaregererwe zvivi, dchipo cheMweya Mutsvene nekugadzwa maoko,

34 Uye neyese mitemo yevhangeri yainge iri yakafanira kwavari kuti vazive kuti vagokodzera kuti avagotongwa sevanhu venyama, asi vachigara zviri maererano naMwari mumweya.

35 Uye saka zvakaziviswa pakati pevakafa, vose vadiki nevakuru, vasakarurama nevakatendeka, kuti rununuro rwakauya kuburikidza anemupiro weMwanakomana waMwari bpamuchinjikwa.

36 Ndokuziviswa kwazvakaitwa kuti Mununuri wedu akashandisa nguva yake mukushanya kwake kwekanguva kunyika yemweya, achidzidzisa nokugadzira mweya yakatendeka ayevaporofita avo vakanga vapupura nezvake munyama.

37 Kuti vatakure mashoko erununuro kune vose vakafa, kune avo kwaakanga asingagone kuenda iye pachake, pamusana apekupanduka kwavo nokutyora murau kwavo, kuti ivo kuburikidza nokushanda kwevaranda vake vanganzwe mazwi ake.

38 Mukati mevakuru nevanotyiwa vakanga vakaungana mugungano guru iri revakarurama maive naBaba aAdama, Mukweguru waMazuva uye baba wavose,

39 Uye naAmai vedu vanokudzwa aEva, vaine vazhinji vavo vakavimbika avo vakagara mumazera ose uye vachinamata Mwari wechokwadi nemupenyu.

40 aAberi, wekutanga bkuponderwa zvaaitenda, aivepo, nemunin’ina wake cSeti, mumwe wevaityiwa, akanga ari dmufananidzo chaiwo wababa vake, Adama.

41 aNoa, uyo akayambira vanhu pamusoro pemvura zhinji; bShemi, mupirisita cwepamusoro mukuru; dAbrahama, baba wevakatendeka; eIsaka, fJakobo, naMosesi, mupi mukuru gwemutemo weIsraeri;

42 Uye aIsaya, akataura nechiporofita kuti Mununuri akazodzwa kuti arape vakaora mwoyo, kuparidza rusununguko kune bvakasungwa, uye kuzururwa ckwetirongo kune avo vakabatwa, vakanga varipowo.

43 Kana anaEzekieri, uyo akaratidzwa muchiratidzo nhika inotyisa yemapfupa bakaoma, ayo aizopfekedzwa nyama, kuti agouya zvakare cmukumuka kuvakafa kwevakafa, ave mweya mipenyu;

44 aDanieri, uyo akaona uye akataura kumiswa bkweumambo hwaMwari mumazuva ekupedzisira, uye husingazoparadzwa zvakare kana kupihwa kune vamwe vanhu;

45 aEria, uyo akanga aina Mosesi paGomo breKushandurwa;

46 Uye anaMaraki, muporofita akapupura pamusoro pekuuya bkwaErija—uyowo akataurwa naMoronai kuna Muporofita Joseph Smith, achitaura kuti achauya czuva rinotyisa uye guru raIshe risati rauya—vakanga varipowo.

47 Muporofita Erija aizodyara amumwoyo yevana zvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba avo.

48 Kuratidza abasa guru richaitwa bmumatemberi aIshe cmukowo wekuzara kwenguva, kuti vakafa vanunurwe, dnokusunganidzwa kwevana kuvabereki vavo, nokuti pasi rose ringarohwe nekutukwa uye ikaparadzwa zvachose pakuuya kwake.

49 Zvose izvi nezvimwe zvakawanda, kunyangwe avaporofita vaigara mukati memaNifai uye vachipupura kuuya kweMwanakomana waMwari, vaifamba famba mugungano guru iro uye vakamirira kuponeswa kwavo,

50 Nokuti vakafa vakange votarisa kusaveko akwemweya yavo mumiviri yavo bsehusungwa.

51 Avo Ishe akavadzidzisa, uye akavapa asimba rekuuya mushure mekumuka kwake kubva kuvakafa, kuti vapinde muumambo hwaBaba vake imomo kuti vagopfekedzwa bkusafa neupenyu chwokusingaperi.

52 Uye vachienderera mberi imomo vachaiita basa ravo sezvakanga zvavimbiswa naIshe, uye kuti vavevawani avemaropafadzo ose ayo akange akachengeterwa ivo vanomuda.

53 Muporofita Joseph Smith, nababa vangu, Hyrum Smith, Brigham Young, John Taylor, Wilford Woodruff, nemimwe mweya yakakodzera yakanga ayakamisirwa kuti igouya mukuzara kwenguva kuti vagove mukuhwarika bhwaro huru yemazuva ekupedzisira,

54 Kusanganisa kuvakwa kwematemberi nokuitwa kwezvisungo imomo kuitira rununuro arwevakafa, vakanga varimo munyika yemweya.

55 Ndakaona kuti vakanga varimo mukati amevanoremekedzwa nevakuru avo vakanga bvasarudzwa pakutanga kuti vave vatongi muChechi yaMwari.

56 Kunyangwe vasati vazvarwa, ivo nevamwe vazhinji, vakagashira zvidzidzo zvavo zvekutanga munyika yemweya uye avakagadzirirwa kuti vagouya bnenguva yakafanira yaIshe kuzoshanda cmumunda wavo wemizambiringa kuitira ruponeso rwemweya yevanhu.

57 Ndakaona kuti amagosa akatendeka emukuwo uno, pavanobva muupenyu hwekufa, vanoenderera mberi nebasa ravo mukuparidza vhangeri rerutendeuko nerununuro, kuburikidza nemupiro neMwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari, pakati peavo vari bmurima uye vari muhusungwa hwechivi munyika huru yemweya yevakafa.

58 Vakafa vanotendeuka avachanunurwa, kuburikidza nokuteerera bkuzvisungo zvemumba yaMwari.

59 Uye mushure mekunge varangwa pamusana pekutadza kwavo, uye avagezwa vakachena, vachagashira mubairo maererano bnemabasa avo, nokuti vadyi venhaka yeruponeso.

60 Ndizvo zvakanga zvakaita chiratidzo cherununuro rwevakafa, chakaratidzwa kwandiri, uye ndinopupura, uye ndinoziva kuti uchapupu uhwu andehwechokwadi, kuburikidza nemaropafadzo aIshe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, kunyangwe saizvozvo. Ameni.