Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 29


Chikamu 29

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paine magosa matanhatu, paFayette. New York, Gunyana 1830 (History of the Church, 1:111–115). Zvakazarurwa izvi zvakapihwa mazuva akati kuti muchechi mukuru usati waitwa, waitanga musi wa26 Gunyana, gore 1830.

1–8, Kristu anounganidza vakasarudzwa vake, 9–11, Kuuya kwake kunounza Mereniamu; 12–13, VaneGumi neVaviri vachatonga Israeri yose; 14–21, Zviratidzo, zvirwere, nokuparadza kuchatungamira Kuuya kweChipiri; 22–28, Kumuka kuvakafa kwekupedzisira nokutongwa kwekupedzisira mushure meMereniamu; 29–35, Zvose zvinhu ndezvemweya kuna Ishe; 36–39, Dhiabhorosi nehondo yake vakatandaniswa kudenga kuti vagoyedza munhu; 40–45, Kupunzika neRudzikinuro zvinounza ruponeso; 46–50, Vana vadiki vanoponeswa kuburikidza nerudzikinuro.

1 Teerera kuizwi raJesu Kristu, Mununuri wako, Mukuru aNdini, uyo ane ruoko brwetsitsi urwo crwakaripira zvitadzo zvenyu;

2 Uyo auchaunganidza vanhu vake sehuku inounganidza nhiyo dzayo pasi pamapapiro ayo, ndokunge vazhinji vachiteerera kuzwi rangu uye bvagozvininipisa pamberi pangu, uye nokundidaidza mumunamato wakasimba.

3 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti panguva ino zvitema zvako awazviregererwa, naizvozvo uchigashira zvinhu izvi; asi yeuka kuti usazotadza zvakare, kuti matambudziko asazouya pauri.

4 Zvirokwazvo, ndinoti wakasarudzwa kubva munyika kuti utaure vhangeri rangu nezwi rakafara, anezwi rinenge hwamanda.

5 Simudzai mwoyo yenyu mufare, nokuti ndiri apakati penyu uye ndini bmureveri wenyu kuna baba; uye kuda kwavo kwakanaka kuti vakupei cumambo.

6 Uye, sekunyorwa kwazvakaita—Chose zvacho achamuchakumbira bmurutendo, cmakabatana mumunamato maererano nemurairo wangu, muchachigashira.

7 Uye makadaidzwa kuti muunze akuunganidzwa kwevangu bvakasarudzwa; nokuti vangu vakasarudzwa cvanonzwa izwi rangu uye havaomese dmwoyo yavo;

8 Nokudaro chirevo chakaenda kubva kuna Baba kuti avachaunganidzwa panzvimbo imwechete pamusoro penyika ino, bkugadzira mwoyo yavo uye nokuve vakagadzirira muzvinhu zvose kuitira zuva iro cmatambudziko uye nokuparadzwa, achatumirwa kune vakaipa.

9 Nokuti nguva yacho yave pedyo, uye nezuva rave pedyo apo nyika ichave yaibva; uye vose avo avanodada uye neavo vanoita zvakaipa vachaita bsezvitsitsi; uye ini cndichavapisa, vanodaro Ishe veHondo, kuti kuipa kusavepo pano pasi;

10 Nokuti nguva yave pedyo, uye icho achakataurwa nevaapositori vangu chinofanira kuzadzikiswa; nokuti sokutaura kwavakaita naizvozvo zvinofanira kuitika.

11 Nokuti ndichazviratidza ndiri kudenga nesimba uye nokubwinya kukuru, anemhomho yose iriko, togara bmukururama nevanhu pano panyika, ckwechiuru chemakore, uye avo vakaipa havazomira.

12 Uye zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uye zvakaenda nemuchirevo chakasimba, nekuda kwaBaba, kuti avaapositori vangu paJerusarema, vachamira kurudyi rwangu muzuva iro randichauya ndiri murimi bremoto, ndakapfeka nguwo dzekururama, nengundu pamusoro pavo, cmukubwinya kana sezvandiri, kana dkuzotonga imba yose yaIsraeri, nevazhinji vakandida nokuchengeta mirau yangu, pasina vamwezve.

13 Nokuti ahwamanda icharira kwenguva refu uye zvine ruzha, kana sepaGomo Sinai, uye yose nyika ichandengendeka, uye ivo bvachauya—hongu, kana avo cvakafa vari mandiri, kuti vagashire dngundu yekururama, uye kuti vapfekedzwe, ekunyange sezvandakaita, kuti vave neni, kutitive vamwechete.

14 Asi tarisai, ndinoti kwauri azuva guru iri risati rauya bzuva richasvibiswa, uye mwedzi uchapindurwa ukave ropa, uye nyenyedzi dzichakoromoka kubva kudenga, uye kuchave cnezviratidzo zvikuru kudenga kumusoro uye nepanyika pasi;

15 Uye kuchave nekuchema anekuwuwura pakati pemhomho yevanhu;

16 Uye kuchave anechimvuramabwe chikuru chinotumirwa kuzoparadza mbeu dzepasi.

17 Uye zvichaitika kuti, nepamusana pekuipa kwenyika andichadzorera bvakaipa, nokuti havadi kutendeuka; nokuti mukombe wekushatirwa kwangu wazara; nokuti tarisai, cropa rangu harizovachenesa kana vasingandinzwe.

18 Nokudaro, ini Ishe Mwari ndichatumira nhunzi pamusoro penyika, dzichabata vagari vemunyika, uye dzigodya nyama yavo, uye dzigokonzera kuti honye dziuye pavari;

19 Uye ndimi dzavo dzichabatwa kuti avasataure chimwe chinhu chekundishora; uye nyama yavo ichabva pamapfupa avo, uye maziso avo achabva mumaburi awo;

20 Uye zvichaitika kuti azvikara zvesango uye neshiri dzemumhepo dzichavadya.

21 Uye zichechi huru ainonyangadza inova bnzenza yepasi pose, ichakandwa pasi nemoto cunodya, maererano sekutaurwa kwazvinoitwa nemuromo wa Ezekieri muporofita, uyo akataura nezve zvinhu izvi, izvo zvisati zvaitika asi chokwadi dzvinotofanirwa, sezvandiri mupenyu, nokuti zvakaipisisa hazvizotonga.

22 Uye zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri kana achiuru chemakore chapera, uye vanhu vakatanga zvakare kuramba Mwari vavo, zvino ndicharegera nyika kwemwaka bmudiki;

23 Uye amagumo achauya, denga nenyika zvichapera zvobva bzvapfuura, uye kuchave nedenga idzva nenyika citsva.

24 Nokuti zvose zvinhu zvakare azvichapfuura, uye zvose zvinhu zvichave zvitsva, kunyangwe denga nenyika, uye nezvizazikiswa zvose zvirimo, vanhu nemhuka, shiri dzedenga, uye nehove dzegungwa;

25 Uye hakuna avhudzi rimwe, kana sanga, icharasika, nokuti humhizha hwerwuoko rwangu.

26 Asi tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, nyika isati yapfuura, aMikaeri, bngirozi yangu huru, acharidza chwamanda yake, uye ipapo vose vakafa dvachamuka, nokuti makuva avo achavhurwa uye evachauya—hongu, kunyangwe vose.

27 Uye avatsvene vachaungana kuruoko rwangu brwerudyi kuupenyu hwokusingaperi; uye vakaipa vari kuruoko rwangu rwekuruboshwe ndichanyara kuvaita vangu pamberi paBaba;

28 Nokudaro ndinoti, kwavari—aIbvai pandiri, imi makatukwa, muende bkumoto usingaperi, wakagadzirirwa cdhiabhorosi nengirozi dzake.

29 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri, hapana kana nguva ipi zvayo pandakataura nemuromo wangu kuti vachazodzoka, nokuti apandinenge ndiri ivo havangagone kupauya, nokuti havana simba.

30 Asi rangarira kuti kutonga kwangu kwose hakupihwe kuvanhu; uye sezvo mazwi abva mumuromo mangu kunyangwe saizvozvo achazadzikiswa, kuti awekutanga achava wekupedzisira, uye kuti wekupedzisira achave wekutanga muzvinhu zvose zvazvo zvandakasika nezwi resimba rangu rinova iro simba reMweya wangu.

31 Nokuti nesimba reMweya wangu andakavasika, hongu, zvose zvinhu bmumweya nemunyama.

32 Chekutanga azvemweya, chepiri zvenyama, kuri iko kutanga kwebasa rangu; uye zvakare, chekutanga zvenyama, chepiri zvemweya, zviri izvo zvekupedzisira mubasa rangu—

33 Kutaura kwamuri kuti munzwisise sezvamuri, asi kwandiri ini mabasa angu haana amagumo, kana paakatangira; asi zvinopihwa kwamuri kuti munzwisise, nokuti makazvikumbira kwandiri uye makabvumirana.

34 Nokudaro, zvirokwazvo ndinoti kwamuri zvose zvinhu kwandiri ndezvemweya, handina kana imwe nguva yandakambokupai mutemo wakange uri wenyama; kana munhu zvake, kana vana vevanhu, kana Adama, baba venyu, uyo wandakasika.

35 Tarisai, ndakapa kwaari kuti aazvifungire pachake; uye ndakamupa murairo, asi hapana murairo wenyama wandakamupa, nokuti bmirairo yangu ndeye mweya; haizi yepazvinhu zvepanyama kana kuti yenyama, kana kuti yezvenyama kana zvinonzwikwa.

36 Uye zvakaitika kuti Adama, ayedzwa nadhiabhorosi—nokuti, tarisai, adhiabhorosi aivepo Adama asati avepo, nokuti bakandipandukira, achiti ndipei ckukudzwa kwenyu, iro riri dsimba rangu; uye nechidimbu echimwechete pazvitatu fzvemhomho yekudenga akazvitendeudza kubva kwandiri pamusana pekugona gkuzvifungira kwavo;

37 Uye vakakandwa pasi, uye ndiko kuuya kwakaita adhiabhorosi bnengirozi dzake;

38 Uye tarisai, pane nzvimbo yavakagadzirirwa kubva pakutanga, nzvimbo iyoyo iri agehena.

39 Uye zvinofanirwa kuti dhiabhorosi aayedze vana vevanhu, kana kuti havaizove vanozvifungira pachavo; dai vasina kumbowana bzvinovava havaigona kuziva zvinotapira—

40 Nokudaro, zvakaitika kuti dhiabhorosi akaedza Adama, uye akadya amuchero wakarambidzwa uye akatyora murairo, mukudaro akave bpasi pezvido zvadhiabhorosi, nokuti akakundwa nemuedzo.

41 Nokudaro, ini Ishe Mwari ndakaita kuti aatandirwe kunze kwebindu breEdeni, kuti cabve pamberi pangu, pamusana pekutadza kwake, uko kwakaita kuti afe mumweya, iko kuri kufa kwekutanga, kunyangwe kuri kumwechete kunove dkufa kwekupedzisira, kuri kwemweya, uko kuchataurwa pane vakaipa apo pandichati; ibvai imi emakatukwa.

42 Asi tarisai, ndinoti kwamuri ini Ishe Mwari, ndakapa kuna Adama nekumbeu yake, kuti vasafe asekufa kwenyama, kudakara ini Ishe Mwari, ndatumira bngirozi kunotaura kwavari crutendeuko uye dnerudzikinuro kuburikidza nerutendo muzita rewangu Mwanakomana eMumwechete Akaberekwa.

43 Uye, ndizvo zvandakaita ini Ishe Mwari, ndakatarira munhu mazuva aekuyedzwa kwake—kuti nokufa kwake, agogona bkuzomutswa cmukusafa kuupenyu dhwokusingaperi, kunyangwe avo vose vanodaira;

44 Uye avo vasingatende amukuraswa kwokusingaperi; nokuti havagone kudzikinurwa mukupunzika kwavo mumweya nokuti havatendeuke;

45 Nokuti vanoda rima pane chiedza, uye azviito zvavo zvakaipa, uye vanotambira bmibairo yavo kune uyo wavanosarudza kuteerera.

46 Asi tarisai, ndinoti kwamuri, avana vadiki bvakadzikinurwa kubva pahwaro hwenyika kuburikidza newangu Mumwechete Akaberekwa;

47 Nokudaro, havakwanise kutadza, nokuti simba harina kupihwa kuna Satani rekuti aayedze vana vadiki, kudakara vave kukwanisa bkuzvidavirira pamberi pangu;

48 Nokuti zvakapihwa kwavari kunyangwe sekuda kwangu, maererano nemafadziro azvinondiita, kuti zvinhu zvikuru zvingangodiwa kubva muruoko arwemadzibaba avo.

49 Uye, zvakare, ndinoti kwamuri, nani zvake ane ruzivo, handina here kumuraira kuti atendeuke?

50 Uye asina anzwisiso, zvichasarira mandiri kuita maererano sekunyorwa kwazvakaitwa. Uye zvino handichataura zvimwe kwamuri panguva ino. Ameni.