Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 20


Chikamu 20

Zvakazarurwa zviri maererano nehurongwa nehurumende yeChechi, zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, Kubvumbi 1830 (History of the Church, 1:64–70). Asati anyora maererano nezvakazarurwa zvino Muporofita akanyora, “Takawana kwaAri [Jesu Kristu] zvinotevera, nemweya wehuporofita nezvakazarurwa; izvo zvisina kutipa zivo yakawanda chete, asi zvakanongedzera kwatiri zuva chairo raizove, maererano neKuda Kwake, nekuraira, iro rataifanira kuenda mberi nokuronga Chechi Yake zvakare pano pasi” (History of the Church, 1:64).

1–16, Bhuku raMormoni rinoratidza hutsvene hwebasa remazuva ekupedzisira; 17–28, Dzidziso dzekusikwa, kupunzika, rudzikinuro, nerubhabhatidzo zvinotsinhirwa; 29–37, Mitemo inotonga kutendeuka, kunatsiridza, kutsvenesa, nerubhabhatidzo inomiswa; 38–67, Mabasa emagosa, vapirisita, vadzidzisi, nemadhikoni anotsanangurwa muchidimbu; 68–74, Mabasa enhengo, kuropafadzwa kwevana, netsika yerubhabhatidzo zvinoratidzwa; 75–84, Minamato yeSakaramende nemitemo inotonga nhengo dzeChechi inopihwa.

1 aKusimuka bkweChechi yaKristu mumazuva ano ekupedzisira, pave nechiuru chimwechete nemazana masere nemakumi matatu emakore kubvira kuuya kwakaita Ishe vedu neMuponesi Jesu Kristu panyama, riri crakarongwa nemazvo uye nokumiswa muchibvumirano chemitemo yenyika yedu, nokuda uye nemirairo yaMwari, mumwedzi wechina uye muzuva rechitanhatu remwedzi unonzi Kubvumbi—

2 Iri mirairo yakapiwa kuna Joseph Smith, Mwana, uyo aakadaidzwa naMwari, uye akagadzwa bmuapositori waJesu Kristu, kuti ave cgosa rekutanga chechi ino;

3 Uye kuna Oliver Cowdery, uyo akadaidzwawo naMwari, muapositori waJesu Kristu, kuti ave gosa wechipiri wechechi ino, uye akagadzwa pasi peruoko rwavo;

4 Uye izvi zviri maererano nenyasha dzaIshe neMuponesi vedu Jesu Kristu, kubwinya kwose kuve kwaari, iye zvino nariini, Ameni.

5 Mushure mekunge zvaratidzwa zvechokwadi kune gosa rekutanga iri kuti rakanga ragashira kuregererwa kwezvitadzo zvaro, arakapinda zvakare mukuzvida kwenyika;

6 Asi mushure mekutendeuka, uye nokuzvininipisa, nemwoyo wake wose, kuburikidza nerutendo, Mwari vakamushumira anengirozi tsvene, iyo bchiso chayo chaiita semheni, uye nhumbi dzayo dzakange dzakachena dziri chena kupfuura kumwe kwose kuchena;

7 Uye ikamupa mirairo yakamufemera;

8 Uye ikamupa simba kubva kumusoro, anenzira yakanga yakagadzirwa kare, kuti adudzire Bhuku raMormoni;

9 Iro rine zvinyorwa zvevanhu vakapunzika, anevhangeri brizere raJesu Kristu kumaJentairi uye nekuvaJudawo.

10 Iro rakapihwa nekufemerwa, uye richitsigirwa kune avamwe kuburikidza nokushumira kwengirozi, uye brichiparidzirwa kunyika naivo—

11 Kuratidza kunyika kuti magwaro matsvene andeechokwadi, nokuti Mwari bvanofemera vanhu uye nokuvadaidza kubasa ravo cdzvene munguva nechizvarwa chino, uye nekuzvizvarwa zvekare;

12 Zvichiratidza kuti ndivo Mwari avamwechetevo vaiveko nezuro, nhasi, nariini. Ameni.

13 Nokudaro, kuve nevapupuri vakuru vakadai, naivava nyika ichatongwa, kunyangwe nevakawanda vachauya mushure meizvi mukuzoziva zvebasa rino.

14 Uye avo vanorigashira nerutendo, uye vakashanda amukururama, vachagashira bkorona yeupenyu hwokusingaperi;

15 Asi avo vanoomesa mwoyo yavo anokusatenda, uye vachiriramba, richavapindukira mukutongwa kwavo—

16 Nokuti Ishe Mwari vazvitaura; uye isu magosa echechi, takazvinzwa uye tinopupura kumazwi aMambo vanobwinya vekumusoro, kwavari ngakuve nekurumbidzwa nariini nariini. Ameni.

17 Pamusoro pezvinhu izvi atinoziva kuti kuna bMwari kudenga, avo vasinamagumo uye vokusingaperi, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi vamwechetevo Mwari vasingashanduke, muumbi wedenga nenyika, nezvinhu zvose zviri mazviri;

18 Uye avakasika munhu, murume nemukadzi, bnemufananidzo wavo uye nokumufananidza navo, ndivo vakavasika;

19 Uye ndokuvapa mirairo yokuti vakafanira akumuda bnokumushandira, ivavo chete vapenyu Mwari vechokwadi, uye nokuti ivo chete ndivo munhu wavanofanira ckunamata.

20 Asi pamusana pekutyora mitemo iyi mitsvene munhu akave awenyama bnewehudhiabhorosi, uye akave munhu cakapunzika.

21 Nokudaro, Mwari Samasimba vakapa Mwanakomana wavo aMumwechete Akaberekwa, sekunyorwa kwazvakaitwa mumagwaro matsvene ayo akapihwa pamusoro pake.

22 Akatambudzika anokuyedzwa asi haana kuita hanya nazvo.

23 aAkarovererwa, akafa, uye bakamuka zvakare muzuva rechitatu;

24 Uye aakakwira kudenga, kwaagere kurudyi brwaBaba, kuti atonge namasimba makuru maererano nokuda kwaBaba;

25 Kuti vakawanda sei avaizotenda uye vagobhabhatidzwa muzita rake dzvene, uye bvagoshingirira murutendo kusvika kumagumo, vanofanira kuponeswa;

26 Kwete avo chete vakatenda mushure mekuuya kwake apakati penguva ari munyama, asi avo vose kubvira pakutanga, kunyangwe vakawanda sei vakanga variko asati auya, vakatenda kumazwi evaporofita bmatsvene, vaitaura sekufemerwa kwavaiitwa cnechipo cheMweya Mutsvene, dvaipupura nechokwadi pamusoro pake muzvinhu zvose, vanofanirwa kuve neupenyu hwokusingaperi,

27 Naivowo vachauya shure, vachatenda amuzvipo nekudaidza kwaMwari kuburikidza neMweya Mutsvene, uyo bunopupura nezvaBaba nezveMwanakomana;

28 Ivo Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene vari Mwari amumwechete, vasinamagumo vokusingaperi, vasingagume. Ameni.

29 Uye tinoziva kuti vose vanhu vanofarira akutendeuka uye nokutenda muzita raJesu Kristu, uye nokunamata Baba muzita rake, uye nokushingirira bmukutenda muzita rake kusvika kumagumo, kana kuti chavangaponeswe muumambo hwaMwari.

30 Uye tinoziva kuti akunatswa kuburikidza bnenyasha dzaIshe vedu neMuponesi vedu Jesu Kristu kwakarurama uye ndekwechokwadi.

31 Uye tinozivawo kuti, akutsveneswa kuburikidza nenyasha dzaIshe Muponesi vedu Jesu Kristu kwakarurama uye ndekwechokwadi, kune avo vose vanoda nokushandira Mwari bnekugwinya kwavo kwose, nepfungwa, uye nesimba.

32 Asi zvinogonakuitika kuti munhu aanopunzika kubva panyasha uye obva abva pana Mwari mupenyu;

33 Naizvozvo regai chechi iteerere uye nokunamata nguva dzose, potse vangapinde amukuyedzwa;

34 Hongu, uye regai kunyangwe avo vakatsveneswa vateerere naivowo.

35 Uye tinoziva kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi uye zviri maererano nezvakazarurwa zvaJohane, pasina akupamhidzira kana kushora chiporofita chebhuku rake, bmagwaro matsvene, kana zvakazarurwa zvaMwari zvichauya mushure nechipo nesimba reMweya Mutsvene, cizwi raMwari, kana kushumira kwengirozi.

36 Uye Ishe Mwari vazvitaura, uye rukudzo, simba nekubwinya ngazvipihwe kuzita ravo dzvene, iye zvino narinhi. Ameni.

37 Uye zvakare nenzira yekuraira kuchechi maererano netsika yerubhabhatidzo—Avo vose vanozvininipisa pamberi paMwari, uye vachida akubhabhatidzwa, uye vachiuya vaine mwoyo byakatyoka nemweya yakapfava, uye vagopupura pamberi pechechi kuti chokwadi vatendeuka kuzvitadzo zvavo zvose, uye vave kuda kutora pavari czita raJesu Kristu, vaine dhushingi hwekumushandira kusvika kumagumo, uye vagoratidza enemabasa avo kuti zvechokwadi vakagashira Mweya waKristu fmukuregererwa kwezvitadzo zvavo, vachagashirwa nerubhabhatidzo muchechi yake.

38 Basa remagosa, vapirisita, vadzidzisi, madhikoni, uye nenhengo dzechechi yaKristuamuapositori igosa, uye ibasa rake kuti babhabhatidze;

39 Uye anekugadza mamwe magosa, vapirisita, vadzidzisi, nemadhikoni;

40 Uye anekupa chingwa newaini—mifananidzo yenyama neropa raKristu—

41 Uye anokusimbisa avo vanobhabhatidzwa muchechi, nekuvaisa bmaoko pamusoro rwuri rubhabhatidzo rwemoto neMweya cMutsvene, maererano nemagwaro matsvene.

42 Uye nokudzidzisa, kutsanangura, kukurudzira, kubhabhatidza, uye nokutarisa chechi.

43 Uye nekusimbisa chechi nekuisa maoko pamusoro, uye nekupa Mweya Mutsvene;

44 Uye nokutungamira yose misangano.

45 Magosa ndivo avanotungamira misangano sekutungamirwa kwavanenge vachiitwa neMweya Mutsvene, maererano nemirairo nezvakazarurwa zvaMwari.

46 Basa aremupirisita kuparidza, bkudzidzisa, kutsanangura, kukurudzira, uye nokubhabhatidza, uye nokupa sakaramende,

47 Uye nokushanyira imba yenhengo yega-yega, uye nokuvakuridzira kuti avanamate bzvinonzwika uye nemuruvande uye nokuona mabasa ose cemhuri.

48 Uye anogonawo akugadza vamwe vapirisita, vadzidzisi, nemadhikoni.

49 Uye akafanira kutungamira misangano kana pasina gosa riripo;

50 Asi kana paine gosa riripo, chake kuparidza chete, nokudzidzisa, nokutsanangura, nokukuridzira, uye nokubhabhatidza;

51 Uye nokushanyira imba yenhengo yega-yega, nokuvakurudzira kuti vanamate zvinonzwika nemuruvande uye nokuita ose mabasa emhuri.

52 Mumabasa ose aya amupirisita anofanira kuyamura gosa kana mukana uchitendera.

53 Basa aremudzidzisi bkutarisa chechi nguva dzose, uye nokuvanavo nokuvasimbisa;

54 Uye nokuona kuti hamuna zvitema muchechi, kana akusaitirana zvakanaka, kana kunyepa, kurevana, kana kutaura bzvakaipa;

55 Uye nokuona kuti chechi inosangana pamwechete nguva dzose, uye nokuonawo kuti nhengo dzose dziri kuita basa radzo.

56 Uye anotora hutungamiri hwemisangano kana pasina gosa kana mupirisita.

57 Uye anofanira kugara achiyamurwa nguva dzose, mumabasa ake ose muchechi, anemadhikoni, kana zvichifanira.

58 Asi vadzidzisi kana madhikoni havana mvumo yekubhabhatidza, kunamatira sakaramende, kana kuisa maoko pamusoro;

59 Asika, vanofanira kuyambira, nokutsanangura, kukuridzira, nokudzidzisa, uye nokukoka vose kuti vauye kuna Kristu.

60 Rose agosa, mupirisita, mudzidzisi kana mudhikoni anofanira kugadzwa maererano nezvipo bnekudaidza kwaMwari, uye anofanira kugadzwa nesimba reMweya Mutsvene, uri mune uyo anomugadza.

61 Magosa akati kuti anoumba chechi ino yaKristu anofanira kusangana mugungano kamwechete pamwedzi mitatu, kana kuti nguva nenguva, sezvicharongwa kana kusarudza kuchaita makungano arehwa.

62 Uye makungano arehwa ndeekuita chero basa rechechi rakafanira kuve rinoitwa panguva iyoyo.

63 Magosa anofanira kuwana magwaro avo kubva kune mamwe magosa, avachitsigirwa nechechi yavanenge vari, kana kubva kumisangano.

64 Mupirisita ega-ega, mudzidzisi, kana mudhikoni, akagadzwa nemupirisita, anokwanisa kutora rugwaro kwaari panguva iyoyo, arugwaro urwu, kana rwukaratidzwa kugosa, rwunomuita kuti awane rugwaro urwo rwuchamupa mvumo kuti aite mabasa ekudaidzwa kwake, kana kuti angarwutambire kubva kumusangano.

65 Hapana munhu aachagadzwa muchinzvimbo chipi zvacho muchechi ino, panebazi rakafanana rechechi iripo yakarongwa, pasina brutsigiro rwechechi iyoyo;

66 Asi magosa anotungamira, mabhishopi anofamba, makurukota epamusoro, vapirisita vepamusoro, nemagosa, vanogona kuve nerombo rekugadza, panenge pasina bazi rechechi rekudaidzirwa kutsigira.

67 Wose mukuru wehupirisita hwepamusoro (kana gosa riri kutungamira), abhishopi, gurukota repamusoro, nemupirisita bwepamusoro, anogadzwa zvichitungamirwa nedare crepamusoro kana gungano revose.

68 aBasa renhengo mushure mekunge vagashirwa nerubhabhatidzo.—Magosa kana mapirisita vanofanira kuve nenguva yakakwana yekutsanangura zvose zvinhu zviri maererano nechechi yaKristu kuti bvazvinzwisise, vasati vatora csakaramende uye nokuzosimbiswa nokuiswa dmaoko pamusoro nemagosa, kuti zvinhu zvose zvigoitwa nenzira kwayo.

69 Uye nhengo dzicharatidza pachena pamberi pechechi, nepamberi pemagosa, nekufamba nekutaura kwehumwari, kuti vakakodzera, kuti kuve anemabasa nerutendo rwunobvumirana nemagwaro matsvene—vachifamba bmuhutsvene pamberi paIshe.

70 Yose nhengo yechechi yaKristu ine vana inofanira kuvaunza kumagosa pamberi pechechi, avo vanofanira kuvaisa maoko pamusoro muzita raJesu Kristu, anokuvaropafadza muzita rake.

71 Hakuna angatambirwe muchechi yaKristu kunze kwekunge asvika pazera arekuzvidavirira pamberi paMwari, uye ari anokwanisa bkutendeuka.

72 aRubhabhatidzo rwunoitwa netsika inotevera kune vose avo vanotendeuka—

73 Munhu akadaidzwa naMwari uye aine mvumo kubva kuna Jesu Kristu kuti abhabhatidze, achapinda mumvura nemunhu auya kuzobhabhatidzwa, uye oti achimudaidza nezita: Nemvumo yandakapihwa naJesu Kristu, ndinokubhabhatidza muzita raBaba, nereMwanakomana, nereMweya Mutsvene. Ameni.

74 Zvino aomunyika mumvura, uye omuburitsa zvakare mumvura.

75 Zvakakodzera kuti chechi isangane nguva dzose kuti avatore chingwa newaini bmukurangarira Ishe Jesu;

76 Uye gosa kana mupirisita ndiye acharopafadza basa racho; uye anoropafadza anetsika inotevera iyi—achapfugama pamwechete nechechi uye odaidza Baba mumunamato wakadzama achiti:

77 Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa achingwa ichi kumweya yeavo vose vanochidya, kuti vagochidya mukurangarira muviri weMwanakomana wenyu, uye bvapupure kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vanoda ckutora pavari zita reMwanakomana wenyu, nokumurangarira nguva dzose dnokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa; kuti vave eneMweya wake nguva dzose. Ameni.

78 aMutowo wekuropafadza waini—achatora bkomichi, otaura achiti:

79 Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa awaini iyi kumweya yeavo vose vanoinwa, kuti vave vanozviita mukurangarira ropa reMwanakomana wenyu, iro ravakadeurirwa; kuti vagopupura kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vagomurangarira nguva dzose, kuti vave neMweya wake. Ameni.

80 Chero zvake nhengo yechechi yaKristu anotadza, kana anowanikwa aine chaanokanganisa, achaitwa sezvinotaurwa nemagwaro matsvene.

81 Richave basa rechechi dzose, dzinoumba chechi yaKristu kuti vatumire mumwechete kana vakawanda vevadzidzisi vavo kuti vanopinda mumakungano akawanda anoitwa nemagosa echechi.

82 Vaine amazita enhengo dzose dzakazvibatanidza nechechi kubvira pagungano rekupedzisira; kana kutumira neruoko rwemumwe muhupirisita, kuitira kuti zvinyorwa zvemazita ose echechi yose zvichengetwe mubhuku nerimwe remagosa, ripi zvaro rinenge rasarudzwa nemamwe magosa nguva-nenguva;

83 Uyewo, kana paine avakatandaniswa muchechi, kuti mazita avo agodzimwa muzvinyorwa zvevanhu vose vechechi.

84 Dzose nhengo dzinotama muchechi yadzakanga dzichigara, kana dziri dzakakodzera kuchechi yadzisingazivikanwe, dzingatore tsamba inotsigira kuti inhengo chaidzo uye vamire zvakanaka, iyoyo tsamba inogona kusainwa neripi zvaro gosa kana mupirisita ndokunge nhengo iri kutambira tsamba ichizivikanwa negosa kana mupirisita, kana kuti ingasainwe nevadzidzisi kana madhikoni echechi.