Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 107


Chikamu 107

Zvakazarurwa zviri maererano nehupirisita, zvakapihwa kubirikidza naJoseph Smith, Muporofita, paKirtland, Ohio, musi wa28 Kurume 1835 (History of the Church, 2:209–217). Pazuva rataurwa, vaneGumi neVaviri vakasangana sedare, vachireurura kusasimba kwavo pamunhu nemunhu nezvaaitadza, uye vachitaura rutendeuko, uye vachitsvaka kuramba vakatungamirwa naIshe. Vakange vave pedyo nokuparadzana kuti vanoparidza kumaruwa avakanga vapihwa. Kana dai zvazvo zvimwe zvechikamu chino zvakagashirwa pazuva rataurwa, zvinyorwa zvenhoroondo zvinotsinhira kuti zvidimu zvechikamu chino zvakagashirwa munguva dzakasiyana-siyana, zvimwe zvacho zvakagashirwa muna Mbudzi 1831.

1–6, Kune hupirisita huviri: hwaMerkizedeki nehwaAroni; 7–12, Avo vane hupirisita hwaMerkizedeki vanesimba rekutungamira munezvigaro zvose zviri muChechi; 13–17, Vehubhishopi vanotungamira hupirisita hwaAroni, uhwo hunotonga zvemabasa ekunze; 18–20, hupirisita hwaMerkizedeki hune makiyi emaropafadzo ose eMweya; Hupirisita hwaAroni, hune makiyi ekushanda kwengirozi; 21–38, VeHutungamiri Hwekutanga, nevaneGumi neVaviri, nevemakumi manomwe ndivovanoumba zvikwata zvinotungamira, zvavanomisa zvichiitwa mukabatana nemukururama; 39–52, Hurongwa hwemadzibaba hwakamiswa kubvira kuna Adama kusvika kuna Noa; 53–57, Vatendi vakare vakaungana paAdama-ondi-Amani, uye Ishe vakazviratidza kwavari: 58–67, VaneGumi neVaviri vanoronga vashandi veChechi munzira kwayo; 68–76, Mabhishopi vanoshanda sevatongi muIsraeri; 77–84, Vehutungamiri Hwekutanga nevaneGumi neVaviri ndivo vanoita dare guru repamusoro-soro muChechi; 85–100, vanotungamira vehupirisita, vanotonga zvikwata zvavo.

1 Muchechi mune hupirisita huviri, hwaMerkizedeki nehwaAroni, kusanganisira hupirisita hwaRevi.

2 Sei hwekutanga huchidaidzwa kunzi hupirisita hwaMerkizedeki pamusana pekuti Merkizedeki akanga ari mupirisita wepamusoro-soro.

3 Asati avepo hwaidaidzwa kunzi Hupirisita Hutsvene hweHurongwa hweMwanakomana waMwari.

4 Asi nokuda kwekukudza kana kuyeresa zita raMwari, kuti zita ravo risarambe richingodaidzwa, iyo chechi mumazuva ekare, yakadaidza hupirisita uhu nezita raMerkizedeki, kana kuti Hupirisita hwaMerkizedeki.

5 Ose mamwe masimba kana zvigaro muchechi zvibatanidzwa muhupirisita uhu.

6 Asi kune mapoka maviri kana hutungamiri hukuru—humwe ndihwo Hupirisita hwaMerkizedeki, uye humwe ndehwaAroni kana Hupirisita hwaRevi.

7 Chigaro chehugosa chinouya pasi pehupirisita hwaMerkizedeki.

8 Hupirisita hwaMerkizedeki ndihwo hune kodzero yehutungamiri, uye hune simba nemvumo pamusoro pezvimwe zvigaro zvose zviri muchechi kumazera ose epasi, kushandira muzvinhu zvose zvemweya.

9 Vatungamiri veHupirisita Hwepamusoro, muchikwata chaMerkizedeki, vanemvumo yekushandira muzvigaro zvose zviri muchechi.

10 Vapirisita vepamusoro vemuhurongwa hweHupirisita hwaMerkizedeki vanekodzero yekushandira vari pachavo, vari pasi pekurairwa nevehutungamiri, mukuita basa rezvinhu zvemweya, uyewo nemuchigaro chagosa, mupirisita (wehurongwa hwaRevi), mudzidzisi, dhikoni, nenhengo.

11 Gosa anogona kushanda munzvimbo yamupirisita wepamusoro kana asipo.

12 Mupirisita wepamusoro negosa vanofanirwa kushandira zvinhu zvemweya, zvinotenderana nezvibvumirano nemirairo yechechi; uye vane kodzero yekushanda muzvigaro zvose izvi zvechechi kana pasina vakuru vari pamusoro pavo.

13 Hupirisita hwechipiri hunonzi Hupirisita hwaAroni, nokuti hwakaiswa pana Aroni nembeu yake, kuzvizvarwa zvavo zvose.

14 Hunonzi hupirisita hudiki nenzira yekuti chibatanidzwa chehukuru, kana kuti pahupirisita hwaMerkizedeki, uye hune simba rekushandira zvisungo zvekunze.

15 Vari muhutungamiri hwehubhishopi ndivovatungamiri vehupirisita uhu, uye vane kiyi kana simba kamvumo.

16 Hakuna munhu anekodzero pamurau yekutora chinzvimbo ichi, kuti ave nekiyi dzehupirisita uhu, kunze kwekunge ari wechizvarwa chaicho chaAroni.

17 Asi semupirisita wepamusoro weHupirisita hwaMerkizedeki, ane mvumo yekushanda muzvigaro zvose zvidiki, anogona kushanda muchinzvimbo chabhishopi kana pasina wechizvarwa chaAroni, ndokunge achinge akadaidzwa akatsaurwa uye akagadzwa kusimba irori nemaoko eHutungamiri hweHupirisita hwaMerkizedeki.

18 Simba nemvumo yehuripamusoro, kana kuti Hupirisita hwaMerkizedeki, kubata kiyi dzose dzemumaropafadzo emweya echechi—

19 Kuve nemukana wekugashira zvakavanzika zveumambo hwekudenga, kuti vave vanozarurirwa matenga, kuve vanotaura negungano reruzhinji nechechi yeDangwe, uye nokuwana kutaurwa navo nokuvepo kwaMwari Baba, naJesu munyai vechibvumirano chitsva.

20 Simba nemvumo yehudiki, kana kuti hupirisita hwaAroni, kubata kiyi dzehushumiri hwengirozi, uye nokushanda muzvisungo zvekunze, matsamba evhangeri, kubhabhatidza kwekutendeuka kuitira kuregererwa kwezvivi, zvinowirirana nezvibvumirano nemirairo.

21 Zvinodikanwa kuve nevatungamiri, kana vari muzvigaro zvekutungamira vanobva, kana vanodomwa kubva mukati meavo vakagadzwa muzvinzvimbo zvakasiyana-siyana muhupirisita huviri uhu.

22 Kuhupirisita hwaMerkizedeki, vatatu vari Kutungamira vehupirisita hwepamusoro, vanosarudzwa nedare, vodomwa nokugadzwa muchinzvimbo ichocho, uye vachitsigirwa noruvimbo, norutendo, nomunamato wechechi, vanoita chikwata cheHutungamiri hweChechi.

23 Makurukota anegumi nevaviri avo vanofamba vanodaidzwa kuti vave Vaapositori vaneGumi neVaviri, kana kuti vapupuri vakakosha vezita raKristu pasi pose, mukudaro vakasiyana nevamwe vanoshanda muchechi mumabasa ekudaidzwa kwavo.

24 Uye ivo vanoita chikwata, chinesimba nemvumo zvakangofanana nezvevatungamiri vatatu vaye vambotaurwa.

25 Vemakumi Manomwe vanodaidzwa kuti vazoparidza vhangeri, nokuvewo vapupuri vakakosha kumaJentairi nekupasi rose—mukudaro vakasiyana nevamwe vanoshanda muchechi mumabasa ekudaidzwa kwavo.

26 Uye vanoita chikwata chakaenzana masimba nevaneGumi neVaviri vapupuri vakakosha kana Vaapositori varikubva mukutaurwa.

27 Uye chose chinofungwa nokuitwa nerimwe rezvikwata izvi zvinofanira kuitwa nokubvumirana kwezwi ravo; kureva kuti yose nhengo yechikwata chega-chega inofanira kutenderana nezvafungwa, kuitira kuti zvavanenge vafunga zvive nesimba kana huremu hwakaenzana pakati pavo—

28 Kana vakawanda vanogona kuita chikwata kana zvinhu zvisingatendere kuti zviitwe neimwe nzira—

29 Kunze kwekunge izvi zviri izvo zvazviri, zvavanofunga hazvina maropafadzo mamwechetewo seayo epfungwa dzechikwata chevatungamiri vatatu vekare, avo vakanga vakagadzwa maererano nekuita kwaMerkizedeki, uye vari vakanga vari varume vakarurama uye vari vatsvene.

30 Zvinofungwa nezvikwata izvi, kana rimwechete rawo, zvinofanira kuitwa mukururama kwose, muhutsvene, nekurereka kwemwoyo, muhunyoro nekushinga, nomurutendo, nehunhu, nemuruzivo, kuzvibata, mwoyo murefu, humwari, rudo rwevanhu vamwechete nerudo rwakadzama;

31 Nokuti chivimbiso ndechichi, kana zvinhu izvi zvakawanda mavari havazove vasina michero muruzivo rwaIshe.

32 Uye kana kuri kuti pane zvafungwa nezvikwata izvi mukusarurama, zvinogona kuunzwa pamberi pegungano reruzhinji rezvikwata zvakati wandei, iro rinove nevatungamiri vechechi munezvemweya; nokuti hakuna chinozokwidzwa kumwe zvakare mushure mezvavanenge vatonga.

33 VaneGumi neVaviri iDare reVatungamiri Vanofamba vari Dare rePamusoro rinotungamira, vanoshanda muzita raIshe vachitungamirirwa neHutungamiri hweChechi, zviri zvinowirirana nezvekudenga; kuvaka chechi nokufambisa nyaya dzacho dzose mumarudzi ose, kutanga kumaJentairi nokuzoenda kuvaJuda.

34 VeMakumi Manomwe vanoshanda muzita raIshe vari pasi pevaneGumi neVaviri kana kuti vedare repamusoro rinofamba, mukuvaka chechi nomukufambisa nyaya dzaro mumarudzi ose, kutanga nekumaJentairi vozoenda kumaJuda—

35 VaneGumi neVaviri vachitumwa kunze vakabata kiyi, kuti vazarure musiwo nokuparidza vhangeri raJesu Kristu, uye kutanga kumaJentairi uye vachizoenda kumaJuda.

36 Matare makuru aripo muhoko dzeZioni, anoumba chikwata chakaenzana mumasimba munyaya dzechechi, mukufunga kwavo kwose, nechikwata chevatungamiri kana dare guru revanofamba.

37 Dare repamusoro muZioni rinoita chikwata chakangoyenzana musimba, munyaya dzechechi, mune zvavanoita zvose, kumatare evaneGumi neVaviri ari pahoko dzeZioni.

38 Ibasa redare repamusoro rinofamba kukumbira Vane Makumi Manomwe, kana vachinge vachida ruyamuro, kuzadza zvigaro zvakatiwandei, zvekuparidza nokufambisa vhangeri, pane kukumbira vamwe vasiri ivava.

39 Ibasa revaneGumi neVaviri, mumapazi makuru ose echechi, kuti vagadze vapirisita vevhangeri, sekupihwa kwavanenge vachiitwa kwavari nezvakazarurwa—

40 Chirongwa chehupirisita uhu chakasimbiswa kuti chinobva pana baba chichienda pamwana, uye muchokwadi ndecheavo vechizvarwa chaicho chembeu yakasarudzwa, vanove ndivo vakaitirwa zvivimbiso.

41 Hurongwa uhwu hwakavambwa mumazuva aAdama, uye ndokubva hwadzika nemutsetse nenzira inotevera iyi:

42 Kubva kuna Adama kusvika kuna Seti, uyo akagadzwa naAdama ave nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe ekuberekwa, uye akaropafadzwa naye makore matatu (Adama) asati afa, uye akagashira chivimbiso chaMwari kuburikidza nababa vake, kuti vana vake vaizove vakasarudzwa vaIshe, uye nokuti vachachengetedzwa kusvika kumagumo epasi;

43 Pamusana pekuti iye (Seti) akanga ari munhu akarurama, uye akanga akafanana nababa vake zvekunge baba vake chaivo, zvekuti aiita sababa vake muzvinhu zvose, uye aizongosiyana pazera rake nababa vake chete.

44 Enosi akagadzwa ave nemakore zana nemakumi matatu nemana nemwedzi mina, neruoko rwaAdama.

45 Mwari vakadaidza Kainami murenje mugore rake rechimakumi mana ekuzvarwa; uye akasangana naAdama achienda kuShedoramaka. Akanga ava nemakumi masere nemanomwe ekuberekwa paakagashira kugadzwa kwake.

46 Maharareri akanga ava nemakore mazana mana nemakumi mapfumbamwe ane matanhatu ane mazuva mana ekuberekwa paakagadzwa neruoko rwaAdama uyo akamuropafadzawo.

47 Jareti akanga ave nemazana maviri emakore ekuberekwa paakagadzwa neruoko rwaAdama uyo akamuropofadzawo.

48 Enoki akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakagadzwa pasi peruoko rwaAdama; uye akanga ava nemakore makumi matanhatu nemashanu paakaropafadzwa naAdama.

49 Uye akaona Ishe, uye akafamba navo, uye akanga ari pamberi pechiso chavo nguva dzose; uye akafamaba naMwari kwemakore mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu, zvinoreva kuti akanga ave nemakore mazana mana nemakumi matatu ekuzvarwa panguva yaakatorwa kudenga.

50 Metusara akanga ave nezana remakore ekuberekwa paakagadzwa pasi peruoko rwaAdama.

51 Rameki akanga ava nemakore makumi matatu nemaviri ekuberekwa paakagadzwa pasi peruoko rwaSeti.

52 Noa akanga ave nemakore gumi ekuberekwa paakagadzwa neruoko rwaMetusara

53 Makore matatu Adama asati afa, akadaidza Seti, Enosi, Kainami, Maharareri, Jareti, Enoki, naMetusara, vakanga vose vari vapirisita vepamusoro, neavo vevana vake vakanga vasara vakanga vari vakarurama kunhika yeAdama-ondi-Amani, uye ikoko akavapa maropafadzo ake ekupedzisira.

54 Ishe vakazviratidza kwavari, uye vakasimuka vakaropafadza Adama, uye vakamudaidza kuti Mikaeri, jinda nengirozi huru.

55 Uye Ishe vakanyaradza Adama, uye vakati kwaari: Ndakuisa kuti uve kumusoro; marudzi mazhinji achauya achibva pauri, uye iwe uchave mutongi wavo nariini.

56 Uye Adama akamira pakati pegungano; uye zvisinei nekuti akanga akwegura, azere neMweya mutsvene, akataura zvakanga zvichizoitika kumhuri yake kusvika kuchizvarwa chekupedzisira.

57 Zvinhu izvi zvakanyorwa zvose mubhuku raEnoki, uye zvichapupurwa nezvazvo nenguva yakafanira.

58 Ibasa revaneGumi neVaviri zvakare, kugadza nekuronga vose vamwe vashandi vechechi, zvinobvumirana nezvakazarurwa zvinoti;

59 Kuchechi yaKristu iri munyika yeZioni, pamusoro pemitemo yechechi maererano nebasa rechechi—

60 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vanodaro Ishe vehondo, kunofanira kuve nemagosa anotungamira avo vari muzvigaro zvehugosa;

61 Uyewo nevapirisita vanotungamira avo vari muzvinzvimbo zvehupirisita;

62 Uyewo nevadzidzisi kuti vatungamire avo vari muzvigaro zvevadzidzisi, uye zvimwechetezvo, nekumadhikoniwo—

63 Nokudaro, kubva kumadhikoni kuenda kumudzidzisi, uye kubva kumudzidzisi kuenda kumupirisita, uye kubva kumupirisita kuenda kuna gosa, vakasiyana-siyana sekudomwa kwavo, maererano nezvibvumirano nemirairo yechechi.

64 Zvino kouya Hupirisita hwePamusoro, hunove ndihwo hukurusa kupfuura zvose.

65 Nokudaro, zvinofanira kuti pave nemumwe anodomwa kubva kuHupirisita hwePamusoro kuti atungamire hupirisita, uye achadaidzwa kuti Mutungamiri weHupirisita hwePamusoro hweChechi;

66 Kana kuti, nemamwe mazwi, Mupirisita wePamusoro Anotungamira Hupirisita hwePamusoro hweChechi.

67 Kubva kuna ivava kunouya kuitwa kwezvisungo nemaropafadzo kuchechi, kuburikidza nokuisa maoko pamusoro.

68 Nokudaro, chigaro chabhishopi hachina kuenzana nacho; nokuti chigaro chabhishopi ndechekutarisa zvose zvenyika;

69 Zvakadaro bhishopi anofanira kudomwa kubva muHupirisita hwePamusoro, kunze kwekunge ari wechizvarwa chaicho chaAroni.

70 Nokuti kunze kwekunge ari wechizvarwa chaicho chaAroni haakwanise kubata kiyi dzehupirisita uhu.

71 Zvakadaro, mupirisita wepamusoro zvinoreva kuti muhurongwa hwaMerkizedeki, anogona kunzi agadzwe kuti aite basa rezvinhu zvenyika, aine ruzivo nazvo kuburikidza neMweya wechokwadi.

72 Uye nokuvewo mutongi muIsraeri, kuita basa rechechi, kugara achitonga vanenge vatadza maererano neuchapupu hunenge hwaiswa pamberi pake maererano nemitemo, neruyamuro rwevanobatsirana naye, avo vaakasarudza kana vaachasarudza pakati pemagosa echechi.

73 Iri ndiro basa rabhishopi asiri wechizvarwa chaAroni chaicho, asi akagadzwa muHupirisita hwePamusoro hwechikwata chaMerkizedeki.

74 Saka achave mutongi, kunyangwe mutongi wezvose pakati pevagari veZioni, kana muhoko yeZioni, kana mune ripi zvaro bazi rechechi paanenge apihwa basa iri, kusvika miganhu yeZioni yakudzwa, uye zvazofanira kuti kuve nemamwe mabhishopi kana vatongi muZioni kana kumwewo.

75 Uye mamwe mabhishopi ose achadomwa naiwo achashanda ari muchigaro chimwechetecho.

76 Asi wechizvarwa chaAroni chaicho anobvumirwa nemurawu kuti ave mutungamiri hwehupirisita uhu, kukiyi dzebasa iri, kushanda muchigaro chehubhishopi akazvimirira, asina vanomuyamura, kunze kwekunge Mutungamiri weHupirisita hwePamusoro, Hupirisita hwaMerkizedeki achitongwa, agere semutongi muIsraeri.

77 Uye zvinoitwa nerimwe rematare aya, zviri maererano nemurairo unoti:

78 Zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, basa guru rakakoshesesa rechechi, nenyaya dzakanyanya kuoma dzechechi, kana pari pashaya kugutswa nekutonga kwabhishopi kana vatongi, ichatakurwa yoendeswa kudare rechechi, pamberi peHutungamiri hweHupirisita hwePamusoro.

79 Uye Hutungamiri hwedare reHupirisita hwePamusoro huchave nesimba rekudaidza vamwe vapirisita vepamusoro, kunyangwe gumi nevaviri, kuti vayamure semakurukota, nokudaro Hutungamiri hweHupirisita hwePamusoro nemakurokota ahwo huchave nesimba rekuita maererano neuchapupu sezvinopindirana nemirawu yechechi.

80 Mushure mekuita uku hazvizoyeukwa zvakare pamberi paIshe; nokuti iri ndirodare guru repamusoro-soro rechechi yaMwari, iri iyo yekupedzisira mukupesana kwose munyaya dzemweya.

81 Hakuna kana ani zvake munhu wechechi anonzi haamire pamberi pedare rechechi iyi.

82 Uye kana Mutungamiri hwehupirisita hwePamusoro akatadza, achamiswa pamberi pedare revazhinji rechechi, iyo ichayamurwa nemakurukota gumi nevaviri veHupirisita hwePamusoro;

83 Uye zvavanenge vatonga pamusoro pake ndizvo zvinopedza nharo dzose dziri maererano naye.

84 Saka hakuna achasiiwa mukuenzanisa uye nemumitemo yaMwari, kuti zvose zvinhu zviitwe nehurongwa nechiremerera chinoyera pamberi pavo, zviri maererano nechokwadi nekururama.

85 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, basa remutungamiri pamusoro pachigaro chemudhikoni, kutungamira madhikoni anokwana gumi nevaviri, kugara navo achivaraira, nekuvadzidzisa basa ravo, vachisimbisana, sekupihwa kwazvakaitwa maererano nezvibvumirano.

86 Uyewo basa remutungamiri ari pamusoro pechinzvimbo chevadzidzisi, kuti anofanira kutungamira vadzidzisi makumi maviri nevana nokugara navo pasi, achivadzidzisa mabasa ezvigaro zvavo, sekupihwa kwaakaitwa muchibvumirano.

87 Uye basa remutungamiri wehupirisita hwaAroni kutungamira vapirisita vanosvika kumakumi mana nevasere, uye achagara achirairana navo, kuvadzidzisa mabasa ezvigaro zvavo, sekupihwa kwazvakaitwa muzvibvumirano—

88 Uyu mutungamiri anofanira kuve bhishopi; nokuti ndiro rimwe basa rehupirisita huno.

89 Zvakare, basa remutungamiri wepamusoro pemagosa, kutungamira makumi mapfumbamwe namatanhatu emagosa, nokugara pasi navo vachirairana, nokuvadzidzisa maererano nezvibvumirano.

90 Uhu hutungamiri hwakasiyana chaizvo neuhwo hwevane makumi manomwe, uye hwakarongerwa avo vasingafambe vachienda munyika yose.

91 Uye zvakare, basa reMutungamiri wechinzvimbo cheHupirisita hwePamusoro, kutungamira chechi yose nokuita saMosesi

92 Tarisai, houno ungwaru; hungu, kuve muoni, muzaruri, mududziri, nomuporofita, aivenezvipo zvose zvinobva kunaMwari izvo zvavanopa kumutungamiri wechechi.

93 Uye zviri maererano nechiratidzo chakaonesa marongerwo evane Makumi Manomwe, kuti vave nevatungamiri vanomwe vanovatungamira, vanosarudzwa kubva mune vane makumi manomwe;

94 Uye mutungamiri wechinomwe wevatungamiri ava anofanira kutungamira ava vatanhatu.

95 Uye vatungamiri vanomwe ava vanofanira kusarudza vamwe vane makumi manonwe, pamusoro pavane makumi manomwe vekutanga kunove ndiko kwavari ivo, uye vanofanira kuvatungamira;

96 Uyewo nevamwe vane makumi manomwe, kusvika kumakumi manomwe akapetwa kanomwe, kana basa riri mumunda wemizambiringa richida kuti zvidaro.

97 Uye vane makumi manomwe ava ndivo vachave vapirisita vanofamba, kutanga kumaJentairi uyewo nekuvaJuda.

98 Zvakadaro vamwe vane zvigaro muchechi vasiri vevaneGumi neVaviri, kana kuvane Makumi manomwe, vasina basa rekufamba pakati pemarudzi ose, asi vachizofamba sezvinotendera zvinhu zvavo, zvisinei vanogona kubata zvigaro zvepamusoro zvakadaro nemabasa makuru muchechi.

99 Nokudaro, zvino regai munhu wose adzidze basa rake uye nokushanda muchigaro chaakasarudzirwa, nokushingaira kwose.

100 Uyo anenungo haazoverengwa seakakodzera kumira, uye uyo asinga dzidzire basa rake achizviratidza kuti haana kugashirwa haazoverengwa seakakodzera kumira. Kana saizvozvo. Ameni.