Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 93


Chikamu 93

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 6 Chivabvu 1833 (History of the Church, 1:343–346).

1–5, vose avo vakatendeka vachaona Ishe; 6–18, Johane akapupura achiti Mwanakomana waMwari akabva munyasha achienda munyasha kudakara agashira kuzara kwekubwinya kwaBaba; 19–20, Vanhu vakatendeka, vacharamba vachikura munyasha, naivowo vachagashira kuzara kwake; 21–22, Avo vakaberekwa kuburikidza naKristu ndivoChechi yeDangwe; 23–28, Kristu akagashira kuzara kwechokwadi chose, uye munhu kuburikidza nekuteerera anogona kudarowo; 29–32, Munhu akanga aripo pakutanga naMwari; 33–35, Zviumbiswa ndezvisingaperi, uye munhu anogona kugashira kuzara kwerufaro muKumuka kuvakafa; 36–37, Kubwinya kwaMwari ruzivo; 38–40, Vana havana mhosva pamberi paMwari pamusana perununuro rwaKristu; 41–53, Hama dzinotungamira dzinorairwa kuti dzigadzirise mhuri dzadzo.

1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe, zvichaitika kuti munhu wose anosiya zvitadzo zvake uye ouya kwandiri, nekudaidza zita rangu, nekuteerera izwi rangu, uye achichengeta mirairo yangu, achaona chiso changu uye agoziva kuti ndini.

2 Uye kuti ndini chiedza chechokwadi chinojekesera munhu wose anouya munyika;

3 Nokuti ndiri munaBaba, uye Baba vari mandiri, Baba neni tiri vamwechete—

4 Baba pamusana pekuti vakandipa kuzara kwavo, uye Mwanakomana pamusana pekuti ndakanga ndiri munyika uye ndikaita nyama tabernakeri yangu, uye ndikagara pakati pevanakomana vevanhu.

5 Ndakanga ndiri munyika uye ndikagashirwa naBaba vangu, uye mabasa avo akaratidzwa pachena.

6 Uye Johane akaona uye akapupura nokuzara kwekubwinya kwangu, uye kuzara kweuchapupu hwaJohane kucharatidzwa pashure.

7 Uye akapupura achiti: Ndakaona kubwinya kwake, kuti akange aripo pakutanga, nyika isati yavepo;

8 Nokudaro, pakutanga pakanga paine Izwi, nokuti ndiye aive Izwi, kunyangwe mutumwa weruponeso—

9 Chiedza noMununuri wenyika; Mweya wechokwadi, uyo waka uya munyika, nokuti nyika yakaitwa naiye uye maari maive neupenyu hwevanhu uye nechiedza chevanhu.

10 Nyika dzakaitwa naiye; vanhu vakaitwa naiye, zvose zvinhu zvakaitwa naiye, uye nokuburikidza naiye, uye zvichiitwa naiye.

11 Uye ini Johane, ndinopupura kuti ndakaona kubwinya kwake, sekubwinya kwaIyeyo Mumwechete Akaberekwa waBaba, azere nenyasha nechokwadi, kunyangwe Mweya wechokwadi, uyo akauya akagara munyama, uye akagara pakati pedu.

12 Uye ini Johane, ndakaona kuti haana kugashira kuzara pakutanga, asi akagashira nyasha pane dzimwe nyasha;

13 Uye haana kugashira kuzara pakutanga, asi akaramba ari munyasha nenyasha, kudakara agashira kuzara;

14 Uye ndikokudaidzwa kwaakaitwa kunzi Mwanakomana waMwari, nokuti haana kugashira kuzara pakutanga.

15 Uye ini Johane, ndinopupura, uye onai, matenga akazuruka uye Mweya Mutsvene ukaburuka paari nechiratidzo chenjiva, ukagara paari, uye kukauya izwi richibva kudenga richiti: Uyu Mwanakomana wangu wandinoda.

16 Uye ini Johane, ndinopupura kuti akagashira kuzara kwekubwinya kwaBaba;

17 Uye akagashira simba rose, kwose kudenga uye nepano pasi, uye kubwinya kwaBaba kwakange kuinaye, nokuti akange agere mavari.

18 Uye zvichaitika kuti, kana muri vanotendeka muchagashira kuzara kweuchapupu hwaJohane.

19 Ndinokupai mashoko aya kuti munzwisise nokuziva kunamata, uye nokuziva chamunonamata, kuti mugouya kuna Baba muzita rangu, uye nenguva yakafanira mugogashira kuzara kwavo.

20 Nokuti kana mukachengeta mirairo yangu muchagashira kuzara kwavo, uye mugobwinya mandiri sezvandiri muna Baba; naizvozvo ndinoti kwamuri, muchagashira nyasha kunyasha.

21 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndaivepo pakutanga ndiina Baba, uye ndini Dangwe;

22 Uye avo vose vanoberekwa kuburikidza neni, vagashiri vekubwinya ikoko, uye ndevechechi yeDangwe.

23 Kana nemi maivepo pakutanga muina Baba; avo vanova mweya, kunyange Mweya wechokwadi;

24 Uye chokwadi ruzivo rwezvinhu sezvazviri, uye nezvazvakange zviri, uye sekuzouya kwazvichaita;

25 Uye chose zvacho chizhinji kana chishoma pane izvi, mweya weuyo akaipa akanga ari munyepi kubvira pakutanga.

26 Mweya wechokwadi ndewaMwari. Ndini Mweya wechokwadi, uye Johane akapupura nezvangu, achiti: Akagashira kuzara kwechokwadi, hongu, kunyangwe kwechokwadi chose;

27 Uye hakuna munhu anogashira kuzara kunze kwekunge achichengeta mirairo yavo.

28 Uyo anochengeta mirairo yavo anogashira chokwadi nechiedza, kudakara abwinyiswa muchokwadi uye ave kuziva zvose zvinhu.

29 Munhu naiyewo akanga aripo pakutanga naMwari. Ruzivo kana chiedza chechokwadi, hazvina kusikwa kana kuitwa, uyezve hazvingaitwe.

30 Chose chokwadi chakazvimirira munzvimbo yachakaiswa naMwari, kuti chizviitire, zvimwechetezvo neruzivo rwesewo, dai zvisirizvo hakuna chingavepo.

31 Tarisai, hokuno kuzvimiririra kwemunhu, uye hokuno kutongwa kwemunhu, nokuti icho chakanga chiripo kubva pakutanga chanyatsoiswa pachena kwavari, uye havagashire chiedza.

32 Uye wose munhu ane mweya usingagashire chiedza ari pasi pekutongwa.

33 Nokuti munhu mweya. Zviumbiswa ndezvisingaperi, uye mweya nezviumbiswa, zvakabatana zvisingapatsanuke, zvinogashira kuzara kwerufaro;

34 Uye kana zvikapatsanurwa, munhu haangagashire kuzara kwerufaro.

35 Zviumbiswa ndizvo tabernakeri yaMwari, hongu, munhu itabernakeri yaMwari, kana temberi; uye kana ipi zvayo temberi ikasvibiswa, Mwari vachaparadza temberi iyoyo.

36 Kubwinya kwaMwari izivo, kana kuti nemamwe mazwi, chiedza nechokwadi.

37 Chiedza nechokwadi zvinodzinga uyo akaipa.

38 Wose mweya wemunhu wakanga usina mhosva pakutanga; uye Mwari vanunura munhu kubva mukupunzika, munhu akave zvakare sepahucheche hwake, asina mhosva pamberi paMwari.

39 Uye uyo akaipa anouya uye obvisa chiedza nechokwadi kuburikidza nekusateerera, kunobva kuvana vevanhu, uye nepamusana petsika dzamadzibaba avo.

40 Asi ndakurairai kuti mukudze vana venyu muchiedza nechokwadi.

41 Asi zvirokwazvo ndinoti kwauri, muranda wangu Frederick G. Williams, waramba uri pasi pekutongerwa izvi;

42 Hauna kudzidzisa vana vako chiedza nechokwadi, maererano nemirairo, uye uyo akaipa achiine simba pauri, uye ichi ndichochikonzero chedambudziko rako.

43 Uye zvino ndinokupa murairo—kana ukasasunungurwa uchagadzirisa imba yako, nokuti mune zvinhu zvizhinji zvisina kunaka mumba mako.

44 Zvirokwazvo ndinoti kumuranda wangu Sidney Rigdon, kuti mune zvimwe zvinhu haana kuchengeta mirairo maererano nevana vake; naizvozvo, tanga wagadzirisa imba yako.

45 Zvirokwazvo, ndinoti kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana, kana kuti nemamwe mazwi, ndichakudaidzai kuti shamwari dzangu, nokuti muri shamwari dzangu, uye muchave nenhaka neni—

46 Ndakakudaidzai kuti varanda pamusana penyika, uye muri varanda vavo pamusana pangu—

47 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kuna Joseph Smith, Mwana—Hauna kuchengeta mirairo, uye unofanira kutsiurwa pamberi paIshe;

48 Mhuri yako inofanira kuti itendeuke uye isiye zvimwe zvinhu, uye itore hanya zvikuru kune zvaunotaura, kana kuti votobviswa kubva panzvimbo yavo.

49 Chandinotaura kune mumwechete ndinotaura kune vose; namatai nguva dzose potse uyo akaipa angawane simba pamuri, uye akakubvisai panzvimbo dzenyu.

50 Muranda wanguwo Newel K. Whitney, bhishopi wechechi yangu, anofanira kurangwa, uye agadzirise mhuri yake, uye aone kuti vanoshingaira uye nekuve nehanya nemisha yavo kumba uye vachinamata nguva dzose, kana kuti vangazobviswa panzvimbo yavo.

51 Zvino, ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, regai muranda wangu Sidney Rigdon aende kurwendo rwake, akurumidze, ashambadze gore raIshe rakanaka, nevhangeri reruponeso, sekumupa kwandichaita zvekutaura; kuburikidza nemunamato wenyu werutendo nekubvumirana pamwechete ndichamutsigira.

52 Uye regai varanda vangu Joseph Smith, Mwana, naFrederick G. Williams vakurumidzewo, uye zvichapihwa kwavari kunyangwe maererano nemunamato werutendo; maererano nekuchengeta kwamunoita zvandinotaura hamuzonyadziswa munyika muno, kana munyika ichauya.

53 Uye, zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti chido changu kuti ukurumidze kududzira magwaro matsvene angu, nokuwana ruzivo rwenhoroondo, nerwenyika, nerweumambo, rwemitemo yaMwari nemunhu, zvose izvi kuitira kuponeswa kweZioni. Ameni.