Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 18


Chikamu 18

Zvakazarurwa kuna Joseph Smith Muporofita, Oliver Cowdery, naDavid Whitmer, zvakapihwa paFayette, New York, Chikumi 1829 (History of the Church, 1:60–64). Apo pakaunzwa Hupirisita hwaAroni, kupihwa kweHupirisita hwaMerkezideki hwakavimbiswa (ona musoro wenyaya kuchikamu 13). Semhinduro yekukumbirwa kweruzivo munyaya iyi, Ishe vakapa chakazarurwa chino.

1–5, Magwaro matsvene anoratidza kuti chechi inovakwa sei; 6–8, Nyika irikuibva muhuipi; 9–16, Kukosha kwemweya kukuru; 17–25, Kuwana ruponeso, vanhu vanofanira kuzvitorera pachavo zita raKristu; 26–36, Kudaidzwa uye nebasa revaneGumi neVaviri kunoratidzwa; 37–39, Oliver Cowdery naDavid Whitmer vanofanira kutsvaka vaneGumi neVaviri; 40–47, Kuti vawane ruponeso, vanhu vakafanira kutendeuka, vobhabhatidzwa uye vochengeta mirairo.

1 Zvino tarisai, pamusana pechinhu icho iwe muranda wangu Oliver Cowdery, chawakada kuziva kwandiri, ndinokupa mazwi aya:

2 Tarisai, ndakaratidza kwauri, neMweya wangu nguva dzakawanda, kuti zvinhu zvawakanyora andezvechokwadi; nokudaro iwe unoziva kuti ndezvechokwadi.

3 Uye kana uchiziva kuti ndezvechokwadi, tarisai, ndinopa kwauri murairo, kuti uvimbe nezvinhu azvakanyorwa;

4 Nokuti mazviri ndimomakanyorwa zvose zvinhu maererano nekutanga kwechechi yangu, avhangeri rangu, uye bnedombo rangu.

5 Nokudaro kana mukavaka chechi yangu, pahwaro hwevhangeri rangu nedombo rangu; masuwo egehena haangakukundei.

6 Tarisai, anyika yave kuibva muhuipi; uye zvinofanira kuti vana vevanhu vamutswe kuti vatendeuke, vose bmaJentairi uye neimbawo yaIsraeri.

7 Nokudaro, sezvo amakabhabhatidzwa nemaoko emuranda wangu Joseph Smith, Mwana, maererano naichocho chandakamuraira, azadzikisa chinhu chandakamuraira.

8 Uye zvino, musashamiswe kuti ndamudaidza kuchinangwa changu, icho chinozivikanwa neni; nokudaro kana aakashingaira bmukuchengeta mirairo yangu cacharopafadzwa kuve neupenyu hwokusingaperi; uye zita rake dndiJoseph.

9 Uye zvino, Oliver Cowdery, ndinotura kwauri, uyewo nekuna David Whitmer, nenzira yemurairo; nokuti, tarisai, ndinoraira vose vanhu kwose kwose kuti vatendeuke, uye ndinotaura kwamuri, kunyangwe sekuna Pauro amuapositori wangu, nokuti makadaidzwa kunyangwe naiko kudaidzwa kumwecheteko kwaakadaidzwa nako.

10 Rangarirai kuti akukosha bkwemweya kukuru mumaziso aMwari.

11 Nokuti tarisai, Ishe aMununuri venyu vakatambudzika bmurufu rwenyama; nokudaro cvakatambudzika dnokurwadzirwa vanhu vose kuti vanhu vose vatendeuke uye vagouya kwavari.

12 Uye avakamuka zvakare kubva kuvakafa, kuti vagoudza vanhu vose kwavari, kana vachinge bvatendeuka.

13 Uye arufaro rwavo rukuru zvikuru nemweya uyo unotendeuka!

14 Nokudaro, munodaidzwa kuti amudaidzire kutendeuka kuvanhu ava.

15 Uye kana zvichiita kuti munofanira kushanda mazuva enyu ose mukudaidzira kutendeuka kuvanhu ava uye mukaunza, kana amweya mumwechete kwandiri, kufara kwako kuchave kukuru sei naiye muumambo hwaBaba vangu!

16 Uye zvino, kana kufara kwenyu kukave kukuru nemweya mumwechete uyo wawaunza kwandiri amuumambo hwaBaba vangu, bkufara kwenyu kungave kukuru zvakadii kana cmukaunza mweya yakawanda kwandiri!

17 Tarisai, mune vhangeri rangu pamberi penyu, uye nedombo rangu, aneruponeso rwangu.

18 aKumbirai Baba bmuzita rangu, murutendo muchitenda kuti muchagashira, uye uchave neMweya Mutsvene, uyo unoratidza zvose zvinhu czvakafanira kuvana vevanhu.

19 Uye kana musina arutendo, btariro cnerudo rwakadzama, hapana chaungaite.

20 aUsakakavadzane nechechi ipi zvayo, kunze kwekunge iri bchechi yadhiabhorosi.

21 Torai pamuri azita raKristu, uye bmutaure chokwadi cmuine mutsigo.

22 Uye vakawanda sei vanotendeuka uye avachibhabhatidzwa muzita rangu, iro rinova Jesu Kristu, uye bvagoshingirira kusvika kumagumo, ivavo vachaponeswa.

23 Tarisai, Jesu Kristu ndiro azita rakapihwa naBaba, uye hakuna rimwezve zita rakapihwa iro ringaponese munhu;

24 Nokudaro, vose vanhu vanofanira kutora zita rakapihwa naBaba, nokuti muzita iroro vachadaidzwa pazuva rekupedzisira;

25 Nokudaro, kana vasingazive azita ravanodaidzwa naro, havangawane nzvimbo bmuumambo hwaBaba vangu.

26 Uye zvino tarisai, kune vamwe vakadaidzwa kuti vataure vhangeri rangu, kwose akumaJentairi nekumaJuda;

27 Hongu, kunyangwe, agumi nevaviri; uye vaneGumi neVaviri vachave vadzidzi vangu, uye vachatora pavari zita rangu; uye vaneGumi neVaviri ndivo vachada kutora pavari bzita rangu nechido nemwoyo wose.

28 Uye kana vachida kutora pavari zita rangu nechido chemwoyo wose, vanodaidzwa kuti vaende apasi rose kunoparidza bvhangeri rangu kune chisikwa cchose.

29 Uye ndivo ivavo vakagadzwa neni kuti avabhabhatidze muzita rangu, maererano neizvo zvakanyorwa;

30 Uye munacho icho chinyorwa pamberi penyu, nokudaro makafanira kuzviita maererano nemazwi akanyorwa.

31 Uye zvino ndinotaura kwamuri, imi avaneGumi neVaviri—Tarisai, nyasha dzangu dzakawanda kwamuri; makafanira kufamba makatwasanuka pamberi pangu uye musatadze.

32 Uye tarisai, ndimi avo vakagadzwa neni kuti amugadze vapirisita nevadzidzisi; kuti mutaure vhangeri rangu, bmaererano nesimba reMweya Mutsvene iro riri mamuri, uye maererano cnekudaidzwa nezvipo zvaMwari kuvanhu;

33 Uye ini Jesu Kristu, Ishe venyu naMwari venyu, ndini ndazvitaura.

34 aMazwi aya haasi evanhu kana emunhu, asi ndeangu; nokudaro, muchapupura kuti ndeangu kwete emunhu;

35 Nokuti aizwi rangu ririkuataura kwamuri; nokuti ari kupihwa neMweya wangu kwamuri, uye nesimba rangu munogona kuaverengerana; uye dai pasina simba rangu hamaiawana;

36 Nokudaro, munogona akupupura kuti manzwa izwi rangu, uye munoziva mazwi angu.

37 Uye zvino, tarisai, ndinopa kwauri, iwe Oliver Cowdery, nekuna David Whitmer zvakare, kuti muchatsvaga vaneGumi neVaviri, avo vachave nezvido sezvandataura;

38 Pamusoro pezvido zvavo anemabasa avo muchavaziva.

39 Uye kana mavawana mucharatidza zvinhu izvi kwavari.

40 Muchawira pasi uye amonamata Baba muzita rangu.

41 Uye makafanira kuparidzira nyika, muchiti: Makafanira kutendeuka uye mobhabhatidzwa, muzita raJesu Kristu;

42 Nokuti vose vanhu vanofanira kutendeuka vobhabhatidzwa, kwete varume chete, asi vakadzi nevana avo vasvika pazera arekuzvidavirira.

43 Zvino, mushure mekunge matambira izvi, munofanira kuchengeta amirairo yangu muzvinhu zvose;

44 Nemaoko enyu ndichashanda basa arinoshamisa mukati mevana vevanhu, bmukupwisa vazhinji nezvezvitadzo zvavo zvakawanda, kuti vangangouya mukutendeuka, uye nokuti vangangouya muumambo hwaBaba vangu.

45 Nokudaro, maropafadzo andinopa kwamuri ari apamusoro pezvinhu zvose.

46 Uye mushure mekunge magashira izvi, kana amukasachengeta mirairo yangu hamungaponeswe muumambo hwaBaba vangu.

47 Tarisai, ini Jesu Kristu, Ishe venyu naMwari venyu, neMununuri wenyu, nesimba reMweya wangu, ndazvitaura. Ameni.