Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 63


Chikamu 63

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, mukupera kwaNyamavhuvhu 1831, (History of the Church, 1:206–211). Muporofita, Sidney Rigdon, naOliver Cowdery vakanga vasvika muKirtland musi wa27 Nyamavhuvhu vachibva kunoshanya kwavo kuMissouri. Achisuma chinyorwa chake chechakazarurwa chino, Muporofita akanyora kuti, “Mumazuva ano ekuvambwa kweChechi, kwaive nekuda kukuru kwekuwana izwi raIshe panyaya yose zvayo iri pamusoro neruponeso rwedu; uye zvino sezvo nyika yeZioni yakange zvino iyo yave chinhu chakakoshesesa chezvinhu zvaioneka panyika, ndakabvunza Ishe kuti ndiudzwe zvimwe pamusoro pekuungana kweVatendi, uye nekutengwa kwenzvimbo nedzimwewo nyaya” (History of the Church, 1:207).

1–6, Zuva rehasha richauya pane vakaipa; 7–12, Zviratidzo zvinouya nerutendo; 13–19, Mhombwe mumwoyo dzicharamba chitendero uye dzigokandwa munyanza yemoto; 20, Vakatendeka vachagashira nhaka panyika yashandurwa; 21, Nhoroondo izere yezvakaitika paGomo Rekushandurwa haisati yaburitswa pachena; 22–23, Vanoteerera vanogashira zvakavanzika zveumambo; 24–31, Nhaka muZioni dzinofanirwa kutengwa; 32–35, Ishe vanodaidzira hondo, uye vakaipa vanouraya vakaipa; 36–48, Vatendi vanofanira kuungana kuZioni uye vagopa mari yekuivaka; 49–54, Maropafadzo anovimbiswa vakatendeka paKuuya kweChipiri, muKumuka Kuvakafa, uye nemunguva yeMereniamu; 55–58, Iri izuva rekuyambirwa; 59–66, Zita raIshe rinoitwa risina maturo neavo vanorishandisa vasina mvumo.

1 Teererai, imi vanhu, uye muzarure mwoyo yenyu uye mupe nzeve dzenyu imi muri kure, uye muteerere, imi munozvidaidza kuti vanhu vaIshe, uye munzwe izwi raIshe uye nechido chavo pamusoro penyu.

2 Hongu, zvirokwazvo, ndinoti, inzwai shoko reavo vane kushatirwa kwakatungidzirwa vakaipa nevane hupanduki;

3 Avo vanoda kutora kunyangwe ivo avo vavanoda kutora, uye nokuchengetedza muupenyu avo vavanoda kuchengetedza;

4 Avo vanovaka nekudakwavo nekufadzwa kwavo; uye vachiparadza kana voda, uye vanogona kukanda mweya pasi mugehena.

5 Tarisai, ini Ishe, ndinotaura nezwi rangu uye richateererwa.

6 Nokudaro, zvirokwazvo ndinoti, regai vakaipa vachenjere, uye regai vane hupanduki vatye pamwe nokudedera; uye regai avo vasingatende vabate miromo yavo, nokuti zuva rehasha richauya pavari sechamupupuri, uye yose nyama ichaziva kuti ndini Mwari.

7 Uye uyo anotsvaka zviratidzo achaona zviratidzo, asi kwete mukuponeswa.

8 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kune avo pakati penyu vanotsvaka zviratidzo, uye vakagara varipo vakadaro kunyangwe kubvira pakutanga.

9 Asi tarisai, rutendo harwuuye nezviratidzo, asi zviratidzo zvinotevera avo vanotenda.

10 Hongu, zviratidzo zvinouya nerutendo, kwete nekuda kwevanhu, kana sezvavanoda ivo, asi nekuda kwaMwari.

11 Hongu, zviratidzo zvinouya nerutendo, kuunza mabasa makuru, nokuti kana pasina rutendo hapana munhu anofadza Mwari; uye kune uyo akashatirirwa naMwari havanyatsofara naye; nokudaro kune vakadaro havaratidze zviratidzo, kunze chete kwehasha dzinovasvitsa mukutongwa kwavo.

12 Nokudaro, ini Ishe, handifadzwe neavo vari pakati penyu vanotsvaka zviratidzo uye nezvishamiso kuti vave nerutendo, kwete kuitira kubatsira vanhu zvichiunza kubwinya kwangu.

13 Zvisinei, ndinopa mirairo, uye vazhinji vakafukatira mirairo yangu uye havana kuichengeta.

14 Paive nemhombwe dzechirume nedzechikadzi pakati penyu; vamwe vacho vakazotendeuka kubva pamuri, vamwe vakasara nemi avo vacharatidzwa pashure.

15 Regai ivavo vachenjere uye vatendeuke nokukurumidza potse kutongwa kungauye pavari semuteyo, uye hupenzi hwavo huchaitwa kuti huzivikanwe, uye mabasa avo achavatevera mumaziso evanhu.

16 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sekutaura kwandakamboita, uyo anotarisa mukadzi achiva neruchiva kwaari, kana vanaani zvavo vakaita upombwe mumwoyo mavo, havazove neMweya, uye vacharamba chitendero uye vachatya.

17 Nokudaro, ini Ishe, ndakati avo vazere nekutya, uye vasingatende uye nevanonyepa vose, uye ani zvake anoda nhema nekureva nhema, uye nemhombwe, uye nemuroyi, vachave nenzvimbo yavo mudziva riye rinobvira nemoto nesuriferi, uye kuri iko kufa kwechipiri.

18 Zvirokwazvo ndinoti, ivavo havazova mukumuka kuvakafa kwekutanga.

19 Uye zvino tarisai, ini Ishe, ndinoti kwamuri imi hamusi muchokwadi, nokuti zvinhu izvi zviri mukati menyu.

20 Zvisinei uyo anoshingirira murutendo uye achiita kuda kwangu iyeyo achakurira, uye achagashira nhaka panyika kana zuva rekushandurwa rauya;

21 Kana nyika yashandurwa, kunyangwe maererano netsika iyo yakaratidzwa kuvaapositori vangu pamusoro pegomo; iri nyaya huzere hwayo hamusati mahugashira.

22 Uye, zvino zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sezvandakataura, kuti ndichaita kuti muzive kuda kwangu kwamuri, tarisai ndichaita kuti kuzivikanwe kwamuri, kwete semurairo, nokuti kune vazhinji vasingacherechedze kuchengeta mirairo yangu.

23 Asi kune uyo anochengetedza mirairo yangu ndichamupa zvakavanzika zveumambo hwangu, uye muna iyeyo muchave netsime remvura ine upenyu, inoenda kuupenyu hwusingaperi.

24 Uye zvino, tarisai, ichi ndichochido chaIshe Mwari venyu pamusoro pevatendi vake kuti vaungane pamwechete munyika yeZioni, kwete nokukurumidza, potse kungazove nekudzengaira, zviri zvinounza urwere.

25 Tarisai, nyika yeZioni—ini Ishe, ndakaibata mumaoko angu;

26 Zvisinei, ini Ishe ndinopa kuna Kesari zvinhu zvaKesari.

27 Naizvozvo, ini Ishe, ndinoda kuti imi mutenge nzvimbo kuti mugova munechinhano pamusoro penyika kuti mugove nekodzero yechamuinacho panyika kuti vasazokonzerwa kuita hasha.

28 Nokuti Satani anozviisa mumwoyo mavo kuti vakushatirirwei, uye zvigosvika mukudeurwa kweropa.

29 Nokudaro, nyika yeZioni haizi inozowanikwa neimwe nzira asi kunze kwekutengwa kana neropa, tadzezvo hakuna nhaka yenyu.

30 Uye kana iri yekutengwa, tarisai makaropafadzwa.

31 Kana zviri zveropa, sezvo muchirambidzwa kudeura ropa, tarisai, vavengi venyu vakuvingai, uye mucharohwa guta neguta, uye nesinagogo nesinagogo, uye vashoma vachasvika pakugashira nhaka.

32 Ini Ishe, ndakashatirirwa vakaipa; handisikupa Mweya wangu kuvagari vepasi.

33 Ndapika muhasha dzangu, ndikasheedzera hondo pamusoro penyika, uye vakaipa vachauraya vakaipa, uye kutya kuchave pamunhu wose;

34 Nevatendiwo vangatotadza kupunyuka; zvisinei, ini Ishe, ndinavo, uye ndichaburuka mudenga pamberi paBaba vangu uye ndigopedza vakaipa nemoto usingadzimike.

35 Uye tarisai, izvi hazvisati zvasvika, asi gare gare.

36 Nokudaro sezvo ini, Ishe ndasheedzera zvose zvinhu izvi pamusoro penyika, ndinoda kuti vatendi vangu vave vanoungana panyika yeZioni;

37 Uye kuti wose munhu atore kururama mumaoko ake uye ave nokutendeka pachiuno chake, uyewo agosimudza izwi rekuyambira kuvagari vepasi; uye agotaura zvose izwi pamwechete nekutiza kuti kuparadzwa kuchauya kune vakaipa.

38 Nokudaro, regai vadzidzi vangu vari paKirtland varonge zvinovanetsa mukugara kwavo, avo vagere mupurazi rino.

39 Regai muranda wangu Titus Billings, uyo ane basa rekuichengeta, ape nyika, kuti agove akagadzirira munguva yepfumvudza inouya kutora rwendo rwake kuti akwidze kunyika yeZioni, neavo vagere pamusoro payo, kunze kweavo vandichazvichengetera, kuti havazoenda kusvikira ndavaraira.

40 Uye regai mari dzose dzinogona kuchengetwa, hazvina mhosva kwandiri kuti ishoma kana kuti yakawanda, itumirwe kunyika yeZioni, kune avo vandakadoma kuti vaigashire.

41 Tarisai, ini Ishe, ndichapa kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana, simba rekuti achagona kuona neMweya avo vachakwidza kunyika yeZioni, uye neavo vevadzidzi vangu vachasara.

42 Regai muranda wangu Newel K. Whitney arambe aine chitoro chake, kana kuti nemamwe mazwi, chitoro, kwemwaka mupfupi.

43 Zvisinei regai ape yose mari yaangakwanise kupa, kuti itumirwe kunyika yeZioni.

44 Tarisai, zvinhu izvi zviri mumaoko ake, regai aite maererano neungwaru.

45 Zvirokwazvo ndinoti, regai agadzwe semumiririri wevadzidzi avo vachasara, uye regai agadzwe kusimba iri;

46 Uye zvino chikurumidzai kushanyira machechi, muchitsanangura zvinhu izvi kwavari nemuranda wangu Oliver Cowdery. Tarisai, ichi ndichochido changu, kuwana mari kunyangwe sekuraira kwandakaita.

47 Uyo akatendeka uye achishingirira achakunda nyika.

48 Uyo anotumira upfumi kunyika yeZioni achagashira nhaka munyika ino, uye mabasa ake achamutevera, uyewo nemubairo munyika ichauya.

49 Hongu, vakaropafadzwa vakafa avo vanofa vari muna Ishe, kubvira zvino, apo pachauya Ishe, zvinhu zvakare zvichapfura, uye zvinhu zvose zvichive zvitsva, vachamuka kubva kuvakafa havazofa zvakare, uye vachagashira nhaka pamberi paIshe, muguta dzvene.

50 Uye uyo anenge ari mupenyu panouya Ishe, uye ari akachengeta rutendo, akaropafadzwa iyeyo, zvisinei, zvakadomwa kwaari kuti afe nezera remunhu rakafanira.

51 Nokudaro, vana vachakura kudakara vakwegura; vanhu vakwegura vachafa; asi havazorara muguruva, asi vachashandurwa mukubwaira kweziso.

52 Nokudaro, nechikonzero ichi vakaparidza vaapositori kunyika nezvekumuka kwevakafa.

53 Zvinhu izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kutsvaga; uye mukutaura netsika yaIshe, iye zvino zvave pedyo, uye nemunguva inotevera, kunyangwe nemuzuva rekuuya kweMwanakomana weMunhu.

54 Uye kudakara nguva iyoyo kuchave nemhandara dzakazungaira mukati medzakachenjera; uye panguva iyoyo panouya kupatsanurwa zvachose kwevakarurama nevakaipa; uye muzuva iroro ndichatumira ngirozi dzangu dzichabvisa vakaipa uye dzovakanda mumoto usingadzimike.

55 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, handifadzwe nemuranda wangu Sidney Rigdon; akazvikudza mumwoyo make, uye akasagashira kurairwa, asi akasuwisa Mweya;

56 Nokudaro zvaakanyora hazvina kubvumwa naIshe, uye achaita zvakare; uye kana Ishe vakasazvigashira, tarisai haachazove anomira muchinzvimbo chandakamudomera.

57 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, avo vanoda mumwoyo yavo, nokunyorova, kuyambira vatadzi kuti vatendeuke, ngavagadzwe musimba iri.

58 Nokuti rino izuva rekuyambira, uye kwete zuva remazwi akawanda. Nokuti ini Ishe, handizi wekusekwa mumazuva ekupedzisira.

59 Tarisai, ndiri wekumusoro, uye simba rangu riri pasi. Ndiri pamusoro pezvose, uye nemuzvinhu zvose, uye kuburikidza nemune zvose, uye ndinoongorora zvose zvinhu, uye zuva riri kuuya, iro zvinhu zvose zvichave pasi pangu.

60 Tarisai, ndini Arfa naOmega, kunyangwe Jesu Kristu.

61 Nokudaro, regai vose vanhu vachenjere kutora kwavanoita zita rangu mumiromo yavo—

62 Nokuti tarisai, zvirokwazvo ndinoti, vazhinji variko vari pasi pekutongwa uku, vanoshandisa zita raIshe, vachirishandisa pasina, vasina mvumo.

63 Nokudaro, regai chechi ngaitendeuke muzvitadzo zvayo, uye ini Ishe, ndichavaita vangu, nokuti pasina izvozvo vanodimburwa vachibviswa.

64 Rangarirai kuti icho chinobva kumusoro chinoyera, uye chinofanira kutaurwa nehuchenjeri, uye nokutunhwa neMweya, uye mune izvi hamuna kutongwa, uye munogashira Mweya kuburikidza nomunamato; nokudaro, pasina izvi panoramba paine kutongwa.

65 Regai varanda vangu, Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, vazvitsvagire musha, sezvavanodzidziswa kuburikidza nekunamata neMweya.

66 Zvinhu izvi zvinogarira kukundwa kuburikidza nemwoyo murefu, kuti ivavo vave vanogashira huremu hwakawedzerwa, uye hwokusingaperi hwekubwinya, tadzezvo vogashira kutongwa kukuru. Ameni.