Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 50


Chikamu 50

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, Chivabvu 1831 (History of the Church, 1:170–173). Muporofita anoti vamwe vemagosa vakanga vasinganzwisise zviratidzo zvemweya yakasiyana-siyana yakapararira munyika uye nokuti chakazarurwa ichi chakanga chakapihwa semhinduro kumubvunzo wake pamusoro penyaya iyi. Zvainzi izvo zvishamiso zvemweya zvakanga zvisiri zvishoma pakati penhengo, vamwe vacho vaiti vari kugashira zviratidzo nezvakazarurwa.

1–5, Mweya mizhinji yenhema iriko kunze uko munyika; 6–9, Nhamo kuvanyengedzi uye nekune avo vakabviswa muChechi; 10–14, Magosa vanofanira kuparidza vhangeri neMweya; 15–22, Vose, vaparidzi nevanonzwa vanofanira kujekeserwa neMweya; 23–25, Icho chisingajekese hachisi chaMwari; 26–28, Vakatendeka ndivo varidzi vezvinhu zvose; 29–36, Minamato yevakacheneswa inopindurwa; 37–46, Kristu ndiye Mufudzi Akanaka uye Dombo reIsraeri.

1 Teererai, imi magosa echechi yangu, uye mupe nzeve kuizwi raMwari mupenyu; uye muteerere kumazwi eungwaru ayo achapihwa kwamuri, maererano nokukumbira kwamaita uye muchitenderana muzvinhu zvechechi, uye nemweya yakapararira munyika.

2 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune mweya mizhinji iyo iri mweya yenhema, iyo yaenda mberi munyika, ichinyengedza nyika.

3 Uyewo kana Satani atsvagawo kukunyengedzai, kuti agokurasai.

4 Tarisai, ini Ishe, ndakatarisa pamuri, uye ndikaona zvinyangadzo muchechi iyo rinokambira zita rangu.

5 Asi vakaropafadzwa avo vakatendeka uye vachishingirira, muupenyu kana murufu, nokuti vachagara nhaka yeupenyu hwokusingaperi.

6 Asi nhamo kwavari avo vanyengedzi nevanonyepera, nokuti, ndikokutaura kwaIshe, ndichavaunza mukutongwa.

7 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mune vanyengedzi mukati menyu, avo vakatonyengedza vamwe, izvo zvakapa muvengi simba; asi tarisai vakadaro vachadzorwa;

8 Asi vanyengedzi vachaonekwa uye vagobviswa, kana muupenyu kana murufu, kunyangwe sekuda kwangu; uye nhamo kwavari avo vakabviswa muchechi yangu, nokuti vamwechetevo ndivo vakakundwa nenyika.

9 Nokudaro, wose munhu ngaachenjerere potse icho chisiri muchokwadi uye nomukururama pamberi pangu.

10 Uye zvino chiuyai, vanodaro Ishe, neMweya, kumagosa echechi yavo, uye regai titaurirane tiri pamwechete, kuti mugonzwisisa;

11 Ngatitauriranei kunyangwe semurume ari kutaurirana nemumwe vakatarisana zviso.

12 Zvino, kana munhu akataura anonzwikwa nemunhu, nokuti anokurukura semunhu; kunyangwe neni ndozvandichaita ini Ishe, kukurukura nemi kuti munzwisise.

13 Nokudaro, ini Ishe ndinokubvunzai mubvunzo uyu—makagadzwa kuti mudii?

14 Kuti muparidze vhangeri rangu neMweya, kunyangwe Mweya Munyaradzi uyo wakatumirwa kuzoparidza chokwadi.

15 Uye ndokubva magashira mweya yamusina kunzwisisa, uye mukaigashirwa seyaMwari; uye mune izvi makanatsa here?

16 Tarisai muchapindura mubvunzo uyu imi pachenyu; zvakadaro, ndichakunzwirai tsitsi; uyo asina kusimba pakati penyu mushure achaitwa kuti asimbe.

17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo akagadzwa neni uye akatumirwa kuti aparidze shoko rechokwadi naMunyaradzi, muMweya wechokwadi, haanoparidza here neMweya wechokwadi kana neimwe nzira?

18 Uye kana zviri neimwe nzira hazvisi zvaMwari.

19 Uye zvakare, uyo anogashira shoko rechokwadi, haanorigashira neMweya wechokwadi here kana neimwe nzira?

20 Kana zviri zveimwe nzira hazvisi zvaMwari.

21 Nokudaro, sei musingagone kunzwisisa uye nokuziva, kuti uyo anogashira shoko neMweya wechokwadi anorigashira sekuparidzwa kwarinoitwa neMweya wechokwadi?

22 Nokudaro, uyo anoparidza uye neuyo anogashira, vanonzwisisana, uye vose vanosimudzirwa uye vachifara pamwechete.

23 Uye icho chisingasimudzire hachisi chaMwari, uye irima.

24 Icho chinenge chiri chaMwari chiedza; uye uyo anogashira chiedza, uye achiramba ari munaMwari, anogashira chiedza chakawedzerwa; uye chiedza ichocho chinokura mukuchena kudakara zuva rakwana.

25 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinozvitaura kuti mungazive chokwadi, kuti mungadzinge rima kuti ribve pakati penyu;

26 Uyo akagadzwa naMwari uye akatumwa, iyeyo akadomwa kuti ave mukuru pane vose, zvisinei iye ndiye wekupedzisira uye ari muranda wevose.

27 Nokudaro, ndiye ane zvinhu zvose, nokuti zvose zvinhu zvinotongwa naye, kwose kudenga nepasi, upenyu nechiedza, Mweya nesimba, zvakatumwa nekuda kwaBaba kuburikidza naJesu Kristu, Mwanakomana wavo.

28 Asi hakuna munhu ane zvinhu zvose kunze kwekunge acheneswa uye asukwa kubva muzvitadzo zvose.

29 Uye kana muri macheneswa uye masukwa kubva kuzvitadzo zvose, muchakumbira chose chamunoda muzita raJesu uye chigoitwa.

30 Asi zivai izvi, zvichapihwa kwamuri zvamuchakumbira; uye zvamakadomerwa kuhutungamiri, mweya ichave pasi penyu.

31 Nokudaro, zvichaitika, kuti kana mukaona mweya waratidzwa wamusingagone kunzwisisa, uye morega kuugashira mweya iwoyo, muchakumbira kuna Baba muzita raJesu; uye kana vakasakupai mweya iwoyo, ndipo munobva maziva kuti hausi waMwari.

32 Uye zvichapihwa kwamuri, simba pamusoro pemweya iwowo; uye muchataura muchirwisa mweya iwoyo nezwi guru kuti hauzi waMwari—

33 Kwete kutuka nekutsvagira mhosva, kuti musakurirwe, kana nekuzvikudza kana nemafaro, potse mungabatwe nazvo.

34 Uyo anogashira kuna Mwari, regai azive kuti ndezva Mwari; uye regai afare kuti anoonekwa naMwari akakodzera kugashira.

35 Uye nokuzvitevedzera nekuzviita zvinhu izvi zvamakagashira, uye nezvamuchagashira pashure—uye neumambo hunopihwa kwamuri naBaba, nesimba rekukunda zvose zvinhu zvisina kugadzwa navo—

36 Uye tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, makaropafadzwa imi muri kunzwa zvino mazwi angu aya, achibva mumuromo wemuranda wangu, nokuti zvitadzo zvenyu mazviregererwa.

37 Regai muranda wangu Joseph Wakefield, uyo anondifadza zvikuru, uye nemuranda wangu Parley P. Pratt vaende mukati memachechi uye vachivasimbisa neshoko rekurudziro;

38 Uye nemuranda wanguwo John Corrill, kana sekuwanda kwakaita varanda vangu vakagadzwa mubasa rino, uye regai vashande mumunda wemizambiringa; uye pasave nemumhu anovarambidza kuita izvozvo zvandakadoma kwavari—

39 Nokudaro, muchinhu ichi muranda wangu Edward Partridge haarevererwe; zvisinei regai atendeuke uye acharegererwa.

40 Tarisai, muri vana vadiki uye hamungakwanise kutakura zvose zvinhu zvino; makafanira kukura munyasha uye nemuruzivo rwechokwadi.

41 Musatye, vana vadiki, nokuti muri vangu, uye ini ndakunda nyika, uye muri vamwe veavo vandakapihwa naBaba vangu;

42 Uye hakuna mumwe wevandakapihwa naBaba vangu acharasika.

43 Uye Baba neni tiri vamwechete. Ndiri munaBaba uye Baba vari mandiri; sekundigashira kwamakaita, imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri.

44 Nokudaro, ndiri pakati penyu, uye ndini mufudzi akanaka, uye nedombo raIsraeri. Uyo anovaka padombo iri haafe akapunzika.

45 Uye zuva riri kuuya rekuti muchanzwa izwi rangu uye mondiona, uye moziva kuti ndini.

46 Garirai, naizvozvo kuti muve makagadzirira. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.