Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 50


Chikamu 50

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, Chivabvu 1831 (History of the Church, 1:170–173). Muporofita anoti vamwe vemagosa vakanga vasinganzwisise zviratidzo zvemweya yakasiyana-siyana yakapararira munyika uye nokuti chakazarurwa ichi chakanga chakapihwa semhinduro kumubvunzo wake pamusoro penyaya iyi. Zvainzi izvo zvishamiso zvemweya zvakanga zvisiri zvishoma pakati penhengo, vamwe vacho vaiti vari kugashira zviratidzo nezvakazarurwa.

1–5, Mweya mizhinji yenhema iriko kunze uko munyika; 6–9, Nhamo kuvanyengedzi uye nekune avo vakabviswa muChechi; 10–14, Magosa vanofanira kuparidza vhangeri neMweya; 15–22, Vose, vaparidzi nevanonzwa vanofanira kujekeserwa neMweya; 23–25, Icho chisingajekese hachisi chaMwari; 26–28, Vakatendeka ndivo varidzi vezvinhu zvose; 29–36, Minamato yevakacheneswa inopindurwa; 37–46, Kristu ndiye Mufudzi Akanaka uye Dombo reIsraeri.

1 Teererai, imi magosa echechi yangu, uye mupe nzeve kuizwi raMwari mupenyu; uye muteerere kumazwi eungwaru ayo achapihwa kwamuri, maererano nokukumbira kwamaita uye muchitenderana muzvinhu zvechechi, uye nemweya yakapararira munyika.

2 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune mweya mizhinji iyo iri mweya ayenhema, iyo yaenda mberi munyika, ichinyengedza nyika.

3 Uyewo kana aSatani atsvagawo kukunyengedzai, kuti agokurasai.

4 Tarisai, ini Ishe, ndakatarisa pamuri, uye ndikaona zvinyangadzo muchechi iyo arinokambira zita rangu.

5 Asi vakaropafadzwa avo vakatendeka uye avachishingirira, muupenyu kana murufu, nokuti vachagara nhaka yeupenyu hwokusingaperi.

6 Asi nhamo kwavari avo avanyengedzi nevanonyepera, nokuti, ndikokutaura kwaIshe, ndichavaunza mukutongwa.

7 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mune avanyengedzi mukati menyu, avo vakatonyengedza vamwe, izvo zvakapa bmuvengi csimba; asi tarisai dvakadaro vachadzorwa;

8 Asi vanyengedzi vachaonekwa uye avagobviswa, kana muupenyu kana murufu, kunyangwe sekuda kwangu; uye nhamo kwavari avo vakabviswa muchechi yangu, nokuti vamwechetevo ndivo vakakundwa nenyika.

9 Nokudaro, wose munhu ngaachenjerere potse icho chisiri muchokwadi uye nomukururama pamberi pangu.

10 Uye zvino chiuyai, vanodaro Ishe, neMweya, kumagosa echechi yavo, uye regai atitaurirane tiri pamwechete, kuti mugonzwisisa;

11 Ngatitauriranei kunyangwe semurume ari kutaurirana nemumwe vakatarisana zviso.

12 Zvino, kana munhu akataura anonzwikwa nemunhu, nokuti anokurukura semunhu; kunyangwe neni ndozvandichaita ini Ishe, kukurukura nemi kuti amunzwisise.

13 Nokudaro, ini Ishe ndinokubvunzai mubvunzo uyu—amakagadzwa kuti mudii?

14 Kuti muparidze vhangeri rangu aneMweya, kunyangwe bMweya Munyaradzi uyo wakatumirwa kuzoparidza chokwadi.

15 Uye ndokubva magashira amweya yamusina kunzwisisa, uye mukaigashirwa seyaMwari; uye mune izvi makanatsa here?

16 Tarisai muchapindura mubvunzo uyu imi pachenyu; zvakadaro, ndichakunzwirai tsitsi; uyo asina kusimba pakati penyu mushure achaitwa kuti aasimbe.

17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo akagadzwa neni uye akatumirwa kuti aaparidze shoko rechokwadi naMunyaradzi, bmuMweya wechokwadi, haanoparidza here neMweya wechokwadi kana neimwe nzira?

18 Uye kana zviri neimwe nzira hazvisi zvaMwari.

19 Uye zvakare, uyo anogashira shoko rechokwadi, haanorigashira neMweya wechokwadi here kana neimwe nzira?

20 Kana zviri zveimwe nzira hazvisi zvaMwari.

21 Nokudaro, sei musingagone kunzwisisa uye nokuziva, kuti uyo anogashira shoko neMweya wechokwadi anorigashira sekuparidzwa kwarinoitwa neMweya wechokwadi?

22 Nokudaro, uyo anoparidza uye neuyo anogashira, vanonzwisisana, uye vose avanosimudzirwa uye bvachifara pamwechete.

23 Uye icho chisingasimudzire hachisi chaMwari, uye airima.

24 Icho chinenge chiri chaMwari achiedza; uye uyo anogashira chiedza, uye bachiramba ari munaMwari, anogashira chiedza cchakawedzerwa; uye chiedza ichocho chinokura mukuchena kudakara zuva rakwana.

25 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinozvitaura kuti mungazive achokwadi, kuti mungadzinge rima kuti ribve pakati penyu;

26 Uyo akagadzwa naMwari uye akatumwa, iyeyo akadomwa kuti ave amukuru pane vose, zvisinei iye ndiye wekupedzisira uye ari bmuranda wevose.

27 Nokudaro, ndiye aane zvinhu zvose, nokuti zvose zvinhu zvinotongwa naye, kwose kudenga nepasi, upenyu nechiedza, Mweya bnesimba, zvakatumwa nekuda kwaBaba kuburikidza naJesu Kristu, Mwanakomana wavo.

28 Asi hakuna munhu ane zvinhu zvose kunze kwekunge aacheneswa uye basukwa kubva muzvitadzo zvose.

29 Uye kana muri macheneswa uye masukwa kubva kuzvitadzo zvose, amuchakumbira chose chamunoda muzita raJesu uye chigoitwa.

30 Asi zivai izvi, zvichapihwa kwamuri zvamuchakumbira; uye zvamakadomerwa akuhutungamiri, mweya ichave pasi penyu.

31 Nokudaro, zvichaitika, kuti kana mukaona amweya waratidzwa wamusingagone kunzwisisa, uye morega kuugashira mweya iwoyo, muchakumbira kuna Baba muzita raJesu; uye kana vakasakupai mweya iwoyo, ndipo munobva maziva kuti hausi waMwari.

32 Uye zvichapihwa kwamuri, asimba pamusoro pemweya iwowo; uye muchataura muchirwisa mweya iwoyo nezwi guru kuti hauzi waMwari—

33 Kwete akutuka nekutsvagira mhosva, kuti musakurirwe, kana bnekuzvikudza kana nemafaro, potse mungabatwe nazvo.

34 Uyo anogashira kuna Mwari, regai azive kuti ndezva Mwari; uye regai afare kuti anoonekwa naMwari akakodzera kugashira.

35 Uye nokuzvitevedzera nekuzviita zvinhu izvi zvamakagashira, uye nezvamuchagashira pashure—uye aneumambo hunopihwa kwamuri naBaba, bnesimba rekukunda zvose zvinhu zvisina kugadzwa navo—

36 Uye tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, makaropafadzwa imi muri kunzwa zvino mazwi angu aya, achibva mumuromo wemuranda wangu, nokuti zvitadzo zvenyu amazviregererwa.

37 Regai muranda wangu Joseph Wakefield, uyo anondifadza zvikuru, uye nemuranda wangu aParley P. Pratt vaende mukati memachechi uye vachivasimbisa neshoko brekurudziro;

38 Uye nemuranda wanguwo John Corrill, kana sekuwanda kwakaita varanda vangu vakagadzwa mubasa rino, uye regai vashande amumunda wemizambiringa; uye pasave nemumhu anovarambidza kuita izvozvo zvandakadoma kwavari—

39 Nokudaro, muchinhu ichi muranda wangu aEdward Partridge haarevererwe; zvisinei regai atendeuke uye acharegererwa.

40 Tarisai, muri vana vadiki uye hamungakwanise akutakura zvose zvinhu zvino; makafanira bkukura cmunyasha uye nemuruzivo drwechokwadi.

41 aMusatye, bvana vadiki, nokuti muri vangu, uye ini cndakunda nyika, uye muri vamwe veavo dvandakapihwa naBaba vangu;

42 Uye hakuna mumwe wevandakapihwa naBaba vangu aacharasika.

43 Uye Baba neni tiri avamwechete. Ndiri munaBaba uye Baba vari mandiri; sekundigashira kwamakaita, imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri.

44 Nokudaro, ndiri pakati penyu, uye ndini mufudzi aakanaka, uye bnedombo raIsraeri. Uyo anovaka cpadombo iri dhaafe akapunzika.

45 Uye zuva riri kuuya rekuti muchanzwa izwi rangu uye amondiona, uye moziva kuti ndini.

46 aGarirai, naizvozvo kuti muve bmakagadzirira. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.