Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 133


Chikamu 133

Zvakazarura zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, 3 Mbudzi 1831 (History of the Church, 1:229–234). Achitsanangura chakazarurwa chino Muporofita akanyora kuti, “Panguva iyi paive nezvinhu zvizhinji zvaida kuzivikanwa nemaGosa maererano nokuparidzwa kweVhangeri kuvagari vemunyika, uye pamusoro pekuunganidza; uye kuti tifambe nechiedza chechokwadi, nokuti tidzidziswe kubva kumusoro, musi wa3 Mbudzi, 1831, ndakabvunza kuna Ishe uye ndikagashira zvakazarurwa zvakakosha zvinotevera” (History of the Church, 1:229). Chikamu chino chakatanga kuiswa mubhuku reDzidziso neZvibvumirano sezvakapamhidzirwa, asi ndokuzoiswa sechikamu mumashure.

1–6, Vatendi vanorairwa kuti vagadzirire Kuuya kweChipiri; 7–16, vose vanhu vanorairwa kuti vatize kubva kuBabironi, vauye kuZioni, uye vagogadzirira zuva guru raIshe; 17–35, Achamira paGomo reZioni, nyika dzichave nyika imwechete, uye marudzi akarasika eIsraeri achadzoka; 36–40, Vhangeri rakadzorwa kuburikidza naJoseph Smith kuti riparidzwe pasi pose; 41–51, Ishe vachauya pasi kuzodzorera vakaipa; 52–56, Richave gore revake vakanunurwa; 57–74, Vhangeri richatumirwa kunoponesa Vatendi nokuzoparadza vakaipa.

1 Teererai, imi vanhu vechechi yangu, vanodaro Ishe Mwari venyu, uye munzwe izwi raIshe pamusoro penyu—

2 Ishe vachangoerekana auya kutemberi yake; Ishe vachauya pasi munyika nokutuka nokutonga; hongu, pamarudzi ose anokanganwa Mwari, napane vose vasina humwari pakati penyu.

3 Nokuti achafugura ruoko rwake rwutsvene mumaziso emarudzi ose, uye nekumiganhu yose yenyika vachaona ruponeso rwaMwari vavo.

4 Nokudaro gadzirirai imi, gadzirirai imi, vanhu vangu; zvichenesei pachenyu; unganai pamwechete, imi vanhu vechechi yangu, munyika yeZioni, mose imi musina kurairwa kuti mugare.

5 Endai imi mubude muBabironi. Ivai makachena imi munotakura midziyo yaIshe.

6 Daidzai magungano matsvene enyu, uye mugare muchitaura pachenyu. Uye munhu wose ngaadaidze kuzita raIshe.

7 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri zvakare, nguva yasvika apo izwi raIshe rave kwamuri: Endai mubude muBabironi; unganidzai kubva mumarudzi, kubva kumhepo ina, kubva kumucheto mumwechete wedenga kusvika kune mumwe.

8 Tumirai magosa echechi yangu kumarudzi ari kure, kuzvitsuwa zvegungwa; tumirai kunyika dzevatorwa; daidzai kumarudzi ose, kutanga kumaJentairi, uye muzoenda kuvaJuda.

9 Uye tarisai, uye muone, uku ndikokuchave kuchema kwavo, nezwi raIshe kuvanhu vose: Endai imi kunyika yeZioni, kuti miganhu yevanhu vangu ikudzwe, uye kuti hoko dzayo dzisimbiswe, uye kuti Zioni iende kumatunhu akatenderedza.

10 Hongu, regai kuchema kuende mukati mevanhu vose: Mukai uye musimuke uye muende kunotambira Chikomba: Tarisai, uye muone, Chikomba ari kuuya; budai munomutambira. Zvigadzirirei zuva guru raIshe.

11 Rindirai, naizvozvo, nokuti hamuzive zuva racho kana nguva yacho.

12 Varegei naizvozvo, avo vari pakati pemaJentairi vatizire kuZioni.

13 Uye avo vekwaJuda ngavatizire kuJerusarema, kumakomo emba yaIshe.

14 Endai mubve pakati pamarudzi, kunyangwe kubva muBabironi, kubva pakati pehuipi, kunova Babironi yemweya.

15 Asi zvirokwazvo, vanodaro Ishe, kutiza kwenyu ngakusave nekukurumidza, asi regai zvose zvinhu zvitange zvagadzirwa pamberi penyu; uye uyo anoenda, ngaarege kucheuka potse angayerekane awirwa nokuparadzwa.

16 Teererai uye munzwe, imi vagari vepasi. Teererai, imi magosa echechi yangu pamwechete, uye munzwe izwi raIshe; nokuti anodaidza vose vanhu, uye anoraira vose vanhu kwose kuti vatendeuke.

17 Nokuti tarisai, Ishe Mwari vatuma ngirozi ichidaidzira pakati pedenga, ichiti: Gadzirirai nzira yaIshe, uye muite nzira dzake dzitwasanuke, nokuti nguva yake yekuuya yave pedyo—

18 Apo Gwayana richamira pamusoro peGomo reZioni, uye riine zana nemakumi nemana ezviuru, vaine zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.

19 Nokudaro, gadzirirai kuuya kweChikomba; endai, endai mubude munomugashira.

20 Nokuti tarisai, achamira paGomo reMiorivi, uye napagungwa guru, kunyangwe rakadzama zvikuru, uye nepazvitsuwa zvegungwa, uye nemunyika yeZioni.

21 Uye achataura izwi rake richibva muZioni, uye achataura ari Jerusarema, uye izwi rake richanzwikwa pakati pevanhu vose.

22 Uye richave izwi rinoita sezwi remvura zhinji, uye sezwi remabhanan’ana makuru kukuru, uko kuchapunza makomo, uye nhika hadzizowanikwa.

23 Acharaira iro reudzami hukuru, uye rigotinhirwa shure kunyika dzekuchamhembe, uye zvitsuwa zvichave nyika imwechete;

24 Uye nyika yeJerusarema nenyika yeZioni dzichadzorerwa kunzvimbo dzadzo, uye nyika ichave sezvayakanga yakaita mumazuva ayakanga isati yaganurwa-ganurwa.

25 Uye Ishe, kunyangwe Muponesi, vachamira pakati pevanhu vake, uye achatonga pamusoro penyama yose.

26 Uye avo vari munyika dzekuchamhembe vachauya mukurangarirwa pamberi paIshe; uye maporofita vavo vachanzwa izwi rake, uye havachazozvidzora pachavo; uye vacharova matombo, uye chando chichayerera pamberi pavo.

27 Uye mugwagwa mukuru uchavakwa pakati pegungwa.

28 Vavengi vavo vachave nyama yavo.

29 Uye nemumagwenga asina chinhu muchaita madziva emvura yeupenyu; uye pasi pakaoma haichazove nyika inenyota.

30 Uye vachauya nepfuma yavo inokosha kuvana vaEfraimi, varanda vangu.

31 Uye miganhu yezvikomo zvisingaperi ichadedera pamberi pavo.

32 Uye ipapo vachawira pasi uye vopfekedzwa kubwinya, kunyangwe muZioni, nemaoko evaranda vaIshe, kunyangwe vana vaEfraimi.

33 Uye vachazadzwa nenziyo dzerufaro rwusingaperi.

34 Tarisai, aya maropafadzo aMwari vasingaperi pavana vemadzinza eIsraeri, uye maropafadzo akakura akakosha kupfuura aya pamusoro paEfraimi nevanomutevera.

35 Uye naivowo vedzinza raJuda, mushure mekurwadziwa kwavo, vachacheneswa muhutsvene pamberi paIshe, kuti vagare siku nesikati, narinhi narinhi.

36 Uye zvino, zvirokwazvo vanodaro Ishe, kuti zvinhu izvi zvizivikanwe pakati penyu, vagari vemunyika, ndatumira ngirozi yangu ichibhururuka nepakati pedenga, iine vhangeri risingaperi, yakazviratidza kune vamwe uye ikariisa kuvanhu, iyo ichazviratidza kuvazhinji vagere panyika.

37 Uye vhangeri iri richaparidzwa kune rwose rudzi, nendudzi, nendimi, nevanhu.

38 Uye varanda vaMwari vachaenda, vachiti nezwi guru: Ityai Mwari uye mupe mbiri kwaari, nokuti nguva yekutonga kwake yauya;

39 Uye munamatei akaita denga, nenyika, negungwa, nezvisipiti zvemvura—

40 Muchidaidza zita raIshe siku nesikati, muchiti; dai imi maitsemura matenga, kuti mudzike pasi, kuti makomo ayerere nokuda kwekuvepo kwenyu.

41 Uye zvichapindurwa pamisoro yavo; nokuti kuvepo kwaIshe kuchaita semoto unonyungudutsa uri kubvira, uye semoto unoita kuti mvura ifashaire.

42 Ishe, muchauya pasi kuzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye ose marudzi achadedera pamberi penyu—

43 Pamunoita zvinhu zvinotyisa, zvinhu zvavasingatarisire;

44 Hongu, pamunouya pasi, uye makomo achayerera nokukuonai, muchasangana naye uyo anofara uye anoshanda mukururama, uyo anokurangarirai nenzira dzenyu.

45 Nokuti kubvira kutanga kwenyika hakuna munhu ati ambonzwa kana kunzwisisa nenzeve, kana ziso ripi zvaro rati raona, Mwari, kunze kwenyu, kuti zvakakura sei zvinhu zvamakagadzirira uyo anomirira imi.

46 Uye zvichanzi: Ndiani iyeyu anouya pasi kubva kuna Mwari kudenga aine nhumbi dzeruvara; hongu, anobva kumatunhu asingazivikanwe, akapfeka nhumbi dzake dzinoshamisa, anofamba ari muhukuru hwesimba rake?

47 Uye achati: Ndini ndakataura mukururama, nesimba guru rekuponesa.

48 Uye Ishe vachange aine nhumbi tsvuku, uye nhumbi dzake dzakaita sedze uyo anotsika muchitsviniro chewaini.

49 Uye kubwinya kwekuvepo kwavo, kuchave kukuru zvekuti zuva richaviga chiso charo nokunyara, uye mwedzi uchadzima chiedza chawo, uye nyenyedzi dzichabva panzvimbo padzo.

50 Uye izwi ravo richanzwikwa: Ndatsika-tsika chisviniro chewaini ndega, uye ndaunza kutonga kune vose vanhu; uye hakuna vangevaineni;

51 Uye ndavatsika-tsika mukushatirwa kwangu, uye ndikavatsika muhasha dzangu, uye, ropa ravo ndarimwaya panhumbi dzangu, uye ndikasvibisa mbatya dzangu dzose; nokuti iri range riri zuva rekutsinidza zvange zviri mumwoyo mangu.

52 Uye zvino gore revangu vakanunurwa rauya; uye vachataura rudo rwemwoyo waIshe vavo, uye nezvose izvo zvavakaisa pavari maererano nokunaka kwavo, uye nemaererano nerudo rwemwoyo munyoro wavo, nariini nariini.

53 Mukutambudzika kwavo kwose naivowo vakangavachitambudzwa. Uye ngirozi yekuvepo kwavo yakavaponesa; uye murudo rwavo, nemutsitsi dzavo, vakavanunura, vakavasimudza, uye vakavatakura ose mazuva akare;

54 Hongu, naEnokiwo, neavo vaive naye; vaporofita vaivepo asati avepo; naNoawo, neavo vaivepo asati avepo; Mosesiwo, neavo vaive asati avepo;

55 Uye kubva kuna Mosesi kusvika kuna Erija, uye kubvira kuna Erija kusvika kuna Johane, aive naKristu pakumuka kwake kuvakafa, nevaapositori vatsvene, naAbrahama, Isaka, naJakobo, vachave pane Gwayana.

56 Uye nemakuva evatendi achazururwa; uye vachauya uye vozomira kurudyi rweGwayana, paachamira paGomo reZioni, nepaguta dzvene, Jerusarema Idzva; uye vachiimba rwiyo rweGwayana, masikati nehusiku nariini nariini.

57 Uye nechikonzero ichi, kuti vanhu vaitwe vadyi vekubwinya kwaizoratidzwa, Ishe vakatumira kuzara kwevhangeri ravo, chibvumirano chavo chisingaperi, vachitaura zviri pachena uye zvakajeka—

58 Kugadzirira avo vasina simba kuitira izvo zvinhu zvirikuuya panyika, uye kuitira nebasa raIshe muzuva iro avo vasina simba vachanyadzisa vakangwara, uye vadiki voita rudzi rwakasimba, uye vaviri vachakonzera kuti makumi ezviuru zvavo atize.

59 Uye nezvinhu zvisina simba zvenyika Ishe vachapura marudzi nesimba reMweya wavo.

60 Uye nechikonzero ichi, mirairo yakapihwa; yakarairwa kuti haifanire kuzivikanwa kunyika nezuva iroro rayakapihwa, asi zvino yochienda kune chenyama chose—

61 Uye izvi zviri maererano nepfungwa nechido chaIshe, uyo vanotonga yose nyama.

62 Uye kune uyo anotendeuka uye achizvichenesa pamberi paIshe achapihwa upenyu hwokusingaperi.

63 Uye kune avo vasingateerere kuizwi raIshe kuchazadzikiswa zvakanyorwa nemuporofita Mosesi, kuti vachabviswa mukati mevanhu.

64 Uyewo neicho chakanyorwa nemuporofita Maraki: Nokuti, tarisai, zuva riri kuuya apo richapisa sehovhoni, uye vose vanodada, hongu, uye vose vanokuita kwakaipa, vachave semashanga; uye musi uri kuuya uyu uchavapisa, vanodaro Ishe vehondo, zvekuti uchavasiya vasina mudzi kana bazi.

65 Nokudaro, iyi ndiyo ichave mhinduro yaIshe kwavari:

66 Muzuva iro randakauya kune vangu, hakuna munhu pakati penyu akandigashira, uye mukatandaniswa.

67 Pandakadaidza zvakare hapana mumwe wenyu akapindura; asi ruoko rwangu rwakanga rwusina kana kupfupika zvekuti ndaitadza kununura, kunyangwe simba rangu rekuponesa.

68 Tarisai, nokutsiura kwangu ndinoomesa gungwa. Ndinoita hova dzive marenje; hove dzacho dzinhuhwe, uye dzife nenyota.

69 Ndinopfekedza matenga kusviba, uye nokuita nhumbi dzemasaga chishongo chawo.

70 Uye izvi ndizvo zvamuchawana kubva muruoko rwangu—mucharara pasi mukusuwa.

71 Tarisai, uye muone hakuna angakuponesei; nokuti hamuna kuteerera izwi rangu pandakakudaidzirai ndiri mumatenga; hamuna kutenda varanda vangu, uye pavakatumirwa kwamuri hamuna kuvagashira.

72 Nokudaro, vakasimbisa uchapupu uye vakasunga mutemo, uye imi mukaiswa murima.

73 Ava vachaenda kurima rekunze, uko kune kuchema, uye nokuwuwura, nekugeda-geda kwemeno.

74 Tarisai Ishe Mwari venyu vazvitaura. Ameni.