Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 133


Chikamu 133

Zvakazarura zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, 3 Mbudzi 1831 (History of the Church, 1:229–234). Achitsanangura chakazarurwa chino Muporofita akanyora kuti, “Panguva iyi paive nezvinhu zvizhinji zvaida kuzivikanwa nemaGosa maererano nokuparidzwa kweVhangeri kuvagari vemunyika, uye pamusoro pekuunganidza; uye kuti tifambe nechiedza chechokwadi, nokuti tidzidziswe kubva kumusoro, musi wa3 Mbudzi, 1831, ndakabvunza kuna Ishe uye ndikagashira zvakazarurwa zvakakosha zvinotevera” (History of the Church, 1:229). Chikamu chino chakatanga kuiswa mubhuku reDzidziso neZvibvumirano sezvakapamhidzirwa, asi ndokuzoiswa sechikamu mumashure.

1–6, Vatendi vanorairwa kuti vagadzirire Kuuya kweChipiri; 7–16, vose vanhu vanorairwa kuti vatize kubva kuBabironi, vauye kuZioni, uye vagogadzirira zuva guru raIshe; 17–35, Achamira paGomo reZioni, nyika dzichave nyika imwechete, uye marudzi akarasika eIsraeri achadzoka; 36–40, Vhangeri rakadzorwa kuburikidza naJoseph Smith kuti riparidzwe pasi pose; 41–51, Ishe vachauya pasi kuzodzorera vakaipa; 52–56, Richave gore revake vakanunurwa; 57–74, Vhangeri richatumirwa kunoponesa Vatendi nokuzoparadza vakaipa.

1 Teererai, imi vanhu vechechi yangu, vanodaro Ishe Mwari venyu, uye munzwe izwi raIshe pamusoro penyu—

2 Ishe vachangoerekana aauya kutemberi yake; Ishe vachauya pasi munyika bnokutuka nokutonga; hongu, pamarudzi ose anokanganwa Mwari, napane vose vasina humwari pakati penyu.

3 Nokuti aachafugura ruoko rwake rwutsvene mumaziso emarudzi ose, uye nekumiganhu yose yenyika vachaona bruponeso rwaMwari vavo.

4 Nokudaro gadzirirai imi, gadzirirai imi, vanhu vangu; zvichenesei pachenyu; unganai pamwechete, imi vanhu vechechi yangu, munyika yeZioni, mose imi musina kurairwa kuti mugare.

5 Endai imi mubude amuBabironi. Ivai bmakachena imi munotakura midziyo yaIshe.

6 Daidzai magungano matsvene enyu, uye mugare amuchitaura pachenyu. Uye munhu wose ngaadaidze kuzita raIshe.

7 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri zvakare, nguva yasvika apo izwi raIshe rave kwamuri: Endai mubude muBabironi; aunganidzai kubva mumarudzi, kubva kumhepo bina, kubva kumucheto mumwechete wedenga kusvika kune mumwe.

8 aTumirai magosa echechi yangu kumarudzi ari kure, bkuzvitsuwa zvegungwa; tumirai kunyika dzevatorwa; daidzai kumarudzi ose, kutanga ckumaJentairi, uye muzoenda dkuvaJuda.

9 Uye tarisai, uye muone, uku ndikokuchave kuchema kwavo, nezwi raIshe kuvanhu vose: Endai imi kunyika yeZioni, kuti miganhu yevanhu vangu ikudzwe, uye kuti ahoko dzayo dzisimbiswe, uye kuti bZioni iende kumatunhu akatenderedza.

10 Hongu, regai kuchema kuende mukati mevanhu vose: Mukai uye musimuke uye muende kunotambira aChikomba: Tarisai, uye muone, Chikomba ari kuuya; budai munomutambira. Zvigadzirirei zuva bguru raIshe.

11 aRindirai, naizvozvo, nokuti bhamuzive zuva racho kana nguva yacho.

12 Varegei naizvozvo, avo vari apakati pemaJentairi vatizire bkuZioni.

13 Uye avo avekwaJuda ngavatizire bkuJerusarema, ckumakomo demba yaIshe.

14 Endai mubve pakati pamarudzi, kunyangwe kubva muBabironi, kubva pakati pehuipi, kunova Babironi yemweya.

15 Asi zvirokwazvo, vanodaro Ishe, kutiza kwenyu ngakusave anekukurumidza, asi regai zvose zvinhu zvitange zvagadzirwa pamberi penyu; uye uyo anoenda, bngaarege kucheuka potse angayerekane awirwa nokuparadzwa.

16 aTeererai uye munzwe, imi vagari vepasi. Teererai, imi magosa echechi yangu pamwechete, uye munzwe izwi raIshe; nokuti anodaidza vose vanhu, uye anoraira vose vanhu kwose kuti bvatendeuke.

17 Nokuti tarisai, Ishe Mwari avatuma ngirozi ichidaidzira pakati pedenga, ichiti: Gadzirirai nzira yaIshe, uye muite nzira dzake bdzitwasanuke, nokuti nguva yake cyekuuya yave pedyo—

18 Apo aGwayana richamira pamusoro bpeGomo reZioni, uye riine czana nemakumi nemana ezviuru, vaine zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.

19 Nokudaro, gadzirirai akuuya bkweChikomba; endai, endai mubude munomugashira.

20 Nokuti tarisai, aachamira paGomo reMiorivi, uye napagungwa guru, kunyangwe rakadzama zvikuru, uye nepazvitsuwa zvegungwa, uye nemunyika yeZioni.

21 Uye aachataura izwi rake richibva bmuZioni, uye achataura ari Jerusarema, uye izwi rake richanzwikwa pakati pevanhu vose.

22 Uye richave izwi rinoita asezwi remvura zhinji, uye sezwi bremabhanan’ana makuru kukuru, uko ckuchapunza makomo, uye nhika hadzizowanikwa.

23 Acharaira iro reudzami hukuru, uye rigotinhirwa shure kunyika dzekuchamhembe, uye azvitsuwa zvichave nyika imwechete;

24 Uye nyika ayeJerusarema nenyika yeZioni dzichadzorerwa kunzvimbo dzadzo, uye nyika ichave sezvayakanga yakaita mumazuva ayakanga isati byaganurwa-ganurwa.

25 Uye Ishe, kunyangwe Muponesi, vachamira pakati pevanhu vake, uye aachatonga pamusoro penyama yose.

26 Uye avo vari munyika adzekuchamhembe vachauya mukurangarirwa pamberi paIshe; uye maporofita vavo vachanzwa izwi rake, uye havachazozvidzora pachavo; uye vacharova matombo, uye chando chichayerera pamberi pavo.

27 Uye amugwagwa mukuru uchavakwa pakati pegungwa.

28 Vavengi vavo vachave nyama yavo.

29 Uye nemumagwenga aasina chinhu muchaita madziva emvura yeupenyu; uye pasi pakaoma haichazove nyika inenyota.

30 Uye vachauya nepfuma yavo inokosha kuvana avaEfraimi, varanda vangu.

31 Uye miganhu ayezvikomo zvisingaperi ichadedera pamberi pavo.

32 Uye ipapo vachawira pasi uye vopfekedzwa kubwinya, kunyangwe muZioni, nemaoko evaranda vaIshe, kunyangwe vana vaEfraimi.

33 Uye vachazadzwa anenziyo dzerufaro rwusingaperi.

34 Tarisai, aya maropafadzo aMwari vasingaperi pavana avemadzinza eIsraeri, uye maropafadzo akakura akakosha kupfuura aya pamusoro bpaEfraimi nevanomutevera.

35 Uye naivowo vedzinza araJuda, mushure mekurwadziwa kwavo, vachacheneswa bmuhutsvene pamberi paIshe, kuti vagare siku nesikati, narinhi narinhi.

36 Uye zvino, zvirokwazvo vanodaro Ishe, kuti zvinhu izvi zvizivikanwe pakati penyu, vagari vemunyika, ndatumira angirozi yangu ichibhururuka nepakati pedenga, iine bvhangeri risingaperi, yakazviratidza kune vamwe uye ikariisa kuvanhu, iyo ichazviratidza kuvazhinji vagere panyika.

37 Uye avhangeri iri brichaparidzwa kune crwose rudzi, nendudzi, nendimi, nevanhu.

38 Uye varanda vaMwari vachaenda, vachiti nezwi guru: Ityai Mwari uye mupe mbiri kwaari, nokuti nguva yekutonga kwake yauya;

39 Uye amunamatei akaita denga, nenyika, negungwa, nezvisipiti zvemvura—

40 Muchidaidza zita raIshe siku nesikati, muchiti; dai imi amaitsemura matenga, kuti mudzike pasi, kuti makomo ayerere nokuda kwekuvepo kwenyu.

41 Uye zvichapindurwa pamisoro yavo; nokuti kuvepo kwaIshe kuchaita semoto unonyungudutsa uri kubvira, uye semoto unoita kuti mvura aifashaire.

42 Ishe, muchauya pasi kuzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye ose marudzi achadedera pamberi penyu—

43 Pamunoita zvinhu zvinotyisa, zvinhu zvavasingatarisire;

44 Hongu, pamunouya pasi, uye makomo achayerera nokukuonai, amuchasangana naye uyo anofara uye anoshanda mukururama, uyo anokurangarirai nenzira dzenyu.

45 Nokuti kubvira kutanga kwenyika hakuna munhu ati ambonzwa kana kunzwisisa nenzeve, kana ziso ripi zvaro rati raona, Mwari, kunze kwenyu, kuti zvakakura sei zvinhu azvamakagadzirira uyo banomirira imi.

46 Uye zvichanzi: aNdiani iyeyu banouya pasi kubva kuna Mwari kudenga aine nhumbi dzeruvara; hongu, anobva kumatunhu asingazivikanwe, akapfeka nhumbi dzake dzinoshamisa, anofamba ari muhukuru hwesimba rake?

47 Uye achati: Ndini ndakataura mukururama, nesimba guru rekuponesa.

48 Uye Ishe vachange aine nhumbi atsvuku, uye nhumbi dzake dzakaita sedze uyo anotsika muchitsviniro chewaini.

49 Uye kubwinya kwekuvepo kwavo, kuchave kukuru zvekuti azuva richaviga chiso charo nokunyara, uye mwedzi uchadzima chiedza chawo, uye nyenyedzi dzichabva panzvimbo padzo.

50 Uye izwi ravo richanzwikwa: aNdatsika-tsika chisviniro chewaini ndega, uye ndaunza kutonga kune vose vanhu; uye hakuna vangevaineni;

51 Uye ndavatsika-tsika mukushatirwa kwangu, uye ndikavatsika muhasha dzangu, uye, ropa ravo andarimwaya panhumbi dzangu, uye ndikasvibisa mbatya dzangu dzose; nokuti iri range riri zuva rekutsinidza zvange zviri mumwoyo mangu.

52 Uye zvino gore revangu vakanunurwa rauya; uye vachataura rudo rwemwoyo waIshe vavo, uye nezvose izvo zvavakaisa pavari maererano nokunaka kwavo, uye nemaererano nerudo rwemwoyo munyoro wavo, nariini nariini.

53 aMukutambudzika kwavo kwose naivowo vakangavachitambudzwa. Uye ngirozi yekuvepo kwavo yakavaponesa; uye bmurudo rwavo, nemutsitsi dzavo, cvakavanunura, vakavasimudza, uye vakavatakura ose mazuva akare;

54 Hongu, anaEnokiwo, neavo vaive naye; vaporofita vaivepo asati avepo; bnaNoawo, neavo vaivepo asati avepo; cMosesiwo, neavo vaive asati avepo;

55 Uye kubva kuna Mosesi kusvika kuna Erija, uye kubvira kuna Erija kusvika kuna Johane, aive naKristu apakumuka kwake kuvakafa, nevaapositori vatsvene, naAbrahama, Isaka, naJakobo, vachave pane Gwayana.

56 Uye anemakuva bevatendi cachazururwa; uye vachauya uye vozomira dkurudyi rweGwayana, paachamira epaGomo reZioni, nepaguta dzvene, Jerusarema fIdzva; uye vachiimba grwiyo hrweGwayana, masikati nehusiku nariini nariini.

57 Uye nechikonzero ichi, kuti vanhu vaitwe vadyi avekubwinya kwaizoratidzwa, Ishe vakatumira kuzara bkwevhangeri ravo, chibvumirano chavo chisingaperi, vachitaura zviri pachena uye zvakajeka—

58 Kugadzirira avo vasina simba kuitira izvo zvinhu zvirikuuya panyika, uye kuitira nebasa raIshe muzuva iro avo avasina simba vachanyadzisa vakangwara, uye bvadiki voita rudzi rwakasimba, uye cvaviri vachakonzera kuti makumi ezviuru zvavo atize.

59 Uye nezvinhu zvisina simba zvenyika Ishe avachapura marudzi nesimba reMweya wavo.

60 Uye nechikonzero ichi, mirairo yakapihwa; yakarairwa kuti haifanire kuzivikanwa kunyika nezuva iroro rayakapihwa, asi zvino ayochienda kune bchenyama chose—

61 Uye izvi zviri maererano nepfungwa nechido chaIshe, uyo vanotonga yose nyama.

62 Uye kune uyo aanotendeuka uye bachizvichenesa pamberi paIshe achapihwa upenyu chwokusingaperi.

63 Uye kune avo avasingateerere kuizwi raIshe kuchazadzikiswa zvakanyorwa nemuporofita Mosesi, kuti bvachabviswa mukati mevanhu.

64 Uyewo neicho chakanyorwa nemuporofita aMaraki: Nokuti, tarisai, bzuva riri kuuya apo crichapisa sehovhoni, uye vose vanodada, hongu, uye vose vanokuita kwakaipa, vachave semashanga; uye musi uri kuuya uyu uchavapisa, vanodaro Ishe vehondo, zvekuti uchavasiya vasina mudzi kana bazi.

65 Nokudaro, iyi ndiyo ichave mhinduro yaIshe kwavari:

66 Muzuva iro randakauya kune vangu, hakuna munhu pakati penyu aakandigashira, uye mukatandaniswa.

67 Pandakadaidza zvakare hapana mumwe wenyu akapindura; asi aruoko rwangu rwakanga rwusina kana kupfupika zvekuti ndaitadza kununura, kunyangwe bsimba rangu rekuponesa.

68 Tarisai, nokutsiura kwangu andinoomesa gungwa. Ndinoita hova dzive marenje; hove dzacho dzinhuhwe, uye dzife nenyota.

69 Ndinopfekedza matenga kusviba, uye nokuita nhumbi dzemasaga chishongo chawo.

70 Uye aizvi ndizvo zvamuchawana kubva muruoko rwangu—mucharara pasi mukusuwa.

71 Tarisai, uye muone hakuna angakuponesei; nokuti hamuna kuteerera izwi rangu pandakakudaidzirai ndiri mumatenga; hamuna kutenda varanda vangu, uye apavakatumirwa kwamuri hamuna kuvagashira.

72 Nokudaro, avakasimbisa uchapupu uye vakasunga mutemo, uye imi mukaiswa murima.

73 Ava vachaenda kurima rekunze, uko kune akuchema, uye nokuwuwura, nekugeda-geda kwemeno.

74 Tarisai Ishe Mwari venyu vazvitaura. Ameni.