Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 109


Chikamu 109

Munamato wakaitwa pakupirwa kwetemberi yeKirtland, Ohio, musi wa27 Kurume 1836 (History of the Church, 2:420–426). Maererano nezvakanyorwa neMuporofita, munamato uyu wakapihwa kwaari mune zvakazarurwa.

1–5, Temberi yeKirtland yakavakwa senzvimbo yaizoshanyirwa neMwanakomana weMunhu; 6–21, Ichave imba yemunamato, kutsanya, rutendo, kudzidza, kubwinya, uye yakarongwa, nemba yaMwari; 22–33, Avo vasingade kutendeuka uye vachishora vanhu vaIshe ngavadziviswe; 34–42, Vatendi ngavaende nesimba kunounganidza vakarurama kuZioni; 43–53, Vatendi ngavabviswe muzvinhu zvakaipa zvichidirwa kune vakaipa mumazuva ekupedzisira; 54–58, Marudzi nevanhu machechi vagadzirire vhangeri; 59–67, MaJuda, maRamani, uye neIsraeri yose, vanunurwe; 68–80, Vatendi ngavapfekedzwe ngundu yokubwinya nerukudzo uye vagowana ruponeso rwokusingaperi.

1 aKutenda ngakuve kuzita renyu, Ishe Mwari waIsraeri, munochengeta bchibvumirano uye muchiratidza tsitsi kuvaranda venyu avo vanofamba vakatwasanuka pamberi penyu, nemwoyo yavo yose—

2 Imi makaudza varanda venyu kuti avavake imba muzita renyu munzvimbo ino (Kirtland).

3 Uye zvino murikuona Ishe, kuti varanda venyu vaita maererano nekutaura kwenyu.

4 Uye zvino tinokukumbirai, Baba Vatsvene, muzita raJesu Kristu, Mwanakomana wepaChipfuva chenyu, muzita rake murovaimo chete munogona kupihwa ruponeso kuvana vevanhu, tinokukumbirai, Ishe kuti mutambire aimba ino, bbasa remaoko edu, isu varanda venyu, iyo yamakatiraira kuti tivake.

5 Nokuti imi munoziva kuti takaita basa iri mukati mekutambudzika kukuru; uye muhurombo hwedu tapa zvatiinazvo kuti tikuvakirei aimba muzita renyu, kuti Mwanakomana weMunhu angawane nzvimbo yekuzviratidza kuvanhu vake.

6 Uye sekutaura kwamakaita mune achakazarurwa chakapihwa kwatiri, muchitidaidza kuti shamwari dzenyu, muchiti—Daidzai gungano renyu dzvene sezvandakakurairai;

7 Uye sezvo vasiri vose vane rutendo, tsvagai nokushingaira uye mudzidzisane mazwi eungwaru; hongu, tsvagai mumabhuku akanaka mazwi eungwaru, tsvakai kudzidza kunyangwe nokudzidza zvakadzama uyewo nerutendo;

8 Zvirongei pachenyu; gadzirirai chose chinhu chinodiwa, uye momisa imba, kunyangwe imba yemunamato, imba yekutsanya, imba yerutendo, imba yekudzidza, imba yekubwinya, imba yakarongeka, imba yaMwari;

9 Kuti kupinda kwenyu kuve muzita raIshe, kuti kubuda kwenyu kuve muzita raIshe, kuti kukwazisana kwenyu kwose kuve muzita raIshe, nemaoko akasimudzirwa kune vari Kumusoro-soro—

10 Uye zvino, Baba Mutsvene, tinokumbira kuti mutiyamure, vanhu venyu, nenyasha dzenyu, mukudaidza gungano redu dzvene, kuti zviitwe mukukudzwa kwenyu nekugamuchirwa kwenyu kutsvene;

11 Uye mutowo inoita kuti tiwanikwe tiri vanokodzera mumaziso enyu, kuti tiwane kuzadzikiswa akwezvisimbiso zvamakaita kwatiri vanhu venyu, mune zvakozarurwa zvakapihwa kwatiri;

12 Kuti akubwinya kwenyu kudzike pavanhu venyu, uye nepano paimba yenyu, iyo yatave zvino kukumikidza kwamuri kuti icheneswe nekuti iitwe tsvene uye kuti hutsvene hwenyu hurambe huri mumba ino;

13 Uye kuti vanhu vose vachapinda nepasuwo remba yaIshe vagonzwa simba renyu, uye vagonzwa vachidikanwa kuti vabvume kuti makaichenesa, uye kuti imba yenyu, inzvimbo yehutsvene hwenyu.

14 Uye chibvumirai Baba Vatsvene, kuti vose avo vachanamata mumba muno vagodzidziswa mazwi eungwaru anobva mumabhuku akanaka, uye kuti vagotsvaka kudzidza kunyangwe nokuverenga, uyewo nerutendo, sekutaura kwamakaita;

15 Uye kuti vagokura varimamuri, uye vagogashira kuzara kweMweya Mutsvene, uye vagoronga maererano nemitemo yenyu, uye vagogadzirira kuwana chose chinhu chinodiwa;

16 Uye kuti imba ino ive imba yemunamato, imba yokutsanya, imba yerutendo, imba yokubwinya uye neyaMwari, kunyangwe imba yenyu;

17 Kuti kupinda kwose kwevanhu venyu mumba ino, kuve muzita raIshe;

18 Kuti kubuda kwavo kwose mumba muno kuve muzita raIshe;

19 Uye kuti kwose kukwazisana kwavo kuve muzita raIshe, nemaoko matsvene, akasimudzirwa kune vePamusoro-soro;

20 Uye hakuna chinhu achisina kuchena chichabvumirwa kuuya mumba menyu kuzoisvibisa;

21 Uye kana vanhu vatadza, ani zvake wavo, vanogona kutendeuka nokukurumbidza uye vachibva vadzokera kwamuri, uye vagowana kudiwa mumaziso enyu, uye vagodzorerwa kumaropafadzo ayo amakagadza kuti agodirwa pane avo avachakukudzai mumba menyu.

22 Uye tinokukumbirai Baba, Vatsvene, kuti varanda venyu vabve mumba muno vave nesimba renyu uye kuti zita renyu rive pavari, uye angirozi dzenyu dzivatarise;

23 Uye kubva pane ino nzvimbo ngavatakure mazwi makuru kwazvo akanaka, muchokwadi, kusvika akumagumo kwenyika, kuti vagoziva kuti iri ibasa renyu, kuti imi makaisa ruoko rwenyu, kuzadzisa izvo zvamakataura nemiromo yevaporofita, pamusoro pamazuva ekupedzisira.

24 Tinokukumbirai Baba Vatsvene, kuti mumise vanhu avo vachanamata, nekubata neruremekedzo zita renyu uye vachimira muimba yenyu iyi, kuzvizvarwa zvose nokokusingapere;

25 Kuti hakuna chombo achinoitirwa kuvarwisa chichabudirira; kuti uyo achavacherera bgomba, iye ndiye achawira mariri;

26 Kuti hakuna chirango chezvakaipa chichawana simba rekumukira achikakurira vanhu venyu avo vachaiswa bzita renyu pavari mumba muno;

27 Uye kana vanhu vapi zvavo vakamukira vanhu ava, kuti hasha dzenyu dzitungidzwe kurwisana navo;

28 Uye kana vakarova vanhu ava imi muchavarova; imi mucharwira vanhu venyu sezvamakaita muzuva rehondo, kuti vabviswe mumaoko evavengi vose vavo.

29 Tinokukumbirai Baba Vatsvene, kanganisai, nokushamisa, uye muunze pakunyadzisa uye nokusaziva, vose avo vakaparadzira zvekunyepa kure, munyika, pamusoro pemuranda wenyu kana varanda venyu, kana vasingatendeuke apo vhangeri risingaperi richataurwa munzeve dzavo;

30 Uye kuti mabasa avo ose ashaye basa, uye ayeredzwe anechivhuramahwe, uye nezvirango zvamunenge matumira kwavari mukushatirwa kwenyu, kuti kuve nekuguma bkwekunyepa nekutaura zvakaipa pamusoro pavanhu venyu.

31 Nokuti imi munoziva Ishe, kuti varanda venyu vanga vasina mhosva pamberi penyu mukupupura zvezita renyu, ririiro raita kuti vatambudzike muzvinhu izvi.

32 Nokudaro, tinokumbira pamberi penyu kuti mutibvise zvizere uye zvachose pasi apejoki iri;

33 Rityorei Ishe, rityorei ribve mumitsipa yevaranda venyu nesimba renyu, kuti tigosimuka pakati pechizvarwa chino uye tichiita basa renyu.

34 Jehova ivai netsitsi pamusoro pevanhu ava, uye sezvo vanhu vose avachitadza regererai kutadza kwevanhu venyu, uye muite kuti zvibvazvadzimwa zvachose.

35 Itai kuti akuzodzwa kwevafundisi venyu chive chisungo pavari nesimba rinobva kumusoro.

36 Ngazvizadziswe pavari, sezvakaitika pane avo musi wePentekosta; chipo achendimi ngachidirwe muvanhu venyu, kunyange rurimi rwune bmhaswa kunge moto urikubvira, nokududzira kwacho.

37 Uye imba yenyu ngaizadzwe seyazadzwa nemhepo, kuri akubwinya kwenyu.

38 Isai pavaranda venyu auchapupu hwechibvumirano, kuti kana voenda kunze kunoshambadza izwi renyu bvasimbise mutemo, uye mugadzirire mwoyo yevatendi venyu zvirango zvose izvo zvamavekuda kutumira mukushatirwa kwenyu, kuvagari cvemunyika pamusana pekutadza kwavo, kuti vanhu venyu vasakundwe muzuva redambudziko.

39 Uye guta ripi zvaro richapindwa nevaranda venyu, uye vanhu veguta iroro vagogashira uchapupu hwavo, itai kuti runyararo rwenyu neruponeso rwenyu rwuve muguta iroro; kuti vagounganidza kubva muguta iroro vakarurama, kuti vagouya akuZioni kana kuhoko dzayo, nzvimbo dzamakadoma imi, nenziyo dzerufaro rwusingapere;

40 Uye kusvika izvi zvaitwa, musaite kuti kuranga kwenyu kuwire guta iroro.

41 Uye guta ripi zvaro richapindwa nevaranda venyu, uye vanhu veguta iroro vagosagashira uchapupu hwevaranda venyu, uye varanda venyu vavayambire kuti vazviponese kubva kuchizvarwa chino chakaipa, regai zviitike kuguta iroro maererano nezvakataurwa nemiromo yemaporofita enyu.

42 Asi nunurai imi Jehova, tinokukumbirai nemwoyo yose, varanda venyu kubva mumaoko avo, uye movachenesa kubva muropa ravo.

43 Ishe, hatifare nokuparadzwa kwevamwe vedu; amweya yavo inokosha pamberi penyu;

44 Asi izwi renyu rinofanira kuzadzikiswa. Yamurai varanda venyu kuti vataure, vachiyamurwa anenyasha dzenyu; Kuda kwenyu ngakuitike Ishe, kwete kwedu.

45 Tinoziva kuti makataura nemiromo yevaporofita enyu zvinhu zvinotyisa pamusoro pevakaipa mumazuva aekupedzisira—kuti muchadira zvirango zvenyu zvisina mwero;

46 Naizvozvo Ishe, bvisai vanhu venyu mudambudziko revakaipa; itai varanda venyu vagone kusimbisa mutemo, uye nokusunga uchapupu, kuti vagove vakagadzirira zuva rekutsva.

47 Tinokukumbirai Baba Vatsvene, kuti murangarire avo vakabviswa nevagari veruwa rweJackson, Missouri, munyika dzenhaka yavo, uye mutyore Ishe, joki iri rekutambudzwa rakaiswa pavari.

48 Imi munoziva Ishe, kuti vakadzvinyirirwa zvikuru uye nokutambudzwa nevanhu vakaipa; uye mwoyo yedu aizere nokusuwa pamusana pekunetsa kwemitoro yavo.

49 Ishe, kusvika ariini muchibvumira vanhu kuti vatakure kutambudzika uku, uye nokuchema kwevasina mhosva avo kuti kusvike munzveve dzenyu, uye bropa ravo richiuya sekupupura pamberi penyu, imi mukasaita chiratidzo cheuchapupu hwenyu pamusoro pavo?

50 Ivai anetsitsi Ishe, kune chikwata chakaipa, ichochakabvisa vanhu venyu, kuti chirege kuparadza, kuti chigotendeuka muzvivi zvacho, kana kutendeuka kuchikwanisa kuwanikwa;

51 Asi kana vasingade, isai ruoko rwenyu pachena Ishe, uye amununure icho chamakadoma kuti chive Zioni kuvanhu venyu.

52 Uye kana zvisingagone kuitika nepamwe, kuti basa revanhu venyu risakundikane pamberi penyu hasha dzenyu ngadzitungidzwe, uye kushatirwa kwenyu ngakuvawire, kuti vayeredzwe, zvose mudzi nebazi zvibve pasi pedenga;

53 Asi kana vari vanotendeuka, imi mune nyasha netsitsi, uye munobvisa hasha dzenyu kana matarisa chiso cheMuzodzwa wenyu.

54 Ivai netsitsi Ishe, kumarudzi ose epasi, ivai netsitsi kuvatongi venyika yedu; mitemo iyo yakadzivirirwa zvakarurama, uye zvakatwasuka kudaro inova, aBumbiro reMitemo renyika yedu, nemadzibaba edu, ivepo nariini.

55 Rangarirai madzimambo, machinda, vanoremekedzwa, uye navakuru vepasi, uye nevanhu vose nechechi dzose, vose varombo, vanoshaya, nevanotambudzika vepasi;

56 Kuti mwoyo yavo ipfave kana varanda venyu voenda kubva mumba menyu Jehova, kunopupura zita renyu; kuti kutonga kusina mwero kwavo kusiire mukana akuchokwadi, uye kuti vanhu venyu vave vanowana kufarirwa mumaziso evose;

57 Kuti kumiganhu yose yepasi igoziva kuti isu, varanda venyu, atakanzwa izwi renyu, uye takatumwa nemi;

58 Kuti kubva pakati pevose ava varanda venyu, vanakomana vaJakobo, vangaunganidze vakarurama kuti vavake guta dzvene kuzita renyu, sekuvataurira kwamakaita.

59 Tinokukumbirai kuti mudomere Zioni dzimwe ahoko pamusoro peiyi yamakadoma, kuti bkuungana kwevanhu venyu kufambe nesimba guru nokukudzwa, kuti basa renyu riitwe cnokukurumbidza nemukururama.

60 Zvino mazwi aya Ishe, atataura pamberi penyu, pamusoro pezvakazarurwa uye nemirairo izvo zvamakatipa, isu tinobatanidzirwa akumaJentairi.

61 Asi imi munoziva kuti mune rudo rukuru kuvana vaJakobo, avo vakapararira mumakomo kwenguva refu, nezuva remakore nererima.

62 Nokudaro, tinokukumbirai kuti muve netsitsi pavana vaJakobo, kuti aJerusarema, kubvira panguva ino itange kununurwa;

63 Uye joki rehusungwa ritange kutyoka kubva mumba amaDavidi;

64 Uye vana avaJuda vatange kudzokera bkunyika dzamakapa kuna Abrahama, baba wavo.

65 Uye muite kuti avakasara vaJakobo, avo vakashurikidzwa uye vakarohwa pamusana pekutadza kwavo, bvadzorwe kubva mukugara kwavo kwehubhinya nekupenga, vapinde mukuzara kwevhangeri risingaperi;

66 Kuti vagoisa pasi zvombo zvavo zvekudeura ropa, uye varege kupanduka kwavo.

67 Uye vose vakasara vakapararira aveIsraeri, avo vakatinhirwa kumagumo epasi, vauye paruzivo rwechokwadi, vatende muna Mesia, uye vagonunurwa mukudzvinyirirwa, uye vagofara pamberi penyu.

68 Ishe, rangarirai muranda wenyu Joseph Smith, Mwana, nekwose kutambudzwa kwake nekunetswa—akubvumirana kwaakaita bnaJehova, uye akatsidza kwamuri, Samasimba Mwari vaJakobo—nemirairo yamakapa kwaari, uye nokuti ayedza nemwoyo wake wose kuita kuda kwenyu.

69 Ivai netsisi Ishe kumukadzi wake nevana kuti vagosimudzwa pamberi penyu uye vagochengetedzwa neruoko rwenyu rwekurera.

70 Ivai netsitsi kune avo vose avepedyo navo, kuti kufungira kwavo kutyorwe kutsvairwe kunge kwatorwa nemvura; kuti vadzorwe uye vagonunurwa pamwechete neIsraeri, uye vagoziva kuti muri Mwari.

71 Rangarirai Ishe, vatungamiri, kunyangwe vose vatungamiri vechechi yenyu, kuti ruoko rwenyu rwerudyi rwuvasimudze, nemhuri dzavo dzose, uye neavo vepedyo navo, kuti mazita avo arambe aripo uye ari mukuyeukwa kusingaperi chizvarwa nechizvarwa.

72 Rangarirai chechi yenyu yose Ishe, nemhuri dzavo dzose, uye neavo varipedyo navo, nevarwere vavo vose uye nevanotambudzika, pamwechete nevarombo vose nevakazvirereka vemunyika; kuti aumambo, uhu hwamakavaka musina kubata neruoko, huve gomo guru uye rinozadza pasi rose;

73 Kuti chechi yenyu ingauye ichibuda murenje rerima, uye rigopenya nekuchena asemwedzi rigojekesa sezuva, uye richityisa semauto ane mireza.

74 Uye izoshongedzwa semwenga kuitira zuva ramuchazarura chidzitiro matenga, uye muchiita kuti makomo aayerere pamberi penyu, uye bnhika dzichisimudzwa, nzvimbo dzine man’a dzichikwenenzverwa; kuti kubwinya kwenyu kuzadze pasi;

75 Kuti kana hwamanda yoridzirwa vakafa, atichabatwa mugore kuti tisangane nemi, kuti tizogara nariini tiina Ishe;

76 Kuti nhumbi dzedu dzive dzakachena, kuti tigopfekedzwa anguwo dzehururami nemichindwi mumaoko edu, uye bnekorona dzekubwinya pamisoro yedu, uye tigokohwa crufaro rwokusingaperi dmukutambudzika kwedu kwose.

77 Ishe Mwari Samasimba, tinzwei mukuchema kwedu, uye mutipindure kubva kudenga, nzvimbo yenyu yamunogara tsvene, kwamunogara pachigaro cheumambo, amuinokubwinya, kukudzwa, simba, kuremekedzwa, kushinga, kutonga, chokwadi, kuenzanisa, zvirango, tsitsi, uye nokuzara kusingapere, kubva kusingaperi kusvika kusingapere.

78 Inzwai, inzwai, inzwai Ishe! Uye mupindure zvichemo izvi, uye mutambire kukumikidzwa kwemba iyi kwamuri, basa remaoko edu, iyo yatavakira zita renyu.

79 Uyewo nechechi ino, kuti tiise pairi zita renyu. Uye mutiyamure nesimba reMweya wenyu, kuti tiimbe mazwi edu achisangana aneemaserafu ayo anopenya akachena akatenderedza chigaro cheumambo hwenyu, tichisheedzera kurumbidza tichiti Hosana kuna Mwari bneGwayana!

80 Uye regai vakazodzwa venyu, avapfekedzwe neruponeso uye vatendi venyu vadaidzire zvikuru nerufaro. Ameni neAmeni.