Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 90


Chikamu 90

Zvakazarurwa kuna Joseph Smith Muporofita, zvakapihwa paKirtland, Ohio, 8 Kurume 1833 (History of the Church, 1:329–331). Chakazarurwa chino chinhanho chinoenderera mukumiswa kweHutungamiri Hwekutanga (tarisai misoro yenyaya muchikamu 81); nokudaro vatevedzeri vakataurwa vakagadzwa musi wa18 Kukadzi 1833.

1–5, Makiyi eumambo anopihwa kuna Joseph Smith uye kuburikidza naye kuChechi; 6–7, Sidney Rigdon naFrederick G. Williams vanofanira kushanda muHutungamiri Hwekutanga; 8–11, Vhangeri rinofanira kuparidzwa kumarudzi eIsraeri, kuvaJentairi, uye nekumaJuda, wose munhu achizvinzwira mururimi rwake; 12–18, Joseph Smith nevatevedzeri vake vanofanira kuronga Chechi; 19–37, Vanhu vakasiyana vanorairwa naIshe kuti vafambe zvakatwasanuka uye nokushandira muumambo hwavo.

1 Vanodaro Ishe, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri mwanakomana wangu, zvitadzo zvako wazviregererwa, maererano nekuchema kwako, nokuti minamato yako neminamato yehama dzako yakwira kunzeve dzangu.

2 Nokudaro iwe waropafadzwa, kubvira zvino iwe wakatakura makiyi eumambo akapihwa kwauri; huri umambo huri kuuya kwenguva yekupedzisira.

3 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, makiyi eumambo huno haazombotorwa kubva kwauri, kana uchinge uri panyika, kana munyika ichauya;

4 Zvisinei, kuburikidza newe zvitaurwa zvichapihwa kune mumwe, hongu, kunyangwe kuchechi.

5 Uye vose vanogashira mashoko aMwari, ngavachenjere kuti vanoabata sei potse vangangoaita kuti aonekwe sechinhu chisina basa, uye vakaunzwa pasi pekutongwa nekuda kwaizvozvo, uye vakagumburwa uye vakapunzika panouya dutu, nemhepo ichivhuvhuta, uye mvura yonaya, nekurova pamba pavo.

6 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kuhama dzako, Sidney Rigdon naFrederick G. Williams, zvitadzo zvavo zvaregererwawo, uye vanoverengwa sevakaenzana newe mukubata makiyi eumambo huno hwekupedzisira;

7 Zvimwechetewo kuburikidza nokutungamira kwako makiyi echikoro chevaporofita icho chandati chirongwe;

8 Kuti naizvozvo vaitwe vakakwana muhushumiri hwavo kuitira ruponeso rweZioni, uye nekwemarudzi eIsraeri, uye nerwevaJentairi, nehuwandu hwavachatenda;

9 Kuti nokuburikidza nekutungamira kwako vagashire shoko, uye kuburikidza nekutungamira kwavo shoko riende kumiganhu yepasi, kutanga kumaJentairi, uye zvino tarisai, uye muone, vachapindukira kuma Juda.

10 Uye zvino kwouya zuva iro ruoko rwaIshe rwucharatidzwa musimba mukupwisa marudzi, marudzi emaHedheni, imba yaJosefa, nezvevhangeri reruponeso rwavo.

11 Nokuti zvichaitika kuti muzuva iroro, kuti munhu wose achanzwa kuzara kwevhangeri mururimi rwake, uye nemumutauro wake, kuburikidza nekune avo vakagadzwa kusimba iri, nokutungamira kwaMweya Munyaradzi, vadurirwa pavari kuitira kuburitswa pachena kwaJesu Kristu.

12 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo kuti murambe muri muhushumiri nehutungamiri.

13 Uye kana muchinge mapedza kududzira zvavaporofita, munobva mabvira ipapo kutungamira nyaya dzechechi nedzechikoro;

14 Uye kubva nguva nenguva, sezvicharatidzwa naMweya Munyaradzi, muchagashira zvakazarurwa zvinopetenura zvakavanzika zveumambo.

15 Uye nokuronga chechi, uye kuverenga nokudzidza, uye nokuziva ose mabhuku akanaka, uye nemitauro, nendimi, nevanhu.

16 Uye iri ndirorichave basa renyu uye nechinangwa muupenyu hwenyu mose, kutungamira dare, uye nokuronga dzose nyaya dzechechi ino neumambo.

17 Musanyare, kana kunyadziswa, asi tsiurwai mukuzvida uye nekuzvikudza kwenyu kwose, nokuti zvinounza kuteiwa pamweya yenyu.

18 Rongai dzimba dzenyu, isai kure nemi nungo netsvina.

19 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ngakuve nenzvimbo inorongwa, nokukurumidza, kuitira mhuri yemutevedzeri wako nemunyori, kunyangwe Frederick G. Williams.

20 Uye regai muranda wangu akwegura Joseph Smith, Baba, arambe aine mhuri yake panzvimbo paarikugara iyezvino; uye haifanire kutengeswa kudakara muromo waIshe wataura.

21 Uye regai mutevedzeri wangu, kunyangwe Sidney Rigdon, arambe ari paagere iye zvino kudakara muromo waIshe wataura.

22 Regai bhishopi atsvake nesimba kuti awane mumiririri, uye ngaave munhu ane upfumi hwakaunganidzwa—munhu waMwari, uye werutendo rwakasimba—

23 Kuti naizvozvo agove anokwanisa kuripa chose chikwereti, kuti imba yekuchengetera yaIshe isave inoshorwa pamberi pevanhu.

24 Shingirirai kutsvaga, namatai nguva dzose, uye muve munotenda, uye zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kukupundutsai, kana mukafamba makatwasanuka uye muchirangarira chibvumirano icho chamakabvumirana.

25 Regai mhuri dzenyu dzive diki, kunyanya yemuranda wangu akwegura Joseph Smith, Baba, semaererano neavo vasiri vemhuri dzenyu;

26 Kuti izvo zvinhu zvamunopihwa, kuti basa rangu riitwe zvirege kutorwa kwamuri uye zvichipihwa kune avo vasingakodzere—

27 Uye naizvozvo motadziswa kuita izvo zvinhu zvandakakurairai kuti muite.

28 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chido changu kuti murandakadzi wangu Vienna Jaques anofanira kugashira mari yekumuyamura, uye kuti akwire kuenda kunyika yeZioni;

29 Uye mari inosara inogona kutsaurirwa kwandiri, uye iye ozopihwa mubairo nenguva yangu.

30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti zvakanaka mumaziso angu kuti anofanira kukwira kuenda kunyika yeZioni, uye kuti agogashira nhaka kubva muruoko rwabhishopi;

31 Kuti agogara murunyararo sekutendeka kwaanenge akaita, uye asave nenungo mumazuva ake kubvira ipapo.

32 Uye tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti muchanyora murairo uyu, uye moti kuhama dzenyu muZioni, murudo muchikwazisana, kuti ndakudaidzaiwo zvakare kuti mutungamire Zioni munguva yangu kana yakwana.

33 Naizvozvo, ngavarege kundinetsa pamusoro penyaya iyi.

34 Tarisai, ndinoti kwamuri, hama dzenyu dziri muZioni dzatanga kutendeuka, uye ngirozi dzinofara pamusoro pavo.

35 Zvisinei, handina kunyatsofadzwa nezvinhu zvakawanda; uye handinyatsofadzwa nemuranda wangu William McLellin, kana nemuranda wangu Sidney Gilbert; uye kana bhishopiwo, uye vamwe vane zvinhu zvizhinji zvavakafanira kutendeuka kwazviri.

36 Asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti ini Ishe, ndichanetsana neZioni, uye ndigonyengetedzana nevakasimba vayo, uye ndigoiranga kudakara yakunda uye yachena pamberi pangu.

37 Nokuti haizobviswa munzvimbo mayo. Ini Ishe, ndazvitaura. Ameni.