Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 82


Chikamu 82

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, muRuwa rweJackson, Missouri, 26 Kubvumbi 1832 (History of the Church, 1:267–269). Zuva iri raive zuva rekusangana kwedare reChechi umo Joseph Smith Muporofita akatsigirwa seMutungamiri weHupirisita Hwepamusoro, chinzvimbo ichi chiri chaakanga ambogadzwa pamusangano wevapirisita vepamusoro, magosa, nenhengo, paAmherst, Ohio, musi wa25 Ndira 1832 (onai musoro wenyaya wechikamu 75). Pekutanga mazita asiri emazuva ose akashandiswa mukushambadzwa kwezvakazarurwa zvino kuvanza vanhu vaitaurwa (ona musoro wenyaya wechikamu 78).

1–4, Panopihwa zvakawanda, panodiwa zvakawanda; 5–7, Rima rinotonga munyika; 8–13, Ishe vanosungirwa kana tichiita zvavanotaura;14–18, Zioni inofanira kukura murunako, nemuhutsvene; 19–24, Wose munhu anofanira kutsvaka zvinofadza muvakidzani wake.

1 Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, varanda vangu, kuti sezvo muchinge maregererana kutadzirana kwenyu, kunyangwe saizvozvo, ini Ishe, ndinokuregererai.

2 Zvisinei, kune avo pakati penyu vakatadza zvakapfuuridza; hongu, kunyangwe mose imi makatadza, asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chenjerai kubvira zvino, uye murege chitema, potse kutongwa kunorwadza kungawire pamisoro yenyu.

3 Nokuti kubva kune uyo anopihwa zvizhinji kunodiwawo zvizhinji; uye uyo anotadzira chiedza chikuru achagashirawo kurangwa kukuru.

4 Imi munodaidza zita rangu kuti muwane zvakazarurwa, uye ini ndinozvipa kwamuri; sekutadza kuchengeta kwamunoita zvirevo zvangu, izvo zvandinopa kwamuri, munobva mave vatadzi; uye kuenzanisa nekutonga ndichochirango chakaiswa pamutemo wangu.

5 Nokudaro, chandinotaura kumumwechete, ndinochitaura kune vose: Garirirai, nokuti muvengi ari kuparadzira hutongi hwake nerima rinotonga;

6 Uye kushatirwa kwaMwari kunotungidzwa pamusoro pevagari vepasi; uye hakuna anoita zvakanaka, nokuti vose vakaenda kunze kwenzira.

7 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, handikupei mhosva yechitadzo chipi zvacho; endai musazotadzazve; asi kune mweya uyo unotadza, zvivi zvakare zvichadzoka, vanodaro Ishe Mwari venyu.

8 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo mutsva, kuti munzwisise chido changu pamusoro penyu;

9 Kana kuti, nemamwe mazwi, ndinokupai maitirwo ekuti munoita sei pamberi pangu, kuti zvigotendeukira kwamuri mukuponeswa kwenyu.

10 Ini Ishe, ndakasungirwa kana muchiita zvandinotaura asi kana musingaite zvandinotaura, hamuna chivimbiso.

11 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvakafanira kuti varanda vangu Edward Partridge naNewel K. Whitney, A. Sidney Gilbert naSidney Rigdon, nemuranda wangu Joseph Smith, naJohn Whitmer naOliver Cowdery, naW. W. Phelps naMartin Harris vasungirwe pamwechete nechisungo nechibvumirano chisingagone kutyorwa nekutadza, kunze chete kwekuti kutongwa kuchatevera pakarepo, muhutariri hwenyu hwakasiyana-siyana—

12 Kutarisa nyaya dzevarombo, uye nezvinhu zvose zviri maererano nezvehubhishopi kwose munyika yeZioni nemunyika yeKirtland;

13 Nokuti ndakapira nyika yeKirtland munguva yangu yandakatara kuitira kupundutswa kwevatendi veUyo aripamusoro-soro, uye kuti ive hoko kuZioni.

14 Nokuti Zioni yakafanira kukura murunako, nemuhutsvene; miganhu yayo yakafanira kukudzwa; hoko dzayo dzinofanira kusimbiswa; hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Zioni inofanira kusimuka uye igoshonga nhumbi dzayo dzakanaka.

15 Naizvozvo, ndiri kupa kwamuri murairo uyu kuti muzvisunge nechibvumirano ichi uye zvichaitwa zviri maererano nemitemo yaIshe.

16 Tarisai, houno ungwaru zvakare mandiri kuti zvinakire imi.

17 Uye muchave makaenzana, kana nemamwe mazwi, muchafanira kuve nemugove wakafanana mumidziyo, kuti muyamurike pakuita basa rehutariri hwenyu, munhu wose maererano nezvaanoda nezvaanoshaya, zvichienderana nekuti zvaanoda zvakarurama—

18 Zvose izvi zviri zvinoyamura chechi yaMwari mupenyu, kuti munhu wose avandudzire chipo chake, kuti wose munhu agowana mamwe matarenda, hongu, kunyangwe zvakapetwa kazana, kuti zvikandwe muimba yekuchengetera yaIshe, kuti zvive zvechechi dzose—

19 Wose munhu achitsvaga zvakanakira muvakidzani wake nekuiita zvose zvinhu neziso rakanangana nokubwinya kwaMwari.

20 Hurongwa uhu ndahudoma kuti huve hurongwa husingaperi kwamuri, nekune vachakuteverai, kana musingazotadza.

21 Uyo mweya uchatadzira chibvumirano chino, uchiomesa mwoyo wawo kwachiri, uchatongwa maererano nemitemo yechechi yangu, uchaiswa mukunetswa naSatani kusvika zuva rerununuro.

22 Zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uye uhu huri ungwaru, itai ushamwari neveupfumi hwekusarurama, uye havazokuparadzai.

23 Siyai kutonga kwega kuineni, nokuti ndekwangu uye ndinoripira. Runyararo ngarwuve nemi, maropafadzo angu arambe ainemi.

24 Nokuti kunyangwe izvozvi umambo ndehwenyu, huchave nariini, kana mukasapunzika kubva pakushingirira kwenyu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.