Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 77


Chikamu 77

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, muna Kurume 1832 (History of the Church, 1:253–255). Muporofita akanyora, “Maererano nenyaya yekududzira Magwaro matsvene, ndakagashira kutsanangura kunotevera kweZvakazarurwa zveMutendi Johane” (History of the Church, 1:253).

1–4, Mhuka dzine mweya uye dzichagara mukufara kwokusingaperi munyika yokusingaperi; 5–7, Nyika ino ine guva inoguma yekuvepo yezviuru zvinomwe zvemakore; 8–10, Ngirozi dzakasiyana-siyana dzinodzorera vhangeri pakare uye dzichishumira panyika; 11, Kusimbiswa kwevane zana nemakumi mana ane mana ezviuru; 12–14, Kristu anouya mukutanga kwechiuru chechinomwe chemakore; 15, Maporofita vaviri vachamutswa murudzi rwemaJuda.

1 Mubvunzo. Chiiko chinonzi gungwa regirazi rinotaurwa naJohane, muchitsauko chechina, uye nemundima yechitanhatu muna Zvakazarurwa?Mhinduro. Inyika, yacheneswa, isisafe, uye yave yokusingaperi.

2 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa nezvemhuka ina, dzinotaurwa mundima imwecheteyo?Mhinduro. Mifananidzo inoshandiswa mukutaura. Yakashandiswa neMuzaruri Johane, mukutsanangura denga, paradhiso yaMwari, rufaro rwemunhu, uye nekwemhuka, uye nekwezvinhu zvinokambaira, uye nekweshiri dzemudenga; icho chemweya chiri chinofananidzwa neicho chenyama; uye icho chenyama chichifananidzwa nechecho chemweya, mweya wemunhu uchifananidzwa nezvaari, zvimwechetezvo nemweya wemhuka, uye nechimwe chose chisikwa chakasikwa naMwari.

3 Mubvunzo. Mhuka ina idzi dzakangozvimirira idzo chete here, kana kuti dzakamirira zvikwata kana marongerwo?Mhinduro. Dzinongove mhuka ina idzodzo, idzo dzakaratidzwa Johane, kuti dzimirire hukuru hwemapoka ezvisikwa muhurongwa kana kuti nzvimbo dzakatarwa dzekusikwa kwadzo, mukunakirwa kwadzo murufaro rwadzo kwokusingaperi.

4 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa nemaziso nemapapiro, aive nemhuka idzi?Mhinduro. Maziso adzo akamirira chiedza neruzivo, kureva kuti, dzizere neruzivo; uye mapapiro adzo anomirira simba rekufamba, nekuita, nezvimwe zvakadaro.

5 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa nezvemagosa mana nemakumi maviri, akaturwa naJohane?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti magosa aya akaonekwa naJohane, magosa akanga akatendeka mubasa rehushumiri uye vari vakafa; vakanga vari chechi nomwe, uye vakange zvino vave muparadiso yaMwari.

6 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvebhuku iro rakaonekwa naJohane, iro rakanga rakanamwa nezvidzivo zvinomwe?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti rine chido chakazarurwa, zvakavanzika, uye nemabasa aMwari; zvinhu zvakavigwa zvehurongwa hwake huri maererano nepasi pano munguva yezviuru zvinomwe zvemakore iripa nyika, kana kuti nguva yekuve pano kwayo.

7 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva pamusoro pezvidziwo zvinomwe zvarakanamwa nazvo?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti chidziwo chekutanga chine zvinhu zvechiuru chekutanga chemakore, uye chechipiri naichowo chine zvinhu zvechiuru chemakore chechipiri, zvichidaro kudakara mune chechinomwe.

8 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvengirozi ina, idzo dzinotaurwa muchitsauko chechinomwe uye mundima yekutanga yeZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti ingirozi ina dzakatumwa kubva kuna Mwari, dziri idzo dzakapihwa simba pamusoro pemativi mana enyika, kuchengeta upenyu uye nokuparadza; idzodzi ndidzo dzine vhangeri risingaperi rekuparidzirwa kumarudzi ose, nemadzinza, nendimi, nevanhu, dziine simba rekuzarira matenga, kudzika mhiko muupenyu, kana kukanda pasi kumatunhu erima.

9 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvengirozi iri kukwira kubva kumabvazuva, chitsauko chechinomwe cheZvakazarurwa ndima yechipiri?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti ngirozi iri kukwira ichibva nechekumabvazuva, ndiyo inopihwa chisimbiso chaMwari vapenyu pamusoro pemarudzi gumi nemaviri eIsraeri; nokudaro, inodaidzira kungirozi ina dzine vhangeri rekusingaperi, ichiti: Musarwadzise nyika, kana gungwa, kana miti, kudakara taisa chisimbiso pavaranda vaMwari vedu, pamhanza dzavo. Uye kana muchida kuzvigashira, ndiye Eria aizouya kuzounganidza pamwechete marudzi aIsraeri uye nokudzorera pakare zvose zvinhu.

10 Mubvunzo. Inguva ipi ichaitika zvinhu zviri kutaurwa muchitsauko chino?Mhinduro. Zvichaitika mugore rechiuru chechitanhatu, kana kuti mukuzururwa kwechidziwo chechitanhatu.

11 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvechisimbiso chakaiswa pazana nezviuru zvine makumi mana nemana kubva kumarudzi ose aIsraeri, zviuru gumi nezviviri kubva kurudzi rwega-rwega?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti avo vanosimbiswa vapirisita vepamusoro, hutsvene hwaMwari, kuparidza vhangeri risingaperi, nokuti ivava ndivovanogadzwa kubva mumarudzi ose, nemadzinza, nendimi, uye nevanhu, nengirozi idzo dzinopihwa simba pamusoro pemarudzi epanyika, kuunza vose vanouya kuchechi yeDangwe.

12 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvekuridzwa kwehwamanda, iyo inotaurwa muchitsauko chesere cheZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti sezvo Mwari vakaita nyika mumazuva matanhatu, uye muzuva rechinomwe vakapedza basa ravo, uye vakariita dzvene, uyewo vakaita munhu kubva muvhu renyika, kana saizvozvo, mukutanga kwechiuru chemakore chechinomwe ndipo Ishe Mwari pavachaita nyika kuti ive tsvene, uye nokupedzisa ruponeso rwevanhu, uye kutonga zvinhu zvose, agodzikinura zvinhu zvose, kunze kwechocho chavanenge vasina kuisa musimba ravo, apo pavanenge vasimbisa zvose zvinhu, mukupera kwezvinhu zvose; uye nokuridzwa kwehwamanda dzengirozi nomwe ndikokugadzirira uye nokupedzisa kwebasa ravo, mukutanga kwechiuru chemakore chechinomwe—kugadzirirwa kwenzira nguva yekuuya kwavo isati yasvika.

13 Mubvunzo. Zvinhu izvi zvichaitika riini zvanyorwa muchitsauko chepfumbamwe cheZvakazarurwa?Mhinduro. Zvichaitika mushure mekuzururwa kwechidziwo chechinomwe, Kristu asati auya.

14 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvekabhuku kadiki kakadyiwa naJohane, sekutaurwa kwazvakaitwa muchitsauko chegumi cheZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti raive basa, nechisungo, kuti iye aunganidze marudzi aIsraeri; tarisai, uyu ndiEria, uyo sekunyorwa kwazvakaitwa, anofanira kuuya kuzodzorera pakare zvose zvinhu.

15 Mubvunzo. Chii chinofanirwa kuzivikanwa nevapupuri vaviri muchitsauko Chegumi neimwechete cheZvakazarurwa?Mhinduro. Pane vaporofita vaviri vachamutswa kurudzi rwemaJuda mumazuva ekupedzisira, munguva yekudzorerwa pakare, uye nokuporofita kumaJuda mushure mekunge vaunganidzwa uye vavaka guta reJerusarema munyika yemadzibaba avo.